Chitsauko 1
Muprofita Wekare Ane Shoko Razvino
1, 2. (a) Mamiriroi ezvinhu anosuruvarisa atinoona munyika nhasi? (b) Imwe nhengo yedare reUnited States yakataura sei kunetseka kwayo nokuipa kwenzanga?
NDIANI nhasi asingapangi kuzorodzwa pamatambudziko akatarisana nevanhu? Asi, kazhinji sei apo zvishuvo zvedu zvinongotsakatika zvisina kuzadziswa! Tinoda rugare, asi tiri munhamo nehondo. Tinoda mutemo nokugadzikana, asi hatigoni kumisa fungu routsotsi, kubata chibharo, nokuponda. Tinoda kuvimba nomuvakidzani wedu, asi tinofanira kukiya masuo edu kuti tichengeteke. Tinoda vana vedu uye tinoedza kuvaudza zvinhu zvakanaka, asi kazhinji tinongotarira tisingagoni kubetsera sezvavanoguma vabvuma kunyengerwa kuita zvakaipa nevezera ravo.
2 Tingabvumirana zvakanakawo naJobho, uyo akataura kuti upenyu hwemunhu hupfupi hu“zere nokutambudzika.” (Jobho 14:1) Zvinoratidzika kuva zvakadaro kunyanya nhasi, nokuti nzanga iri kuipa nomwero usina kumboonekwa. Imwe nhengo yedare reUnited States yakati: “Hondo Yamashoko zvino yakapera, asi mupfungwa inosiririsa, nyika zvino yakaitwa kuti ive bikiro chairo rokutsiva noutsinye kwemarudzi, madzinza nezvitendero. . . . Takapomhodza mwero yetsika dzedu kusvika pokuti pwere dzedu zhinji dzavhiringidzika, dzaora mwoyo, uye dziri mumatambudziko makukutu. Tiri kukohwa mubayiro wokuregeredza sevabereki, kurambana, kubata vana zvisina kufanira, nhumbu dzevachiri kuyaruka, vana vari kusiyira chikoro panzira, zvinodhaka zvisingabvumirwi nomutemo, uye migwagwa izere nechisimba. Zviri kuita sokuti imba yedu pashure pokunge yapona pakudengenyeka kwenyika kukuru kwatingati Hondo Yamashoko, zvino yave kumunyiwa nomujuru.”
3. Ibhuku ripi reBhaibheri rinonyatsopa tariro yemunguva yemberi?
3 Zvisinei, hatisiyiwi tisina tariro. Anenge makore 2 700 akapfuura, Mwari akafuridzira mumwe murume wokuMiddle East kuti ataure uprofita hune chitsama hune zvahunoreva zvinokosha muzuva redu. Mashoko aya akanyorwa mubhuku reBhaibheri rine zita romuprofita iyeye—Isaya. Isaya aiva ani, uye nei tichigona kutaura kuti uprofita uhwu, hwakanyorwa zvinenge zviuru zvitatu zvemakore zvakapfuura hunopa chiedza chavanhu vose nhasi?
Murume Akarurama Munguva Dzakaoma
4. Isaya aiva ani, uye akashanda rini somuprofita waJehovha?
4 Mundima yokutanga yebhuku rake, Isaya anozvizivisa se“mwanakomana waAmozi,”a uye anotiudza kuti akashanda somuprofita waMwari “pamazuva aUziya, naJotami, naAhazi, naHezekia, madzimambo avaJudha.” (Isaya 1:1) Izvi zvingareva kuti Isaya akapfuurira somuprofita waMwari kurudzi rwaJudha kwemakore anenge 46, pamwe achitangira pakuguma kwokutonga kwaUziya—rinenge gore ra778 B.C.E.
5, 6. Chii chinofanira kuva chaiva chechokwadi pamusoro poupenyu hwemhuri hwaIsaya, uye nei?
5 Tichienzanisa nezvatinoziva nezvavamwe vaprofita, tinoziva zvishoma pamusoro poupenyu hwaIsaya pachake. Tinoziva kuti akanga ari murume akaroora uye akataura nezvemudzimai wake se“muprofitakadzi.” (Isaya 8:3) Maererano neCyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, yaMcClintock naStrong, kutaura uku kunoratidza kuti upenyu hwaIsaya somunhu akaroora “hwakanga husingangowirirani nebasa rake bedzi, asi kuti hwakanga hwakabatana zvikuru naro.” Zvingangodarowo kuti, kufanana nevamwe vakadzi vaitya Mwari vemuna Israeri wekare, mudzimai waIsaya akanga ane basa rake pachake rokuprofita.—Vatongi 4:4; 2 Madzimambo 22:14.
6 Isaya nomudzimai wake vaive nevanenge vanakomana vaviri, mumwe nomumwe akapiwa zita rine zvaraireva zvouprofita. Dangwe racho, Sheari-jashubhi, rakaenda naIsaya paakanotaura mashoko aMwari kuna Mambo Ahazi akaipa. (Isaya 7:3) Zviri pachena kuti Isaya nomudzimai wake vakaita kuti kunamata Mwari ive nhau yemhuri—muenzaniso wakanaka zvikuru wevakaroorana nhasi!
7. Rondedzera mamiriro ezvinhu munyika yeJudha muzuva raIsaya?
7 Isaya nemhuri yake vakararama munguva yakaoma yenhoroondo yenyika yeJudha. Kusagadzikana kwezvenyika kwakanga kwakatekeshera, pfumbamuromo dzaikanganisa matare, uye unyengeri hwaiparadza kubatana kwechitendero munzanga. Pamusoro pezvikomo paive pakazara atari dzavamwari venhema. Kunyange mamwe emadzimambo aitsigira kunamata kwechihedheni. Somuenzaniso, Ahazi haana kungobvumira kunamata zvidhori chete pakati pavanhu vake asi iye pachake aidaro, achi“pinzawo” vana vake “mumoto” achiita chibayiro chomutambo waMorekib mwari wevaKanani. (2 Madzimambo 16:3, 4; 2 Makoronike 28:3, 4) Uye zvose izvi zvakaitika pakati pevanhu vaive noukama hwesungano naJehovha!—Eksodho 19:5-8.
8. (a) Mambo Uziya naJotami vakagadza muenzanisoi, uye vanhu vakatevera kutungamirira kwavo here? (b) Isaya akaratidza sei ushingi pakati pevanhu vanopandukira?
8 Zvinorumbidzwa kuti vamwe vomunguva yaIsaya—kusanganisira vatongi vashomanene—vakaedza kutsigira kunamata kwechokwadi. Pakati pavo pakanga pana Mambo Uziya, uyo akaita “zvakarurama pamberi paJehovha.” Kunyange zvakadaro, munguva yokutonga kwake vanhu vai“bayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.” (2 Madzimambo 15:3, 4) Uyewo Mambo Jotami “akaita zvakarurama pamberi paJehovha.” Zvisinei, “vanhu vakaramba vachiita zvakashata.” (2 Makoronike 27:2) Hungu, muuzhinji hwoushumiri hwouprofita hwaIsaya, umambo hwaJudha hwakanga huchinzwisa urombo mumudzimu nemutsika. Kazhinji, vanhu vacho vaisateerera zvakanaka chero zvipi zvazvo zvavaikurudzirwa nemadzimambo avo. Zvinonzwisisika kuti, kutaura mashoko aMwari kuvanhu vakaoma musoro ava kwaisazova basa riri nyore. Kunyange zvakadaro, Jehovha paakabvunza mubvunzo wokuti, “Ndingatuma aniko? Ndiani ungatiendira?” Isaya haana kuzeza. Akadanidzira kuti: “Ndiri pano ini, nditumei.”—Isaya 6:8.
Shoko Roruponeso
9. Zita raIsaya rinorevei, uye izvi zvinowirirana sei nemusoro webhuku rake?
9 Zita raIsaya rinoreva kuti “Ruponeso rwaJehovha,” izvi zvinogona kwazvo kunzi ndiwo musoro weshoko rake. Chokwadi, humwe hweuprofita hwaIsaya ndehwekutonga. Kunyange zvakadaro, musoro weruponeso unobuda kwazvo zvakajeka. Isaya akataura ataurazve nzira iyo Jehovha munguva yakakodzera aizonunura nayo vaIsraeri vaiva nhapwa muBhabhironi, achibvumira vakanga vasara kudzokera kuZioni ndokudzorera nyika yacho kumbiri yayo yokutanga. Pasina mubvunzo, ropafadzo yokutaura nokunyora uprofita pamusoro pokudzorerwa kweJerusarema rake raaida kwazvo zvakapa Isaya mufaro mukuru kwazvo!
