CHIDZIDZO 24
Kusarudza Mashoko
MASHOKO zvishandiso zvine simba pakukurukurirana. Asi kuti mashoko edu ave nezvaanoita chaizvo tinofanira kunyatsoasarudza. Shoko ringava rakakodzera pane imwe nguva ringagumisira rareva zvisizvo pane imwewo nguva. Shoko rinonakidza ringava “shoko rinorwadza” kana rikashandiswa zvisizvo. Kushandiswa kwemashoko akadaro kungava kwoupenzi, kuchiratidza kusafunga. Mamwe mashoko anoreva zvinhu zviviri, zvimwe zvacho zvisingafadzi kana kuti zvokuzvidza. (Zvir. 12:18; 15:1) Asiwo, “shoko nyoro”—shoko rinokurudzira—rinofadza mwoyo weari kuudzwa. (Zvir. 12:25) Kuwana mashoko akakodzera zvinoda kutombofunga, kunyange kumunhu akachenjera. Bhaibheri rinotiudza kuti Soromoni aiziva kudikanwa kwokutsvaka “mashoko anofadza” uye ‘mashoko akarurama echokwadi.’—Mup. 12:10.
Mune mimwe mitauro, mamwe mashoko anoshandiswa kana uchitaura nevakuru kana kuti vane chiremera, asi mamwe mashoko achishandiswa kana munhu achitaura nevezera rake kana kuti vaduku kwaari. Kusatevedzera tsika idzi kunganzi kusindimara. Hazvinawo kunaka kuzvishandisira mashoko okuremekedza aye anonzi anofanira kushandisirwa vamwe. Mune zvokuremekedza, Bhaibheri rinopa mwero wakakwirira kupfuura ungadiwa nomutemo kana kuti tsika dzomunzvimbo iyoyo. Rinokurudzira vaKristu ku‘kudza vanhu vose.’ (1 Pet. 2:17) Vaya vanoita izvi zvichibva pamwoyo vanotaura nevanhu vemazera ose nenzira inoratidza kuremekedza.
Chokwadi, vanhu vakawanda vasiri vaKristu vechokwadi vanoshandisa mutauro wakaipa, unonyadzisira. Vangafunga kuti mutauro unonyadzisira unowedzera simba rezvavanotaura. Kana kuti kuushandisa kwavo kungangoratidza kuti havazivi mashoko mazhinji. Kana mumwe munhu aigara achishandisa mutauro wakadaro asati adzidza nzira dzaJehovha, angazviona zvakaoma kurega tsika yacho. Asi zvinokwanisika. Simba raMwari rinogona kubatsira munhu kuchinja matauriro. Zvisinei, munhu wacho anofanira kunge achidawo kuva nedura rizere nemashoko akanaka—mashoko anokurudzira, mashoko anovaka—uye oshandisa iwaya nguva dzose.—VaR. 12:2; VaEf. 4:29; VaK. 3:8.
Mashoko ari Nyore Kunzwisisa. Chinhu chinokosha chinodiwa pakutaura kwakanaka ndechokuti kuve nyore kunzwisisa. (1 VaK. 14:9) Kana mashoko aunoshandisa asinganzwisiswi zviri nyore nevateereri vako, unoita somunhu ari kuvataurira mumwe mutauro.
Mamwe mashoko ane zvaanoreva kune rimwe boka revanhu. Mashoko iwayo vangaashandisa zuva nezuva. Asi iwe ukaashandisa pasiri ipo paanofanira kushandiswa, zvingakutadzisa kunzwisiswa nevamwe. Uyezve, kunyange zvazvo mashoko anozivikanwa ezuva nezuva akashandiswa, ukanyanyodonongodza twose twose, vateereri vako vangatanga zvavo kufunga dzimwe nyaya.
Mukurukuri ane mutsa anosarudza mashoko anonzwisisika kunyange nevaya vane dzidzo shoma chaiyo. Achitevedzera Jehovha, anoratidza mutsa ku“varombo.” (Jobho 34:19) Kana mukurukuri akaona zvichidiwa kuti ashandise shoko risina kujairwa, anofanira kurishandisa riine mamwe mashoko ari nyore anoita kuti zviri kurehwa zvijeke.
Mashoko ari nyore anosarudzwa zvakanaka anopa pfungwa zvine simba kwazvo. Zvirevo zvipfupi nemashoko ari nyore zviri nyore kubata. Zvinogona kushandiswa pano neapo zvichisiyaniswa nezvirevo zvakareba kuitira kuti kukurukura kwacho kunzwike zvakanaka. Asi papfungwa dzaunonyatsoda kuti vateereri vako vayeuke, sarudza mashoko ari nyore uye zvirevo zvipfupi.
Mashoko Akasiyana-siyana uye Akarurama. Mashoko akanaka haaperi. Pane kungoramba uchishandisa mashoko akafanana pachinhu chose, shandisa mashoko akasiyana-siyana. Ukadaro kutaura kwako kunenge kuchinakidza uye kune simba. Ungawedzera sei mashoko aunoziva?
Paunenge uchiverenga, tara mashoko ose ausinganyatsonzwisisi, woatarira muduramanzwi kana ririmo mumutauro wako. Sarudza mashomanana emashoko iwayo woedza kuashandisa pazvinenge zvakakodzera. Chenjerera kuti uataure nomazvo uye uashandise paanogona kunyatsonzwisiswa kwete zvokuda kuonererwa. Kuwedzera mashoko aunoziva kuchaita kuti mashoko aunoshandisa asiyane-siyane. Asi pane kudikanwa kwokuchenjerera—kana munhu akatadza kutaura kana kuti akashandisa zvisizvo mashoko, vamwe vangagumisa kuti haazivi zvaari kutaura nezvazvo.
Chinangwa chedu pakuwedzera mashoko atinoziva ndechokudzidzisa kwete kuda kuorora vateereri vedu. Mashoko akaoma kunzwisisa uye akareba anowanzoita kuti vanhu vafunge nezvomukurukuri. Chido chedu chinofanira kuva chokupa mashoko anobatsira uye kuaita kuti anakidze kune vanoanzwa. Yeuka chirevo cheBhaibheri chinoti: “Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo kwadzo.” (Zvir. 15:2) Kushandiswa kwemashoko akanaka, mashoko akakodzera ari nyore kunzwisiswa, zvinobatsira kuita kuti mashoko edu azorodze uye anakidze pane kuva anofinha asinganakidzi.
Sezvaunowedzera mashoko aunoziva, chenjerera kushandisa shoko rakakodzera. Mashoko maviri angareva zvakafanana asi zvakati siyanei zvishomanana pakushandiswa mune mamiriro ezvinhu akasiyana. Kana ukaziva izvi, uchakwanisa kuwedzera kujeka kwokutaura kwako worega kushatirisa vateereri vako. Nyatsoteerera vanhu vanotaura zvakanaka. Mamwe maduramanzwi anoratidza pashoko rimwe nerimwe mashoko akafanana naro (mashoko akafanana, asi achireva zvakasiyana) uye mashoko anoripikisa (mashoko anoreva zvakasiyana). Saka hauwani mashoko akasiyana chete papfungwa imwe chete asi zvimwewo zvaanoreva. Izvi zvinobatsira chaizvo kana uchitsvaka shoko rakakodzera mamwe mamiriro ezvinhu. Usati wawedzera shoko pane aunotoziva, iva nechokwadi chokuti unoziva zvarinoreva, kuritaura nomazvo, uye parinofanira kushandiswa.
Mashoko ane zvaanoreva zvakananga anojekesa kupfuura aya asina kunyatsonanga. Mukurukuri angati: “Panguva iyoyo, vanhu vakawanda vakarwara.” Kana kuti angati: “Mwedzi mishomanana Hondo Yenyika I yapera, vanhu 21 000 000 vakafa nefuruwenza yokuSpain.” Izvi zvingava zvakasiyana kana mukurukuri akataura zvakajeka zvaanoreva nokuti “panguva iyoyo,” “vanhu vakawanda” uye “vakarwara”! Kuti utaure nenzira iyi zvinoda kuti uve nezivo chaiyoiyo ine chokuita nenyaya yako uye kunyatsosarudza mashoko.
Kushandisa shoko rakakodzera kunogonawo kukubatsira kuva akananga usingapotereri. Kupoterera kunowanzoviga pfungwa. Mashoko ari nyore anoita kuti zvive nyore kune vamwe kuti vabate uye vachengete zvinhu zvinokosha. Zvinobatsira kupa zivo yakarurama. Kudzidzisa kwaJesu Kristu kwaizivikanwa nokuva nyore kwomutauro wacho. Dzidza kwaari. (Ona mienzaniso yakanyorwa pana Mateu 5:3-12 naMako 10:17-21.) Dzidzira kutaura zvaunoda nemashoko mapfupi akanyatsosarudzwa.
Mashoko Anobudisa Simba, Manzwiro Ako, Anojekesa. Sezvaunowedzera mashoko aunoziva, rega kufunga nezvemashoko matsva chete asiwo nezvemashoko akati siyanei nemamwe. Somuenzaniso, funga nezvezviito zvinoreva simba; zvipauro zvinonakidza; uye mashoko anoratidza kufarira, taura zvinoratidza mutsa kana kuti budisa kuva womwoyo wose.
