CHIDZIDZO 20
Magwaro Anyatsosumwa
MAGWARO anopa hwaro hwokudzidzisa kunoitwa pamisangano yedu yeungano. Magwaro eBhaibheri musimbotiwo wezvatinotaura mubasa romumunda. Asi kuti iwaya achabatsira zvakadini pakukurukura kwedu zvinoenderana nokuti asumwa zvinobudirira zvakadini.
Zvakawanda zvinodiwa kupfuura kungotaura rugwaro ndokukumbira mumwe munhu kuti aruverenge pamwe newe. Pakusuma rugwaro, edza kuita zvinhu zviviri: (1) Ita kuti munhu atarisire, uye (2) ratidza chikonzero chokushandisa rugwaro rwacho. Zvinangwa izvi zvinogona kuitwa nenzira dzakasiyana-siyana.
Bvunza Mubvunzo. Izvi zvinoshanda kwazvo kana mhinduro yacho isiri pachena kare kuvateereri vako. Edza kuumba mubvunzo wacho nenzira inoita kuti vanhu vafunge. Jesu akazviita. VaFarisi pavakaenda kwaari ari mutemberi ndokumuedza pachena manzwisisiro aaiita Magwaro, Jesu akavabvunza kuti: “Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani?” Vakati: “WaDhavhidhi.” Jesu akabva abvunza kuti: “Zvino, Dhavhidhi pakufuridzirwa anomuti ‘Ishe,’ sei?” Adaro akabva atora mashoko ari paPisarema 110:1. VaFarisi havana kuzomboti bufu. Zvisinei, mapoka evanhu akateerera Jesu achifara.—Mat. 22:41-46.
Mubasa romumunda, ungashandisa mibvunzo yokusuma yakadai seinotevera: “Imi neni tine mazita edu. Mwari ane zita rakewo here? Tinogona kuwana mhinduro pana Pisarema 83:18.” “Kuchazombova nehurumende imwe chete yevanhu vose here? Onai kuti izvi zvinopindurwa sei pana Dhanieri 2:44.” “Bhaibheri rinotaura chaizvoizvo nezvezviri kuitika mumazuva ano here? Enzanisa zvinotaurwa pana 2 Timoti 3:1-5 nezvinhu zvaunotoziva.” “Pachazombova nomugumo wokutambura norufu here? Mhinduro yeBhaibheri inogona kuwanikwa pana Zvakazarurwa 21:4, 5.”
Pahurukuro, kushandisa mibvunzo zvakanaka kusuma magwaro kunogona kuita kuti vateereri vako vaone magwaro nenzira itsva, kunyange aya avanoziva. Asi vachadaro here? Izvozvo zvingaenderana nokuti mibvunzo yaunobvunza ine chokuita navo zvechokwadi here kana kuti kwete. Kunyange kana hurukuro yacho ine chokuita nevateereri, pfungwa dzavo dzingambeya-mbeya paunenge uchiverenga magwaro avakanzwa kakawanda. Kuti izvozvo zvisaitike, unofanira kufunga nezvenyaya yacho zvakakwana kuti kukurukura kwako kunakidze.
Taura Nezvechinetso. Ungataura nezvechinetso wobva wasuma rugwaro runopa mushonga. Usaite kuti vateereri vatarisire zvinopfuura zvavachawana. Kazhinji rugwaro runongopa chikamu chemhinduro. Zvisinei, ungakumbira vateereri kufungisisa, kuti runopa nhungamiro ipi pakutarisana nechinetso chacho, paunenge uchiverenga rugwaro rwacho.
Ungataurawo nhungamiro yezvinodiwa naMwari wobva washandisa nhau yomuBhaibheri kufananidzira uchenjeri hwokuitevera. Kana rugwaro rune pfungwa mbiri (kana kuti kupfuura) dzakananga dzine chokuita nezviri kutaurwa, vamwe vakurukuri vanokumbira vateereri kutarisira kudziona. Kana chinetso chichiratidza kuti chakaoma zvikuru kune vamwe vateereri, ungavaita kuti vafunge nokutaura zvinhu zvinoverengeka zvinogona kuitwa woita kuti rugwaro nokushanda kwarwo zvipe mhinduro.
Taura Kuti Bhaibheri Ndiro Chiremera. Kana watoita kuti nyaya yako ifarirwe uye wataura pfungwa imwe kana dzinopfuura nezvayo, ungasuma rugwaro nokungotaura kuti: “Ona kuti Shoko raMwari rinotii papfungwa iyi.” Izvi zvinoratidza kuti nei mashoko auri kuzoverenga ane chiremera.
Jehovha akashandisa vanhu vakadai saJohani, Ruka, Pauro, naPetro kunyora zvikamu zveBhaibheri. Asi vaingova vanyori; Jehovha ndiye Muridzi. Kusuma rugwaro uchiti: “Petro akanyora kuti” kana kuti “Pauro akati” hakungavi nesimba rakafanana nokusuma kunoratidza rugwaro rwacho kuti ishoko raMwari, zvikurukuru kana uchitaura nevanhu vasiri vadzidzi veMagwaro Matsvene. Zvinokosha kuona kuti mune zvimwe zviitiko, Jehovha akarayira Jeremia kusuma zvaaizotaura achiti: “Inzwai shoko raJehovha.” (Jer. 7:2; 17:20; 19:3; 22:2) Tingave tichishandisa zita raJehovha kana kuti kwete pakusuma magwaro, tisati tapedza kukurukura kwedu, tinofanira kuedza kuonesa kuti zviri muBhaibheri ishoko raMwari.
Funga Zvaiitika Pakataurwa Mashoko Acho. Paunenge uchisarudza nzira yokusuma nayo rugwaro, unofanira kuziva zvaiitika pakataurwa mashoko acho. Mune zvimwe zviitiko ungataura zvakananga zvaiitika; asi zvingadzorawo mune dzimwe nzira zvaunotaura. Somuenzaniso, ungasuma mashoko aJobho aitya Mwari sezvawaizoita mashoko akataurwa nomumwe wevanyaradzi vake venhema here? Bhuku raMabasa rakanyorwa naRuka, asi pakati pevamwe, anotora mamwe emashoko ake kuna Jakobho, Petro, Pauro, Firipi, Stefani, uye ngirozi, pamwe naGamarieri nevamwe vaJudha vakanga vasiri vaKristu. Uchataura kuti mashoko awataura akataurwa naani? Somuenzaniso, ziva kuti haasi mapisarema ose akanyorwa naDhavhidhi uye kuti bhuku raZvirevo harina kunyorwa rose naSoromoni. Zvinobatsirawo kuziva kuti munyori weBhaibheri aitaura kunaani uye kuti inyaya yei yakanga ichitaurwa nezvayo.
Shandisa Mashoko Ezvakamboitika. Izvi zvinonyatsoshanda kana ukagona kuratidza kuti zvakanga zvichiitika panguva yenyaya yomuBhaibheri iyoyo zvakafanana nezvauri kukurukura. Mune zvimwe zviitiko zvakanga zvichiitika zvinodiwa kuti unzwisise rugwaro rwakati. Somuenzaniso, kudai waizoshandisa VaHebheru 9:12, 24 muhurukuro yorudzikinuro, ungazviwana zvakakodzera kutanga watsanangura zvishomanana nezvekamuri romukati-kati metebhenekeri, iro rinonzi nemagwaro rinoratidza nzvimbo yakapindwa naJesu paakakwira kudenga. Asi usawanze mashoko ezvaiitika zvokuti zvinozodzikatidza rugwaro rwauri kusuma.
Kuti uvandudze nzira yaunosuma nayo magwaro, ongorora zvinoitwa nevakurukuri vave noruzivo. Ona nzira dzakasiyana-siyana dzavanoshandisa. Ongorora kubudirira kwenzira idzi. Pakugadzirira hurukuro dzako, ziva magwaro anokosha, wofungisisa kuti rugwaro rumwe norumwe runofanira kushandiswa kuitei. Nyatsoronga kusumwa kworumwe norumwe zvokuti ruchashandiswa nenzira inonyatsobudirira. Gare gare, wedzera kushandisa izvi pamagwaro ose aunoshandisa. Nzira iyi yokukurukura kwako sezvainowedzera, unenge uchiwedzera kuisa pfungwa dzako paShoko raMwari.