RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gf chidzidzo 11 pp. 18-19
  • Ramba Chitendero Chenhema!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Chitendero Chenhema!
  • Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
  • Mashoko Akafanana
  • Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!
    Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!
  • Mwari Anofadzwa Nemachechi Ose Here?
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Kubuda Murudzidziso Rwenhema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
gf chidzidzo 11 pp. 18-19

CHIDZIDZO 11

Ramba Chitendero Chenhema!

Satani namadhimoni ake havadi kuti ushumire Mwari. Vanoda kutsausa munhu wose kubva kuna Mwari kana vachigona. Vanoedza sei kuita izvi? Imwe nzira ndeyokushandisa chitendero chenhema. (2 VaKorinde 11:13-15) Chitendero ndechenhema kana chisingadzidzisi chokwadi chinobva muBhaibheri. Chitendero chenhema chakafanana nemari yokunyepedzera—ingaratidzika semari chaiyo, asi isingakoshi. Inogona kukukonzera matambudziko akawanda.

Murume nemudzimai vachinyengetera muchechi

Nhema dzechitendero hadzingambofadzi Jehovha, Mwari wechokwadi. Jesu paakanga ari pasi pano, pakanga pane boka revanhu vechitendero vaida kumuuraya. Vaifunga kuti nzira yavo yokunamata ndiyo yaiva yakarurama. Vakati: “Tina Baba vamwe chete, Mwari.” Jesu akabvuma here? Aiwa! Akati kwavari: “Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi.” (Johani 8:41, 44) Nhasi vanhu vakawanda vanofunga kuti vari kunamata Mwari, asi chaizvoizvo vari kunamata Satani namadhimoni ake!—1 VaKorinde 10:20.

Kungofanana nomuti wakaora unobereka michero yakaipa, chitendero chenhema chinobereka vanhu vanoita zvakaipa. Nyika yakazara nenhamo nemhaka yezvinhu zvakaipa zvinoitwa navanhu. Kune unzenza, kurwisana, kuba, kudzvinyirira, kuponda, uye kubata chibharo. Vakawanda vanoita zvinhu izvi zvakaipa vane chitendero, asi chitendero chavo hachivaiti kuti vaite zvakanaka. Havangavi shamwari dzaMwari kutoti vakarega kuita zvinhu zvakaipa.—Mateu 7:17, 18.

Chitendero chenhema chinodzidzisa vanhu kuti vanyengetere kuzvidhori. Mwari anoti tisanyengetere kuzvidhori. Izvi zvinonzwisisika. Ungazvida here kana mumwe munhu asingambotauri newe asi achingotaura nomufananidzo wako chete? Munhu iyeye angava shamwari yako yechokwadi here? Aiwa, haangambovi. Jehovha anoda kuti vanhu vataure naye, kwete kuchinhu chakavezwa kana mufananidzo, usina upenyu.—Eksodho 20:4, 5.

Masoja ane pfuti

Chitendero chenhema chinodzidzisa kuti zvakarurama kuuraya vamwe munguva yehondo. Jesu akataura kuti shamwari dzaMwari dzaizodanana. Hatiurayi vanhu vatinoda. (Johani 13:35) Zvakatoipawo kuti tiuraye vanhu vakaipa. Pakauya vavengi vaJesu kuzomusunga, haana kubvumira vadzidzi vake kuti vamurwire.—Mateu 26:51, 52.

Chitendero chenhema chinodzidzisa kuti vakaipa vachatambura mumoto wehero. Asi, Bhaibheri rinodzidzisa kuti chivi chinotungamirira kurufu. (VaRoma 6:23) Jehovha ndiMwari worudo. Mwari ane rudo angatambudza vanhu nokusingaperi here? Chokwadika kwete. MuParadhiso, kuchave nechitendero chimwe chete, chinobvumirwa naJehovha. (Zvakazarurwa 15:4) Zvitendero zvose zvakavakirwa panhema dzaSatani zvinenge zvisisipo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe