Ganhuro 19
Apo Kuziva Mwari Kunozadza Pasi
NGATITII nyanzvi yokunyora mifananidzo ichangobva kupedza mufananidzo wakaisvonaka. Iyo inourangarira nenzira yakarurama kuva wakanaka zvikuru—chinhu chounyanzvi! Asi usiku mukwikwidzi ane godo anoushatisa. Nenzira inonzwisisika, ikoku kunoparira munyori wemifananidzo marwadzo makuru. Anodisa sei kuona mharadzi ichipfigirwa! Uye unogona kufungidzira kuti munyori wemifananidzo anoshuva sei kuita kuti chigadzirwa chake chidzorerwe kurunako rwacho rwekare.
2 Kufanana nomunyori wemifananidzo iyeyo, Jehovha akasika chinhu chounyanzvi mukugadzirira pasi nokuisa rudzi rwomunhu pariri. Pashure pokusika murume nomukadzi, akati basa rake rose rapasi “rakanaka kwazvo.” (Genesi 1:31) Adhama naEvha vakanga vari vana vaMwari amene, uye aivada. Akaisa muchiono ramangwana rinofadza, rine mbiri nokuda kwavo. Chokwadi, Satani akavatungamirira mukupanduka, asi chisiko chakaisvonaka chaMwari hachina kukuvadzwa zvokusagadzirika.—Genesi 3:23, 24; 6:11, 12.
3 Mwari akaronga kururamisa zvinhu. Anoda zvikuru kutiona tichirarama nenzira yaakaronga pakuvamba. Kuvapo kwedu kupfupi nokunotambudzwa hakusati kuri “upenyu chaihwoihwo,” nokuti kwakaderera zvikuru kuuhwo Jehovha anorangarira. “Upenyu chaihwoihwo” uhwo Mwari anoda nokuda kwedu ndihwo “upenyu husingaperi” mumamiriro ezvinhu akakwana.—1 Timotio 6:12, 19, NW.
4 Kuziva Mwari kunounza mutoro pamberi paJehovha. (Jakobho 4:17) Asi funga nezvezvikomborero zvauchafarikanya kana ukashandisa zivo iyoyo ndokusvasvavirira upenyu husingaperi. MuShoko rake, Bhaibheri, Jehovha Mwari akanyora mufananidzo wakaisvonaka weizvo upenyu ihwohwo huchava hwakaita muParadhiso yapasi yava pedyo kwazvo. Chokwadika, savanhu vaJehovha hatibatiri Mwari nemhaka bedzi yechishuvo chetuso. Tinobatira Mwari nemhaka yokuti tinomuda. (Marko 12:29, 30) Uyezve, hatiwani upenyu kupfurikidza nokubatira Jehovha. Upenyu husingaperi chipo chaMwari. (VaRoma 6:23) Kuchatibetsera kufungisisa upenyu hwakadaro nemhaka yokuti tariro yeParadhiso inotiyeuchidza nezvorudzi rwaMwari Jehovha ari—“mutusi [ane rudo] waavo vanomutsvaka zvapachokwadi.” (VaHebheru 11:6, NW) Tariro yakajeka zvikuru mundangariro dzedu nemwoyo ichatigonesa kutsungirira nhamo dziri munyika yaSatani.—Jeremia 23:20.
5 Zvino ngatinangidzirei ngwariro yedu patariro yakavakirwa paBhaibheri youpenyu husingaperi muParadhiso yapasi yeramangwana. Upenyu huchava hwakaita sei apo kuziva Mwari kunozadza pasi?
PASHURE PEARMAGEDHONI—PARADHISO YAPASI
6 Sezvakaratidzwa pakuvamba, Jehovha Mwari achakurumidza kuparadza tsika yakaipa iripo yezvinhu. Nyika iri kusvika nokukurumidza icho Bhaibheri rinodana kuti Har–Magedhoni, kana kuti Armagedhoni. Shoko iroro ringaita kuti vamwe vanhu vafunge nezvokuparadza kwenyukireya kunopararirwa namarudzi anorwisana, asi Armagedhoni haisati iri chinhu chorudzi rwakadaro. Sezvinoratidza Zvakazarurwa 16:14-16 (NW), Armagedhoni i“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” Iyo ihondo inobatanidza “madzimambo apasi rose rinogarwa,” kana kuti marudzi. Mwanakomana waJehovha Mwari, Mambo akagadzwa, achakurumidza kutasva achipinda muhondo yacho. Mugumisiro wacho une chokwadi chose chose. Vose vanoshora Umambo hwaMwari uye avo vari rutivi rwetsika yakaipa yaSatani vachaparadzwa. Avo bedzi vakavimbika kuna Jehovha vachapukunyuka.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 19:11-21.
