Ganhuro 16
Kuswedera Kwaunogona Kuita Pedyo naMwari
MUMWE mushanyi aishanyira imwe nyika yokuMabvazuva akashamiswa nemiitiro yorudzidziso iyo akacherekedza paimwe tembere yechiBuddha. Kunyange zvazvo mifananidzo yakanga isiri iya yaMaria kana kuti yaKristu, yakawanda yemiitiro yacho yakanga yakafanana neiyo yechechi yake shure kumusha. Somuenzaniso, akacherekedza kushandiswa kwamarozari nokuimbwa kweminyengetero. Vamwewo vakaita enzaniso dzakadaro. Mabvazuva kana kuti Madokero, nzira idzo vazvipiri vanoedza nadzo kuswedera pedyo naMwari kana kuti nezvinhu zvavanonamata dzakafanana zvikuru.
2 Vakawanda vanoedza zvikuru kuswedera pedyo naMwari kupfurikidza nokunyengetera kwaari. Munyengetero wakarondedzerwa se“chiito chekurukurirano chinoitwa nomunhu nechinoyera kana kuti chitsvene—Mwari, vamwari, nzvimbo yechienzi, kana kuti masimba anopfuura omuzvarirwo.” (The New Encyclopædia Britannica) Pakusvika Mwari mumunyengetero, zvisinei, vamwe vanofunga bedzi maererano nezvavanogona kuwana makuri. Somuenzaniso, mumwe murume akambobvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha, kuti: “Kana mukandinyengeterera, zvinetso izvo ndinazvo mumhuri yangu, kubasa, uye noutano hwangu zvichapedzwa here?” Sezviri pachena murume wacho akafunga kudaro, asi vakawanda vanonyengetera ndokuwana kuti zvinetso zvavo zvinopfuurira. Naizvozvo tingabvunza kuti, ‘Nei chaizvo tichifanira kuswedera pedyo naMwari?’
CHIKONZERO NEI TICHIFANIRA KUSWEDERA PEDYO NAMWARI
3 Munyengetero hausati uri muitiro usina maturo, uyewo hausati uchingova zvawo muitiro wokuwana nawo chimwe chinhu. Chikonzero chikuru chokusvika Mwari ndechokuva noukama hwapedyo naye. Minyengetero yedu inofanira naizvozvo kunangidzirwa kuna Jehovha Mwari. “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari,” akadaro wezvamapisarema Dhavhidhi. (Pisarema 145:18) Jehovha anotikoka kuti tipinde muukama hune rugare naye. (Isaya 1:18) Avo vanogamuchira iyi kokero vanobvumirana nowezvamapisarema uyo akati: “Kana ndirini, kuswedera pedyo naMwari ndizvo zvinondifadza.” Nei? Nemhaka yokuti avo vanoswedera pedyo naJehovha Mwari vachafarikanya mufarwa wechokwadi norugare rwendangariro.—Pisarema 73:28, NW.
4 Kunyengetererei kuna Mwari nokuda kwebetsero kana iye ‘achiziva chatinoda tisati tamukumbira’? (Mateo 6:8; Pisarema 139:4) Munyengetero unoratidza kuti tinotenda Mwari ndokumurangarira saManyuko e“zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17; VaHebheru 11:6) Jehovha anofarira minyengetero yedu. (Zvirevo 15:8) Anofara kunzwa kutaura kwedu kune revo kwokuonga nerumbidzo, kungofanana nababa vanofara pakunzwa mwana wavo muduku achitaura mashoko apachokwadi okuonga. (Pisarema 119:108) Apo pane ukama hwakanaka hwababa nomwana, pane kurukurirano youshamwari. Mwana anodiwa anoda kutaura kuna baba vake. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi apo kunouya kuukama hwedu naMwari. Kana tichionga chaizvoizvo izvo tiri kudzidza pamusoro paJehovha norudo rwaakatiratidza, tichava nechishuvo chakasimba chokutaura isu timene kwaari mumunyengetero.—1 Johane 4:16-18.
5 Pakusvika Mwari Wokumusoro-soro, tinofanira kuva vanoremekedza, kunyange zvazvo pasina kudikanwa kwokunyanyonetseka pamusoro pamashoko chaiwoiwo ayo tinoshandisa. (VaHebheru 4:16) Nguva dzose tinosvika kuna Jehovha. Uye iropafadzo yakadini kuti tinogona ‘kudurura mwoyo wedu’ kuna Mwari mumunyengetero! (Pisarema 62:8) Kuonga Jehovha kunotungamirira kuukama hwoushamwari naye, hwakafanana nouhwo murume akatendeka Abrahama akafarikanya seshamwari yaMwari. (Jakobho 2:23) Asi pakunyengetera kuna Changamire Ishe wechisiko chose, tinofanira kuwirirana nezvinodikanwa zvake zvokumusvika.
ZVINODIKANWA ZVOKUSWEDERA PEDYO NAMWARI
6 Mari inodikanwa here kuti tisvike Mwari? Vanhu vakawanda vanobhadhara vafundisi kuti vavanyengeterere. Vamwe vanotodavira kuti minyengetero yavo ichanzwiwa maererano noukuru hwemipiro iyo vanoita. Zvisinei, Shoko raMwari haritauri kuti chipiriso chemari chinodikanwa kuti tisvike Jehovha mumunyengetero. Gadziriro dzake dzomudzimu nezvikomborero zvoukama naye mumunyengetero zvinowanika pasina mutengo.—Isaya 55:1, 2.
7 Chii, ipapoka, chinodikanwa? Chimiro chakarurama chomwoyo ndichimwe chezvinokosha. (2 Makoronike 6:29, 30; Zvirevo 15:11) Mumwoyo wedu tinofanira kutenda Jehovha Mwari so“Munzwi womunyengetero” uye “mutusi waavo vanomutsvaka zvapachokwadi.” (Pisarema 65:2; VaHebheru 11:6, NW) Tinofanira kuvawo nomwoyo unozvininipisa. (2 Madzimambo 22:19; Pisarema 51:17) Mune mumwe wemienzaniso yake, Jesu Kristu akaratidza kuti pakusvika Mwari mumwe muteresi anozvininipisa aiva nechimiro chomwoyo chokuzvininipisa akabvumikisa kuva akarurama zvikuru kupfuura muFarise aizvitutumadza. (Ruka 18:10-14) Sezvatinosvika Mwari mumunyengetero, ngatiyeukei kuti “mumwe nomumwe, uno mwoyo unozvikudza, unonyangadza Jehovha.”—Zvirevo 16:5.
8 Kana tichishuva kuita kuti Mwari apindure minyengetero yedu, tinofanira kuzvibvisira timene mufambiro wokutadza. Apo mudzidzi Jakobho akakurudzira vamwe kuswedera pedyo naMwari, akawedzera, kuti: “Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri.” (Jakobho 4:8) Kunyange vaiti vezvakaipa vanogona kupinda muukama hune rugare naJehovha kana vakapfidza ndokusiya aichimbova mararamiro avo. (Zvirevo 28:13) Hatigoni kunzwiwa naJehovha kana tichingonyepedzera zvedu kuti takachenesa nzira yedu. “Meso a[Jehovha, NW] ari pamusoro pavakarurama, nenzeve dzake pakukumbira kwavo. Asi chiso cha[Jehovha, NW] chiri pamusoro pavanoita zvakaipa,” rinodaro Shoko raMwari.—1 Petro 3:12.
9 Bhaibheri rinoti: “Hapano munhu wakarurama panyika, unoita zvakanaka, asingatadzi.” (Muparidzi 7:20) Ungabvunza naizvozvo, kuti: ‘Ipapoka, tinogona sei kusvika Jehovha Mwari?’ Bhaibheri rinopindura, kuti: “Kana munhu achitadza, tino Murevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu wakarurama.” (1 Johane 2:1) Kunyange zvazvo tiri vatadzi, tinogona kusvika Mwari tine rusununguko rwokutaura kupfurikidza naJesu Kristu, uyo akafa sorudzikinuro nokuda kwedu. (Mateo 20:28) Iye ndiye mutoo bedzi watinogona kusvika Jehovha Mwari nawo. (Johane 14:6) Hatifaniri kurerutsa runako rwechibayiro chorudzikinuro chaJesu ndokuita chivi namaune. (VaHebheru 10:26) Zvisinei, kana tiri kuita unani hwedu kurega chiri chakashata bva tichikanganisa padzimwe nguva, tinogona kupfidza ndokukumbira Mwari kanganwirwo. Apo tinomusvika nomwoyo unozvininipisa, achatinzwa.—Ruka 11:4.
MIKANA YOKUTAURA KUNA MWARI
10 Jesu Kristu akakoshesa ukama hwake naJehovha zvikuru kwazvo. Naizvozvo, Jesu akaronga nguva yokutaura kuna Mwari mumunyengetero womunhu oga. (Marko 1:35; Ruka 22:40-46) Tinoita zvakanaka kutevedzera muenzaniso waJesu ndokunyengetera kuna Mwari pahwaro hwenguva dzose. (VaRoma 12:12) Kwakakodzera kutanga zuva namashoko omunyengetero, uye tisati tavata, tinogona kuonga Jehovha nenzira yakarurama nokuda kwomubato wezuva. Mukati mezuva, ita nhamburiko yokusvika Mwari “nguva dzose.” (VaEfeso 6:18) Tinogona kunyange kunyengetera chinyararire mumwoyo medu, tichiziva kuti Jehovha anogona kutinzwa. Kutaura pachivande kuna Mwari kunotibetsera kusimbisa ukama hwedu naye, uye kunyengetera kuna Jehovha zuva nezuva kunotibetsera kuswedera pedyo zvikuru naye nguva dzose.
11 Jehovha anoteererawo minyengetero inopiwa nokuda kwamapoka avanhu. (1 Madzimambo 8:22-53) Tinogona kuswedera pedyo naMwari semhuri, musoro wemhuri uchitungamirira. Ikoku kunosimbisa chisungo chemhuri, uye Jehovha anova chaiyeiye kuvaduku sezvo vanonzwa vabereki vavo vachinyengetera nokuzvininipisa kuna Mwari. Zvakadini kana mumwe munhu ari kumirira boka mumunyengetero, zvichida pamusangano weZvapupu zvaJehovha? Kana tiri muvateereri, ngatisanoteererei kuitira kuti pamugumo womunyengetero, tigogona kuti nomwoyo wose, “Ameni,” uko kunoreva kuti, “Ngakuve kwakadaro.”—1 VaKorinte 14:16.
MINYENGETERO IYO JEHOVHA ANONZWA
12 Vamwe vangarangarira kuti Mwari haapinduri minyengetero yavo kunyange zvazvo vachinyengetera kwaari kupfurikidza naKristu. Zvisinei, muapostora Johane akati: “Kana tichikumbira chinhu nokuda [kwaMwari], unotinzwa.” (1 Johane 5:14) Naizvozvo, ipapoka, tinofanira kukumbira maererano nokuda kwaMwari. Sezvo achifarira garikano yedu yomudzimu, chinhu chipi nechipi chinotapura umudzimu hwedu inhau yakafanira munyengetero. Tinofanira kudzivisa muedzo wokunangidzira ngwariro chose chose pazvinodikanwa zvomuviri. Somuenzaniso, nepo kwakafanira kunyengeterera nzwisiso noushingi zvokubata nechirwere, kunetseka pamusoro poutano hakufaniri kutsvikinyidzira kunze fariro dzomudzimu. (Pisarema 41:1-3) Aziva kuti akanga achiitira hanya zvikuru utano hwake, mumwe mukadzi wechiKristu akakumbira Jehovha betsero yokuva nomurangariro wakafanira wechirwere chake. Somugumisiro, zvinetso zvake zvoutano zvakava nhau duku zvikuru, uye iye akanzwa kuti akapiwa “simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaKorinte 4:7, NW) Chishuvo chake chokuva webetsero yomudzimu kuvamwe chakasimba, uye akava muzivisi woUmambo wenguva yakazara.
13 Chii chatingabatanidza muminyengetero yedu kuti Jehovha agofadzwa kuinzwa? Jesu Kristu akadzidzisa vadzidzi vake nzira yokunyengetera nayo. Mumunyengetero womuenzaniso wakanyorwa pana Mateo 6:9-13, akaonesa muenzaniso wenhau dzatinganyengetera nenzira yakarurama pamusoro padzo. Chii chinofanira kuva cheitiro hanya huru muminyengetero yedu? Zita raJehovha Mwari noUmambo zvinofanira kuva zvokutanga zvikuru. Kukumbira zvinodikanwa zvedu zvokunyama kwakafanira. Kunokoshawo kukumbira kanganwirwo yezvivi zvedu uye kununurwa mumiedzo nowakaipa, Satani Dhiyabhorosi. Jesu haana kuda kuti tiimbe uyu munyengetero kana kuti kuudzokorora tadzokororazve, kuuziva nomusoro pasina kufunga pamusoro perevo yawo. (Mateo 6:7) Rwaizova rudzii rwoukama kudai mwana akashandisa mashoko mamwe chetewo nguva iri yose yaakataura kuna baba vake?
14 Kunze kwezvikumbiro neteterero zvomwoyo wose, tinofanira kupa minyengetero yerumbidzo nokuonga. (Pisarema 34:1; 92:1; 1 VaTesaronika 5:18) Tinogonawo kunyengeterera vamwe. Minyengetero pamusoro pehama dzedu dzomudzimu nehanzvadzi vanonetswa kana kuti vanotambudzwa inoratidza kuvafarira kwedu, uye Jehovha anofadzwa nokutinzwa tichitaura itiro hanya yakadaro. (Ruka 22:32; Johane 17:20; 1 VaTesaronika 5:25) Kutaura idi, muapostora Pauro akanyora kuti: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.
PFUURIRA KUNYENGETERA
15 Kunyange zvazvo uri kuwana zivo pamusoro paMwari, ungarangarira kuti minyengetero yako pane dzimwe nguva haipindurwi. Ikoku kungagona kuva kwakadaro nemhaka yokuti ingasava nguva yaMwari yokupindura munyengetero wakananga. (Muparidzi 3:1-9) Jehovha angabvumira mamiriro ezvinhu kupfuurira kwenguva yakati, asi anopindura minyengetero uye anoziva nguva yakanakisisa yokuita saizvozvo.—2 VaKorinte 12:7-9.
16 Kupfuurira kwedu kunyengetera kunozivisa fariro yedu yomwoyo wose muicho tiri kutaura kuna Mwari. (Ruka 18:1-8) Somuenzaniso, tingakumbira Jehovha kutibetsera kukurira utera hwakati. Kupfurikidza nokupfuurira kunyengetera nokuita mutsinhirano nezvikumbiro zvedu, tinoratidza uchokwadi hwedu. Tinofanira kuva vakananga navakatendeseka muzvikumbiro zvedu. Kunokosha zvikuru kunyengetera zvakakomba apo tinenge tichiwana muedzo. (Mateo 6:13) Sezvatinopfuurira kunyengetera tichiedza kudzora sundo dzedu dzokutadza, tichaona kutibetsera kunoita Jehovha. Ikoku kuchavaka kutenda kwedu ndokusimbisa ukama hwedu naye.—1 VaKorinte 10:13; VaFiripi 4:13.
17 Kupfurikidza nokusakurira chimiro chendangariro chokunyengetera mukuitira Jehovha Mwari basa rinoyera, tichasvika pakuziva kuti hatimubatiri nesimba redu timene. NdiJehovha anoita kuti zvinhu zviitwe. (1 VaKorinte 4:7) Kuziva ikoku kuchatibetsera kuva vanozvininipisa uye kuchawedzera ukama hwedu naye. (1 Petro 5:5, 6) Hungu, tine zvikonzero zvakasimba zvokupfuurira kunyengetera. Minyengetero yedu yapachokwadi nezivo inokosha yenzira yokuswedera nayo pedyo naBaba vedu vokudenga zvichaita kuti upenyu hwedu hufadze zvirokwazvo.
KURUKURIRANO NAJEHOVHA HAISI YORUTIVI RUMWE
18 Kana tichida kuti Mwari anzwe minyengetero yedu, tinofanira kuteerera zvaanotaura. (Zekaria 7:13) Iye haasati achatumira mashoko ake kupfurikidza navaporofita vakafuridzirwa nenzira youmwari uye zvirokwazvo haasati achishandisa mitoo yokudavira midzimu. (Dheuteronomio 18:10-12) Asi tinogona kuteerera Mwari kupfurikidza nokufunda Shoko rake, Bhaibheri. (VaRoma 15:4; 2 Timotio 3:16, 17) Sezvo tingada kuravira zvokudya zvomuviri izvo zvakatinakira, tinokurudzirwa ku“umba chishuvo chomukaka usina kushatiswa weshoko.” Sakurira chishuvo chezvokudya zvomudzimu kupfurikidza nokurava Shoko raMwari zuva nezuva.—1 Petro 2:2, 3, NW; Mabasa 17:11.
19 Fungisisa zvaunorava muBhaibheri. (Pisarema 1:1-3; 77:11, 12) Ikoko kunoreva kufungisisa mashoko acho. Ungafananidza ikoku nokuseredza zvokudya. Unogona kuseredza zvokudya zvomudzimu kupfurikidza nokuwiriranisa zvauri kurava nezvinhu zvaunotoziva. Rangarira kuti mashoko acho anotapura sei upenyu hwako, kana kuti rangarira zvaanozivisa pamusoro pamavara aJehovha namabasa. Nokudaro kupfurikidza nefundo yomunhu oga, unogona kupinza zvokudya zvomudzimu izvo Jehovha anogovera. Ikoku kuchakuswededza pedyo zvikuru naMwari uye kuchakubetsera kubata nezvinetso zvezuva nezuva.
20 Unogonawo kuswedera pedyo naMwari kupfurikidza nokuteerera Shoko rake richikurukurwa pamisangano yechiKristu, seizvo vaIsraeri vaisanoteerera apo vaiungana kuzonzwa kuraviwa kwapachena kwoMutemo waMwari. Varayiridzi venguva iyoyo vaiisa revo mukurava kwavo Mutemo, nokudaro vachibetsera vateereri vavo kunzwisisa ndokusundwa kushandisa izvo vainzwa. Ikoku kwakatungamirira kumufaro mukuru. (Nehemia 8:8, 12) Naizvozvo kuite muitiro wako kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. (VaHebheru 10:24, 25) Ikoku kuchakubetsera kunzwisisa uye ipapo kushandisa kuziva Mwari muupenyu hwako uye kuchakuunzira mufarwa. Kuva rutivi rwouhama hwechiKristu hwenyika yose kuchakubetsera kuramba uri pedyo naJehovha. Uye sezvatichaona, unogona kuwana chengeteko yechokwadi pakati pavanhu vaMwari.
EDZA ZIVO YAKO
Nei uchifanira kuswedera pedyo naJehovha?
Ndezvipi zviri zvimwe zvinodikanwa zvokuswedera pedyo naMwari?
Chii chaunogona kubatanidza muminyengetero yako?
Nei uchifanira kupfuurira kunyengetera?
Unogona sei kuteerera Jehovha nhasi?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Ifananoi dziri pachena mumarudzidziso akawanda?
2. Munyengetero wakarondedzerwa sei, uye nei vanhu vakawanda vachinyengetera?
3. Minyengetero yedu inofanira kunangidzirwa kuna ani, uye nei?
4, 5. (a) Nei kuchikosha kunyengetera kuna Mwari? (b) Rudzii rwoukama rwatinogona kuvaka naMwari kupfurikidza nomunyengetero?
6. 7. Kunyange zvazvo Mwari asingadi mubhadharo kuti anzwe minyengetero yedu, anodei kwatiri apo tinonyengetera?
8. Kana tichida kuita kuti Mwari apindure minyengetero yedu, tinofanira kuzvibvisira timene chii?
9. Tinofanira kusvika Jehovha kupfurikidza naani, uye nei?
10. Pamusoro pomunyengetero, tinogona sei kutevedzera Jesu, uye ndedzipi dziri nhambo dzomunyengetero womunhu oga?
11. (a) Nei mhuri dzichifanira kunyengetera pamwe chete? (b) Kunorevei apo unoti “Ameni” pamugumo womunyengetero?
12. (a) Nei Mwari asingapinduri mimwe minyengetero? (b) Nei tisingafaniri kunangidzira ngwariro bedzi pazvinodikanwa zvomunhu oga pakunyengetera?
13. Sezvinoratidzirwa pana Mateo 6:9-13, ndedzipi dziri dzimwe nhau dzakakodzera dzatinogona kubatanidza muminyengetero yedu?
14. Kunze kwemikumbiro, minyengeteroi yatinofanira kupa?
15. Chii chatinofanira kuyeuka kana minyengetero yedu ichiratidzika kuva isingapindurwi?
16. Nei tichifanira kupfuurira kunyengetera, uye kuita ikoku kunogona sei kutapura ukama hwedu naMwari?
17. Tichabetserwa sei nechimiro chendangariro chokunyengetera mukubatira Mwari?
18. Tinogona sei kuteerera Mwari?
19. Kufungisisa zvaunorava muBhaibheri ndokwebetseroi?
20. Kupinda misangano yechiKristu kunotibetsera sei kuswedera pedyo naMwari?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 157]