Butiro/Peji Yevabudisi
Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
Kuvaverengi Vedu
Upenyu husingaperi mupasi riri paradhiso! Nokudzidza Bhaibheri, tinodzidza nezvetariro iyi inoshamisa. Asi iyoyi nedzimwe dzidziso huru dzeShoko raMwari anongova mavambo chete. Bhaibheri rinokurudzira vose vanoda Mwari ku“nzwisisa . . . kukwirira nokudzika” kwechokwadi chake chinokosha. (VaEfeso 3:18) Bhuku rino ndizvo zvarakagadzirirwa. Tinotarisira kuti richakubatsira kukura muzivo yaMwari uye kuti uve akashongedzerwa zviri nani kufamba mumugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu munyika itsva yaMwari yakarurama.
—Vabudisi
Rakadhindwa muna 2006
Bhuku rino rimwe remabhuku anoshandiswa pabasa rokudzidzisa Bhaibheri munyika yose uye basa iri rinotsigirwa nezvipo zvokuzvidira.
Kutoti zvaratidzwa, Magwaro echiHebheru anobva muBhaibheri muNdimi yeUnion Shona nomunyorero mutsva uye Magwaro echiGiriki anobva muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki. NW zvinoreva New World Translation of the Holy Scriptures—With References
Vakatipa Mifananidzo:
▪ Butiro: U.S. Navy photo
▪ Peji 180: Vana: UNITED NATIONS/J. FRANK