7 Fungidzira kuti iwe wapukunyuka ngwavaira iyoyo. Upenyu hungava hwakaita sei pasi pano munyika itsva yakapikirwa yaMwari? (2 Petro 3:13) Hatifaniri kufungidzira, nokuti Bhaibheri rinotiudza, uye charinotaura chinofadza. Tinodzidza kuti Satani namadhemoni ake vachaitwa kuti vave vasingashandi, kukiyirwa mugomba rakadzika-dzika rokusaita basa mukati moKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu. Zvisikwa izvozvo zvakaipa, zvine utsinye hazvisati zvichizovazve zvinovanda, zvichinyandura chinetso nokuedza kutinyandura kuti tiite zviito zvokusatendeka mukurwisana naMwari. Rusununguko rwakadini!—Zvakazarurwa 20:1-3.
8 Pashure penguva yakati, zvimiro zvose zvechirwere zvichaparara. (Isaya 33:24) Zvirema panguva iyeyo zvichamira, zvichafamba, zvichamhanya, uye zvichatamba namakumbo akanaka, akasimba. Pashure pamakore oupenyu dzisinganzwi, matsi dzichanzwa manzwi okufara makadzipoteredza. Mapofu achatyiswa sezvo nyika yakaisvonaka ine mavara nechitarisiko chakanaka inooneka pamberi pawo. (Isaya 35:5, 6) Pakupedzisira, iwo achaona zviso zvavadiwa vawo! Zvichida panguva iyeyo chiono chawo chichadzima kwechinguvana chete nemisodzi yomufaro.
9 Chimbofunga zvako! Hakusati kuchizovazve namagirazi amaziso, hakusati kuchizovazve namadondoro netsvimbo, hakusati kuchizovazve nemishonga, hakusati kuchizovazve nekiriniki dzamazino kana kuti zvipatara! Chirwere chemirangariro nokuora mwoyo hazvisati zvichizotongotorerazve vanhu mufarwa. Hakuna uduku huchatambudzwa nehosha. Kukuvadza kwokukwegura kuchachinjwa. (Jobho 33:25) Tichava vane utano hwakanaka zvikuru, hwakasimba zvikuru. Mangwanani mamwe namwe tichamuka mukurara kwousiku kunozorodza tine simba ramutsidzirwa, takazadzwa nesimba uye tichidisa zuva idzva roupenyu hwakasimba nebasa rinogutsa.
10 Kuchava nebasa rakawanda rinofarikanywa rinofanira kuitwa navapukunyuki veArmagedhoni. Ivo vachashandura pasi kuva paradhiso. Zvisaririra zvipi nezvipi zvetsika yekare yakashatiswa zvichabviswa. Mapaka namapindu zvichatsiva nzvimbo dzine tsvina nenyika yakaparadzwa. Vose vachava nedzimba dzakanaka, dzinofadza. (Isaya 65:21) Sezvo nguva inopfuura, mativi iwayo eparadhiso apasi achakura ndokubatana kutozosvikira pasi rose rasvitsa mupimo worunako wakagadzwa noMusiki shure mubindu reEdheni. Kuchava kunogutsa sei kugoverana mubasa iroro rokudzorera!
11 Zvose izvozvi zvichaitwa munhungamiro yaMwari zvokuti mhoteredzo haisati ichizokuvadzwa. Vanhu vachava norugare nemhuka. Panzvimbo pokudziuraya noutsinye, munhu achavambazve utarisiri hwakavimbika papasi, achidzitarisira zvakanaka. Isa muchiono mapere namakwai, shumba nemhuru, zvichifura pamwe chete—uye zvipfuyo zvakachengeteka chose chose. Kunyange mwana muduku haasati achizotya zvikara, uyewo runyararo rwenyika itsva harwusati rwuchizovhiringidzwa navanhu vane utsinye, vanotyisa. (Isaya 11:6-8) Iyoyo ichava nyika itsva ine rugare yakadini!
RUDZI RWOMUNHU RWASHANDURWA
12 Isaya 11:9 anotiudza chikonzero nei kusina kuvadziko ichaitwa mupasi rose. Inoti: “Nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” Ikoku kune chokuita navanhu nemhaka yokuti mhuka hadzigoni “kuziva Jehovha” ndokuita chinjo, sezvo dzichidzorwa nesimba rokuberekwa naro. Asi kuziva Musiki wedu kunochinja vanhu. Pasina kupokana iwe umene wakatoita chinjo nemhaka yokushandisa kuziva Mwari muupenyu hwako. Mamiriyoni akaita saizvozvo. Naizvozvo, uporofita ihwohwu hwakatovamba kuzadzikwa muavo vanobatira Jehovha. Bva, hunonongedzerawo kunguva apo vanhu munyika yose vachabvisa mavara api naapi oumhuka kana kuti amasimba masimba ndokuva vane rugare nokusingaperi.
13 Kuchava kwakaisvonaka sei apo kuziva Mwari kunozadza pasi! Kuchava negadziriro huru yedzidzo munhungamiro yaMambo Jesu Kristu navatongi biyake vane 144 000. “Mipumburu yamanyoro” mitsva panguva iyeyo ichashandiswa. Sezviri pachena iyoyi mirayiridzo yakanyorwa yaMwari iyo ichabatira sohwaro hwokudzidzisa vagari vapasi. (Zvakazarurwa 20:12, NW) Rudzi rwomunhu rwuchadzidza, kwete hondo, asi rugare. Zvombo zvose zvinoparadza zvichave zvaparara nokusingaperi. (Pisarema 46:9) Vagari venyika itsva vachadzidziswa kubata vanhu biyavo norudo, ruremekedzo, uye chiremera.
14 Rudzi rwomunhu rwuchava mhuri imwe yakabatana. Hakusati kuchizova nemhinganidzo kuchinzwano nouhama. (Pisarema 133:1-3) Hakuna musha womunhu uchafanira kukiyiwa kudzivisa mbavha. Rugare ruchatonga mumwoyo uri wose, muimba iri yose, murutivi rwuri rwose rwapasi.—Mika 4:4.
RUMUKO RUNOFADZA
15 Mukati maMakore Ane Chiuru iwayo, rumuko ruchaitika. Avo vakatadzira mudzimu mutsvene waMwari namaune, kana kuti simba rinoshanda, kupfurikidza nokuita nenzira yokusapfidza mukupesana neratidzirwo dzawo kana kuti nhungamiro havasati vachizomutswa. (Mateo 23:15, 33; VaHebheru 6:4-6) Chokwadika, Mwari achasarudza vakatadza nenzira iyoyo. Asi mapoka maviri akajeka achamutswa—“vakarurama navasakarurama.” (Mabasa 24:15) Sezvo kuchava nenhevedzano yakafanira, kune mufungo kugumisa kuti vokutanga kugamuchirwa vachidzokera kuupenyu pasi pano vachava vakarurama, avo vakabatira Jehovha nokuvimbika.—VaHebheru 11:35-39.
16 Panzvimbo pokunzwa mashoko pamusoro pehondo, ngwavaira, uye rufu, vabatiri vaJehovha vachagamuchira mishumo yakaisvonaka yorumuko. Kuchava kunofadza kuziva nezvokudzokera kwavarume navakadzi vakatendeka vakadai saAbheri, Enoki, Noa, Abrahama, Sara, Jobho, Mosesi, Rakabhi, Rute, Dhavhidhi, Eria, Estere. Maidi enhau anofadza zvakadini ayo vachapa sezvo vanopa udzame hwemamiriro ezvinhu ekare enhoroondo dzakawanda dzeBhaibheri! Pasina kupokana ivo navakarurama vakafa munguva dzichangobva kupfuura zvikuru vachava vanodisa zvakafanana kuziva pamusoro pomugumo wetsika yaSatani uye kuti Jehovha akatsvenesa sei zita rake dzvene ndokureverera uchangamire hwake.
17 Ava vakatendeka vachava vanobetsera sei mukati menhambo inotevera yorumuko, apo mabhiriyoni a“vasakarurama” anosunungurwa muzvisungo zvorufu! Vakawanda zvikurusa vorudzi rwomunhu havana kutongova nomukana wokuziva Jehovha. Satani akanga achi‘pofumadza ndangariro dzavo.’ (2 VaKorinte 4:4) Asi basa raDhiyabhorosi richaparadzwa. Vasakarurama vachadzokera kupasi rakaisvonaka nerine rugare. Ivo vachagamuchirwa navanhu vakasanorongwa kuvadzidzisa pamusoro paJehovha noMwanakomana wake anotonga, Jesu Kristu. Sezvo mabhiriyoni avanomutswa anosvika pakuziva ndokuda Musiki wavo, kuziva Jehovha kuchazadza pasi munzira isina muenzaniso.
18 Mufaro wakadini uyo rumuko ruchaunza kumwoyo yedu! Ndiani asina kutambura nemhaka yomuvengi wedu rufu? Zvirokwazvo, ndiani asina kunzwa akanganiswa chose chose apo chisungo chakati chorudo kana kuti choushamwari chakadamburwa sezvo chirwere, ukweguru, tsaona, kana kuti masimba masimba zvakaparira rufu rwomudiwa? Fungidzira, ipapoka, mufaro wokubatanazve muParadhiso. Vanamai navanababa, vanakomana navanasikana, shamwari nehama dzokunyama, vachambundirana, vachiseka nokuchema nokuda kwomufaro.
KUKWANA PAKUPEDZISIRA!
19 MuMakore Ane Chiuru mose, chishamiso chikuru chichava chichiitika. Nokuda kworudzi rwomunhu, ruchava zvichida rutivi runofadza zvikurusa rwoKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu. Jehovha acharayira Mwanakomana wake kuti ashandise betsero dzechibayiro chorudzikinuro kumurume nomukadzi ari wose akatendeka naanoteerera. Kupfurikidza nomutoo iwoyo, chivi chose chichabviswa uye rudzi rwomunhu ruchasimudzirwa kukukwana.—1 Johane 2:2; Zvakazarurwa 21:1-4.
20 Kukwana! Kucharevei? Kuchareva kudzokera kuupenyu nzira iyo Adhama naEvha vakahufarikanya nayo vasati vatadzira Jehovha Mwari. Mumuviri, mundangariro, mumirangariro, mutsika, mumudzimu—munzira iri yose inofungidzirika—vanhu vakakwana vachasvika zvizere mipimo yaMwari. Asi vanhu vose panguva iyeyo vachava vakafanana here? Nyangwe! Zvisiko zvaJehovha—miti, maruva, mhuka—zvose zvinotidzidzisa kuti anoda mhatsa. Vanhu vakakwana vachava nounhu hwakasiyana-siyana namano. Mumwe nomumwe achafarikanya upenyu seizvo Mwari akati kuve. Zvakazarurwa 20:5 anoti: “Vamwe vakafa havana kurarama kusvikira makore ane gumi ramazana apera.” Kufanana neboka guru ravapukunyuki veArmagedhoni, vanomutswa vachava vapenyu zvizere apo vanosvika kukwana kusina chivi.
21 Vanhu vakakwana vachatarisana nomuedzo mumwe wokupedzisira. Pamugumo waMakore Ane Chiuru, Satani namadhemoni ake vachasunungurwa mugomba rakadzika-dzika kwenguva pfupi uye vachabvumidzwa kuita nhamburiko yokupedzisira yokubvisa vanhu kuna Jehovha. Vamwe vachaisa zvishuvo zvisina kururama pamusoro pokuda Mwari, asi uku kupanduka kuchapfupikiswa. Jehovha achauraya ava vane udyire pamwe chete naSatani namadhemoni ake ose. Vaiti vezvakaipa vose panguva iyeyo vachaparadzwa nokusingaperi.—Zvakazarurwa 20:7-10.
UCHAITEI?
22 Kusaguma kuchatambanuka pamberi paavo vanoda Jehovha Mwari ndokugara muParadhiso yapasi. Hatitongogoni kufungidzira mufaro wavo, uye iwewo unogona kugoverana muna iwoyu. Nziyo, unyanzvi hwokugadzira zvinhu, zvigadzirwa zvounyanzvi—chokwadi, zvinoitwa zvakakwana zvorudzi rwomunhu zvichapfuura mabasa akaisvonakisisa enyanzvi hurusa munyika yekare! Pashure pokurangarira zvose, vanhu vachava vakakwana uye vachava nenguva isina muganhu pamberi pavo. Fungidzira izvo uchakwanisa kuita somunhu akakwana. Fungawo nezveizvo iwe navanhu biyako muchadzidza pamusoro pechisiko chaJehovha—kubva mumabhiriyoni amakwara enzou ari muchisiko chose kusvikira kutunhu tudukusa. Chinhu chiri chose icho rudzi rwomunhu runoita chichafadzazve mwoyo waBaba vedu vano rudo vokudenga, Jehovha.—Pisarema 150:1-6.
23 Upenyu panguva iyeyo hahusati huchizova hunofinha. Huchava hunofadza zvikuru sezvo nguva inopfuurira. Unoona, hakuna mugumo kukuziva Mwari. (VaRoma 11:33) Nokusingagumi kwose, nguva dzose kuchava nezvakawanda zvokudzidza nezvinhu zvitsva zvokunzvera. (Muparidzi 3:11) Uye sezvaunopfuurira kudzidza pamusoro paJehovha Mwari, ucharamba uchirarama—kwete chete makore mashomanene asi nokusingaperi!—Pisarema 22:26.
24 Ramangwana rinofadza muparadhiso yapasi harina kufanirwa here nenhamburiko ipi neipi kana kuti kurega chimwe chinhu kwaunoita? Chokwadika rakafanirwa! Eya, Jehovha akakupa kiyi yokukiyinura ramangwana iroro rakaisvonaka. Kiyi iyoyo kuziva Mwari. Uchaishandisa here?
25 Kana uchida Jehovha, uchawana mufaro mukuita kuda kwake. (1 Johane 5:3) Sezvaunoronda nzira iyoyo, uchawana zvikomborero zvakadini! Kana ukashandisa kuziva Mwari, kunogona kukuunzira upenyu hunofadza zvikuru kunyange munyika ino yatambudzwa. Uye tuso dzeramangwana ihuru, nokuti iyi ndiyo zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi! Zvino inguva yakanaka yokuti uite chiito. Tsunga kurarama mutsinhirano nokuziva Mwari. Ratidzira kuda kwako Jehovha. Kudza zita rake dzvene uye bvumikisa Satani kuva murevi wenhema. Uyewo, Jehovha Mwari, Manyuko ouchenjeri hwechokwadi nezivo, achakufarira mumwoyo wake mukuru nouno rudo. (Jeremia 31:3; Zefania 3:17) Uye achakuda nokusingaperi!
EDZA ZIVO YAKO
“Upenyu chaihwoihwo” chii?
Pashure peArmagedhoni, chii chichaitika pasi pano?
Ndivanaani vachamutswa pasi pano?
Rudzi rwomunhu rwuchava sei rwakakwana ndokuedzwa pakupedzisira?
Ndeipi iri tariro yako pamusoro peParadhiso?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Chisiko chaJehovha chakakuvadzwa sei?
3. “Upenyu chaihwoihwo” chii?
4, 5. (a) Tariro yeParadhiso ichazadzikwa sei? (b) Nei tichifanira kufunga pamusoro petariro yedu yeramangwana?
6. Armagedhoni chii, uye icharevei nokuda kworudzi rwomunhu?
7. Satani namadhemoni ake vachave vari kupi mukati moKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu, uye ikoku kuchabetsera sei rudzi rwomunhu?
8, 9. Munyika itsva, chii chichaitika kunhamo, chirwere, uye kukwegura?
10. Mugovei webasa uyo vapukunyuki veArmagedhoni vachaita?
11. Ndohupi huchava ukama hweramangwana hworudzi rwomunhu nemhoteredzo yapasi nemhuka?
12. Isaya 11:9 ari kuzadzikwa sei nhasi, uye achazadzikwa sei muParadhiso?
13. Igadziriroi yedzidzo ichaitika pasi pano?
14. Nyika ichava yakasiyana sei apo rudzi rwomunhu rwunenge rwava mhuri imwe yakabatana?
15. Mapokai maviri achamutswa pasi pano?
16. (a) Ndivanaani vachava pakati pa“vakarurama” vanomutswa pasi pano? (b) Ndivakatendeka vapi vomunguva dzakare avo unoda zvikuru kusangana navo, uye nei?
17. Rubatsiroi urwo vakatendeka vachapa kuvamwe vanomutswa?
18. Unofunga kuti uchanzwa sei pakugamuchira vadiwa vanomutswa?
19. Chishamisoi chichaitika mukati maMakore Ane Chiuru?
20. (a) Kuva akakwana kucharevei? (b) Vapukunyuki veArmagedhoni navanomutswa vachatanga kurarama mupfungwa yakazara zvikurusa rini?
21. (a) Chii chichaitika pamugumo woKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu? (b) Chii chichaitika pakupedzisira kuna Satani navose vanomutsigira?
22. Unokarira kuitei muParadhiso?
23. Nei upenyu muParadhiso husati huchizotongova hunofinha?
24, 25. Nei zvino uchifanira kurarama mutsinhirano nokuziva Mwari?
[Mufananidzo uri papeji 188, 189]
Unokarira kurarama muParadhiso, apo kuziva Mwari kunozadza pasi here?