Chidzidzo 12
Kuratidza Ruremekedzo Nokuda Kwoupenyu Neropa
Tinofanira kurangarira sei upenyu? (1) kubvisa pamuviri? (1)
VaKristu vanoratidza sei kuti vanongwarira kotsekano? (2)
Hakuna kururama here kuuraya mhuka? (3)
Ndeipi mimwe miitiro iyo isingaratidzi ruremekedzo nokuda kwoupenyu? (4)
Ndoupi uri mutemo waMwari pamusoro peropa? (5)
Ikoku kunobatanidza here kuisirwa ropa? (6)
1. Jehovha ndiye Manyuko oupenyu. Zvinhu zvose zvipenyu zvinopiwa upenyu hwazvo naMwari. (Pisarema 36:9) Upenyu hunoyera kuna Mwari. Kunyange upenyu hwomwana asati aberekwa ari mukati maamai vake hunokosha kuna Jehovha. Kuuraya namaune mucheche ari kukura akadaro hakuna kururama mumeso aMwari.—Eksodho 21:22, 23; Pisarema 127:3.
2. VaKristu vechokwadi vanongwarira kotsekano. Vanova nechokwadi chokuti motokari dzavo nemisha zvakakotsekana. (Dheuteronomio 22:8) Vabatiri vaMwari havapinzi upenyu hwavo mungozi dzisiri madikanwa nokuda kwomufarwa bedzi kana kuti kufara. Naizvozvo havatori rutivi mumitambo yamasimba masimba iyo inokuvadza vamwe vanhu namaune. Vanodzivisa varaidzo inokurudzira masimba masimba.—Pisarema 11:5; Johane 13:35.
3. Upenyu hwemhuka hunoyerawo kuMusiki. MuKristu angauraya mhuka kuti dzigovere zvokudya nezvokupfeka kana kuti kuzvidzivirira amene pazvirwere nengozi. (Genesi 3:21; 9:3; Eksodho 21:28) Asi hakuna kururama kubata mhuka zvisina kufanira kana kuti kudziuraya nokuda kwevaraidzo bedzi kana kuti mufarwa.—Zvirevo 12:10.
4. Kusvuta, kutsenga betel nut, uye kusvuta mirimo nokuda kwomufarwa hazvisati zviri nokuda kwavaKristu. Iyi miitiro haina kururama nemhaka yokuti (1) inotiita varanda vayo, (2) inokuvadza miviri yedu, uye (3) haina kuchena. (VaRoma 6:19; 12:1; 2 VaKorinte 7:1) Kunogona kuva kwakaoma zvikuru kurega iyi miitiro. Asi tinofanira kuita kudaro kuti tifadze Jehovha.
5. Ropa rinoyerawo mumeso aMwari. Mwari anotaura kuti mweya, kana kuti upenyu, huri muropa. Naizvozvo hakuna kururama kudya ropa. Hakunawo kururama kudya nyama yemhuka iyo isina kubudiswa ropa zvakarurama. Kana mhuka ikadzipwa kana kuti ikafa mumusungo, haifaniri kudyiwa. Kana ikabayiwa nepfumo kana kuti kupfurwa nepfuti, inofanira kubudiswa ropa nokukurumidza kana ichizodyiwa.—Genesi 9:3, 4; Revhitiko 17:13, 14; Mabasa 15:28, 29.
6. Hakuna kururama kubvuma kuisirwa ropa here? Yeuka, Jehovha anoda kuti tirege ropa. Ikoku kunoreva kuti hatifaniri kupinza mumiviri yedu munzira ipi neipi zvayo ropa ravamwe vanhu kana kuti kunyange ropa redu timene rakachengetwa. (Mabasa 21:25) Naizvozvo vaKristu vechokwadi havasati vachizobvuma kuisirwa ropa. Vachabvuma mamwe marudzi okurapa, akadai sokuisirwa kwezvinhu zvisina ropa. Vanoda kurarama, asi havasati vachizoedza kuponesa upenyu hwavo kupfurikidza nokuputsa mitemo yaMwari.—Mateo 16:25.
[Mifananidzo iri papeji 25]
Kuti tifadze Mwari, tinofanira kudzivisa kuisirwa ropa, miitiro isina kuchena, uye ngozi dzisiri madikanwa