RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rq chidzidzo 13 pp. 26-27
  • Unogona Sei Kuwana Rudzidziso Rwechokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Sei Kuwana Rudzidziso Rwechokwadi?
  • Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mashoko Akafanana
  • Ungaziva Sei Kunamata Kwechokwadi?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Ungaziva Sei Kunamata Kwechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Wakawana Rudzidziso Rwakarurama Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Mwari Anodei Kwatiri?
rq chidzidzo 13 pp. 26-27

Chidzidzo 13

Unogona Sei Kuwana Rudzidziso Rwechokwadi?

Marudzidziso ose anofadza Mwari here, kana kuti rumwe chete bedzi? (1)

Neiko kune marudzidziso mazhinji zvikuru ayo anotaura kuva echiKristu? (2)

Unogona sei kuziva vaKristu vechokwadi? (3-7)

1. Jesu akatanga rudzidziso rumwe rwechokwadi. Naizvozvo nhasi kunofanira kuva nesangano rimwe bedzi, kana kuti boka, ravanamati vechokwadi vaJehovha Mwari. (Johane 4:23, 24; VaEfeso 4:4, 5) Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanhu vashomanene bedzi vari pamugwagwa wakatetepa wokuupenyu.—Mateo 7:13, 14.

2. Bhaibheri rakafanotaura kuti pashure porufu rwavaapostora, dzidziso dzisina kururama nemiitiro isiri yechiKristu yaizopinda zvishoma nezvishoma muungano yechiKristu. Vanhu vaizotsausa vatendi kuti vavatevere panzvimbo paKristu. (Mateo 7:15, 21-23; Mabasa 20:29, 30) Ndicho chikonzero nei tichiona marudzidziso mazhinji zvikuru akasiyana-siyana ayo anotaura kuva echiKristu. Tinogona sei kuziva vaKristu vechokwadi?

3. Chiratidzo chakatanhamara zvikurusa chavaKristu vechokwadi ndechokuti vane rudo chairwoirwo pakati pavo vamene. (Johane 13:34, 35) Havadzidziswi kufunga kuti vari nani kupfuura vanhu vamamwe marudzi kana kuti ruvara rweganda. Havadzidziswiwo kuvenga vanhu vokune dzimwe nyika. (Mabasa 10:34, 35) Naizvozvo havatori rutivi muhondo. VaKristu vechokwadi vanobatana sehama nehanzvadzi.—1 Johane 4:20, 21.

4. Chimwe chiratidzo chorudzidziso rwechokwadi ndechokuti mitezo yarwo inoremekedza zvikuru Bhaibheri. Inorigamuchira seShoko raMwari ndokudavira zvarinotaura. (Johane 17:17; 2 Timotio 3:16, 17) Inobata Shoko raMwari serinokosha zvikuru kupfuura pfungwa dzomunhu kana kuti tsika. (Mateo 15:1-3, 7-9) Inoedza kurarama mukuwirirana neBhaibheri muupenyu hwayo hwezuva riri rose. Naizvozvo haiparidzi chinhu chimwe uye ipapo ndokuita chimwe.—Tito 1:15, 16.

5. Rudzidziso rwechokwadi runofanirawo kukudza zita raMwari. (Mateo 6:9) Jesu akaita kuti zita raMwari, Jehovha, rizivikanwe navamwe. VaKristu vechokwadi vanofanira kuita zvimwe chetezvo. (Johane 17:6, 26; VaRoma 10:13, 14) Ndevapi vanhu vari munzanga yenyu avo vanoudza vamwe pamusoro pezita raMwari?

6. VaKristu vechokwadi vanofanira kuparidza pamusoro poUmambo hwaMwari. Jesu akaita kudaro. Aitaura nguva dzose pamusoro poUmambo. (Ruka 8:1) Akarayira vadzidzi vake kuparidza iri shoko rimwe chete mupasi rose. (Mateo 24:14; 28:19, 20) VaKristu vechokwadi vanodavira kuti Umambo hwaMwari bedzi ndihwo huchaunza rugare rwechokwadi nechengeteko kupasi rino.—Pisarema 146:3-5.

7. Vadzidzi vaJesu havafaniri kuva rutivi rwenyika ino yakaipa. (Johane 17:16) Havabatanidzwi munhau dzenyika dzezvematongerwo enyika nekakavadzano dzenzanga. Vanodzivisa mufambiro unokuvadza, miitiro, uye zvimiro zvendangariro izvo zvakarovedzeka munyika. (Jakobho 1:27; 4:4) Unogona here kuziva boka rorudzidziso riri munzanga yenyu iro rine izvi zviratidzo zvechiKristu chechokwadi?

[Mifananidzo iri papeji 26, 27]

VaKristu vechokwadi vanodanana, vanoremekedza Bhaibheri, uye vanoparidza pamusoro poUmambo hwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe