CHIDZIDZO 19
Kushandisa Bhaibheri Kwakurudzirwa
CHIDO chedu ndechokuti munhu wose aone zvinotaura Bhaibheri, Shoko raMwari. Bhuku dzvene iroro ndiro musimboti weshoko ratinoparidza, uye tinoda kuti vanhu vazive kuti zvatinotaura, hazvisi zvomumusoro medu, asi zvinobva kuna Mwari. Vanhu vanofanira kuva nechivimbo neBhaibheri.
Muushumiri Hwomumunda. Paunogadzirira ushumiri hwomumunda, nguva dzose sarudza rugwaro rumwe chete kana kuti maviri kuti uzoverengera vanhu vanoda havo kuteerera. Kunyange kana uchironga kuita mharidzo pfupi yokugovera bhuku reBhaibheri, zvinobatsira kuverenga rugwaro rweBhaibheri rwakakodzera. Bhaibheri rine simba rokutungamirira vanhu vakaita semakwai kudarika chinhu chose chatingataura isu pachedu. Pazvisingabviri kuita zvokuverenga muBhaibheri chaizvoizvo, ungasarudza kutaura mashoko anobva mariri. Muzana remakore rokutanga, mipumburu yeMagwaro yakanga isingawanikwi zvikuru. Asi Jesu nevaapostora vake vaitaura zvizhinji kwazvo zvaibva muMagwaro. Nesuwo tinofanira kuedza kuisa mumusoro magwaro toashandisa zvakakodzera muushumiri hwedu, pane dzimwe nguva kungotaura mashoko acho chete.
Paunenge uchikwanisa kuverenga Bhaibheri, ribate zvokuti saimba anogonawo kuverengerana newe. Kana saimba akaverengawo achishandisa Bhaibheri rake, zvaanoita pane zvaanoverenga zvingatova zvinokurudzira.
Zvisinei, unofanira kuziva kuti vamwe vashanduri veBhaibheri vakaita zvavanoda neShoko raMwari. Shanduro dzavo dzingasava dzakafanana muzvinhu zvose pane zvaiva mumitauro yakashandiswa kunyora Bhaibheri pakutanga. Shanduro dzakati wandei dzemazuva ano dzakabvisa zita raMwari, dzakadzimaidza zvinotaura mashoko omutauro wakatanga kushandiswa pamusoro pezvakaita vakafa, uye dzakavanza zvinotaura Bhaibheri pamusoro pechinangwa chaMwari chepasi. Kuti uratidze munhu zvakaitwa, ungafanira kuenzanisa magwaro anokosha uchishandisa maBhaibheri akasiyana-siyana kana kuti shanduro dzekare mumutauro mumwe chete. Panyaya dzakasiyana-siyana, bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro rinoenzanisa mashandurirwo akaitwa mashoko anokosha endima dzinowanzoshandiswa mushanduro dzakasiyana-siyana. Chero ani zvake anoda chokwadi achafara kuwana zivo yakadaro.
Pamisangano Yeungano. Vanhu vose vanofanira kukurudzirwa kushandisa maBhaibheri avo pamisangano yeungano. Izvi zvinoguma nezvakanaka munzira dzakati wandei. Zvinobatsira kuti vateereri varambe vachiteerera zviri kukurukurwa. Zvinowedzera kusimbisa murayiridzo uri kukurukurwa nomukurukuri nokuita zvokuuona. Uye zvinoroverera mupfungwa dzevanhu vachangotanga kufarira kuti muBhaibheri ndimo chaizvoizvo munobva zvatinotenda zvose.
Kuti avo vari kuteerera vanonyatsotevera kuverenga kwako ndima dzeMagwaro mumaBhaibheri avo zvichaenderana zvikurukuru nokuti wavakurudzira zvakadini. Kuvakoka zvakananga ndiyo imwe yenzira dzakanakisisa.
Zviri kwauri iwe mukurukuri, kuti indima dzipi dzaunoda kusimbisa nokuita kuti vateereri vadzitarire. Zvakanaka ndezvokuverenga magwaro achakubatsira kutsanangura pfungwa dzako huru. Zvadaro, maererano nenguva iripo, wedzera mamwe mashomanana anotsigira zvauri kutsanangura.
Chokwadi ndechokuti kungotaura rugwaro rwacho kana kuti kungokumbira vateereri kutarira rugwaro, kazhinji hazvina kukwana. Vateereri vachakurumidza kuora mwoyo vorega kuedza kuverenga newe Bhaibheri, kana ukaverenga rugwaro rumwe chete woenda kune rumwe ivo vasati vatombowana rwokutanga. Tarisisa. Kana vazhinji vawana rugwaro rwacho, chiruverenga.
Fanofunga. Taura rugwaro rwako paine nguva usati wave kuruverenga. Izvi zvichaderedza kuzorasikirwa nenguva uchimirira vateereri kuti varuwane. Kunyange zvazvo uchizokurukura mashoko mashoma kana ukamirira kuti vateereri vawane magwaro, kubatsira kwacho kuchaita kuti zvive zvakafanira.