Kuteerera Kwakavaponesa
JESU KRISTU akafanonyevera kuti gadziriro yechiJudha iyo yaiva nomusimboti wayo patemberi yaiva muJerusarema yaizoguma. Haana kutaura musi wazvaizoitika. Asi akarondedzera zviitiko zvaizotungamirira kukuparadzwa ikoko. Akakurudzira vadzidzi vake kuramba vakarinda uye kuti vabude munzvimbo yaiva nengozi.
Jesu akafanotaura kuti: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, zvadaro zivai kuti kuitwa dongo kwaro kwaswedera pedyo.” Akatiwo: “Pamunoona chinhu chinosemesa chinoparira kuparadzwa . . . chimire panzvimbo tsvene, . . . zvadaro vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.” Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti vasadzokere kunochengetedza zvinhu zvavo zvokunyama. Vaifanira kukurumidza kutiza kana vaizoponeswa.—Ruka 21:20, 21; Mateu 24:15, 16.
Kuti adzikamise kumukira kwakanga kwagara nguva refu, Cestius Gallus akatungamirira mauto eRoma kurwisa Jerusarema muna 66 C.E. Akatopinda muguta uye akakomberedza temberi. Guta racho rakazara nenyonganyonga. Vaya vakaramba vakarinda vaigona kuona kuti njodzi yakanga yava pamukova. Asi zvaibvira here kuti vanhu vatize? Cestius Gallus akangoerekana abudisa mauto ake. Vapanduki vechiJudha vakavadzingirira. Zvino yakanga yava nguva yokutiza muJerusarema nomuJudhiya yose!
Gore rakatevera racho, mauto eRoma akadzoka achitungamirirwa naVespasian nomwanakomana wake Titus. Hondo yakanga yapararira munyika yacho yose. Kutanga kwa70 C.E., vaRoma vakavaka rusvingo rwemapango akapinza rwakatenderedza Jerusarema. Zvakanga zvisingachabviri kutiza. (Ruka 19:43, 44) Mapoka aipikisana aiva muguta racho akaurayana. Vanhu vakanga vasara vakaurayiwa nevaRoma kana kuti vakatapwa. Guta racho netemberi yaro zvakaparadzwa zvachose. Maererano nomunyori wechiJudha wenhau dzakaitika kare womuzana remakore rokutanga ainzi Josephus, vaJudha vanodarika miriyoni vakatambura ndokufa. Temberi iyoyo haina kuzombovakwazve.
Kudai vaKristu vakanga vachiri muJerusarema muna 70 C.E., vangadai vakaurayiwa kana kutapwa pamwe chete nevamwe vanhu vose vaivamo. Zvisinei, vanyori vezvakaitika kare vanoti vaKristu vakanga vateerera kunyevera kwaMwari ndokutiza muJerusarema nomuJudhiya mose vachienda kumakomo okumabvazuva kwoRwizi rwaJodhani. Vamwe vakagara muPella, muruwa rwePeriya. Vakanga vatiza muJudhiya uye vakanga vasina kudzoka. Kuteerera kunyevera kwaJesu kwakavaponesa.
Unoteerera Here Kunyevera Kwevanhu Vakavimbika?
Kana vanhu vakanyeverwa kakawanda nezvezvinhu zvisingaitiki, vazhinji havazokoshesi nyevero. Zvisinei, kuteerera nyevero kungangokuponesa.
MuChina muna 1975, kwakapiwa nyevero yokuti nyika yaizodengenyeka. Zviremera zvakaita chimwe chinhu. Vanhu vakateerera. Zviuru zvizhinji zvevanhu zvakaponeswa.
Muna April 1991 muPhilippines, vagari vomumusha waiva mujinga meMount Pinatubo vakazivisa kuti gomo racho rakanga richipwititika utsi nemadota. Raongorora mamiriro acho ezvinhu kwemwedzi miviri, sangano rinonzi Philippine Institute of Volcanology and Seismology rakanyevera kuti njodzi yakanga yava pedyo. Nenguva isipi, makumi ezviuru zvevanhu akabviswa munzvimbo yacho. Mangwanani-ngwanani musi waJune 15, gomo racho rakaputika zvine simba, mabota achiita chapwititi achienda mudenga kweanenge makiromita masere ndokupararira nenzvimbo yakafara anenge makiromita masere. Kuteerera kwakaponesa zviuru zvevanhu.
Bhaibheri rinonyevera nezvomugumo wenyika ino. Iye zvino tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Sezvo mugumo unoswedera pedyo, uri kuramba wakarinda here? Pane zvauri kuita here kuti ubve munzvimbo ine ngozi? Nepfungwa yokukurumidzira, uri kunyevera vamwe kuti vaitewo saizvozvo here?
[Mufananidzo uri papeji 20]
Kuteerera nyevero kwakaponesa vakawanda pakaputika Mount Pinatubo richibudisa madota anopisa
[Mufananidzo uri papeji 21]
VaKristu vakateerera nyevero yaJesu pakaparadzwa Jerusarema muna 70 C.E. vakaponeswa