RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 12 p. 20
  • Chii Chinoitika Parufu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinoitika Parufu?
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Madzitateguru Edu Ari Kupi?
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Unofanira Kutya Vakafa Here?
    Mukai!—2009
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 12 p. 20

CHIDZIDZO 12

Chii Chinoitika Parufu?

Rufu kusiyana noupenyu. Rufu rwakafanana nehope huru. (Johani 11:11-14) Vakafa havagoni kunzwa, kuona, kutaura, kana kufunga chimwe chinhu. (Muparidzi 9:5, 10) Chitendero chenhema chinodzidzisa kuti vakafa vanoenda kunyika yemidzimu kuti vanogara namadzitateguru avo. Izvozvo handizvo zvinodzidziswa neBhaibheri.

Jesu anomutsa mwanasikana waJairosi

Vakafa havagoni kutibatsira, uye havagoni kutikuvadza. Zvakajairika kuti vanhu vaite zvetsika nokupa zvibayiro zvavanotenda kuti zvichafadza vakafa. Izvi hazvifadzi Mwari nokuti zvakavakirwa pane imwe yenhema dzaSatani. Uyewo hazvifadzi vakafa, nokuti havana upenyu. Hatifaniri kutya kana kunamata vakafa. Tinofanira kunamata Mwari chete.—Mateu 4:10.

Vakafa vachararamazve. Jehovha achamutsira vakafa kuupenyu muparadhiso yapasi. Nguva iyoyo ichiri mberi. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Jehovha anogona kumutsa vakafa kungofanana namamutsiro aungaita munhu akarara.—Mako 5:22, 23, 41, 42.

Pfungwa yokuti hatifi inhema dzakaparadzirwa naSatani Dhiyabhorosi. Satani namadhimoni ake vanoita kuti vanhu vafunge kuti midzimu yavakafa mipenyu uye kuti inokonzera zvirwere nezvimwe zvinetso. Satani anonyengedza vanhu, pane dzimwe nguva achishandisa kurota uye zviratidzo. Jehovha anopa mhosva vanoedza kutaura navakafa.—Dheuteronomio 18:10-12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe