RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rq chidzidzo 16 p. 31
  • Chisarudzo Chako Chokubatira Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chisarudzo Chako Chokubatira Mwari
  • Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mashoko Akafanana
  • Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Ndinofanira Kuzvitsaurira Kuna Mwari Ndobhabhatidzwa Here?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuite Vavariro Yako Kubatira Mwari Nokusingaperi
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Mwari Anodei Kwatiri?
rq chidzidzo 16 p. 31

Chidzidzo 16

Chisarudzo Chako Chokubatira Mwari

Unofanira kuitei kuti ugova shamwari yaMwari? (1, 2)

Unoita sei tsauriro yako kuna Mwari? (1)

Unofanira kubhapatidzwa rini? (2)

Unogona sei kuwana simba rokuramba wakatendeka kuna Mwari? (3)

1. Kuti ugova shamwari yaMwari, unofanira kuwana zivo yakanaka yezvokwadi yeBhaibheri (1 Timotio 2:3, 4), kutenda zvinhu zvawakadzidza (VaHebheru 11:6), kupfidza zvivi zvako (Mabasa 17:30, 31), uye kutendeuka mumararamire ako. (Mabasa 3:19) Ipapo kuda kwako Mwari kunofanira kukusunda kuzvitsaurira umene kwaari. Ikoku kunoreva kuti mumunyengetero womunhu oga, wapachivande unomuudza kuti uri kuzvipa umene kwaari kuti uite kuda kwake.—Mateo 16:24; 22:37.

2. Pashure pokunge waita tsauriro yako kuna Mwari, unofanira kubhapatidzwa. (Mateo 28:19, 20) Rubhapatidzo runoita kuti munhu ari wose azive kuti wakazvitsaurira umene kuna Jehovha. Naizvozvo rubhapatidzo nderwaavo bedzi vakura zvakakwana zvokugona kuita chisarudzo chokubatira Mwari. Apo munhu anobhapatidzwa, muviri wake wose unofanira kunyudzwa mumvura kwenhambo yakati.a—Marko 1:9, 10; Mabasa 8:36.

3. Pashure pokunge waita tsauriro, Jehovha achakukarira kurarama mukuwirirana nemhiko yako. (Pisarema 50:14; Muparidzi 5:4, 5) Dhiyabhorosi achaedza kukuregedzesa kubatira Jehovha. (1 Petro 5:8) Asi swedera pedyo naMwari mumunyengetero. (VaFiripi 4:6, 7) Funda Shoko rake zuva rimwe nerimwe. (Pisarema 1:1-3) Namatira pedyo neungano. (VaHebheru 13:17) Kupfurikidza nokuita zvose izvozvi, uchawana simba rokuramba wakatendeka kuna Mwari. Nokudaro nokusingagumi kwose unogona nokudaro kuita zvinhu izvo Mwari anoda kwauri!

[Mashoko Omuzasi]

a Fundo yebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, kana kuti bhuku rakafanana rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society, inorumbidzwa mukugadzirira nokuda kworubhapatidzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe