Chitsauko 28
Paradhiso Inodzorerwa!
1. Nei zvitendero zvizhinji zvichipa tariro youpenyu muparadhiso?
“KUPANGA paradhiso ndiko kumwe kwokupanga kwakasimba zvikuru kunoratidzika sokusingabvi mupfungwa dzavanhu. Kungangova ndiko kwakasimba uye kusinganeti pane kumwe kwose. Pane uchapupu hwokusuva paradhiso kwakati kuti paupenyu hwose hwechitendero.” Rinodaro The Encyclopedia of Religion. Kupanga kwakadaro kunongova kwokuzvarwa nakwo, sezvo Bhaibheri richitiudza kuti upenyu hwevanhu hwakatangira muParadhiso—bindu rakanaka kwazvo raiva risina hosha norufu. (Genesi 2:8-15) Hazvishamisi kuti zvitendero zvizhinji zvenyika zvinopa tariro youpenyu hwomunguva yemberi muparadhiso yorumwe rudzi rwakati.
2. Ndokupi kwatingawana tariro yechokwadi yeParadhiso yomunguva yemberi?
2 Munzvimbo zhinji dzeBhaibheri, tinogona kurava nezvetariro yechokwadi yeParadhiso yomunguva yemberi. (Isaya 51:3) Somuenzaniso, chikamu chouprofita hwaIsaya chakanyorwa muIsa chitsauko 35 chinorondedzera kushandurwa kwesango kuva mapaka akaita sebindu neminda inobereka zvibereko. Mapofu achiona, mbeveve dzichigona kutaura, uye matsi dzichigona kunzwa. MuParadhiso yakapikirwa iyi, hamuna nhamo kana kugomera, zvinoratidza kuti kunyange rufu hakuchina. Chipikirwa chinoshamisa sei! Mashoko aya anofanira kunzwisiswa sei? Anotipa tariro here isu nhasi? Kuongorora chitsauko chino chaIsaya kuchapa mhinduro yemibvunzo iyi.
Dongo Rinofara
3. Maererano nouprofita hwaIsaya, zvii zvichashanduka panyika?
3 Uprofita hwaIsaya hwakafuridzirwa hweParadhiso ichadzorerwa hunotanga nemashoko aya: “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva. Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarmeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.”—Isaya 35:1, 2.
4. Nyika yokumusha kwevaJudha inoita serenje rini uye sei?
4 Isaya anonyora mashoko aya rinenge gore ra732 B.C.E. Anenge makore 125 gare gare, vaBhabhironi vanoparadza Jerusarema uye vanhu venyika yeJudha vanotapwa. Nyika yokumusha kwavo inosiyiwa isina unogara, yava dongo. (2 Madzimambo 25:8-11, 21-26) Nenzira iyi nyevero yaJehovha yokuti vanhu vaIsraeri vaizotapwa kana vaisazova vakatendeka inozadzika. (Dheuteronomio 28:15, 36, 37; 1 Madzimambo 9:6-8) Apo rudzi rwavaHebheru runova nhapwa munyika yokumwe, minda yavo inonyatsodiridzwa neminda yemichero zvinosara zvisina anotarisira kwemakore 70 uye zvinoita serenje.—Isaya 64:10; Jeremia 4:23-27; 9:10-12.
5. (a) Mamiriro akaita seeparadhiso anodzorerwa sei kunyika yacho? (b) Vanhu vanoona “kunaka kukuru kwaJehovha” mupfungwai?
5 Zvisinei, uprofita hwaIsaya hunofanotaura kuti nyika yacho haizogari iri dongo nokusingaperi. Ichadzorerwa pakuda kuita separadhiso chaiyo. “Kunaka kukuru kweRebhanoni” no“ukomba hweKarmeri neSharoni” ichazvipiwa.a Sei? Pakudzoka kwavo kwavakatapwa, vaJudha vanokwanisa kurima zvekare nokudiridza minda yavo, uye nyika yavo inodzokera kukubereka kukuru kwayaimboita kare. Nokuda kweizvi, mbiri inogona kuenda kuna Jehovha bedzi. Kuri nokuda kwake nokutsigira kwake nechikomborero chake kuti vaJudha vasvike pakuva nemamiriro ezvinhu akafanana neparadhiso akadaro. Vanhu vanokwanisa kuona “kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari” wavo pavanobvuma kushanda kwaJehovha mukushandurwa kunoshamisa kwenyika yavo.
6. Kuzadzika kupi kunokosha kwemashoko aIsaya kunoonekwa?
6 Kunyange zvakadaro, munyika yakadzorerwa yeIsraeri, mune kuzadzika kunokosha kupfuura apa kwemashoko aIsaya. Mupfungwa yomudzimu, Israeri yave iri mumamiriro okuomerwa, kuita segwenga kwemakore akawanda. Apo nhapwa dzakanga dziri muBhabhironi, kunamata kwakachena kwakanga kuchirambidzwa zvachose. Kwakanga kusina temberi, kusina atari, uye kusina upristi hwakarongwa. Zvibayiro zvezuva nezuva zvakamiswa. Zvino, Isaya anoprofita kushanduka kwezvinhu. Mukutungamirira kwevarume vakadai saZerubhabheri, Ezra, naNehemia, vamiririri vanobva mundudzi dzose 12 dzaIsraeri vanodzokera kuJerusarema, vonovakazve temberi, vonamata Jehovha vakasununguka. (Ezra 2:1, 2) Iyi zvechokwadi iparadhiso yomudzimu!
Pisai Nomudzimu
7, 8. Nei nhapwa dzechiJudha dzichifanira kufunga zvine tariro, uye mashoko aIsaya anopa sei kurudziro?
7 Mashoko echitsauko 35 chaIsaya anoratidza mufaro. Muprofita ari kuzivisa nguva yemberi ine tariro nokuda kworudzi runopfidza. Zvechokwadi, anotaura achiratidza kuva nechokwadi uye chivimbo. Mazana maviri emakore gare gare, pedyo nokudzorerwa kwavo, vaJudha vakatapwa vanoda kuva nechokwadi netariro zvakafanana. Achishandisa Isaya, Jehovha anovarayira nenzira youprofita kuti: “Simbisai maoko asina simba, mutsigire mabvi anodedera. Itii kune vane mwoyo inotya: Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu uchauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; uchauya achikuponesai.”—Isaya 35:3, 4.
8 Mugumo wokutapwa kwenguva refu inguva yechiito. Mambo Koreshi wePersia, chishandiso chaJehovha chokutsiva Bhabhironi, azivisa kuti kunamata Jehovha kuchadzorerwa muJerusarema. (2 Makoronike 36:22, 23) Zviuru zvemhuri dzechiHebheru zvinofanira kurongwa kuti zviite rwendo rune ngozi rwokubva Bhabhironi kuenda Jerusarema. Pavanosvika ikoko, vachafanira kuvaka pokugara pakakwana nokugadzirira basa guru rokuvakazve temberi neguta racho. Kune vamwe vaJudha vari muBhabhironi, izvi zvose zvingaratidzika sezvisingabviri. Zvisinei, haisi nguva yokusava nesimba kana kuzeza. VaJudha vanofanira kusimbisana nokuvimba naJehovha. Anovavimbisa kuti vachaponeswa.
9. Chipikirwa chei chakaisvonaka chinopiwa vaJudha vari kudzoka?
9 Avo vachasunungurwa pakutapwa muBhabhironi vachave nechikonzero chakanaka chokufara, nokuti nguva yemberi inofadza yakavamirira pavachadzokera kuJerusarema. Isaya anofanotaura kuti: “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.”—Isaya 35:5, 6a.
10, 11. Nokuda kwevaJudha vari kudzoka, nei mashoko aIsaya achifanira kuva nezvaanoreva zvomudzimu, uye anoratidzei?
10 Sezviri pachena Jehovha ari kufunga nezvemamiriro ezvinhu zvomudzimu evanhu vake. Vakarangwa nemakore 70 okutapwa nokuda kwokuramba kwavo kutenda kwakapfuura. Kunyange zvakadaro, mukuranga kwake, Jehovha haana kurova vanhu vake noupofu, kuvaita matsi, kuvaremadza, nokuvaita mbeveve. Saka, kudzorera rudzi rwaIsraeri hakudi kuporesa urema hwomuviri. Jehovha anodzorera zvakarasika zvacho, ndiko kuti, utano hwomudzimu.
11 VaJudha vanopfidza vanoporeswa mukuti vanowanazve pfungwa dzavo dzomudzimu—kuona kwavo kwomudzimu nokukwanisa kunzwa, kuteerera, nokutaura shoko raJehovha. Vanotanga kuziva kudikanwa kwokuti vagare pedyo naJehovha. Nomufambiro wavo wakanaka, va“chaimba” vachirumbidza nomufaro Mwari wavo. Aimbo“kamhina” anotanga kuva nechido nesimba mukunamata kwake Jehovha. Nenzira yokufananidzira, acha“kwakuka senondo.”
Jehovha Anozorodza Vanhu Vake
12. Jehovha achakomborera nyika yacho nemvura zvakadini?
12 Zvakaoma kufungidzira paradhiso isina mvura. Paradhiso yepakuvamba muEdheni yakanga ine mvura kwazvo. (Genesi 2:10-14) Nyika yakapiwa Israeri yakanga iriwo “nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo.” (Dheuteronomio 8:7) Saka, nenzira yakakodzera, Isaya anoita chipikirwa ichi chinozorodza: “Nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango. Jecha, rinopisa, richashanduka dziva, nevhu, rine nyota, zvitubu zvemvura; paugaro hwamakava, paaivata, pachava nouswa, netsanga nenhokwe.” (Isaya 35:6b, 7) VaIsraeri pavanotarisira nyika yacho zvekare, nzvimbo dzakaita renje dzaimbomberereka makava dzichamera uswa, miti yakasvibira. Pasi pakaoma panopfumbuka huruva pachashandurwa kuva panokura “nhokwe,” nedzimwe tsanga dzomumvura.—Jobho 8:11.
13. Imvura ipi yomudzimu yakawanda ichavapo kurudzi rwakadzorerwa?
13 Zvisinei, chinokosha zvikuru, imvura yomudzimu yechokwadi, iyo vaJudha vakadzorerwa vachawana yakawanda. Jehovha achagovera zivo, kurudziro, uye nyaradzo neShoko rake. Uyezve, varume vakuru vakatendeka nemachinda vachava “senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma.” (Isaya 32:1, 2) Avo vanotsigira kunamata kwakachena, vakadai saEzra, Hagai, Jeshua, Nehemia, Zekaria, Zerubhabheri, vachava zvechokwadi uchapupu hunooneka hwokuzadzika kwouprofita hwaIsaya.—Ezra 5:1, 2; 7:6, 10; Nehemia 12:47.
“Nzira Youtsvene”
14. Rondedzera mafambiro okubva Bhabhironi kuenda Jerusarema.
14 Zvisinei, vaJudha vakatapwa vasati vagona kuwana mamiriro ezvinhu akadaro eparadhiso chaiyo neyomudzimu, vachafanira kuita rwendo rurefu rune ngozi kubva Bhabhironi kuenda Jerusarema. Kudimbudzira kunoreva kufamba makiromita anenge 800 egwenga zvaro risina chinhu rakaoma. Nzira iri nyore inoda kufamba makiromita 1 600. Nzendo dzacho dzose dzaizoreva kupedza mwedzi yakati vachitambura nemamiriro okunze uye vari mungozi yokusangana nezvikara zvomusango nevanhu vakaita sezvikara. Kunyange zvakadaro, avo vanotenda uprofita hwaIsaya havasi kunyanya kushushikana. Nei?
15, 16. (a) Jehovha anopa dziviriro yei vaJudha vakatendeka murwendo rwavo rwokudzokera kumusha? (b) Muimwe pfungwai umo Jehovha anogovera mugwagwa wakachengeteka nokuda kwevaJudha?
15 Achishandisa Isaya, Jehovha anopikira kuti: “Ipapo pachava nomugwagwa, nenzira, ichanzi, Nzira youtsvene; une tsvina haangafambi nayo, asi ichava yavo; vanofamba nayo, kunyange ari mapenzi, havangarashiki; hapangavi neshumba, kunyange nechikara hachingafambipo; hazvingawanikwipo, asi vakadzikinurwa ndivo vachafambapo.” (Isaya 35:8, 9) Jehovha adzikinura vanhu vake! Ndivo “vakadzikinurwa” vake, uye anovavimbisa kuchengeteka munzira yavo kudzokera kumusha. Pane nzira chaiyo yakagadzirwa, yakakwirira, uye yakakomberedzwa here kubva Bhabhironi kuenda kuJerusarema? Aiwa, asi kudzivirira kwaJehovha vanhu vake parwendo rwavo ndekwechokwadi kwazvo zvokuti vanoita sokuti vari mumugwagwa wakadaro.—Enzanisa nePisarema 91:1-16.
16 VaJudha vakadzivirirwawo pangozi dzomudzimu. Mugwagwa wokufananidzira i“Nzira youtsvene.” Avo vanozvidza zvinhu zvitsvene kana kuti vasina kuchena mumudzimu havangafambi mairi. Havadikanwi munyika yakadzorerwa. Vanotenderwa vane vavariro dzakanaka. Havasi kudzokera kunyika yeJudha neJerusarema vachidada nedzinza ravo kana kuti nokuda kwokutsvaka zvido zvavo. VaJudha vanofunga zvomudzimu vanoona kuti chikonzero chikuru chokudzokera kwavo ndechokunotangazve kunamata Jehovha kwakachena munyika iyoyo.—Ezra 1:1-3.
Vanhu vaJehovha Vanofara
17. Uprofita hwaIsaya hwakanyaradza sei vaJudha vakatendeka munguva yokuva nhapwa kwavo kwenguva refu?
17 Chitsauko 35 chouprofita hwaIsaya chinoguma nenzira inofadza: “Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachasvika Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo; vachawana mufaro nomwoyo muchena, kuchema nokusuwa kuchatiza.” (Isaya 35:10) Nhapwa dzechiJudha dzakatarira kuuprofita uhwu nokuda kwenyaradzo netariro munguva yokuva nhapwa kwadzo dzingave dzakashamisika kuti mashoko ahwo ose akazara akasiyana-siyana aizozadzika rini. Pamwe hadzina kunzwisisa zvakawanda zvouprofita hwacho. Kunyange zvakadaro, zvave zviri pachena kuti dzaizo“dzoka, [dzichi]svika Zioni.”
18. Nhamo nokugomera muBhabhironi zvinotsiviwa nokurumbidza nokufara munyika yadzorerwa munzirai?
18 Saka, mugore ra537 B.C.E., varume vanenge 50 000 (kusanganisira varanda vanopfuura 7 000) pamwe chete nevakadzi nevana vanoita rwendo rwemwedzi mina rwokudzokera kuJerusarema, vachivimba zvakakwana naJehovha. (Ezra 2:64, 65) Mwedzi mishomanene gare gare, atari yaJehovha inovakwazve, richiva danho rokutanga rokuvakazve temberi yacho yose. Uprofita hwaIsaya hwave nemakore 200 hunozadzika. Nhamo nokugomera zvorudzi rwacho ruri muBhabhironi zvinotsiviwa nokurumbidza nokufara munyika yakadzorerwa. Jehovha azadzika chipikirwa chake. Paradhiso—chaiyoiyo neyomudzimu—yadzorerwa!
Kuberekwa Kworudzi Rutsva
19. Nei zvichifanira kunzi kuzadzika kwouprofita hwaIsaya kunongova kuduku muzana remakore rechitanhatu B.C.E.?
19 Chokwadi, muzana remakore rechitanhatu B.C.E., kuzadzika kwechitsauko 35 chaIsaya hakuitiki kwose. Mamiriro ezvinhu eparadhiso anowanikwa nevaJudha vakadzoka haagari nguva refu. Nokufamba kwenguva, dzidziso dzechitendero chenhema nourudzi zvinosvibisa kunamata kwakachena. Nenzira yomudzimu, vaJudha vanoona nhamo nokugomera zvekare. Jehovha pakupedzisira anovaramba sevanhu vake. (Mateu 21:43) Nemhaka yokusateererazve, kufara kwavo hakusi kwechigarire. Zvose izvi zvinotungamirira kukumwe kuzadzika kukuru kwechitsauko 35 chaIsaya.
