RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 23 p. 157-p. 159 ndim. 3
  • Kubatsira Kwacho Kwabuda Pachena

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatsira Kwacho Kwabuda Pachena
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Inodzidzisa Vateereri Vako
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Sumo Inoita Kuti Vanhu Vafarire
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akodzereswa Ushumiri Hwomumunda
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 23 p. 157-p. 159 ndim. 3

CHIDZIDZO 23

Kubatsira Kwacho Kwabuda Pachena

Unofanira kuitei?

Batsira vateereri vako kuona kuti nyaya yako inei noupenyu hwavo kana kuti vangaishandisa sei zvinobatsira.

Nei zvichikosha?

Kana vanhu vasingaoni kubatsira kwezvauri kutaura, vangakuudza kuti havafariri, kana kuti vangangorivara zvavo vorega kuteerera, vorega pfungwa dzavo dzichimbeya-mbeya.

UNGAVE uchitaura nomunhu mumwe chete kana kuti boka guru revateereri, hakusi kuchenjera kufungidzira kuti vateereri vako vachafarira nyaya yako pamusana chete pokuti iwe unoifarira. Shoko rako rinokosha, asi kana ukakundikana kujekesa kubatsira kwaro, pamwe haungagoni kuita kuti vateereri vako varambe vakateerera kwenguva refu.

Izvi ichokwadi kunyange kuvanhu vari muImba yoUmambo. Vangateerera kana ukashandisa mufananidzo kana kuti chiitiko chavasina kumbonzwa. Asi vangarivara kana ukataura nezvezvinhu zvavanotoziva, kunyanya kana ukakundikana kuvakira pazvinhu izvozvo. Unofanira kuvabatsira kuziva kuti nei zvauri kutaura zvichivabatsira chaizvo uye sei.

Bhaibheri rinotikurudzira kufunga zvinobatsira. (Zvir. 3:21) Jehovha akashandisa Johani Mubhabhatidzi kutungamirira vanhu ku“uchenjeri hunoshanda hwavakarurama.” (Ruka 1:17) Uhu ndihwo uchenjeri hwakadzika midzi mukutya Jehovha kwakanaka. (Pis. 111:10) Vaya vanoonga uchenjeri uhwu vanobatsirwa kutarisana zvinobudirira noupenyu zvino uye kubata pane upenyu chaihwo, upenyu husingaperi huchauya.—1 Tim. 4:8; 6:19.

Kuita Kuti Hurukuro Ibatsire. Kana hurukuro yako ichizobatsira, unofanira kunyatsofunga nezvevateereri vako kwete mashoko ayo chete. Usangofunga nezvavo seboka. Boka racho rine vanhu vakazvimirira uye mhuri. Pangava nevaduku-duku, vachiri kuyaruka, vakura, uye vamwe vakwegura. Mungava nevanofarira uyewo vaya vakatanga kushumira Jehovha iwe usati waberekwa. Vamwe vangava vava nezivo pakunamata; vamwe vangava vachiri kunetseka kwazvo nemamwe mafungiro uye zviito zvenyika. Zvibvunze kuti: ‘Mashoko andichakurukura angabatsira sei vari kuteerera? Ndingavabatsira sei kuti vazvinzwisise?’ Ungasarudza kuti kurukurei zvakanyanya nerimwe chete kana kuti maviri emapoka ataurwa pano. Zvisinei, usakanganwa vamwe zvachose.

Ko zvikanzi ukurukure nezvedzidziso huru yeBhaibheri? Ungaita sei kuti hurukuro yakadaro ibatsire vateereri vanotobvuma dzidziso iyoyo? Edza kusimbisa chivimbo chavo mairi. Sei? Nokukurukura uchapupu hweMagwaro anoitsigira. Ungawedzerawo kunzwisisa kwavo dzidziso yeBhaibheri iyoyo. Izvi zvingaitwa nokuratidza kuti dzidziso yacho inopindirana sei nechimwe chokwadi cheBhaibheri uye nounhu hwaJehovha. Shandisa mienzaniso—kana zvichiita, mienzaniso yezvakaitika chaizvo—inoratidza kuti kunzwisisa iyi dzidziso kwakabatsira vanhu sei uye kwakachinja maonero avo remangwana.

Mashoko anobatsira ngaarege kungova mashomanana anotaurwa pakupera kwehurukuro yako chete. Kubva pakutanga-tanga chaipo, munhu mumwe nomumwe pavari kuteerera anofanira kunzwa kuti “izvi zvinobatanidza ini.” Watanga zvakadaro, ramba uchitaura kubatsira kwemashoko acho sezvaunokurukura imwe neimwe yepfungwa huru dziri muhurukuro yako pamwe chete nedzekwainogumira.

Pakuratidza kubatsira kwacho, iva nechokwadi kuzviita nenzira inopindirana nezviri muBhaibheri. Izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuzviita norudo uye uchinzwira tsitsi. (1 Pet. 3:8; 1 Joh. 4:8) Kunyange pakutarisana nezvinetso zvakaoma muTesaronika, muapostora Pauro akaona kuti asimbisa zvinhu zvakanaka nezvokufambira mberi pakunamata kwehama nehanzvadzi dzake dzechiKristu dzaiva imomo. Akaratidzawo chivimbo chokuti panyaya yakanga ichikurukurwa, dzaizoda kuita zvakanaka. (1 VaT. 4:1-12) Chokwadi uyu muenzaniso wakanaka wokutevedzera!

Hurukuro yako inofanira kukurudzira kuitwa kwebasa rokuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka here? Ita kuti vanhu vave nechido uye vaonge ropafadzo yacho. Zvisinei, paunenge uchidaro, ziva kuti vanhu vanogona kuita basa iri pamwero yakasiyana, uye izvi zvirimo muBhaibheri. (Mat. 13:23) Rega kuita kuti hama dzako dzinzwe dzine mhaka. VaHebheru 10:24 inotikurudzira kuti ti‘kurudzirane rudo nemabasa akanaka.’ Kana tikakurudzira rudo, mabasa anobva pazvikonzero zvakanaka achatevera. Pane kutsvaka kurayira kuti vanhu vafanane, ziva kuti chinongodiwa kwatiri naJehovha kuti “kuteerera kusimudzirwe nokutenda.” (VaR. 16:26) Tichifunga nezveizvi, tinovavarira kusimbisa kutenda—kwedu nokwehama dzedu.

Kubatsira Vamwe Kunzwisisa. Sezvaunopupurira vamwe, usakundikane kusimbisa kubatsira kwemashoko akanaka. Kudaro kunoda kuti ufunge zviri kufungwa nevanhu vari mundima yenyu. Ungazviziva sei? Teerera nhau muredhiyo kana terevhizheni. Tarira papeji yokutanga yepepanhau. Uyewo, edza kutanga kukurukurirana nevanhu, woteerera pavanotaura. Ungaziva kuti vari kushupika nezvinoda kugadziriswa nokukurumidza—kupererwa nebasa, rendi inoda kubhadharwa, kurwara, rufu rwenhengo yemhuri, ngozi youtsotsi, kusaruramisira kunoitwa nomumwe munhu ane chiremera, kurambana, kukwanisa kudzora vana vechiduku, nezvimwe zvakadaro. Bhaibheri ringavabatsira here? Chaizvo.

Paunotanga kukurukurirana nomunhu, pamwe unenge uchifunga nyaya yokutaura nezvayo. Zvisinei, kana munhu wacho akaratidza kuti ane imwe nyaya iri kumunetsa, usazeze kukurukura nyaya iyoyo kana uchikwanisa kudaro, kana kuti kumbira kuti wozodzoka nemashoko anobatsira. Hapana mubvunzo kuti hatitauri ‘zvisinei nechokuita nesu,’ asi tinotaura nevamwe nomufaro zano rinobatsira rinopiwa neBhaibheri. (2 VaT. 3:11) Zviri pachena kuti zvichafadza vanhu zvikuru izano reBhaibheri rine chokuita noupenyu hwavo.

Kana vanhu vasingaoni kuti shoko redu rine chokuita navo, vangakurumidza kugumisa kukurukurirana kwacho. Kunyange kana vakaita kuti titaure, kukundikana kwedu kuratidza kubatsira kwenyaya yacho kungareva kuti shoko redu harizovabatsiri zvakanyanya muupenyu hwavo. Asi kana tikajekesa kubatsira kunoita mashoko acho, kukurukurirana kwedu kunogona kuva pokutangira pakuchinja kwoupenyu hwevanhu.

Pakudzidzisa Bhaibheri, ramba uchisimbisa kubatsira kwemashoko acho. (Zvir. 4:7) Batsira vadzidzi kunzwisisa zano reMagwaro, nhungamiro, uye mienzaniso zvinovaratidza mafambiro avangaita munzira dzaJehovha. Simbisa kubatsirwa kwavanoitwa nokuita izvozvo. (Isa. 48:17, 18) Izvi zvichaita kuti vadzidzi vachinje sezvinodiwa muupenyu hwavo. Ita kuti vade Jehovha uye vave nechido chokumufadza, uye chido chokuda kushandisa zano reShoko raMwari ngachive mavari.

MAITIRWO AZVO

  • Kana uchigadzirira hurukuro, fungawo vateereri vako, kwete mashoko chete. Ikurukure nenzira ichanyatsovabatsira.

  • Kubatsira kwehurukuro yako hakufaniri kuzongotaurwa pamashoko ako okugumisa. Kunofanira kuonekwa muhurukuro yako yose.

  • Kana uchigadzirira kupupurira, funga kuti vanhu vari mundima yenyu vari kufunga nezvei.

  • Pakupupurira, nyatsoteerera munhu wacho, wochinja mharidzo yako sezvinenge zvichidiwa.

BASA ROKUITA: Dzokorora Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaunahwo, wosarudza mharidzo imwe chete kana mbiri dzaunofunga kuti dzinonyatsobatsira mundima yenyu. Dzishandise mubasa romumunda.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe