Chitsauko 17
Ivai Vakazvipira Kuna Mwari Pamusha
1. Kushandisa nhungamiro inobva muShoko raMwari kwakabatsira sei mhuri?
JEHOVHA ndiye Muvambi wemhuri, uye Shoko rake rinopa mhuri nhungamiro yakanakisisa. Pamusana pokushandisa nhungamiro iyoyo, vanhu vakawanda vakavaka mhuri dzinobudirira. Zvinorumbidzwa kuti vamwe vakanga vachingobika havo mapoto vakanzwa vachida kunyoresa muchato. Vamwe vakarega zviya zvokuti gumbo mumba gumbo panze. Varume vaiva nechisimba avo vairova kana kutuka vadzimai vavo nevana vakadzidza kuva nomutsa nounyoro.
2. Upenyu hwemhuri yechiKristu hunosanganisirei?
2 Upenyu hwemhuri yechiKristu hunosanganisira zvinhu zvakawanda, zvakadai sokunzwisisa kwatinoita kuti muchato ndewoupenyu hwose, zvatinoita kuti tiite mabasa edu mumhuri, uye mabatiro atinoita vemhuri yedu. (VaEfeso 5:33–6:4) Kunyange tingaziva zvinotaura Bhaibheri nezvoupenyu hwemhuri, kushandisa zano reBhaibheri chimwe chinhu chakasiyana zvachose. Hapana mumwe wedu anoda kufanana nevaya vakatukwa naJesu nokuti vakanga vatsauka pamurayiro waMwari. Kufunga kwavo kwakanga kusina kururama, vachiti kuzvipira muchitendero kwakanga kwakakwana. (Mateu 15:4-9) Hatidi kuratidzika setakazvipira kuna Mwari asi totadza kurarama maererano nakwo mumba medu. Pane kudaro, tinoda kuratidza kuzvipira kuna Mwari kwechokwadi, uko kuri “nzira inopfumisa zvikuru.”—1 Timoti 5:4; 6:6; 2 Timoti 3:5.
Muchato Uchagara Kwenguva Yakadini?
3. (a) Chii chiri kuitika kumichato yakawanda, asi chii chatinofanira kutsunga kuita? (b) Uchishandisa Bhaibheri rako, pindura mibvunzo yakanyorwa pasi pendima ino.
3 Zvisungo zvomuchato zviri kuwedzera kuva zvisina kusimba. Vamwe vakaroorana vave vachigara vose kwemakore vanosarudza kurambana kuti varoorane nomumwewo munhu. Uyewo hazvichashamisi kunzwa kuti vechiduku vachangobva kuroorana vakaparadzana. Pasinei nezvinoitwa nevamwe, tinofanira kuda kufadza Jehovha. Saka ngatikurukurei mibvunzo nemagwaro anotevera kuti tione zvinotaura Shoko raMwari nezvokuti muchato ndewoupenyu hwose.
Apo murume nomukadzi vanoroorana, vanofanira kutarisira kugara pamwe chete kwenguva yakareba sei? (Mako 10:6-9; VaRoma 7:2, 3)
Ndechipi chikonzero bedzi chokurambana chinosiya mukana wokuroorazve chinonzi naMwari chakakodzera? (Mateu 5:31, 32; 19:3-9)
Jehovha anonzwa sei pamusoro pokurambana kusingabvumirwi neShoko rake? (Maraki 2:13-16)
Bhaibheri rinotsigira kuparadzana senzira yokugadzirisa nayo zvinetso zvemhuri here? (1 VaKorinde 7:10-13)
Kuparadzana kungabvumirwa kana zvinhu zvakamira sei? (Pisarema 11:5; Ruka 4:8; 1 Timoti 5:8)
4. Nei mimwe michato ichigara?
4 Mimwe michato inobudirira, ichigara. Nei? Kumira kuroora kusvikira vaviri vanoda kuroorana vakura ndicho chimwe chikonzero chacho, asi kuwana munhu wokuroorana naye anofarira zvaunofarirawo uye anogona kukurukura zvinhu akasununguka kunokoshawo. Zvisinei, chinokosha zvikuru kuwana munhu anoda Jehovha uye anoremekedza Shoko rake sechokushandisa kugadzirisa zvinetso. (Pisarema 119:97, 104; 2 Timoti 3:16, 17) Munhu akadaro haambovi nepfungwa yokuti kana zvinhu zvikasabudirira, anongogona kuparadzana kana kurambana newe. Haazoshandisi zvinokundikana mumwe wake sechikonzero chokurega mitoro yake. Pane kudaro, achatarisana nezvinetso otsvaka magadzirisiro aangazviita.
5. (a) Kuvimbika kuna Jehovha kunoita basa rei mumhuri? (b) Kunyange kana munhu akashorwa, kuomerera pane zvinodiwa naJehovha kunogona kumubatsira sei?
5 Satani anoti tikatambura, ticharega nzira dzaJehovha. (Jobho 2:4, 5; Zvirevo 27:11) Asi vazhinji veZvapupu zvaJehovha vakatambura pamusana pokuva nomurume kana mudzimai anoshora havana kutyora mhiko dzavo dzomuchato. Vachakangovimbika kuna Jehovha nemitemo yake. (Mateu 5:37) Vamwe vakatsungirira vakazofara kuti mumwe wavo akazovakumbanira mukushumira Jehovha—kunyange pashure pokushora kwemakore! (1 Petro 3:1, 2) Kana vari vaKristu vane varume kana vadzimai vasingaratidzi kuti vari kuchinja kana kuti vanovasiya pamusana pokuti vanoshumira Jehovha, ivavawo vanoziva kuti vachakomborerwa nokuda kwokupa uchapupu hwokuzvipira kuna Mwari pamusha.—Pisarema 55:22; 145:16.
Mumwe Nomumwe Anoita Chikamu Chake
6. Kuti muve nomuchato unobudirira, urongwa hupi hunofanira kuremekedzwa?
6 Ichokwadi kuti kuva nomuchato unobudirira kunoda zvinopfuura kungogara pamwe chete. Chinhu chikuru chinodiwa kumurume nomudzimai kuremekedza urongwa hwaJehovha hwomusoro. Izvi zvinobatsira kuti pave nokurongeka nokunzwa kuti wakachengeteka pamusha. Pana 1 VaKorinde 11:3, tinoverenga kuti: “Musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.”
7. Kuva musoro kunofanira kuratidzwa sei mumhuri?
7 Wacherechedza here chinotanga kutaurwa nendima iyoyo? Hungu, murume wose ane Musoro, Kristu, waanofanira kuzviisa pasi pawo. Izvi zvinoreva kuti murume anofanira kushanda somusoro munzira inoratidza unhu hwaJesu. Kristu anozviisa pasi paJehovha, anoda ungano zvikuru, uye anoitarisira. (1 Timoti 3:15) Akato“zvipa nokuda kwayo.” Jesu haazvikudzi uye haasi munhu asingafungi, asi “munyoro uye anozvininipisa mumwoyo.” Vaya vari pasi pake ‘vanowana zororo remweya yavo.’ Murume paanobata mhuri yake nenzira iyi, anoratidza kuti ari kuzviisa pasi paKristu. Saka mudzimai wechiKristu anofanira kuona zvichibatsira uye zvichizorodza kushandira pamwe nomurume wake uye kuzviisa pasi poutungamiriri hwake.—VaEfeso 5:25-33; Mateu 11:28, 29; Zvirevo 31:10, 28.
8. (a) Nei zvingaita sokuti nzira dzechiKristu hadzibudiriri mune mimwe misha? (b) Tinofanira kuita sei kana tikatarisana nezvakadaro?
8 Zvisinei, zvinetso zvichamuka. Kuvenga kudzorwa nevamwe vanhu kungave kwakatodzika midzi kare mumwe munhu ari mumhuri asati atanga kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri. Chikumbiro chomutsa uye nzira yorudo zvingasaratidza sezviri kubatsira. Tinoziva kuti Bhaibheri rinoti tibvise “kutsamwa nehasha nokupopota nokutaura zvakaipa.” (VaEfeso 4:31) Asi kana vamwe vachingoziva kuita izvozvo chete, chii chinofanira kuitwa? Jesu haana kutevedzera vaya vaityisidzira kana kutuka, asi akavimba naBaba vake. (1 Petro 2:22, 23) Saka panomuka miedzo mumba, ratidza kuti wakazvipira kuna Mwari nokunyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire panzvimbo pokushandisa nzira dzenyika.—Zvirevo 3:5-7.
9. Panzvimbo pokutsvaka mhosva, varume vechiKristu vakawanda vakadzidza kuitei?
9 Zvinhu hazvichinji nokukurumidza nguva dzose, asi zano reBhaibheri rinoshanda zvechokwadi parinoshandiswa nokushivirira uye nokushingaira. Varume vakawanda vakaona kuti zvinhu zvakatanga kuita nani mumhuri pavakatanga kunzwisisa mabatiro anoita Kristu ungano. Ungano iyoyo haina kuumbwa nevanhu vakakwana. Asi Jesu anoida, anoiratidza muenzaniso wakanaka, uye anoshandisa Magwaro kuibatsira kuita zviri nani. Akapa upenyu hwake nokuda kweungano yacho. (1 Petro 2:21) Muenzaniso wake wakakurudzira varume vakawanda vechiKristu kuti vave misoro yemhuri yakanaka uye kuti vape rubatsiro rworudo kuti zvinhu zviite nani. Izvi zvinobereka zvibereko zviri nani zvikuru kudarika kutsvakirana mhosva kana kuti kusona muromo.
10. (a) Munzirai umo murume kana kuti mudzimai—kunyange uya anoti muKristu—angaomesera vamwe pamusha? (b) Chii chingaitwa kuti zvinhu zvive nani?
10 Zvakadini kana murume asina basa nemanzwiro emhuri yake kana kuti asingarongi kuti mhuri ikurukurirane zveBhaibheri kana kurongawo mamwe mabasa? Kana kuti zvakadini kana mudzimai asingashandiri pamwe uye asingazviisi pasi sezvinodiwa naMwari? Vamwe vanoona zvinhu zvichifamba zvakanaka nokukurukurirana zvinetso semhuri nenzira yokuremekedzana. (Genesi 21:10-12; Zvirevo 15:22) Asi kunyange zvinhu zvikasafamba nenzira yanga ichitarisirwa, mumwe nomumwe wedu anogona kubatsira kuti pamusha panakidze nokuratidza zvibereko zvomudzimu waMwari muupenyu hwedu, tichiratidza kufungawo vamwe vari mumhuri yedu nenzira yorudo. (VaGaratiya 5:22, 23) Zvinhu zvichaita zviri nani, kwete nokumirira mumwe kuti aite chimwe chinhu, asi nokuita zvatinofanira kuita isu pachedu, tichiratidza kuti takazvipira kuna Mwari.—VaKorose 3:18-21.
Kwokuwana Mhinduro
11, 12. Jehovha akapa chii kutibatsira kuva noupenyu hwemhuri hunobudirira?
11 Kwakawanda kunotsvagwa mazano nevanhu panyaya dzavo dzemhuri. Asi tinoziva kuti Shoko raMwari ndiro rine zano rakanakisisa, uye tinofara kuti kuburikidza nesangano rake rinoonekwa, Mwari anotibatsira kurishandisa. Uri kubatsirika zvizere noruyamuro irworwo here?—Pisarema 119:129, 130; Mika 4:2.
12 Kuwedzera pakupinda misangano yeungano, makaronga nguva yokugara muchidzidza Bhaibheri semhuri here? Mhuri dzinoita kudaro dzinogona kushandira kuti dzive dzakabatana mukunamata kwadzo. Upenyu hwadzo hwemhuri hunoitwa kuti huve nani zvikuru sezvadzinoshandisa Shoko raMwari mumamiriro adzo ezvinhu.—Dheuteronomio 11:18-21.
13. (a) Kana tine mibvunzo panyaya dzemhuri, ndokupi kwatingawanzowana rubatsiro runodiwa? (b) Zvisarudzo zvose zvatinoita zvinofanira kuratidzei?
13 Ungava nemibvunzo panyaya dzemhuri. Somuenzaniso, zvakadini nokuronga mhuri? Kubvisa pamuviri kunombotenderwa here? Kana mwana akaratidza kusanyanyofarira zvinhu zvokunamata, anofanira kubatanidzwa muzvinhu zvokunamata zvomumhuri kusvikira papi? Mibvunzo yakawanda yakadaro yakakurukurwa mumabhuku anobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Dzidza kushandisa zvinoyamura pakudzidza Bhaibheri, kusanganisira maindex, kuti uwane mhinduro dzacho. Kana usina mabhuku anotaurwa muindex, tarisa muraibhurari iri paImba yoUmambo. Kana kuti unogona kuwana mabhuku aya pakombiyuta yako. Unogonawo kukurukura mibvunzo yako nevarume nevakadzi vechiKristu vakakura muzivo. Asi usatarisire kupindurwa kuti hungu kana kuti kwete pamibvunzo yose. Kazhinji kacho ndiwe unofanira kusarudza, iwe pachako kana kuti nowawakaroorana naye. Ipapo itai zvisarudzo zvinoratidza kuti makazvipira kuna Mwari kwete chete pane vanhu asiwo pamusha.—VaRoma 14:19; VaEfeso 5:10.
Kudzokorora
• Kuvimbika kuna Jehovha kunobatanidzwa sei pakutendeka kune wawakaroorana naye?
• Patinenge tava kukurirwa nezvinetso zvomumhuri, chii chichatibatsira kuita zvinofadza Mwari?
• Kunyange kana vamwe vari mumhuri vakakundikana pane zvimwe zvinhu, chii chatingaita kuti zvinhu zviite nani?
[Mufananidzo uri papeji 155]
Kutungamirira kwomurume kunofanira kuratidza unhu hwaJesu
[Mufananidzo uri papeji 157]
Kudzidza Bhaibheri nemhuri nguva dzose kunobatsira kuibatanidza