20. NdiIsraeri mutsva upi akavapo muzana remakore rokutanga C.E.?
20 Munguva yaJehovha yakakodzera, mumwe Israeri, womudzimu, akavapo. (VaGaratiya 6:16) Jesu akatangisa kuberekwa kwaIsraeri mutsva uyu munguva youshumiri hwake pano pasi. Akadzorera kunamata kwakachena, uye nedzidziso dzake, mvura yechokwadi yakatanga kuyerera zvekare. Akaporesa vairwara, zvose munyama nomumudzimu. Kuimba kwomufaro kwakabuda sezvo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari akaziviswa. Vhiki nomwe pashure pokufa kwake nokumutswa, Jesu akapiwa mbiri akavamba ungano yechiKristu, Israeri womudzimu akaumbwa nevaJudha nevamwe vakadzikinurwa neropa rake rakadeurwa, vakaberekwa sevanakomana vomudzimu vaMwari uye hama dzaJesu, uye vakazodzwa nomudzimu mutsvene.—Mabasa 2:1-4; VaRoma 8:16, 17; 1 Petro 1:18, 19.
21. Pamusoro peUngano yechiKristu yomuzana rokutanga remakore, zviitiko zvipi zvingaonekwa sokuzadzika kwezvimwe zvinhu zvouprofita hwaIsaya?
21 Paakanga ari kunyorera nhengo dzaIsraeri womudzimu, muapostora Pauro akataura nezvemashoko echitsauko 35:3 chaIsaya nokutaura kuti: “Twasanudzai maoko anorembera nemabvi asina simba.” (VaHebheru 12:12) Saka sezviri pachena, muzana rokutanga remakore C.E., kwakava nokuzadzika kwemashoko eChitsauko 35 chaIsaya. Jesu nevadzidzi vake vakaita sezvazviri chaizvo, vakaonesa mapofu nokuita kuti vasinganzwi vanzwe nenzira inoshamisa. Vakaita kuti vai‘kamhina’ vafambe uye mbeveve dzitaurezve. (Mateu 9:32; 11:5; Ruka 10:9) Chinotokosha zvikuru, vaiva nemwoyo yakarurama vakapukunyuka pachitendero chenhema uye vakasvika pakuva neparadhiso yomudzimu muungano yechiKristu. (Isaya 52:11; 2 VaKorinde 6:17) Kungofanana nezvakaitika kuvaJudha vaidzoka vachibva Bhabhironi, vakapona ava vakawana kuti mudzimu wakanaka, woushingi wakanga uchikosha.—VaRoma 12:11.
22. VaKristu vane mwoyo yakatendeseka, vaitsvaka chokwadi munguva dzino vakasvika sei pakuva nhapwa muBhabhironi?
22 Zvakadini nezuva redu? Uprofita hwaIsaya hune kumwe kuzadzika here, kumwe kwakakwana kunobatanidza ungano yechiKristu nhasi? Hungu. Vaapostora vafa, nhamba yevaKristu vakazodzwa vechokwadi yakaderera zvikuru, uye vaKristu venhema, “masora,” vakafashukira panyika. (Mateu 13:36-43; Mabasa 20:30; 2 Petro 2:1-3) Kunyange mukati mezana remakore rechi19, apo vanhu vane mwoyo yakatendeseka vakatanga kuzviparadzanisa nechiKristudhomu vachitsvaka kunamata kwakachena, kunzwisisa kwavo kwakaramba kwakasvibiswa nedzidziso dzisiri dzeMagwaro. Muna 1914, Jesu akagadzwa pachigaro saMambo Mesiya, asi nguva pfupi kubva ipapo, mamiriro ezvinhu akaratidza seaisava netariro kuvaitsvaka chokwadi nemwoyo yakatendeseka. Mukuzadzika kwouprofita, marudzi ‘akarwa navo akavakunda,’ uye kuedza kwevaKristu vemwoyo yakatendeseka ava kuparidza mashoko akanaka kwakavhiringwa. Chaizvoizvo, vakatapwa neBhabhironi.—Zvakazarurwa 11:7, 8.
23, 24. Munzira dzipi umo mashoko aIsaya akazadzika pakati pevanhu vaMwari kubva muna 1919?
23 Zvisinei, muna 1919, zvinhu zvakachinja. Jehovha akabudisa vanhu vake pakutapwa. Vakatanga kuramba dzidziso dzenhema dzakanga dzambokanganisa kunamata kwavo. Somugumisiro, vakaporeswa. Vakasvika pakuva muparadhiso yomudzimu, iyo kunyange nhasi iri kupfuurira kupararira munyika yose. Mupfungwa yomudzimu, mapofu ari kudzidza kuona uye matsi, kunzwa—vachisvika pakuchenjerera zvakakwana kushanda kwomudzimu mutsvene waMwari, vachigara vachiziva kudikanwa kwokugara pedyo naJehovha. (1 VaTesaronika 5:6; 2 Timoti 4:5) Vasisirizve mbeveve, vaKristu vechokwadi vane chido kwazvo choku“imba,” vachizivisa chokwadi cheBhaibheri kuvamwe. (VaRoma 1:15) Avo vakanga vasina kusimba mumudzimu, kana kuti vai“kamhina,” zvino vanoratidza kushingaira nomufaro. Nenzira yokufananidzira, vave kukwanisa ku“kwakuka senondo.”
24 VaKristu vakadzorerwa ava vanofamba ne“Nzira youtsvene.” “Nzira” iyi, inobuda muBhabhironi Guru ichipinda muparadhiso yomudzimu yakazaruka kuvanamati vose vakachena mumudzimu. (1 Petro 1:13-16) Vanogona kuvimba naJehovha kuti avadzivirire uye vova nechivimbo chokuti Satani haazobudiriri mukurwisa kwake kwoumhuka kuti abvise kunamata kwechokwadi. (1 Petro 5:8) Vanhu vasingateereri nevapi nevapi vanoita sezvikara zvomusango zvinoparadza havabvumirwi kusvibisa avo vari mumugwagwa woutsvene waMwari. (1 VaKorinde 5:11) Munzvimbo yakachengetedzwa iyi, vakadzikinurwa vaJehovha—vakazodzwa ne“mamwe makwai”—vanowana mufaro mukushumira Mwari bedzi wechokwadi.—Johani 10:16.
25. Pachava nokuzadzika chaikoiko here kwechitsauko 35 chaIsaya? Tsanangura.
25 Zvakadini nenguva yemberi? Uprofita hwaIsaya huchazombozadzika sezvahuri chaizvo here? Hungu. Kuporesa kunoshamisa kwakaitwa naJesu nevaapostora vake muzana rokutanga remakore kwakaratidza chido chaJehovha nokukwanisa kuita kuporesa kwakadaro pamwero mukuru munguva yemberi. Pisarema rakafuridzirwa rinotaura nezvoupenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu orugare pano pasi. (Pisarema 37:9, 11, 29) Jesu akapikira upenyu muParadhiso. (Ruka 23:43) Kubva kwokutanga kunosvika kubhuku raro rokupedzisira chairo, Bhaibheri rinopa tariro yeparadhiso chaiyoiyo. Panguva iyoyo, mapofu, matsi, nevanokamhina nembeveve vachaporeswa miviri yavo uye zvechigarire. Nhamo nokugomera zvichatiza. Kufara zvechokwadi kuchasvika kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.—Zvakazarurwa 7:9, 16, 17; 21:3, 4.
26. Mashoko aIsaya anosimbisa sei vaKristu nhasi?
26 VaKristu vechokwadi sezvavanomirira kudzorerwa kweParadhiso yepasi chaiyoiyo, kunyange zvino vane zvikomborero zveparadhiso yomudzimu. Vanotarisana nemiedzo nematambudziko vaine tariro. Nechivimbo chisingazununguki muna Jehovha, vanokurudzirana, vachiteerera zano rokuti: “Simbisai maoko asina simba, mutsigire mabvi anodedera. Itii kune vane mwoyo inotya: Simbai, musatya!” Vane chivimbo chakakwana muchipikirwa chouprofita chokuti: “Tarirai, Mwari wenyu uchauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; uchauya achikuponesai.”—Isaya 35:3, 4.
[Mashoko Omuzasi]
a Magwaro anorondedzera Rebhanoni rekare senyika yaibereka kwazvo ine masango akasvibira nemisidhari mikuru, kufanana neBindu reEdheni. (Pisarema 29:5; 72:16; Ezekieri 28:11-13) Sharoni raizikanwa nokuda kwehova dzaro nemasango emiouki; Karmeri raiva rakakurumbira nokuda kweminda yaro yemizambiringa, minda yemichero, nemateru anenge akawaridzwa maruva.
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 370]
[Mifananidzo iri papeji 375]
Nzvimbo dzakaita gwenga dzinova nzvimbo dzetsanga nenhokwe dzine mvura yakawanda
[Mufananidzo uri papeji 378]
Jesu akaporesa vairwara, zvose mumudzimu nomumuviri