Chitsauko 2
Vaprofita Vane Mashoko Ane Zvaanogona Kuita Patiri
1. Nei uchifanira kufarira vaprofita 12 vakanyora mabhuku okupedzisira eMagwaro echiHebheru?
UNGADA here kuziva nhume dzaMwari 12? Nhume idzi 12 dzakararama Jesu asati ararama pasi pano, saka haugoni kusangana nadzo chiso nechiso. Asi, unogona kusvika pakudziziva, uchidzidza kuti dzakaramba sei dzichifunga nezve“zuva guru raJehovha.” Uye zvauchadzidza, chokwadi zvinokosha kumuKristu wose ari kuvavarira nenzira yokuchenjera kuramba achifunga nezvezuva guru raJehovha.—Zefaniya 1:14; 2 Petro 3:12.
2, 3. Upenyu hwedu hwakafanana pakudini nezvakaitika kuvaprofita 12?
2 Kune varume vakawanda vanonzi vaprofita muMagwaro—mabhuku eBhaibheri akawanda ane mazita evaprofita. Kufanana nevamwe vaprofita, varume 12 vatichakurukura nezvavo mienzaniso yokutendeka uye ushingi. Vamwe vavo vakafara zvikuru kuona shoko ravo richichinja mwoyo nepfungwa zvevanhu, richivadzosa kuna Mwari. Vamwe vakaodzwa mwoyo zvikuru pavakaona vanhu vakanga vatsauka vachityora mitemo yaJehovha uye vachiita zvinopesana nezvaanoda. Vamwe pane ava 12 vakavhiringidzwa nemigumisiro yokusava nehanya uye kunyanyisa kwevanhu vakanga vakavapoteredza vaizviti vanamati vaJehovha.
3 Kufanana nesu, vaprofita ava 12 vakararama munguva yakanga isina kudzikama mune zvematongerwo enyika, mumararamiro asina kugadzikana, uye panguva yaishata chitendero. Sezvo vakanga vari varume ‘vaiva nemanzwiro akafanana needu,’ vanofanira kuva vaiva nezvavaitya uye matambudziko. (Jakobho 5:17) Asi, vakatiratidza mienzaniso yakanaka, uye mashoko avo anofanira kunyatsofungwa nezvawo, zvaakanyorwa mu“magwaro ouprofita” kuti isu tibatsirwe “tasvikirwa nokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.”—VaRoma 15:4; 16:26; 1 VaKorinde 10:11.
VAPROFITA 12 MUNGUVA YAVO
4. Chii chawaona nezvokurongwa kwenguva iyo vaprofita 12 vakararama, uye ndevapi avo Jehovha akatanga kushandisa kuti anyevere uye akurudzire vanhu vake?
4 Ungafunga kuti kurongwa kwakaitwa bhuku raHosiya kusvika kubhuku raMaraki muBhaibheri rako kunoratidza kurongwa kwenguva yakararama vaprofita ivavo. Izvozvo handizvo. Somuenzaniso, muprofita Jona, Joeri, Amosi, Hosiya, naMika vose vakararama muzana remakore rechipfumbamwe nerechisere B.C.E.a Munguva iyoyo, madzimambo akawanda muumambo hwokumaodzanyemba hwaJudha uye muumambo hwokuchamhembe hwaIsraeri akanga asina kutendeka. Uye vanhu vaaitonga vaitevera muenzaniso wawo, zvikaita kuti vatsamwirwe naMwari. Panguva iyi ndipo apo vaAsiriya uye gare gare vaBhabhironi vaitsvaka kutonga nyika yose. VaIsraeri havana kuziva kuti Jehovha aizoshandisa masimba maviri enyika aya sevaurayi vake! Zvisinei, unoziva kuti Mwari akanga agara achinyevera Israeri uye Judha achishandisa vaprofita vakatendeka.
5. Iboka ripi revaprofita rakazivisa kutonga kwaJehovha, Judha neJerusarema paakanga ava kuda kuparadzwa?
5 Nguva yokutonga kwake Judha neJerusarema zvayakanga ichiswedera pedyo, Jehovha akashandisa rimwe boka revanhu vaiva nesimba vaitaura vachimumiririra. Ndivanaani vaiva muboka iri? Muprofita Zefaniya, Nahumi, Habhakuki, uye Obhadhiya. Vose zvavo vaiva vaprofita muzana remakore rechinomwe B.C.E. Zvinhu zvakaipa zvikuru zvakaitika munguva iyoyo kwaiva kuparadzwa kweJerusarema nevaBhabhironi muna 607 B.C.E. uye kutapwa kwevaJudha. Uyezve, zvakaitika sokunyevera kwakanga kwaita Mwari chaiko muuprofita hwakanga hwataurwa nevamwe vevarume ava vaakanga atuma kuti vanotaura vachimumiririra. Vakanga vaedza kuita kuti vanhu vachenjerere zvinhu zvakanga zvakaipa, zvakadai sokudhakwa uye kuita zvechisimba, asi vanhu vacho vaisachinja.—Habhakuki 1:2, 5-7; 2:15-17; Zefaniya 1:12, 13.
6. Jehovha akakurudzira sei vanhu vakanga vasara vakadzoka vachibva kwavakanga vatapwa?
6 Pashure pokunge vanhu vaMwari vadzoka vachibva kwavakanga vatapwa, vaida utungamiriri hwakakwana pamwe chete nokunyaradzwa uye kurayirwa kuti varambe vakaomerera pakunamata kwechokwadi. Rimwe boka revaprofita—Hagai, Zekariya, uye Maraki—rakaita izvozvo. Vakashumira muzana remakore rechitanhatu nerechishanu B.C.E. Sezvaunodzidza zvakawanda nezvevanhu ava 12 vakanga vakasimba vaitsigira uchangamire hwaJehovha uye nezvebasa ravo, uchaona zvidzidzo zvinokosha zvaunogona kushandisa muushumiri hwako munguva dzedu dzine njodzi. Iye zvino ngatikurukurei nezvevaprofita ava maererano nenguva yavakashumira.
KUTAMBURIRA KUNUNURA MARUDZI AKANGA AKASINDIMARA
7, 8. Zvakaitika kuna Jona zvingatikurudzira sei kukunda kusava nechivimbo chero kupi zvako?
7 Wakambonzwa usina chivimbo here, zvichida uchinzwa sokuti kutenda kwako kuri kudzikira? Kana zvakadaro, zvakaitika kuna Jona zvinonyanya kukosha kwauri. Jona akararama muzana remakore rechipfumbamwe B.C.E. Zvimwe unoziva kuti Mwari akatuma Jona kuti aende kuNinivhi, guta guru roUmambo hweAsiriya hwakanga huchiri kusimukira. Jona aifanira kushora uipi hwevaNinivhi. Zvisinei, pane kuenda kubasa rake—makiromita anenge 900 kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweJerusarema—Jona akakwira ngarava yaienda kuchiteshi chengarava zvichida chaiva muSpeini. Akanga achienda makiromita 3 500 akananga kwakasiyana nokwaaifanira kuenda! Unofungei? Jona akatiza nokuda kwokutya, kusava nokutenda kwenguva pfupi, kana kuti kutsamwira kupfidza chero kupi zvako uko vaNinivhi vaizoratidza uye pashure pacho vozokwanisa kumukira vaIsraeri here? Bhaibheri haritiudzi zvakananga. Asi tinogona kuona chikonzero nei tichifanira kungwarira kurega kufunga kwedu kuchitsauka.
8 Unoziva zvakaitwa naJona, Mwari paakamutsiura zvakasimba. Jona paaiva mudumbu re“hove huru” yakanga yamumedza, akabvuma kuti: “Ruponeso runobva kuna Jehovha.” (Jona 1:17; 2:1, 2, 9) Paakanga angonunurwa nenzira inoshamisa, Jona akaita basa rake, kuzongoodzwa mwoyo zvikuru Jehovha paakarega kuparadza vaNinivhi nokuti vakanga vateerera shoko raJona uye vapfidza. Jehovha akaruramisazve muprofita wacho, akanga aratidza kuti aingofunga nezvake chete. Uye kunyange zvazvo vamwe vanganyanya kufunga nezvezvikanganiso zvaJona, Mwari akamuona somushumiri anoteerera uye akatendeka.—Ruka 11:29.
9. Ndezvipi zvinhu zvinobatsira zvaungawana mushoko rouprofita raJoeri?
9 Wakambovhiringidzika here vanhu pavakashora shoko rako rinobva muBhaibheri vachiti rinoita kuti vanhu vatye zvenhando? Shoko romuprofita Joeri, ane zita rinoreva kuti “Jehovha ndiMwari,” raionekwa zvakafanana nevanhu vomunyika yake. Zvinoita sokuti akanyorera uprofita hwake muJudha munenge muna 820 B.C.E., mumazuva aMambo Uziya. Zvinoita sokuti pane nguva apo Joeri uye Jona vakaprofita panguva imwe chete. Joeri akataura nezvedenda remhashu dzaiparadza raizoramba richidzoka kuzoparadza nyika. Chokwadi, zuva raJehovha rinotyisa rakanga rava pedyo. Zvisinei, uchaona kuti shoko raJoeri raisangova rokuparadza chete. Tingaona zvichikurudzira kucherechedza kuti, akaratidza kuti vakarurama ‘vaizopona.’ (Joeri 2:32) Vanopfidza vanogona kufarira kukomborera kwaJehovha uye kukanganwira kwake. Zvinofanira kuva zvinotikurudzira zvikuru kuyeuka kuti izvi ndezvimwe zvezvinhu zvatinotaurawo patinoparidza! Joeri akafanozivisa kuti simba raMwari rinoita basa, mudzimu mutsvene wake, raizodururirwa “pavanhu vemarudzi ose.” Unoona here kubatanidzwa kwaunoita muuprofita ihwohwo? Uye Joeri akasimbisa nzira imwe chete yechokwadi yokuponeswa: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.”—Joeri 2:28, 32.
10. Jehovha akashandisa sei mushandiwo zvake womumwaka wokukohwa?
10 Unganzwira urombo Amosi kana pane dzimwe nguva uchinetseka nokukomba kweshoko ratinofanira kuzivisa, kakawanda kuvanhu vasina chavanoita nezvaro. Amosi akanga asiri mwanakomana womuprofita kana kuti mumwe weboka revaprofita; aingovawo zvake mufudzi uye mushandi womumwaka wokukohwa. Akaprofita munguva yaMambo Uziya waJudha, pedyo nokumugumo wezana remakore rechipfumbamwe B.C.E. Pasinei nokwaakabva kwakaderera, Amosi (ane zita rinoreva kuti “Kuva Mutoro; Kutakura Mutoro”) aiva nemashoko anokosha aifanira kutaurirwa Judha, Israeri, uye mamwe marudzi akanga akapoteredza. Hazvikukurudziri here kuziva kuti Jehovha anogona kuita kuti munhuwo zvake aite basa guru rakadaro?
11. Hosiya ainzwa achida kuita zvinoda Mwari zvikuru sei?
11 Wakambozvibvunza here kuti, ‘Ndezvipi zvinhu zvandaizonzwa ndichida kuita kuti ndiite zvinodiwa naJehovha?’ Funga nezvaHosiya, akararama panenge panguva imwe chete naIsaya naMika uye akashumira somuprofita kwemakore anenge 60. Jehovha akarayira Hosiya kuti aroore Gomeri, “mudzimai woufeve.” (Hosiya 1:2) Pavana vatatu vakazoberekwa naGomeri, zviri pachena kuti mumwe chete ndiye aiva waHosiya. Nei Jehovha angakumbira chero munhu upi zvake kuti atsungirire kusaremekedzwa kunokonzerwa nokusavimbika kwomunhu waakaroorana naye? Jehovha akanga achidzidzisa chidzidzo chokuvimbika uye kukanganwira. Umambo hwokuchamhembe hwakanga hwasiya Mwari sokusiya murume wake kunoitwa nomukadzi anoita upombwe. Kunyange zvakadaro, Jehovha airatidza rudo rwake kuvanhu vake oedza kuvabatsira kuti vapfidze, zvechokwadi izvo zvinofadza zvikuru kuti tifunge nezvazvo.
12. Ungabatsirwa sei nokufunga nezvomuenzaniso waMika uye migumisiro yokuprofita kwake?
12 Haubvumi here kuti nguva dzakaoma dziripo iye zvino dzinoita kuti zvikuomere kuva noushingi uye kuti uvimbe zvizere naJehovha? Kana ukaratidza unhu uhwu, uchava saMika. Mika, uyo akararama panguva yakafanana neyaHosiya naIsaya, akazivisa mashoko aishora rudzi rwaJudha norudzi rwaIsraeri munguva yokutonga kweMadzimambo eJudha, Jotamu, Ahazi, naHezekiya, muzana remakore rechisere B.C.E. Kushata kwetsika kwakanyanyisa uye kunamata zvidhori zvakanga zvashatisa Umambo hwaIsraeri hwokuchamhembe, uhwo hwakaparadzwa apo Samariya rakakundwa nevaAsiriya muna 740 B.C.E. Umambo hwaJudha hwaimboti hukateerera hwova husina kutendeka kuna Jehovha. Pasinei nezviitiko zvinotyisa, Mika aigona kunyaradzwa nokuona shoko rake raakapiwa naMwari richimboita kuti Judha asapinda muushati hwaiva nechokuita nokunamata uye njodzi yaizouya. Zvinotinyaradza zvikuru kuona kuti vamwe vanobvuma shoko redu roruponeso!
KUFANOONA NJODZI YAIUYA
13, 14. (a) Muenzaniso waZefaniya ungakubatsira sei pakunamata kwako? (b) Basa raZefaniya rakabatsira kuti kugadziridza kupi pane zvokunamata kuitike?
13 Masimba enyika, reIjipiti nereAsiriya zvaakanga achipera simba, Bhabhironi rakanga richiva rakakurumbira zvikuru. Kuwedzera kwaro simba kwaizokurumidza kukanganisa zvikuru rudzi rwaJudha. Vaprofita vaMwari vakanga varipo kuti vanyevere uye varayire vanamati vaJehovha. Funga nezvevamwe vevaprofita ivavo, uchiyeuka kuti vaKristu mazuva ano nenzira yakafanana vanoparidza shoko renyevero.
14 Kana waifanira kuparadzana netsika dzemhuri kuti uite zvinoda Jehovha, unogona kunzwisisa Zefaniya. Angave aiva muzukuru chibvi waMambo Hezekiya uye hama yaMambo Josiya—zvichimuita weimba youmambo yaJudha. Asi, achiteerera, Zefaniya akataura shoko rokupa mhosva utungamiriri hwakaipa hwaiva muJudha. Zita rake rinoreva kuti “Jehovha Akavanza.” Akasimbisa kuti munhu a“ngavanzwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha,” netsitsi dzaMwari chete. (Zefaniya 2:3) Nenzira inofadza, kuzivisa noushingi kwaZefaniya kwakabereka zvibereko. Mambo muduku Josiya akatungamirira kugadzirisa zvinhu pakunamata, kubvisa zvidhori, kugadziridza temberi, uye kudzorera kunamata kwakachena. (2 Madzimambo, zvitsauko 22-23) Zefaniya nevamwe vaprofita (Nahumi naJeremiya) vanofanira kuva vakashanda zvikuru pakubatsira kana kuti pakupa mambo mazano. Zvinosuruvarisa kuti vaJudha vakawanda vakatendeuka zvechipameso chete. Pashure pokunge Josiya afira muhondo, vakatangazve kunamata zvidhori. Pasati pambopfuura makore akawanda, vakatapwa, vakaendeswa kuBhabhironi.
15. (a) Nei Ninivhi rakanga rakakodzerwa neshoko rakaipa rakaziviswa naNahumi? (b) Ungadzidzei pane zvakaitika kuNinivhi?
15 Unganzwa sokuti haukoshi, hausi munhu anotombozivikanwawo. VaKristu vane ropafadzo huru yokuva “vashandi pamwe chete” naMwari, asi somunhu oga oga vakawanda havana kukurumbira zvakanyanya. (1 VaKorinde 3:9) Saizvozvowo, hapana zvakawanda zvatinoziva nezvaNahumi kunze kwokuti aibva mutaundi duku rainzi Erikoshi, zvichida raiva muJudha. Zvisinei, shoko rake rakanga rakakomba uye raikosha. Sei? Nahumi akaprofitira guta guru roUmambo hweAsiriya, Ninivhi. Vanhu varo vakanga vambogamuchira zvakanaka basa raJona, asi pashure penguva yakati vakadzokera kunzira dzavo dzekare. Matombo akavezwa akatorwa munzvimbo yeNinivhi rekare anoratidza kuti, sezvakataurwa naNahumi, raiva “guta rokuteura ropa.” (Nahumi 3:1) Matombo iwayo akavezwa anoratidza utsinye hwaiitirwa vasungwa vaibatwa muhondo. Nematauriro anorondedzera uye akasimba, Nahumi akafanotaura nezvokutsakatiswa zvachose kweNinivhi. Shoko rake rakazadzika, sezvichaita shoko ratinoparidza mazuva ano.
16, 17. Kana zvatinotarisira nezvokuguma zvichigere kuzadzika, chii chatingadzidza pane zvakaitika kuna Habhakuki?
16 Kwemazana emakore apfuura, vamwe vaverengi veBhaibheri havana kuona zvavaitarisira nezvezuva raJehovha zvichizadzika. Vamwe vangavhiringidzika nokunoita sokunonoka kwokutonga kwaMwari. Unonzwa sei? Habhakuki akataura zvaimudya mwoyo zvinonzwisisika, achibvunza kuti: “Haiwa Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira rini, imi musinganzwi? . . . Nei kupamba nokuita zvechisimba zviri pamberi pangu?”—Habhakuki 1:2, 3.
17 Habhakuki akaprofita munguva yaiva nematambudziko yenhoroondo yeJudha, pashure pokutonga kwaMambo akanaka Josiya asi Jerusarema risati raparadzwa muna 607 B.C.E. Kusaruramisira nechisimba zvakanga zvakapararira. Habhakuki akanyevera kuti kubatana neIjipiti kwaisazodzivirira Judha pavaBhabhironi vaifarira kuteura ropa. Akanyora nenzira yakajeka uye ine simba, achipa pfungwa yainyaradza yokuti “munhu akarurama, acharamba achirarama nokutendeka kwake.” (Habhakuki 2:4) Mashoko iwayo zvechokwadi anofanira kuva anokosha kwatiri, muapostora Pauro zvaakataurawo nezvawo mumabhuku matatu eMagwaro echiKristu echiGiriki. (VaRoma 1:17; VaGaratiya 3:11; VaHebheru 10:38) Uyezve, achishandisa Habhakuki, Jehovha anotivimbisa kuti: ‘Zvakaratidzwa ndezvenguva yakatarwa. Hazvizononoki.’—Habhakuki 2:3.
18. Nei Jehovha akarayira Obhadhiya kuti aprofitire Edhomu?
18 Muprofita Obhadhiya akasiyana nevamwe nokunyora kwaakaita bhuku rakanyanya kupfupika reMagwaro echiHebheru—ndima 21 chete. Zvatinongoziva chete nezvake ndezvokuti akaprofitira Edhomu. VaEdhomu vakabva kumukoma waJakobho, zvichiita kuti vave “hama” dzevaIsraeri. (Dheuteronomio 23:7) Asi vaEdhomu vakanga vabata vanhu vaMwari nenzira isingamboratidzi kuti vaiva noukama. Muna 607 B.C.E., inenge nguva iyo Obhadhiya akanyora bhuku rake, vakavhara migwagwa ndokudzosera vaJudha vaitiza kuvavengi vavo vaBhabhironi. Jehovha akafanotaura nezvokuparadzwa zvachose kweEdhomu, uprofita hwakazadzika. Kufanana naNahumi, tingaziva zvishoma nezvaObhadhiya, asi zvinokurudzira zvikuru kuziva kuti Mwari anogona kushandisa vanhu vanoita sevasingakoshi senhume Dzake!—1 VaKorinde 1:26-29.
MASHOKO ANOKURUDZIRA, ANONYARADZA, UYE ANONYEVERA
19. Hagai akabatsira sei kusimbisa vanhu vaMwari?
19 Hagai ndiye wokutanga wevaprofita vatatu vakashumira pashure pokunge vanhu vakatendeka vakanga vasara vadzoka kubva kwavakanga vatapwa kuBhabhironi muna 537 B.C.E. Hagai angave aiva muboka rokutanga rakadzoka. Pamwe chete naGavhuna Zerubhabheri noMupristi Mukuru Joshua uye vachishanda pamwe nomuprofita Zekariya, Hagai akaedza kukurudzira vaJudha kuti vakunde kushorwa kwaibva kunze kworudzi rwavo uye kusava nehanya kwavo ivo pachavo kwaikonzerwa nokunyanya kuda pfuma. Vaifanira kuita zvavakanga vadzokera: kuvakazve temberi yaJehovha. Mashoko mana akananga aHagai, akataurwa muna 520 B.C.E., akasimbisa zita raJehovha uye uchangamire hwake. Sezvaunoverenga bhuku racho, uchawana mashoko okuti “Jehovha wemauto” kanokwana ka14. Mashoko ane simba aHagai akakurudzira vanhu kutangazve kuvaka temberi yavo. Iwe hausimbiswiwo zvakafanana here nokuziva kuti Jehovha ane simba risina parinogumira soMutongi wezvinhu zvose uye kuti ane simba pamauto mazhinji ezvisikwa zvomudzimu?—Isaya 1:24; Jeremiya 32:17, 18.
20. Zekariya akarwisana nemafungiro api akanga akapararira?
20 Pane dzimwe nguva ungaodzwa mwoyo nokusashingaira kunooneka mune vamwe vakashumira Mwari. Unogona kunzwisisa manzwiro omuprofita Zekariya. SaHagai akararama panguva yakafanana neyake, iye akasangana nebasa rakaoma rokukurudzira vamwe vaainamata navo kuti varambe vachishanda kusvikira temberi yapedzwa. Zekariya akashanda nesimba kuti asimbise vanhu kuita basa iroro guru. Pasinei nemafungiro okuzvigutsa evanhu vakanga vakamupoteredza, akaedza kukurudzira vanhu kuti vave nokutenda kwakasimba uye kuratidza kutenda kwacho nemabasa. Uye akabudirira. Zekariya akanyora uprofita hunoverengeka hune chokuita naKristu. Isuwo tinogona kuwana simba kubva mushoko rokuti “Jehovha wemauto” haazokanganwi vanhu vanoda kufarirwa naye.—Zekariya 1:3.
KUTARISIRA MESIYA
21. (a) Nei shoko raMaraki raidiwa zvikuru? (b) Bhuku raMaraki rinogumisa Magwaro echiHebheru nevimbiso ipi?
21 Wokupedzisira wevaprofita 12, Maraki, akararama maererano nezita rake, iro rinoreva kuti “Nhume Yangu.” Tinoziva zvishomanana nezvomuprofita uyu, akararama pakati pezana remakore rechishanu B.C.E. Zvisinei, kubva muuprofita hwake, tinoziva kuti aiva mutauriri asingatyi, akatuka vanhu vaMwari nokuda kwezvivi zvavo uye unyengeri hwavo. Mamiriro ezvinhu akarondedzerwa naMaraki akafanana chaizvo neaya akatsanangurwa naNehemiya, uyo zvimwe akararama panguva yakafanana neyaMaraki. Nei shoko raMaraki raidiwa zvikuru? Kushingaira uye chido izvo muprofita Zekariya naHagai vakanga vakurudzira makumi emakore akanga apfuura zvakanga zvapera. Kunamata kwevaJudha kwakanga kwadzikira zvakanyanya. Maraki akataura noushingi achishora vapristi vaizvikudza, vainyengera, uye akashora vanhu nemhaka yokunamata nemwoyo miviri uye zvibayiro zvavaipa. Asi, sokutivimbisa kunoita Shoko raMwari nezvenguva yemberi yakajeka, Maraki akafanotaura nezvokuuya kwomunhu aizotangira Mesiya, Johani Mubhabhatidzi, uye pashure kuuya kwaKristu pachake. Shoko raMaraki rinogumisa Magwaro echiHebheru nenzira yakanaka, richitivimbisa kuti vaya vanotya zita raMwari va“chapenyerwa nezuva rokururama.”—Maraki 4:2, 5, 6.
22. Ungati chii nezvounhu uye shoko zvevaprofita 12?
22 Unogona kuona kuti varume vakanyora mabhuku 12 okupedzisira eMagwaro echiHebheru vaiva nokutenda uye chivimbo. (VaHebheru 11:32; 12:1) Muenzaniso wavo uye shoko ravo zvinogona kutidzidzisa zvidzidzo zvinokosha sezvatinotarisira “zuva raJehovha” nomwoyo wose. (2 Petro 3:10) Iye zvino chifunga nezvokuti mashoko aya ouprofita anei chokuita nenguva yako yemberi isingagumi!
[Mashoko Omuzasi]
a Enzanisa izvi nechati inoratidza nguva yezviitiko zvinokosha iri pamapeji 20 ne21. Somuenzaniso, uchaona kubva mairi kuti, Mika naHosiya vakashumira panguva apo Isaya akanga ari muprofita waMwari muJerusarema.
UNGABATSIRWA SEI?
• Chii chawaona nezvokurongwa kwakaita vaprofita 12 muBhaibheri?
• Ungabatsirwa sei nezvakaitika kuvaprofita vakaita saJona uye Amosi?—VaHebheru 11:32, 33, 39, 40.
• Hosiya ainzwa achida kuita zvinhu zvaidiwa naJehovha zvikuru sei?—Mateu 16:24.
PFUNGWA DZAUNGASHANDISA
• Sezvinoratidzwa nezvakaitika kuna Zefaniya, vashumiri vaMwari vangaitei kune vamwe?
• Nei shoko raHabhakuki richinyanya kushanda mazuva ano?—2 Petro 3:12.
• Nyasha dzaJehovha kune vakaderera dzinoratidzwa sei pane zvakaitika kune vamwe vaprofita?—Pisarema 113:1, 6, 7; Isaya 57:15.
[Chati iri papeji 20, 21]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Vaprofita 12 Vaprofita Vamwe Madzimambo Madzimambo
Vomunguva Vomunguva aJudhab aIsraeric
Yakafanana Yakafanana Amaziya
850 B.C.E.
Jerobhoamu II
1. JONA
Uziya
(Azariya)
825
2. JOERI
3. AMOSI
4. HOSIYA
Zekariya
800
Menahemu
Isaya
Peka
5. MIKA
Jotamu
Ahazi
Hoshea
750
Hezekiya
Kuparara kweSamariya, 740
725
Manase
700
675
6. ZEFANIYA
Josiya
7. NAHUMI
650
Jeremiya
Kuparadzwa kweNinivhi, 632
8. HABHAKUKI
Jehoyakimu
Dhanieri
9. OBHADHIYA
Ezekieri
Zedhekiya
Kuparadzwa kweJerusarema, 607
600
575
550
Dhanieri
Kuparara kweBhabhironi, 539
Nhapwa Dzinodzoka, 537
525
10. HAGAI
11. ZEKARIYA
Temberi Inovakwazve, 515
500
Ezra
Nehemiya
Masvingo Anovakwazve, 455
450
12. MARAKI
425
400
[Mashoko Omuzasi]
b Madzimambo akatonga kwemakore anopfuura 2
c Madzimambo akatonga kwemakore anopfuura 2
[Mepu iri papeji 19]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Gungwa reMediterranean (Gungwa Guru)
Dhamasiko
Umambo hwaIsraeri Hwokuchamhembe (Efremu, kana kuti Samariya)
EFREMU
Sidhoni
Zarefati
Tire
Dhani
BHASHANI
Gungwa reGarireya
Gomo reKameri
Gomo reTabhori
Megidho
Jezreeri
Hadhadhirimoni
SAMARIYA
Shekemu
GIRIYEDHI
Mizpa
Girigari
Rabha
Bheteri
Shitimu
Rwizi rwaJodhani
Umambo hwaJudha Hwokumaodzanyemba (Judha uye Bhenjamini)
JUDHA
Ashdhodhi
Ashkeroni
Gaza
Ekroni
Gati
Moresheti
Rakishi
Adhuramu
Akzibhu
Maresha
Shafiri
Bhetrehema
Tekoa
JERUSAREMA (ZIYONI)
Gibhiya
Rama
Girigari
Rimoni
Bheeri-shebha
AMONI
MOABHI
Gungwa Romunyu
Sodhoma?
EDHOMU
Bhozra
[Mepu iri papeji 22]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
GIRISI
KRETE
ASIRIYA
Ninivhi
BHABHIRONIYA
Bhabhironi
SIRIYA
Hamati
Dhamasiko
AMONI
MOABHI
EDHOMU
Gomo reHorebhi
IJIPITI
Memfisi
Sidhoni
Tire
Rabha
JERUSAREMA
[Mufananidzo uri papeji 17]
JONA
[Mufananidzo uri papeji 18]
JOERI
[Mufananidzo uri papeji 18]
AMOSI
[Mufananidzo uri papeji 21]
HOSIYA
[Mufananidzo uri papeji 22]
MIKA
[Mufananidzo uri papeji 23]
ZEFANIYA
[Mufananidzo uri papeji 24]
NAHUMI
[Mufananidzo uri papeji 25]
HABHAKUKI
[Mufananidzo uri papeji 25]
OBHADHIYA
[Mufananidzo uri papeji 26]
HAGAI
[Mufananidzo uri papeji 27]
ZEKARIYA
[Mufananidzo uri papeji 27]
MARAKI