Chidzidzo 15
Kubetsera Vamwe Kuita Kuda kwaMwari
Kuudzirei vamwe pamusoro pezvinhu zvauri kudzidza? (1)
Ndivanaani vaunogona kugoverana navo mashoko akanaka? (2)
Mufambiro wako unogona kuva netapuroi pane vamwe? (2)
Ndirini paunogona kuparidza pamwe chete neungano? (3)
1. Kusvika pari zvino wadzidza zvinhu zvizhinji zvakanaka kubva muBhaibheri. Iyi zivo inofanira kukutungamirira kukusakurira kwako unhu hwechiKristu. (VaEfeso 4:22-24) Zivo yakadaro inokosha kuti ugowana upenyu husingagumi. (Johane 17:3) Zvisinei, vamwe vanodawo kunzwa mashoko akanaka kuitira kuti ivowo vagogona kuponeswa. VaKristu vose vechokwadi vanofanira kupupura kuvamwe. Murayiro waMwari.—VaRoma 10:10; 1 VaKorinte 9:16; 1 Timotio 4:16.
2. Unogona kutanga kupfurikidza nokugoverana naavo vari pedyo newe zvinhu zvakanaka zvauri kudzidza. Zvitaure kumhuri yako, shamwari, vokuchikoro biyako, uye vashandi biyako. Iva ane mutsa neanoshivira sezvaunoita kudaro. (2 Timotio 2:24, 25) Yeuka kuti vanhu vanowanzotarira pamufambiro womunhu kupfuura kuteerera kwavanoita zvaanotaura. Naizvozvo mufambiro wako wakanaka ungakwezva vamwe kuti vateerere shoko raunovaudza.—Mateo 5:16; 1 Petro 3:1, 2, 16.
3. Pashure penguva yakati, ungakwanirisa kuvamba kuparidza neungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Iyoyi inhano inokosha mufambiro mberi yako. (Mateo 24:14) Mufaro wakadini wakwaizova kudai waikwanisa kubetsera mumwe munhuwo zvake kuva mubatiri waJehovha ndokuwana upenyu husingagumi!—1 VaTesaronika 2:19, 20.