RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ip-1 chits. 7 pp. 73-86
  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!
  • Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutarisira Munda Wemizambiringa
  • Munda Wemizambiringa Nomuridzi Wawo
  • Kuziva Munda waMwari Wemizambiringa Nhasi
  • ‘Mazambiringa Emusango’
  • Mubayiro Wokukara
  • Musungo Wekuvaraidza Kunomutsa Mibvunzo
  • Kuvenga Chivi Nokuda Chokwadi
  • Mufananidzo Wevashandi Vomumunda Wemizambiringa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mifananidzo Miviri Yeminda Yemizambiringa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Vanoratidzirwa Nemienzanisiro Yeminda Yemizambiringa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Vashandi Mumunda Wemizambiringa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
ip-1 chits. 7 pp. 73-86

Chitsauko 7

Nhamo Kumunda Wemizambiringa Usina Kutendeka!

Isaya 5:1-30

1, 2. “Mudiwa” anosimei, asi zvinoratidza sei kuti zvinoodza mwoyo?

“NOKUDA kwokurunga mutauro neunyanzvi hwapamusoro mukukurukurirana kunobudirira, muenzaniso uyu unenge usina unoenzana nawo.” Akataura kudaro mumwe mutsinhiri weBhaibheri achitaura nezvendima dzokutanga dzechitsauko 5 chaIsaya. Kupfuura kungova basa rounyanzvi, mashoko aIsaya anorondedzera zvakajeka rudo rwaJehovha kuvanhu vake. Panguva imwe chete, mashoko aya anotinyevera pamusoro pezvinhu zvisingamufadzi.

2 Mufananidzo waIsaya unotanga uchiti: “Ngandiimbire mudiwa wangu rwiyo rwomudiwa wangu pamusoro pomunda wake wemizambiringa. Mudiwa wangu waiva nomunda wemizambiringa pachikomo chakaorera; akautimba, akabvisa mabwe awo ose, akasimamo mizambiringa yakaisvonaka, akavaka shongwe mukati mawo, ndokucherawo chisviniro mukati mawo; zvino wakatarira kuti ubereke mazambiringa, asi wakabereka mazambiringa [“emusango,” NW].”—Isaya 5:1, 2; enzanisa naMako 12:1.

Kutarisira Munda Wemizambiringa

3, 4. Kutarisirai kworudo kunoitwa pamunda wemizambiringa?

3 Isaya angave achiita zvokuimbira vateereri vake chaizvo mufananidzo uyu kana kwete, zvechokwadi unovaita kuti vateerere. Vazhinji pamwe vanotoziva basa rokusima munda wemizambiringa, uye kurondedzera kwaIsaya kwakajeka uye ndekwechokwadi. Kufanana nevarimi vemazambiringa nhasi, muridzi wemunda wemizambiringa anosima, kwete mhodzi dzemazambiringa, asi “mizambiringa yakaisvonaka” kana kuti apamusoro—dzinde kana kuti bukira remumwe muzambiringa. Nenzira yakakodzera, anosima munda wemizambiringa uyu “pachikomo chakaorera,” nzvimbo apo munda wemizambiringa uchakura zvakanaka.

4 Panoitwa basa rakaoma kuti munda wemizambiringa ubereke. Isaya anorondedzera ku‘timba pasi kunoitwa nomuridzi achibvisa matombo’—ibasa rinofinha, rinonetesa sei! Pamwe anoshandisa matombo acho makuru ku“vaka shongwe.” Makarekare shongwe dzakadaro dzaishandiswa senzvimbo yokugara yomurindi aichengeta zvirimwa kuti zvisabiwa nokurinda mhuka.a Anovakawo rusvingo rwematombo achigadzira mihomba yemizambiringa yakati chechetere mugomo. (Isaya 5:5) Izvi zvaiwanzoitwa kudzivisa kuti ivhu rapamusoro rinokosha risakukurwa nemvura.

5. Muridzi anotarisirei nenzira yakafanira kumunda wemizambiringa uyu, asi anowanei?

5 Pashure pokushanda zvakaoma kudaro kuti achengete munda wake wemizambiringa, zvinonzwisisika kuti muridzi autarisire kuti uchaita zvibereko. Achitarisira kudaro anochera chisviniro. Asi goho riri kutarisirwa rinoitika here? Aiwa, munda wemizambiringa unobereka mazambiringa emusango.

Munda Wemizambiringa Nomuridzi Wawo

6, 7. (a) Ndiani muridzi wemunda wemizambiringa, uye munda wemizambiringa chii? (b) Kutongwa kworudzii uko muridzi anokumbira?

6 Muridzi wacho ndiani, uye munda wemizambiringa chii? Muridzi wemunda wemizambiringa anoratidza mhinduro dzemibvunzo iyi apo iye pachake anotaura kuti: “Zvino imi vagere Jerusarema navarume vaJudha, ndinokumbira kuti mutonge pakati pangu nomunda wangu wemizambiringa. Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa, chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka mazambiringa, wakagoberekerei mazambiringa [“emusango,” NW]. Zvino ndichakuudzai zvandichaita munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, [“uye unofanira kupiswa,” NW] udyiwe; ndichaputsa rusvingo rwawo, utsikwe.”—Isaya 5:3-5.

7 Hungu, Jehovha ndiye muridzi wemunda wemizambiringa, uye aita seazviisa mudare, achikumbira kuti iye nomunda wake wemizambiringa unoodza mwoyo vatongwe. Zvino munda wemizambiringa chii? Muridzi wacho anotsanangura kuti: “Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza.”—Isaya 5:7a.

8. Kudana Jehovha kunoita Isaya kuti “mudiwa wangu” kunorevei?

8 Isaya anodana Jehovha, muridzi wemunda wemizambiringa, kuti “mudiwa wangu.” (Isaya 5:1) Isaya anogona kutaura nezvaMwari noushamwari kudaro nemhaka bedzi yokunyatsowirirana Naye. (Enzanisa naJobho 29:4; Pisarema 25:14.) Zvisinei, kuda Mwari kwomuprofita kunova pasina kana kuchienzaniswa norudo urwo Mwari akaratidza “munda” wake “wemizambiringa”—rudzi rwaaka‘sima.’—Enzanisa naEksodho 15:17; Pisarema 80:8, 9.

9. Jehovha akatarisira sei rudzi rwake, semunda wemizambiringa unokosha?

9 Jehovha aka“sima” rudzi rwake munyika yeKanani ndokuvapa mitemo yake nemirayiro, yaishanda serusvingo rwokuvadzivirira kuti vasasvibiswe nemamwe marudzi. (Eksodho 19:5, 6; Pisarema 147:19, 20; VaEfeso 2:14) Uyezve, Jehovha akavapa vatongi, vapristi, nevaprofita kuti vavarayire. (2 Madzimambo 17:13; Maraki 2:7; Mabasa 13:20) Israeri paaityisidzirwa nesimba rehondo, Jehovha aimutsa vanunuri. (VaHebheru 11:32, 33) Nechikonzero chakanaka, Jehovha anobvunza kuti: “Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa, chandisina kuuitira?”

Kuziva Munda waMwari Wemizambiringa Nhasi

10. Jesu akapa muenzaniso upi unosanganisira munda wemizambiringa?

10 Jesu angave aive achifunga mashoko aIsaya paakapa muenzaniso wevarimi mhondi achiti: “Kwaiva nomumwe murume, muridzi wemba, akadyara munda wemizambiringa akaukomberedza noruzhowa akachera chisviniro chewaini mauri akavaka shongwe, uye akauronzesa varimi, akaenda kunze kwenyika.” Zvinonzwisa urombo kuti varimi vacho vakanyengedza muridzi, vachitouraya kunyange mwanakomana wake. Jesu akapfuurira kuratidza kuti muenzaniso uyu waisangobatanidza Israeri chaiye chete paakati: “Muchatorerwa [Israeri wenyama] umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.”—Mateu 21:33-41, 43.

11. Munda upi wemizambiringa womudzimu waivapo muzana rokutanga remakore, asi chii chakaitika vaapostora vafa?

11 “Rudzi” rutsva rwakaratidza kuva “Israeri waMwari”—rudzi rwomudzimu rwevaKristu vakazodzwa vanosvika 144 000 pakupedzisira. (VaGaratiya 6:16; 1 Petro 2:9, 10; Zvakazarurwa 7:3, 4) Jesu akafananidza vadzidzi ava ne“mapazi” e“muzambiringa wechokwadi,” kureva iye pachake. Senguva dzose, mapazi aya anotarisirwa kuita zvibereko. (Johani 15:1-5) Vanofanira kuratidza unhu hwakaita sehwaKristu voshanda mubasa rokuparidza “aya mashoko akanaka oUmambo.” (Mateu 24:14; VaGaratiya 5:22, 23) Asi kubva pakufa kwevaapostora gumi nevaviri, voruzhinji vevanozviti mapazi o“muzambiringa wechokwadi” vakaratidza kuti ndevokunyepedzera—vachibereka mazambiringa emusango panzvimbo pezvibereko zvakanaka.—Mateu 13:24-30, 38, 39.

12. Mashoko aIsaya anopa chiKristudhomu mhosva sei, uye ane chidzidzoi nokuda kwevaKristu vechokwadi?

12 Naizvozvo, kushora vanhu venyika yeJudha kwaIsaya nhasi kunoshanda kuchiKristudhomu. Kudzidza nezvenhoroondo yacho—hondo dzacho, hondo dzacho tsvene, nematare acho Okubvunzurudza—zvinongoratidza kuti zvibereko zvacho zvave zvakashapa zvakadini! Kunyange zvakadaro, muzambiringa chaiwo wevaKristu vakazodzwa pamwe neshamwari dzavo dze“boka guru” unofanira kuteerera mashoko aIsaya. (Zvakazarurwa 7:9) Kana vachizofadza muridzi wemunda wemizambiringa, vanofanira, somunhu mumwe nomumwe uye seboka, kubereka zvibereko zvinomufadza.

‘Mazambiringa Emusango’

13. Jehovha achaitei kumunda wake wemizambiringa nemhaka yokubereka kwawo zvibereko zvakaipa?

13 Pashure pokunge ashanda zvakanyanya kwazvo kuti atarisire nokurima munda wake wemizambiringa, Jehovha nenzira yakakodzera anoutarisira kuti uve “munda wemizambiringa [“yewaini inopupuma!” NW]” (Isaya 27:2) Zvisinei, panzvimbo pokubudisa zvibereko zvinogona kushandisika, unobudisa ‘mazambiringa emusango,’ chaizvoizvo “zvinhu zvinonhuwa” kana kuti “mahabhurosi akaora.” (Isaya 5:2; mashoko omuzasi, NW; Jeremia 2:21) Naizvozvo, Jehovha anozivisa kuti achabvisa “ruzhowa” rwake rwokudzivirira rwakakomberedza rudzi rwacho. Rudzi rwacho rucha‘siyiwa sechinhu chakaparadzwa’ uye ruchasiyiwa nokuwirwa nedambudziko rokusanaya kwemvura. (Rava Isaya 5:6.) Mosesi akanga anyevera kuti vaizowirwa nezvinhu zvakadaro kana vaisazoteerera Mutemo waMwari.—Dheuteronomio 11:17; 28:63, 64; 29:22, 23.

14. Zviberekoi izvo Jehovha anotarisira kurudzi rwake, asi runoberekei?

14 Mwari anotarisira rudzi rwacho kubereka zvibereko zvakanaka. Mika uyo akararama panguva imwe naIsaya anozivisa kuti: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?” (Mika 6:8; Zekaria 7:9) Zvisinei, rudzi rwacho runokundikana kuteerera zvinorayirwa naJehovha. “[Mwari] wakatsvaka kwavari kururamisira, asi tarira, wakawana ku[“tyora mutemo,” NW] wakatsvaka kururama, asi tarira, wakawana kuchema.” (Isaya 5:7b) Mosesi akafanotaura kuti rudzi rusina kutendeka rwaizobereka mazambiringa ane chepfu kubva pa“muzambiringa weSodhoma.” (Dheuteronomio 32:32) Saka, pamwe unzenza, kusanganisira ungochani, ndezvimwe zvokutsauka kwavo paMutemo waMwari. (Revhitiko 18:22) Shoko rokuti “kutyora mutemo” rinogonawo kushandurwa kuti “kuteurwa kweropa.” Utsinye hwakadaro pasina mubvunzo hwakaguma no“kuchema” kwevanhu vakabatwa zvisina kufanira—kuchema kwakasvika munzeve dzoMusimi wemunda wemizambiringa.—Enzanisa naJobho 34:28.

15, 16. VaKristu vechokwadi vangadzivisa sei kubereka zvibereko zvakaipa izvo Israeri akabereka?

15 Jehovha Mwari “anoda kururama nekururamisira.” (Pisarema 33:5) Akarayira vaJudha kuti: “Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.” (Revhitiko 19:15) Naizvozvo tinofanira kudzivisa kusarura munzira yatinobatana nayo, tisingambobvumiri zvinhu zvakadai sedzinza, zera, pfuma, kana kuti urombo kudzora maonere atinoita vanhu. (Jakobho 2:1-4) Zvinotonyanya kukosha kuti vari munzvimbo dzokutarisira ‘vasaita chinhu chipi nechipi vakarerekera rimwe divi,’ nguva dzose vade kunzwa mativi ose enhau vasati vatonga.—1 Timoti 5:21; Zvirevo 18:13.

16 Uyezve, zvingava nyore kuvaKristu vari kugara munyika isingateereri mutemo, kuti vatange kusada kana kuti kuvenga mitemo yaMwari. Asi vaKristu vechokwadi vanofanira ku“da kuteerera” mitemo yaMwari. (Jakobho 3:17) Pasinei nounzenza nechisimba che“gadziriro ino iripo yakaipa yezvinhu,” vanofanira ku‘ramba vachingwarira kuti kufamba kwavo kusava sevasina kuchenjera asi sevakachenjera.’ (VaGaratiya 1:4; VaEfeso 5:15) Vanoda kudzivisa pfungwa yokurara nevanhu pamadiro, uye panomuka kusawirirana, vanofanira kuzvigadzirisa pasina “kutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutaura zvakaipa.” (VaEfeso 4:31) Nokuedza kuva vakarurama, vaKristu vechokwadi vanokudza Mwari nokuwana nyasha dzake.

Mubayiro Wokukara

17. Mufambiroi wakaipa unoshorwa munhamo yokutanga yaIsaya?

17 Mundima 8, Isaya haachisiri kutora mashoko aJehovha. Achishora mamwe e‘mazambiringa emusango’ aibudiswa munyika yeJudha, anotaura pachake yokutanga yenhamo nhanhatu: “Vane nhamo vanowedzera dzimba nedzimba, vanobatanidza minda neminda, kusvikira pasisina nzvimbo, kusvikira imi mogara muri moga panyika. Jehovha wehondo unotaura munzeve dzangu, achiti: Zvirokwazvo, dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru nedzakanaka dzichashayiwa vanogaramo. Nokuti maekere ane gumi emizambiringa achabereka bati rimwe chete, nehomeri rembeu richabereka efa imwe chete.”—Isaya 5:8-10.

18, 19. Vanhu vomunguva yaIsaya vanorega kuteerera mitemo yaJehovha sei pamusoro pezvinhu zvemunhu, uye zvichaguma sei kwavari?

18 Muna Israeri wekare nyika yose zvayo yaipedzisira yave yaJehovha. Mhuri imwe neimwe yakanga ine nhaka yayakanga yapiwa naMwari, yayaigona kukweretesa kana kuronzesa asi isingambogoni kuitengesa “nokusingaperi.” (Revhitiko 25:23) Mutemo uyu waidzivisa kushandisa zvisina kufanira, zvakadai sokuti munhu mumwe ave nevhu rakawandisa. Zvaidzivirirawo mhuri pakuti dzisanyanya kunyura muurombo. Zvisinei, vamwe munyika yeJudha vaityora mutemo waMwari wezvinhu zvemunhu nemhaka yokukara. Mika akanyora kuti: “Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, ndokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.” (Mika 2:2) Asi Zvirevo 20:21 inonyevera kuti: “Nhaka yakawanikwa nokukurumidza [“nokukara,” NW] pakutanga, haingaropafadzwi pakupedzisira.”

19 Jehovha anovimbisa kutorera vanhu vanokara ava porofiti yavo yavakawana zvisizvo. Dzimba dzavakatora nechisimba dzicha“shayiwa vanogaramo.” Nyika yavanochiva ichangobudisa chikamu chiduku chaicho chezvainogona. Kuti chituko ichi chichazadzika rini uye sei chaizvo hazvina kutaurwa. Pamwe chinoreva, kune rimwe divi, mamiriro ezvinhu akaunzwa nokutapwa neBhabhironi kwaizouya.—Isaya 27:10.

20. VaKristu nhasi vangadzivisa sei kutevedzera pfungwa yokukara yakaratidzwa nevamwe muna Israeri?

20 VaKristu nhasi vanofanira kuvenga kukara kwokusagutsikana sekwakaratidzwa nevamwe vaIsraeri kare ikoko. (Zvirevo 27:20) Zvinhu zvenyama pazvinokosha kupfuura mwero, zviri nyore kuguma washandisa nzira dzoutsinye dzokuwana nadzo mari. Munhu anogona kubatwa nyore nyore mumusungo webhizimisi rinozvidzisa kana kuti nzira dzokupfuma nokukurumidza dzisiri dzechokwadi. “Asi unoda kupfuma nokukurumidza haangakoni kurohwa.” (Zvirevo 28:20) Saka, zvinokosha sei kuti tigutsikane nezvatinazvo!—1 Timoti 6:8.

Musungo Wekuvaraidza Kunomutsa Mibvunzo

21. Zvivi zvipi zvinoshorwa munhamo yechipiri yaIsaya?

21 Chinotevera kuuya inhamo yechipiri yaIsaya: “Vane nhamo vanomuka mangwanani kunotsvaka doro rinobata, vanoswerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa naro. Rudimbwa, nembira, nengoma, nenyere newaini zviripo pamitambo yavo; asi havana hanya nebasa raJehovha, havarangariri zvakaitwa namaoko ake.”—Isaya 5:11, 12.

22. Kushayiwa kuzvidzora kwakaita sei kunoratidzwa muna Israeri, uye ndoupi uchava mugumisiro nokuda kwerudzi rwacho?

22 Jehovha ndi“Mwari anofara” uye haashori kuti vashumiri vake vatandare zvine mwero. (1 Timoti 1:11) Zvisinei, vanotsvaka mafaro ava vanopfuura mwero! “Vanodhakwa vanowanzodhakwa usiku,” rinodaro Bhaibheri. (1 VaTesaronika 5:7) Asi vanotamba zvakaipa ava vemuuprofita vanotanga nhimbe yokunwa masikati uye vanoramba vachinwa kusvikira manheru! Vanoita sokuti hakuna Mwari, sokuti haazovabvunzi pamusoro pezviito zvavo. Isaya anofanotaura kuti nguva yemberi yevanhu vakadaro irima. “Saka vanhu vangu vakatapwa nokushayiwa zivo; vakakudzwa pakati pavo vanoziya nenzara, vazhinji vavo vanofa nenyota.” (Isaya 5:13) Nemhaka yokuramba kuita maererano nezivo yechokwadi, vanhu vesungano yaMwari—vakakwirira nevakaderera—vachapinda musheori.—Rava Isaya 5:14-17.

23, 24. Kuzvidzorai nokuva nemwero uko vaKristu vanorayirwa kuratidza?

23 “Kutamba kwakaipa,” kana kuti “mitambo youpengo,” yakanga ichinetsawo pakati pavamwe vaKristu muzana rokutanga remakore. (VaGaratiya 5:21; Byington; 2 Petro 2:13) Naizvozvo hazvishamisi kuti vamwe vaKristu vakazvitsaurira nhasi vakaratidza kusagona kusarudza zvakanaka panhau yokuungana kwokufara. Kushandiswa kwedoro pasina kuzvidzora kwakaita kuti vamwe vataurise vachiita ruzha. (Zvirevo 20:1) Kwakatova nevamwe vakaita unzenza vadhakwa nokunwisa, uye kumwe kuungana kwakabvumirwa kupfuurira hunenge usiku hwose, kuchivhiringidza zvinhu zvechiKristu zuva rinotevera racho.

24 Zvisinei, vaKristu vanoita zviri pakati nepakati, vanobudisa chibereko chaMwari voratidza kuzvidzora nokuva nemwero pachisarudzo chavo chezvinovaraidza. Vanoteerera zano raPauro riri pana VaRoma 13:13 rokuti: “Ngatifambei nenzira yakafanira sepamasikati, kwete mumitambo yokuzvifadza nenguva dzokunwira kudhakwa.”

Kuvenga Chivi Nokuda Chokwadi

25, 26. Isaya anofumura kufunga kupi kwakaipa kwevaIsraeri munhamo yake yechitatu neyechina?

25 Inzwa zvino nhamo yaIsaya yechitatu neyechina: “Vane nhamo vanokweva zvakaipa norwonzi rwenhema, nezvivi sezvinenge namabote engoro; vanoti: Ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake, kuti tizvione; zvakafungwa noMutsvene wavaIsraeri ngazviswedere kuti tizvizive. Vane nhamo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka kuti ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza, nechiedza panzvimbo yerima; vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.”—Isaya 5:18-20.

26 Kurondedzera kwakajeka sei kunoratidzwa apa kwevaiti vechivi! Vakabatana nechivi semasungirwo anoitwa madhonza pangoro. Vatadzi ava havatombotyi zuva rokutongwa ripi neripi riri kuuya. Nokunyomba vanoti: “Ngaachimbidzike [Mwari] nebasa rake!” Pane kuzviisa pasi poMutemo waMwari, vanominamisa zvinhu, vachizivisa kuti “zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa.”—Enzanisa naJeremia 6:15; 2 Petro 3:3-7.

27. VaKristu nhasi vanogona sei kudzivisa kufunga kwakafanana nekwevaIsraeri?

27 VaKristu nhasi vanofanira kudzivisa pfungwa dzakadaro napose pavanogona napo. Somuenzaniso, vanoramba kutora maonere enyika ufeve neungochani sezvinogamuchirika. (VaEfeso 4:18, 19) Chokwadi, muKristu anga‘kanganisa kutsika’ zvingatungamirira kukuita chivi chakakomba. (VaGaratiya 6:1) Vakuru vari muungano vakagadzirira kubetsera vanenge vawa uye vachida kubetserwa. (Jakobho 5:14, 15) Nokubetserwa neminyengetero nezano romuBhaibheri, kunaya mumudzimu kunobvira. Kusadaro, pane ngozi yokuva “muranda wechivi.” (Johani 8:34) Pane kutuka Mwari nokukanganwa zuva rokutonga kwake riri kuuya, vaKristu vanovavarira kuti varambe va“sina ruvara uye [va]sina gwapa” pamberi paJehovha.—2 Petro 3:14; VaGaratiya 6:7, 8.

28. Zvivi zvipi zvinoshorwa munhamo dzaIsaya dzokupedzisira, uye vaKristu nhasi vanogona kudzivisa sei zvivi zvakadaro?

28 Nenzira yakakodzera, Isaya anowedzera nhamo idzi dzokupedzisira: “Vane nhamo vanozviti takachenjera, vanoti pakufunga kwavo tine njere. Vane nhamo vakaita mhare pakunwa waini, navarume vane simba pakuvhenganisa zvinobata; vanoti wakaipa haane mhosva nokuda kwefufuro, vanotorera wakarurama kururama kwake.” (Isaya 5:21-23) Mashoko aya pamwe akaudzwa vakanga vachishanda sevatongi munyika yacho. Vakuru vemuungano nhasi vanodzivisa ku“zviti takachenjera.” Vanogamuchira zano kubva kune vamwewo vakuru nokuzvininipisa uye vanonyatsoteerera mirayiridzo yesangano. (Zvirevo 1:5; 1 VaKorinde 14:33) Vanoshandisa doro zvine mwero, vasingambonwi vasati vaita mabasa eungano. (Hosea 4:11) Vakuru vanodzivisawo kunyange kumboita sevanoratidza tsvete. (Jakobho 2:9) Vakasiyana sei nevafundisi vechiKristudhomu! Vazhinji vaivava vanonatsa kunze vatadzi vane simba vakapfuma vari pakati pavo, zvakapesana chaizvo nezvakanyeverwa nemuapostora Pauro pana VaRoma 1:18, 26, 27; 1 VaKorinde 6:9, 10; naVaEfeso 5:3-5.

29. Mugumisiroi une matambudziko makukutu wakamirira munda wemizambiringa wavaIsraeri vaJehovha?

29 Isaya anopedzisa shoko rouprofita iri nokurondedzera mugumo une matambudziko makukutu weavo “vakaramba murayiro waJehovha” uye vakakundikana kubereka zvibereko zvakarurama. (Isaya 5:24, 25; Hosea 9:16; Maraki 4:1) Anozivisa kuti: “[Jehovha] uchasimudzira [“rudzi rukuru,” NW] [ru]nobva kure mureza nokuvaridzira muridzo ivo vari kumigumo yenyika; tarirai, vachakurumidza kuuya vachichimbidzika.”—Isaya 5:26; Dheuteronomio 28:49; Jeremia 5:15.

30. Ndiani achaunganidza “rudzi rukuru” kuti rurwe nevanhu vaJehovha, uye nomugumisiroi?

30 Makarekare danda raiva panzvimbo yakakwirira raigona kushanda se“mureza,” kana kuti nzvimbo inoungana vanhu, kana kuti mauto. (Enzanisa naIsaya 18:3; Jeremia 51:27.) Zvino Jehovha pachake achaunganidza “rudzi rukuru” urwu rusina kutaurwa nezita kuti aite kutonga kwake.b ‘Acharuridzira muridzo,’ ndiko kuti, acharudana kuti ruone vanhu vake vakatsauka sevanhu vanofanira kukundwa. Muprofita wacho anotevera kurondedzera kurwisa nokukurumidza uye kunotyisa kwevakundi vakaita seshumba ava vaizo“bata mhuka yavo,” ndiko kuti rudzi rwaMwari, “ndokuenda nayo” vari nhapwa. (Rava Isaya 5:27-30a.) Uye mugumisiro unosuruvarisa sei nokuda kwenyika yevanhu vaJehovha! “Kana munhu akatarira nyika, uchaona rima nokutambudzika; chiedza chasvibiswa namakore ayo.”—Isaya 5:30b.

31. VaKristu vechokwadi vanogona sei kudzivisa kutambura nechirango chakapiwa munda wemizambiringa wevaIsraeri vaJehovha?

31 Hungu, munda wemizambiringa uyo Mwari akadyara norudo rwakadaro unoratidza kuti haubereki—wakangofanira kuparadzwa chete. Chidzidzo chinokosha sei chine mashoko aIsaya nokuda kwavose vanoda kunamata Jehovha nhasi! Ngavaedze kusabereka chimwe chinhu kunze kwechibereko chakarurama chinorumbidza Jehovha uye nokuda kwokuponeswa kwavo!

[Mashoko Omuzasi]

a Dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti misasa isingadhuri, yakadai sematumba, kana kuti zvirindo, yakanga yakanyanya kuzara kupfuura shongwe dzematombo. (Isaya 1:8) Kuvapo kweshongwe kwaizoratidza kubishaira kwakanyanya kwazvo kwakanga kwaitwa nomuridzi achiitira “munda” wake “wemizambiringa.”

b Mune humwe uprofita, Isaya anozivisa Bhabhironi senyika inoita kutonga kunoparadza kwaJehovha panyika yeJudha.

[Mufananidzo uri papeji 83]

Mutadzi anobatanidzwa nechivi sedhonza pangoro

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 85]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe