Ganhuro 12
Dzivisa Masimba Emidzimu Yakaipa
PASHURE chaipo porubhapatidzo rwake, Jesu Kristu akapinda murenje reJudhea kundonyengetera nokufungisisa. Ari imomo Satani Dhiyabhorosi akaedza kumuita kuti apunze mutemo waMwari. Zvisinei, Jesu akaramba chiteyeso chaDhiyabhorosi uye haana kubatwa mumusungo wake. Jesu akatarisana nemimwe midzimu yakaipa mukati moushumiri hwake pasi pano. Bva, nguva nenguva, iye akaituka ndokuidzivisa.—Ruka 4:1-13; 8:26-34; 9:37-43.
2 Nhoroondo dzeBhaibheri dzinorondedzera kusangana ikoko dzinofanira kutipwisa kuti masimba emidzimu yakaipa aripo. Anoedza kutsausa vanhu. Zvisinei, tinogona kudzivisa iyi midzimu yakaipa. Asi midzimu yakaipa inobvepi? Nei ichiedza kunyengedza vanhu? Uye inoshandisa mitooi kuti iwane zvinangwa zvayo? Kuwana mhinduro dzemibvunzo yakadai seiyi kuchakubetsera kudzivisa masimba emidzimu yakaipa.
MIDZIMU YAKAIPA—MAVAMBO AYO NEVAVARIRO
3 Jehovha Mwari akaita zvisikwa zvomudzimu zvakawanda kare kare asati asika vanhu. (Jobho 38:4, 7) Sezvakatsanangurwa muGanhuro 6, imwe yeidzi ngirozi yakatanga kuva nechishuvo chokuita kuti vanhu vainamate panzvimbo pokunamata Jehovha. Ichironda vavariro iyoyo, iyi ngirozi yakaipa yakadzivisa ndokuchera Musiki, kunyange kukarakadza kumukadzi wokutanga kuti Mwari akanga ari murevi wenhema. Nenzira yakakodzera, ipapo, ichi chisikwa chomudzimu chinopandukira chakazozivikanwa saSatani (mudzivisi) Dhiyabhorosi (mucheri).—Genesi 3:1-5; Jobho 1:6.
4 Gare gare, dzimwe ngirozi dzakatsigira Satani Dhiyabhorosi. Mumazuva omurume akarurama Noa, dzimwe dzaidzodzi dzakasiya basa radzo mudenga ndokupfeka miviri yenyama kuti dzigutse ruchiva rwadzo rwevatano navakadzi vapasi. Satani pasina kupokana akafurira ngirozi idzodzo kuti dziite chiito ichocho chokusateerera. Chakatungamirira kukubereka kwadzo vana vomuvhenganiswa vainzi vaNefirimi, avo vakava vashushi vaiva namasimba masimba. Apo Jehovha akaparira Boporodzi guru, rakaparadza rudzi rwomunhu rwakaipiswa norudzi urwu rwaisava rwomuzvarirwo rwengirozi dzisina kuteerera. Ngirozi dzakapanduka dzakapukunyuka ruparadziko kupfurikidza nokubvisa miviri yadzo yenyama nokudzokera kunzvimbo yemidzimu. Asi Mwari akadzora aya madhemoni kupfurikidza nokuabata savadzingwa murima romudzimu. (Genesi 6:1-7, 17; Judhasi 6) Satani, “mutongi wamadhemoni,” uye ngirozi dzake dzakaipa kunyange zvazvo zvakadaro vakapfuurira nokupanduka kwavo. (Ruka 11:15) Chii chiri chinangwa chavo?
5 Vavariro yakaipa yaSatani namadhemoni ndeyokuita kuti vanhu vapandukire Jehovha Mwari. Nokudaro, ava vakaipa vave vachitsausa, vachityisidzira, uye vachidenha vanhu munhau yose yavanhu. (Zvakazarurwa 12:9) Mienzaniso yomuzuva razvino uno inosimbisa kuti kudenha kwamadhemoni kwakaipa zvikuru zvino kupfuura zvakusati kwambova. Kuti abate vanhu mumusungo, madhemoni anowanzoshandisa kudavira midzimu muzvimiro zvako zvose. Madhemoni anoshandisa sei ichi chiteyeso, uye unogona sei kuzvidzivirira umene?
KUEDZA KUNOITA MIDZIMU YAKAIPA KUKUTSAUSA
6 Kudavira midzimu chii? Kubatanidzwa namadhemoni, kana kuti midzimu yakaipa, zvakananga kana kuti zvimwe kupfurikidza nesvikiro riri munhu. Kudavira midzimu kunoitira madhemoni zvinoitira chiteyeso vavhimi: Chinokwezva vanyajambwa. Uye kungofanana nomuvhimi anoshandisa mhatsa yezviteyeso kuti akwezvere mhuka mumusungo wake, naizvozvo midzimu yakaipa inokurudzira zvimiro zvakasiyana-siyana zvokudavira midzimu kuti idzore vanhu. (Enzanisa nePisarema 119:110.) Zvimwe zveizvi zvimiro kuvuka, mashiripiti, kudavira mashura, uroyi, kutsinga, kubvunza masvikiro, uye kubvunza vakafa.
7 Chiteyeso chacho chinoshanda, nokuti kudavira midzimu kunokwezva vanhu kupota nyika. Avo vanogara mumisha yomumasango vanoenda kun’anga, uye vashandi vomuhofisi vomumaguta vanobvunza voruzivo rwenyeredzi. Kudavira midzimu kwakapararira kunyange mudzinonzi nyika dzechiKristu. Nzvero inoratidzira kuti muUnited States moga, magazini anenge 30 ane kuparadzirwa kwakabatanidzwa kwaanopfuura 10 000 000 anoshandisirwa zvimiro zvakasiyana-siyana zvokudavira midzimu. VaBrazil vanopedzera madhora ane mamiriyoni anopfuura 500 pazvinhu zvokudavira midzimu gore rimwe nerimwe. Bva, 80 muzana yaavo vanowanzoenda kunzvimbo dzokunamatira kudavira midzimu munyika iyoyo vaKaturike vakabhapatidzwa vanopindawo Misa. Sezvo vamwe vafundisi vachishandisa kudavira midzimu, vanhu vorudzidziso vakawanda vanofunga kuti kukushandisa kunogamuchirika kuna Mwari. Asi kunodaro here?
CHIKONZERO NEI BHAIBHERI RICHISHURIKIDZA MUITIRO WOKUDAVIRA MIDZIMU
8 Kana wakadzidziswa kuti zvimiro zvakati zvokudavira midzimu mutoo wokuonana nawo nemidzimu yakanaka, ungashamiswa nokuziva icho Bhaibheri rinotaura pamusoro pokudavira midzimu. Vanhu vaJehovha vakanyeverwa, kuti: “Musava nehanya namasvikiro, kana navavuki; musavatsvaka, kuti musvibiswe navo.” (Revhitiko 19:31; 20:6, 27) Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinopa nyevero yokuti “avo vanoshandisa kudavira midzimu” vachaguma vava mu“dziva rinopfuta mwoto nesuferi. Ikoku kunoreva rufu [rusingaperi] rwechipiri.” (Zvakazarurwa 21:8; 22:15, NW) Zvimiro zvose zvokudavira midzimu hazvitenderwi naJehovha Mwari. (Dheuteronomio 18:10-12) Nei ikoko kwakadaro?
9 Jehovha akatuma midzimu yakanaka, kana kuti ngirozi dzakarurama, kuzokurukura navanhu vakati Bhaibheri risati rapedzwa. Kubvira pakupedzwa kwaro, Shoko raMwari rakagovera nhungamiro iyo vanhu vanoda kuti vabatire Jehovha nenzira inogamuchirika. (2 Timotio 3:16, 17; VaHebheru 1:1, 2) Haasati achipfuura Shoko rake dzvene kupfurikidza nokupa mashoko kumasvikiro. Mashoko ose akadaro omuzuva razvino anobva munyika yemidzimu anobva kumidzimu yakaipa. Muitiro wokudavira midzimu unogona kutungamirira kukunetswa namadhemoni kana kuti kunyange kusvikirwa nemidzimu yakaipa. Naizvozvo, Mwari anotinyevera nenzira yorudo kusabatanidzwa mumiitiro ipi neipi yokudavira midzimu. (Dheuteronomio 18:14; VaGaratia 5:19-21) Uyezve, kana tikapfuurira kushandisa kudavira midzimu pashure pokuziva murangariro waJehovha wako, taizova tichitsigira midzimu yakaipa inopanduka uye taizova vavengi vaMwari.—1 Samueri 15:23; 1 Makoronike 10:13, 14; Pisarema 5:4.
10 Chimiro chimwe chakakurumbira chokudavira midzimu kuvuka—kuedza kuwana ramangwana kana kuti zvisingazivikanwi nebetsero yemidzimu. Zvimwe zvimiro zvokuvuka ruzivo rwenyeredzi, kutarira chimburungwa chinoonekera, kududzirwa kwezviroto, kududzira mitsetse yechanza, uye kufembera nokushandiswa kwamakadhi ane mifananidzo. Vakawanda vanorangarira kuvuka somufaro usingakuvadzi, asi Bhaibheri rinoratidza kuti vafemberi nemidzimu yakaipa zvinowirirana. Somuenzaniso, Mabasa 16:16-19 (NW), anodudza “dhemoni rokuvuka” iro raigonesa mumwe musikana kushandisa “unyanzvi hwokufembera.” Zvisinei, mano ake okufanotaura ramangwana akarasika apo dhemoni racho rakadzingwa. Nenzira yakajeka, kuvuka chiteyeso chinoshandiswa namadhemoni kukwezvera vanhu mumusungo wawo.
11 Kana uri kutambudzika pamusoro porufu rwomutezo wemhuri waidiwa kana kuti shamwari yapedyo, ungagona kusatana kunyengedzwa nechimwe chiteyeso. Svikiro ringakupa mashoko chaiwo kana kuti ringataura nenzwi iro rinoratidzika kuva riya romunhu akafa. Unangwarira! Kuedza kukurukura navakafa kunotungamirira mumusungo. Nei? Nemhaka yokuti vakafa havagoni kutaura. Sezvo pasina kupokana unoyeuka, Shoko raMwari rinotaura zvakajeka kuti parufu munhu “unodzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” Vakafa “havana chavanoziva.” (Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5, 10) Uyezve, ndiwo chaizvoizvo madhemoni akazivikanwa kuva anotevedzera inzwi romushakabvu ndokupa svikiro mashoko pamusoro pomunhu akafa. (1 Samueri 28:3-19) Naizvozvo “[ani naani] unobvunza vakafa” ari kupinzwa mumusungo nemidzimu yakaipa uye ari kuita mukupesana nokuda kwaJehovha Mwari.—Dheuteronomio 18:11, 12; Isaya 8:19.
KUBVA MUKUKWEZVA KUENDA KUKUDENHA
12 Apo unowirirana nezano reShoko raMwari pamusoro pokudavira midzimu, unodzivisa chiteyeso chamadhemoni. (Enzanisa nePisarema 141:9, 10; VaRoma 12:9.) Ikoku kunoreva here kuti midzimu yakaipa icharega kuedza kukubata? Nyangwe! Pashure pokuedza Jesu katatu, Satani “akamusiya kusvikira imwe nguva.” (Ruka 4:13) Nenzira yakafanana, midzimu ine nharo haisati ichingokwezva bedzi vanhu asi inovadenhawo.
13 Yeuka kurangarira kwedu kwapakuvamba denho yaSatani pamubatiri waMwari Jobho. Dhiyabhorosi akaparira kurasikirwa nezvipfuyo zvake norufu rwavakawanda zvikurusa vavabatiri vake. Satani akatouraya vana vaJobho. Tevere, akarova Jobho amene nehosha inorwadza. Asi Jobho akachengeta perero yake kuna Mwari uye akakomborerwa zvikuru kwazvo. (Jobho 1:7-19; 2:7, 8; 42:12) Kubvira panguva iyeyo, madhemoni akaita kuti vamwe vanhu vave mbeveve kana kuti mapofu uye akapfuurira kufarira kutambura kwavanhu. (Mateo 9:32, 33; 12:22; Marko 5:2-5) Nhasi, mishumo inoratidza kuti madhemoni anonetsa vamwe muvatano uye anopengesa vamwe. Iwo anonyandurirazve vamwe kukuponda nokuzviuraya, izvo zviri kutadzira Mwari. (Dheuteronomio 5:17; 1 Johane 3:15) Kunyange zvazvo zvakadaro, zviuru zvavanhu zvaimbova zvakasungwa mumusungo neiyi midzimu yakaipa zvakakwanisa kusununguka. Ikoku kwakazvibvirira sei? Zvakaita saizvozvo kupfurikidza nokuita nhano dzinokosha.
NZIRA YOKUDZIVISA NAYO MIDZIMU YAKAIPA
14 Ndeipi iri nzira imwe yaunogona kudzivisa nayo midzimu yakaipa ndokuzvidzivirira umene nemhuri yako pamisungo yayo? VaKristu vomuzana rokutanga ramakore muEfeso avo vakanga vashandisa kudavira midzimu vasati vava vatendi vakaita nhano dzakananga. Tinorava kuti “vazhinji vaiita un’anga, vakaunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose.” (Mabasa 19:19) Kunyange kana usina kushandisa kudavira midzimu, rasa chinhu chipi nechipi chinoshandiswa mune zvokudavira midzimu kana kuti zvinokarakadza. Ikoku kunobatanidza mabhuku, magazini, mavhidhiyo, zvikwangwani, marekodhi enziyo, uye zvinhu zvinoshandiswa nokuda kwezvinangwa zvokudavira midzimu. Zvinobatanidzawo zvidhori, mazango nezvimwe zvinhu zvinopfekwa nokuda kwedziviriro, uye zvipo zvakagamuchirwa zvichibva kuvashandisi vanodavira midzimu. (Dheuteronomio 7:25, 26; 1 VaKorinte 10:21) Kuenzanisira: Varoorani muThailand vakanga vanguve vanetswa namadhemoni. Ipapo vakarasa zvinhu zvakanga zvakabatanidzwa nokudavira midzimu. Ndoupi wakanga uri mugumisiro wacho? Vakasunungurwa padenho dzamadhemoni uye pashure paikoko vakaita fambiro mberi yomudzimu chaiyoiyo.
15 Nokuda kwokudzivisa midzimu yakaipa, imwe nhano iri madikanwa kushandisa zano romuapostora Pauro rokupfeka chipfeko chakakwana chechifukidziro chesimbi chomudzimu chinopiwa naMwari. (VaEfeso 6:11-17) VaKristu vanofanira kusimbisa kuzvidzivirira kwavo pamidzimu yakaipa. Iyi nhano inobatanidzei? “Pamusoro paizvozvi,” akadaro Pauro, “makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomwoto yowakaipa.” Zvirokwazvo, kana kutenda kwako kwakasimba zvikuru, mano ako okudzivisa masimba akaipa emidzimu achavawo makuru zvikuru.—Mateo 17:14-20.
16 Unogona sei kusimbisa kutenda kwako? Kupfurikidza nokupfuurira kufunda Bhaibheri ndokushandisa zano raro muupenyu hwako. Simba rokutenda kwomunhu rinotsamira zvikurukuru pakusimba kwenheyo yako—kuziva Mwari. Haubvumi here kuti zivo yakarurama yawakawana ndokurangarira zvakakomba sezvo wakafunda Bhaibheri yakavaka kutenda kwako? (VaRoma 10:10, 17) Pasina kupokana, naizvozvo, sezvaunopfuuridzira iyi fundo ndokukuita muitiro wako kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha, kutenda kwako kuchasimbiswa zvinotova zvikuru. (VaRoma 1:11, 12; VaKorose 2:6, 7) Kuchava dziviriro huru padenho amadhemoni.—1 Johane 5:5.
17 Ndidzimwe nhanoi dzingaitwa nomunhu uyo akatsunga kudzivisa masimba emidzimu yakaipa? VaKristu veEfeso vaida dziviriro nemhaka yokuti vaigara muguta rakanga rakazadzwa noudhemoni. Nokudaro, Pauro akavaudza, kuti: “Munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya.” (VaEfeso 6:18) Sezvo tichigara munyika yakazadzwa namadhemoni, kunyengetera zvikuru nokuda kwedziviriro yaMwari kunokosha mukudzivisa midzimu yakaipa. (Mateo 6:13) Runobetsera muna ikoku rubatsiro rwomudzimu neminyengetero zvavakuru vakagadzwa vari muungano yechiKristu.—Jakobho 5:13-15.
RAMBA UCHIRWISANA NEMIDZIMU YAKAIPA
18 Kunyange pashure pokuita idzi nhano huru, zvisinei, vamwe vakatambudzwa nemidzimu yakaipa. Somuenzaniso, mumwe murume muCôte d’Ivoire akafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ndokuparadza mazango ake ose. Pashure paikoko, akaita fambiro mberi yakaisvonaka, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha, uye akabhapatidzwa. Asi vhiki imwe pashure porubhapatidzo rwake, madhemoni akavamba kumutambudza zvakare, uye manzwi akamuudza kurega kutenda kwake kwakanga kuchangobva kuwanwa. Kana ikoku kwakaitika kwauri, kungareva here kuti wakanga warasikirwa nedziviriro yaJehovha? Kwete hazvo.
19 Kunyange zvazvo murume akakwana Jesu Kristu aiva nedziviriro youmwari, akanzwa inzwi rechisikwa chomudzimu chakaipa Satani Dhiyabhorosi. Jesu akaratidza chokuita muchiitiko chakadaro. Akaudza Dhiyabhorosi, kuti: “Ibva, Satani!” (Mateo 4:3-10) Nomutoo wakafanana, unofanira kuramba kuteerera manzwi anobva munyika yemidzimu. Dzivisa midzimu yakaipa kupfurikidza nokudana Jehovha nokuda kwebetsero. Hungu, nyengetera zvinonzwika uchishandisa zita raMwari. Zvirevo 18:10 anoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.” Murume wechiKristu muCôte d’Ivoire akaita ikoku, uye midzimu yakaipa yakarega kumunetsa.—Pisarema 124:8; 145:18.
20 Jehovha akabvumira midzimu yakaipa kuramba iripo, asi anoratidza simba rake, zvikurukuru nokuda kwavanhu vake, uye zita rake riri kuziviswa mupasi rose. (Eksodho 9:16) Kana ukarambira pedyo naMwari, haufaniri kutya midzimu yakaipa. (Numeri 23:21, 23; Jakobho 4:7, 8; 2 Petro 2:9) Simba rayo rakaganhurirwa. Yakarangwa muzuva raNoa, yakadzingwa mudenga munguva dzichangobva kupfuura, uye zvino yakamirira rutongeso rwokupedzisira. (Judhasi 6; Zvakazarurwa 12:9; 20:1-3, 7-10, 14) Kutaura idi, inotya ruparadziko rwayo rwuri kuuya. (Jakobho 2:19) Naizvozvo kana midzimu yakaipa ikaedza kukukwezva norudzi rwakati rwechiteyeso kana kuti kukudenha munzira ipi neipi, unogona kuidzivisa. (2 VaKorinte 2:11) Dzivisa chimiro chiri chose chokudavira midzimu, shandisa zano reShoko raMwari, uye tsvaka tendero yaJehovha. Ita ikoku pasina kunonoka, nokuti upenyu hwako hwakatsamira pakudzivisa kwako masimba emidzimu yakaipa!
EDZA ZIVO YAKO
Midzimu yakaipa inoedza sei kutsausa vanhu?
Nei Bhaibheri richishurikidza kudavira midzimu?
Munhu anogona sei kusununguka pamasimba emidzimu yakaipa?
Nei uchifanira kuramba uchidzivisa midzimu yakaipa?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Jesu akaita sei apo akanangana nemidzimu yakaipa?
2. Ticharangarira mibvunzoi?
3. Satani Dhiyabhorosi akasvika sei pakuvapo?
4. Dzimwe ngirozi dzakatadza sei muzuva raNoa?
5. Satani namadhemoni ake vane vavariroi, uye vanoshandisei kuti vabate vanhu mumusungo?
6. Kudavira midzimu chii, uye ndezvipi zviri zvimwe zvimiro zvako?
7. Kudavira midzimu kwakapararira sei, uye nei kuchibudirira kunyange mudzinonzi nyika dzechiKristu?
8. Ndoupi uri murangariro wapaMagwaro wokudavira midzimu?
9. Nei tichigona kugumisa kuti mashoko omuzuva razvino anobva munyika yemidzimu haabvi kuna Jehovha?
10. Kuvuka chii, uye nei tichifanira kukudzivisa?
11. Kuedza kukurukura navakafa kunotungamirira sei mumusungo?
12, 13. Ufakazii huripo hwokuti madhemoni anopfuurira mukuedza nokunetsa vanhu?
14. Mutsinhirano nomuenzaniso wavaKristu veEfeso vomuzana rokutanga ramakore, unogona sei kudzivisa midzimu yakaipa?
15. Mukudzivisa masimba emidzimu yakaipa, ndeipi iri imwe nhano iri madikanwa?
16. Unogona sei kusimbisa kutenda kwako?
17. Ndidzimwe nhanoi dzingava dziri madikanwa mukudzivisa masimba emidzimu yakaipa?
18, 19. Chii chinogona kuitwa kana madhemoni akatambudza munhu zvakare?
20. Mukupfupikisa, chii chaunogona kuita kuti udzivise midzimu yakaipa?
[Mufananidzo uri papeji 110]
Unorangarira sei kudavira midzimu muzvimiro zvako zvakasiyana-siyana?