Bhaibheri rizere nemienzaniso yomutauro wakapfuma zvakadaro. Achishandisa muprofita Amosi, Jehovha akakurudzira kuti: “Tsvakai zvakanaka, murege kutsvaka zvakaipa, . . Vengai zvakaipa mude zvakanaka.” (Amo. 5:14, 15) Muprofita Samueri akati kuna mambo Sauro: “Jehovha akabvarura ushe hwaIsraeri kwauri nhasi.” (1 Sam. 15:28) Jehovha paaitaura naEzekieri akashandisa mutauro usingakanganwiki, achiti: “Imba yose yaIsraeri vane huma dzakaoma, nemwoyo mikukutu.” (Ezek. 3:7) Achisimbisa kukomba kwokutadza kwevaIsraeri, Jehovha akabvunza kuti: “Ko munhu ungabira Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira.” (Mar. 3:8) Achirondedzera muedzo wokutendeka muBhabhironi, Dhanieri akanyatsotaura kuti “Nebhukadhinezari wakatsamwa kwazvo” nokuti Shadraki, Meshaki, naAbhedhinego vakaramba kunamata chifananidzo chake, saka akarayira kuti vasungwe vokandirwa “muchoto chomoto unopfuta kwazvo.” Achitibatsira kunzwisisa kupisa kwaiita choto chacho, Dhanieri akataura kuti mambo akaita kuti varume vake vavese “moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe”—waipisa kwazvo zvokuti pavakasvika pedyo nechoto chacho, varume vamambo vakapiswa vakafa. (Dhan. 3:19-22) Achitaura nevanhu muJerusarema mazuva mashomanana asati afa, uye achiratidza manzwiro ake, Jesu akati: “Ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita nhunzvi nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi imi hamuna kuzvida. Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.”—Mat. 23:37, 38.
Mashoko anonyatsosarudzwa anogona kubudisa zvinhu nenzira yakajeka mupfungwa dzevateereri vako. Kana ukashandisa mashoko anofadza pfungwa, vateereri vako vacha“ona” ndoku“bata” zvinhu zvauri kutaura nezvazvo, kana zviri zvokudya vacha“zviravidza” vonzwa ku“nhuhwirira” kwazvo, uye vacha“nzwa” ruzha rwaunorondedzera uye vanhu vane mashoko aunotaura. Vateereri vachanyura mune zvauri kutaura nokuti unoita kuti zvinhu zvive zvipenyu kwavari.
Mashoko anojekesa pfungwa anogona kukonzera vanhu kuseka kana kuchema. Anogona kukurudzira kuva netariro, achiita kuti munhu akaora mwoyo ave nechido chokurarama achimutsa maari kuda Musiki wake. Vanhu munyika yose vakachinjwa netariro inobva mumashoko ari mundima dzeBhaibheri dzakadai sepana Pisarema 37:10, 11, 34; Johani 3:16; uye Zvakazarurwa 21:4, 5.
Sezvaunoverenga Bhaibheri uye mabhuku o“muranda akatendeka, akangwara,” uchawana mashoko nezvirevo zvemhando zhinji. (Mat. 24:45) Usangozvisiye zvose pawazviverenga. Sarudza anokunakidza, woaita mashoko aunoshandisa zuva nezuva.
Kutaura Kunoenderana Nemitemo Yomutauro. Vamwe vanhu vanoziva kuti kutaura kwavo kungasava kunopindirana nemitemo yomutauro nguva dzose. Asi chii chavangaita nezvazvo?
Kana uchiri kuchikoro, shandisa mukana iwoyo zvino kudzidza mitemo yomutauro yakanaka uye kugona kusarudza mashoko akanaka. Kana usina chokwadi nezvechikonzero chomutemo wakati womutauro, bvunza mudzidzisi wako. Rega kudzidza zvishomanana zvokungoti zvikubvewo. Une kurudziro iyo vamwe vadzidzi vangave vasina. Unoda kuzova mushumiri wemashoko akanaka anobudirira.
Zvakadini kana wava mukuru muzera uye wakakura usingatauri mutauro wauri kushandisa zvino? Kana kuti hauna kuwana mukana wokudzidza mutauro wako kuchikoro. Rega kuora mwoyo. Asi edza nomwoyo wose, kuvandudza uchiitira izvozvo mashoko akanaka. Zvizhinji zvatinoziva nezvemitemo yomutauro tinozvidzidza nokuteerera vamwe vachitaura. Saka nyatsoteerera vakurukuri vava noruzivo pavanenge vachitaura hurukuro dzavo. Paunoverenga Bhaibheri uye mabhuku ezvinhu zveBhaibheri, tarisa marongerwo ezvirevo, mashoko anoshandiswa pamwe chete, uye paari kushandiswa pacho. Umba kutaura kwako uchitevedzera iyi mienzaniso yakanaka.
Vavaraidzi nevaimbi vakakurumbira vangashandisa mashoko nokumwe kutaura kwakasiyana nezvinodiwa nemitemo yomutauro. Vanhu vanowanzoda kutevedzera vanhu vakadaro. Vanotengesa zvinodhaka zvinorambidzwa uye vamwewo vanorarama upenyu hwechitsotsi nehwounzenza vane matauriro avowo, vachipa mashoko revo yakasiyana zvachose nezvaanoreva nguva dzose. Hakusi kuchenjera kuti vaKristu vatevedzere chero vanhu vakadaro. Kuita izvi kungatiita kuti tive muboka rimwe chete nevanhu ivavo venyika nemararamiro avo.—Johani 17:16.
Ngaive tsika yako kushandisa mutauro wakanaka mazuva ose. Mukutaura kwezuva nezuva kana ukatendera kuti mutauro wako ushate, rega kufungidzira kuti uchazokwanisa kutaura zvakanaka pane imwe nguva yakasiyana neidzi. Asi kana ukagara uchitaura zvakanaka nguva dzose, zvichava nyore uye wakasununguka kana wava pamberi pevoruzhinji kana kuti uchipupurira vamwe chokwadi.