10, 11. (a) Nei tichifarira bhuku raIsaya nhasi? (b) Bhuku raIsaya rinotungamirira kuna Mesiya sei?
10 Asi mashoko aya okutonga noruponeso anei nesu? Zvinofadza kuti Isaya haaprofitiri kungobetsera umambo hwendudzi mbiri hwaJudha. Asi mashoko ake anoreva zvakawanda nokuda kwezuva redu. Isaya anorondedzera zvinofadza maunzire achaita Umambo hwaMwari zvikomborero zvikuru nokukurumidza pano pasi pedu. Panyaya iyi, chikamu chikuru chebhuku raIsaya chinonyanya kutaura nezvaMesiya akafanotaurwa, aizotonga saMambo woUmambo hwaMwari. (Dhanieri 9:25; Johani 12:41) Chokwadi haasi masanga kuti mazita okuti Jesu naIsaya anongoda kureva zvakafanana, zita rokuti Jesu richireva kuti “Jehovha Ruponeso.”
11 Chokwadi, Jesu akatozoberekwa mazana manomwe emakore zuva raIsaya rapfuura. Asi, uprofita hwaMesiya huri mubhuku raIsaya hune mashoko akakwana kwazvo—uye hwakarurama kwazvo—zvokuti hunonzwika senhoroondo yemunhu akaona upenyu hwaJesu pasi pano. Nemhaka yeizvi, rimwe bhuku rakati bhuku raIsaya dzimwe nguva rinonzi “Evhangeri yeChishanu.” Saka hazvimboshamisi kuti Isaya ndiro bhuku reBhaibheri rainyanyotorwa mashoko naJesu nevaapostora vake kuitira kuti vanyatsoratidza aiva Mesiya.
12. Nei tichitanga kudzidza bhuku raIsaya nechido chikuru?
12 Isaya anorondedzera zvinofadza “denga idzva nenyika itsva” umo “mambo achabata ushe nokururama” uye machinda achatonga neruramisiro. (Isaya 32:1, 2; 65:17, 18; 2 Petro 3:13) Saka bhuku raIsaya rinoratidza tariro inofadza yoUmambo hwaMwari, huchitungamirirwa naMesiya Jesu Kristu saMambo akagadzwa. Zvinokurudzira sei kwatiri kurarama zuva rimwe nerimwe tichitarisira “ruponeso rwa[Jehovha]”! (Isaya 25:9; 40:28-31) Saka zvino ngationgororei nechido chikuru shoko rinokosha riri mubhuku raIsaya. Sezvatinodaro, kuvimba kwedu nezvipikirwa zvaMwari kuchasimbiswa zvikuru. Uyewo, tichabetserwa kuwedzera kutenda kwedu kwokuti Jehovha zvechokwadi ndiye Mwari wokuponeswa kwedu.
[Mashoko Omuzasi]
a Baba vaIsaya, Amozi, havafaniri kuvhiringidzwa naAmosi, uyo akaprofita pakutanga kwokutonga kwaUziya uye uyo akanyora bhuku reBhaibheri rine zita rake.
b Vamwe vanoti ku“pinza . . . mumoto” kungangoratidza mutambo wokuchenesa. Zvisinei, zvinoratidzika sokuti pano mashoko acho anoreva chibayiro chaicho. Hapana mubvunzo kuti kubayira vana kwaiitwa nevaKanani nevaIsraeri vaive varamba kutenda.—Dheuteronomio 12:31; Pisarema 106:37, 38.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]
Isaya Aiva Ani?
ZVINOREVA ZITA RACHO: “Ruponeso rwaJehovha”
MHURI: Akaroora, ane vanakomana vanenge 2
NZVIMBO YAAIGARA: Jerusarema
MAKORE EBASA: Anenge makore 46, kubva munenge muna 778 B.C.E. kusvika pane imwe nguva 732 B.C.E. apfuura
MADZIMAMBO AJUDHA EMUNGUVA YAKE: Uziya, Jotami, Ahazi, Hezekia
VAPROFITA VEMUNGUVA YAKE: Mika, Hosea, Odhedhi
[Mufananidzo uri papeji 6]
Isaya nomudzimai wake vakaita kuti kunamata Mwari ive nhau yemhuri