RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ol chikamu 8 pp. 25-28
  • Ramba Chechi Yenhema; Namata Muchechi Yechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Chechi Yenhema; Namata Muchechi Yechokwadi
  • Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Buda Muchechi Yenhema
  • Rasa Zvinhu Zvinoshandiswa Mukunamata Kwenhema
  • Sangana Nevanhu vaJehovha
  • Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Batira Jehovha, Kwete Satani
    Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Ramba Chitendero Chenhema!
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
Ona Zvimwe
Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
ol chikamu 8 pp. 25-28

CHIKAMU 8

Ramba Chechi Yenhema; Namata Muchechi Yechokwadi

1. Panyaya yokunamata, vanhu vakatarisana nechisarudzo chipi nhasi?

JESU akati: “Iye asiri kurutivi rwangu anorwisana neni.” (Mateu 12:30) Tingava tiri kudivi raJehovha kana kuti kudivi raSatani. Vanhu vakawanda vanofunga kuti vari kushumira Mwari nenzira yaanofarira, asi Bhaibheri rinoti Satani ari “kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Mamiriyoni anodavira kuti ari kunamata Mwari, asi chaizvoizvo ari kushumira Satani Dhiyabhorosi! Vanhu nhasi vakatarisana nechisarudzo: Vanofanira kushumira zvichida Jehovha, “Mwari wazvokwadi,” kana kuti Satani, “baba venhema.”—Pisarema 31:5; Johani 8:44.

Buda Muchechi Yenhema

2. Ndeipi imwe nzira iyo Satani anoedza kuvhiringidza nayo vanhu kuti vasanamate Jehovha?

2 Kusarudza kushumira Jehovha ndiko kuchenjera; chichava chisarudzo chichafadza Mwari. Asi Satani haasi kufara naani zvake anoshumira Mwari; anotambudza vaya vanodaro. Imwe nzira yaanoita nayo izvi ndeyokuita kuti utsvinyirwe nokushorwa nevamwe, kunyange shamwari nevomumhuri. Jesu akanyevera kuti: “Zvechokwadi, vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yake.”—Mateu 10:36.

3. Kana mhuri yako kana shamwari dzikashora kunamata kwako Mwari, uchaita sei?

3 Kana izvozvo zvikaitika kwauri, uchaita sei? Vanhu vakawanda vanoziva kuti manamatiro avo haana kururama, asi vanozeza kuarega. Vanofunga kuti kuita kudaro hakusi kuvimbika kumhuri yavo. Zvine musoro here izvozvo? Kana ukaziva kuti vanhu vepedyo vomumhuri vari kushandisa zvinodhaka zvine ngozi, haungavanyeveri here kuti zvinodhaka zvichavakuvadza? Haungabatani navo mukushandisa zvinodhaka izvozvo, handizvo here?

4. Joshua akati chii kuvaIsraeri nezvokunamata muzuva rake?

4 Joshua akakurudzira vaIsraeri kurega miitiro yechitendero yakanga isina kururama netsika dzemadzibaba avo. Akati: “Ityai Jehovha zvino, mumushumirei nomwoyo wose nezvokwadi; rashai vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi napa[Ijipiti], imi mushumire Jehovha.” (Joshua 24:14) Joshua akanga akavimbika kuna Mwari, uye Jehovha akamukomborera. Kana takavimbika kuna Jehovha, achatikomborerawo.—2 Samueri 22:26.

Dzidziso Dzemachechi—Dzechokwadi Nedzenhema

  • Mumwe weZvapupu zvaJehovha achidzidzisa imwe mhuri

    Utatu: Machechi akawanda anodzidzisa kuti Mwari Utatu. Anoti “Baba ndiMwari, Mwanakomana [Jesu] ndiMwari, uye Mudzimu Mutsvene ndiMwari, asi havasi vanaMwari vatatu asi ndiMwari mumwe.”

    Bhaibheri haritombotauri shoko rokuti “Utatu,” kana kumbodzidzisa kuti Jehovha vanhu vatatu vanoumba mumwe chete. Jehovha oga ndiye Mwari. VaKorinde Wokutanga 8:6 inoti: “Chaizvoizvo kwatiri kuna Mwari mumwe Baba.” Jehovha ndiye Changamire. Jesu haasi Mwari, asi “Mwanakomana waMwari.” (1 Johani 4:15) Saizvozvowo, mudzimu mutsvene hausi Mwari. Mudzimu mutsvene hausi munhu. Isimba raMwari rinoshanda.—Mabasa 1:8; VaEfeso 5:18.

  • Mweya: Machechi akawanda anodzidzisa kuti mweya chimwe chinhu chiri mukati momunhu chisingambofi. Bhaibheri rinodzidzisa kuti mweya ndiye munhu, uye kutaura zvazviri, munhu anogona kufa.—Genesi 2:7; Ezekieri 18:4.

  • Moto Wehero: Machechi enhema anodzidzisa kuti mweya yevakaipa inotambudzwa nokusingaperi muhero. Bhaibheri rinotaura kuti vakafa “havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Bhaibheri rinodzidzisawo kuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Jehovha, Mwari ane rudo, haazombotambudzi vamwe nomoto.

Bhokisi: Bhaibheri rinodzidzisei nezvoUtatu, mweya, nomoto wehero?

Rasa Zvinhu Zvinoshandiswa Mukunamata Kwenhema

Mukadzi ari kupisa zvinhu zvake zvemashiripiti

5. Nei tichifanira kurasa zvinhu zvemashiripiti?

5 Kubuda muchitendero chenhema kunorevawo kuti tinofanira kuparadza zvinhu zvose zvemashiripiti zvatingava nazvo, zvakadai semazango, rin’i dzemashiripiti, nezvimwe zvakadai. Izvi zvinokosha nokuti zvinoratidza kuti tinovimba zvizere naJehovha.

6. VaKristu vokutanga vakaita sei nemabhuku avo emashiripiti?

6 Ona zvakaitwa nevamwe vaKristu vokutanga pavakasarudza kunamata muchitendero chechokwadi. Bhaibheri rinoti: “Vakawanda veavo vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pevanhu vose.”—Mabasa 19:19.

7. Chii chatinogona kuita kana madhimoni akatinetsa?

7 Vamwe vakatanga kushumira Jehovha uye vaimboita zvouroyi kana kuti zvemashiripiti vanganetswa nemadhimoni. Kana izvozvo zvikaitika kwauri, dana Jehovha zvinonzwika mumunyengetero, uchishandisa zita rake. Achakubatsira.—Zvirevo 18:10; Jakobho 4:7.

8. VaKristu vanoona sei zvidhori, zvifananidzo, nemapikicha anoshandiswa pakunamata kwenhema?

8 Vaya vanoda kushumira Jehovha havafaniri kuchengeta kana kushandisa zvidhori, mifananidzo, kana mapikicha anoshandiswa mukunamata kwenhema. VaKristu vechokwadi va“nofamba nokutenda, kwete nokuona.” (2 VaKorinde 5:7) Vanoremekedza mutemo waMwari unorambidza kushandiswa kwemifananidzo mukunamata.—Eksodho 20:4, 5.

Sangana Nevanhu vaJehovha

Amai nemwana wavo vachigadzirira kubika

9. Bhaibheri rinopa zano rei panyaya yokuva akachenjera?

9 Bhaibheri rinoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo.” (Zvirevo 13:20) Kana tichida kuva vakachenjera, tinofanira kufamba, kana kuti kusonganira neZvapupu zvaJehovha. Ndivo vanhu vari kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu.—Mateu 7:14.

10. Zvapupu zvaJehovha zvingakubatsira sei kushumira Mwari?

10 Zvapupu zvine hanya nevanhu chaizvo. Basa razvo nderokubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri chinotungamirira kuupenyu husingaperi. Zvinogona kukubatsira nokudzidza newe Bhaibheri, usingabhadhari. Zvichapindura mibvunzo yako nokukuratidza mashandisiro aungaita zivo yeBhaibheri muupenyu hwako.—Johani 17:3.

11. Misangano yechiKristu ichakubatsira sei?

11 Pamisangano yazvo, inowanzoitirwa muImba yoUmambo, uchadzidza zvakawanda nezvenzira dzaJehovha. Chido chako chokunamata muchechi yechokwadi chichasimbiswa. Uye uchadzidziswawo nzira yokubatsira nayo vamwe kudzidza chokwadi cheBhaibheri.—VaHebheru 10:24, 25.

Musangano uri kuitwa paImba yoUmambo

12. Munyengetero unogona sei kukubatsira kushumira Mwari?

12 Sezvaunodzidza zvakawanda nezvokuda kwaJehovha nechinangwa chake, zvingangoita kuti unyatsoda nzira dzake dzorudo. Chido chako chokuita zvinomufadza uye chokurega zvisingamufadzi chichakurawo. Yeuka kuti unogona kutaura naJehovha mumunyengetero kuti umukumbire kukubatsira kuita zvakarurama worega zvisina kururama.—1 VaKorinde 6:9, 10; VaFiripi 4:6.

Mhuri iri kuverenga Bhaibheri pamwe chete

Kunamata kwechokwadi ungakuita sei?

13. Ungafadza sei mwoyo waJehovha?

13 Nokufamba kwenguva, sezvaunosimba pakunamata kwako, hapana mubvunzo kuti uchaona kuti unofanira kuva Chapupu chaJehovha chakazvitsaurira, uye chakabhabhatidzwa. Nokuva mumwe wevanhu vaJehovha, uchaita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Uchava pakati pevanhu vanofara vanonzi naMwari: “Ndichagara pakati pavo nokufamba pakati pavo, uye ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”—2 VaKorinde 6:16.

Ndakasununguka Pamadhimoni

Josephine Ikezu aine vamwe vana vake

Humwe usiku ndakarara pamwe chete nomurume wangu, ndakanzwa inzwi richindidaidza katatu. Ndakazoona denga remba richitsemuka, uye chinhu chinenge bhora chaibvira moto chakawira padumbu pangu. Chokwadi ndechokuti murume wangu hapana chaaiona. Kunyange zvakadaro, ndakanzwa kupiswa kwakaoma kwemwedzi inoverengeka.

Mwedzi mitanhatu yakatevera, inzwi riya rakandidaidzazve. Nenguva isipi, imba yose yakaita seyava mudziva remvura. Shato huru yakabuda mumvura macho ikamoneredza ruoko rwangu. Ndakaedza kuizunza asi hazvina kubatsira. Ndakatya. Ipapo mvura iya nenyoka zvakabva zvangoti nyangara, uye ndakarigirwa pasi zvakasimba. Ndakafenda kwemaawa anoverengeka. Ipapo inzwi riya rakandiudza kuti ndidzokere kutemberi inorapa zvemashavi yomumusha medu. Pandakabvunza mudzimu uyu zita rake, akandipa zita rinoreva kuti “muzvinapfuma asi asina mwana.” Akavimbisa kundipfumisa nemasimba okurapa.

Vanhu vanorwara vakauya kwandiri kubva kwose kwose. Vasati vasvika pamba pangu, ndaivaona pane rimwe girazi rangu. Zvadaro, munhu iyeye paaisvika, ndaimurova muchanza chake nechanza changu, uye ndaibva ndangoudzwa chirwere chake kana chinetso chaaiva nacho pamwe chete nomushonga wacho. Mudzimu wacho waindiudzawo mari yaifanira kubhadharwa nevanhu.

Nokuti kurapa kwangu kwaibatsira, mari nezvipo zvaiita zvokunaya. Ndakava “muzvinapfuma,” asi ndakazozivawo zvairehwa nokuti “asina mwana.” Nguva yoga yoga yandaipona mwana, mutevedzani wake aibva afa. Izvi zvaipedza simba. Mumakore gumi nemaviri andakashandira mudzimu uyu, vana vangu vatanhatu vakafa.

Ndakatanga kunyengetera kuna Mwari kuti andibatsire. Ndakanyengetera nomwoyo wose. Rimwe zuva Zvapupu zvaJehovha zvakagogodza pasuo rangu. Kunyange ndaiwanzozvidzinga, musi iwoyo ndakati regai ndizviteerere. Mukurukurirano yatakazoita, ndakaziva kuti ndaishandira dhimoni! Ndakasarudza kurega zvechidhimoni.

Pandakaudza mudzimu uya izvi, wakandiyambira kuti ndisadaro. Zvisinei, ndakati “Handichinei newe.”

Ndakapisa zvinhu zvose zvandaishandisa mukushopera. Ndakadzidza Bhaibheri neZvapupu, ndikava mushumiri waJehovha, uye ndakabhabhatidzwa muna 1973. Iye zvino ndine vana vashanu vakasimba. Murume wangu akavawo Chapupu chakabhabhatidzwa.—Yakataurwa naJosephine Ikezu.

Bhokisi: Mumwe mukadzi akasununguka sei pamadhimoni?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe