RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • kl chits. 8 pp. 70-79
  • Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?
  • Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUTAMBURA HAKUBVI KUNA MWARI
  • MAVAMBO AKAKWANA
  • DENHO YOUTSINYE
  • NZIRA YOKUPEDZA NAYO NHAU DZACHO
  • CHII CHAKABVUMIKISWA?
  • UCHAITEI?
  • Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kutambura Kwavanhu—Nei Mwari Achikubvumidza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nei Zvakaipa Zvichiripo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kurarama Nenzira Inofadza Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
kl chits. 8 pp. 70-79

Ganhuro 8

Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?

APO ngwavaira dzinorova, dzichipardza zvinhu nokuparadza upenyu, vakawanda havagoni kunzwisisa chikonzero nei zvinhu zvakaipa zvakadaro zvichiitika. Vamwe vanonetswa noukuru, utsinye, uye kusadzoreka kwoutsotsi namasimba masimba. Iwewo ungave wakashamiswa kuti, ‘Nei Mwari achibvumidza kutambura?’

2 Nemhaka yokuti havana kuwana mhinduro inogutsa kuuyu mubvunzo, vakawanda vakarasikirwa nokutenda Mwari. Vanorangarira kuti haafariri rudzi rwomunhu. Vamwe vanogamuchira kutambura sezvokwadi yamamiriro ezvinhu oupenyu vanopirutswa ndokushora Mwari nokuda kwezvakaipa zvose zviri munzanga yavanhu. Kana wakava nemirangariro yakadaro, pasina kupokana uchafarira zvikuru kutaura kweBhaibheri paidzi nhau.

KUTAMBURA HAKUBVI KUNA MWARI

3 Bhaibheri rinotivimbisa kuti kutambura kwatinoona makatipoteredza hakusati kuchiparirwa naJehovha Mwari. Somuenzaniso, mudzidzi wechiKristu Jakobho akanyora, kuti: “Kana munhu achiidzwa, ngaarege kuti ndinoidzwa naMwari; nokuti Mwari haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.” (Jakobho 1:13) Ikoko zvakwakadaro, Mwari aisagona kuva akaparira nhamo dzakawanda dzinotambudza rudzi rwomunhu. Haaunzi miedzo pavanhu kuti avaite kuti vakodzere nokuda kwoupenyu mudenga, uyewo haaiti kuti vanhu vatambure nokuda kwamabasa akaipa ayo sezvinofungidzirwa vakaita muupenyu hwomunguva yakapfuura.—VaRoma 6:7.

4 Mukuwedzera, kunyange zvazvo zvinhu zvakaipa zvakawanda zvakaitwa muzita raMwari kana kuti raKristu, hapana chinhu chiri muBhaibheri chinokarakadza kuti mumwe wavo akambotendera zviito zvakadaro. Mwari naKristu havana chokuita naavo vanoti vanovabatira asi avo vanonyengedza nokurozva, kuuraya nokupamba, uye vanoita zvimwe zvinhu zvakawanda zvinoparira kutambura kwavanhu. Kutaura idi, “nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha.” Mwari “uri kure navakaipa.”—Zvirevo 15:9, 29.

5 Bhaibheri rinorondedzera Jehovha saane “mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:11) Rinozivisa kuti “Jehovha unoda zvakarurama.” (Pisarema 37:28; Isaya 61:8) Iye haatsivi. Anotarisira netsitsi zvisikwa zvake uye anozvipa zvose chakanakisisa nokuda kwegarikano yazvo. (Mabasa 14:16, 17) Jehovha akaita saizvozvo kuvambira pamavambo pamene poupenyu pasi pano.

MAVAMBO AKAKWANA

6 Tose zvedu tajaira kuona nokunzwa marwadzo nokutambura. Naizvozvo kungava kwakaoma kufungidzira nguva isina kutambura, asi izvozvo ndizvo zvakanga zvakaita zvinhu pamavambo enhau yavanhu. Kunyange ngano dzamamwe marudzi dzinonongedzera kumavambo anofadza akadaro. Mungano dzechiGiriki, yokutanga ye“Nhambo Shanu dzoMunhu” yainzi “Nhambo Yakaisvonaka.” Mairi vanhu vairarama upenyu hunofadza, husina basa rinonetesa, marwadzo, uye kuparadza kwoukweguru. VaChina vanotaura kuti mukati mokutonga kwaYellow Emperor Huang-Ti wengano, vanhu vaigara murugare, vachifarikanya tsinhirano kunyange namamiriro okunze nezvikara. VaPersia, vaEgipita, vaTibet, vaPeru, uye vaMexico vose vane ngano pamusoro penguva yomufarwa nokukwana pamavambo enhau yorudzi rwomunhu.

7 Ngano dzamarudzi dzinongodzokorora hadzo chinyorwa chekaresa chakanyorwa chenhau yavanhu, Bhaibheri. Rinotizivisa kuti Mwari akaisa vanhu vaviri vokutanga, Adhama naEvha, muparadhiso yainzi bindu reEdheni ndokuvarayira, kuti: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi.” (Genesi 1:28) Vabereki vedu vokutanga vaifarikanya kukwana uye vaiva nekariro yokuona pasi rose richiva paradhiso inogarwa nemhuri yavanhu yakakwana murugare rusingagumi nomufarwa. Ichocho ndicho chakanga chiri chinangwa chaMwari mukusika pasi norudzi rwomunhu.—Isaya 45:18.

DENHO YOUTSINYE

8 Kuti varambire munyasha dzaMwari, Adhama naEvha vaizofanira kurega kudya mu“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 2:16, 17) Kudai vakanga vateerera mutemo waJehovha, kungadai kusina kuva nokutambura kwokushatisa upenyu hwavanhu. Kupfurikidza nokuteerera murayiro waMwari, vangadai vakaratidzira kuda kwavo Jehovha noruvimbiko rwavo kwaari. (1 Johane 5:3) Asi sezvatakadzidza muGanhuro 6, zvinhu hazvina kudaro. Akurudzirwa naSatani, Evha akadya muchero womumuti iwoyo. Gare gare, Adhama akadyawo muchero wakarambidzwa.

9 Unoona here ukombi hwezvakaitika? Satani akanga achidenha nzvimbo yaJehovha soWokumusoro-soro. Kupfurikidza nokuti, “Hamungafi zvirokwazvo,” Dhiyabhorosi akapokana mashoko aMwari okuti, “Uchafa zvirokwazvo.” Mamwe mashoko aSatani akareva kuti Jehovha akanga achichengeta Adhama naEvha vasingazivi bviro yokuva vakafanana naMwari, nokudaro vasingadi kuti Iye asarudze chakanga chakanaka nechakaipa. Denho yaSatani naizvozvo yakapokanisa maruramiro nokunaka zvenzvimbo yaJehovha saChangamire weChisiko chose.—Genesi 2:17; 3:1-6.

10 Satani Dhiyabhorosi akakarakadzawo kuti vanhu vaizoramba vachiteerera Jehovha chero bedzi kuteerera Mwari kwaivabetsera. Namamwe mashoko, perero yomunhu yakapokanidzwa. Satani akapomera kuti hakuna munhu aizoramba akavimbika nokuzvidira kuna Mwari. Uku kutaura kwakaipa kwakaitwa naSatani kunoratidzwa zvakajeka munhoroondo yeBhaibheri pamusoro paJobho, mubatiri akatendeka waJehovha uyo akatambura muedzo mukuru pane imwe nguva 1600 B.C.E. asati asvika. Apo unorava maganhuro maviri okutanga ebhuku raJobho, unogona kuwana nzwisiso yechikonzero chokutambura kwavanhu uye chikonzero nei Mwari achikubvumidza.

11 Jobho, “munhu wakakwana, wakarurama,” akadenhwa naSatani. Kutanga, Satani akati Jobho aiva nevavariro yakashata kupfurikidza nokumutsa mubvunzo unoti, “Jobho unotya Mwari pasina here?” Ipapo, Dhiyabhorosi nenzira yokunyengera akachera vose vari vaviri Mwari naJobho kupfurikidza nokupomera kuti Jehovha akanga atenga ruvimbiko rwaJobho kupfurikidza nokumudzivirira nokumukomborera. “Asi,” Satani akadenha Jehovha achiti, “tambanudzai henyu ruoko rwenyu zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye uchakushorayi pachena.”—Jobho 1:8-11.

12 Jobho akanga achibatira Jehovha nemhaka bedzi yezvakanaka zvose izvo akanga agamuchira zvichibva kuna Mwari here? Perero yaJobho yaigona kutsungirira here mumuedzo? Uyewo, Jehovha akanga ane chivimbo chakakwana here mumubatiri wake zvokumubvumira kuedzwa? Iyi mibvunzo yaigona kupindurwa kudai Jehovha aizobvumidza Satani kuunza pana Jobho miedzo yakakomba zvikurusa. Kutendeka kwaJobho mumuedzo wakakomba wakabvumirwa naMwari, sounorondedzerwa mubhuku raJobho, kwakabvumikisa kuva revererwo yakakwana yoururami hwaJehovha neperero yomunhu.—Jobho 42:1, 2, 12.

13 Zvakaitika mubindu reEdheni nokumunhu Jobho, zvisinei, zvine revo huru zvikuru. Nhau idzo Satani akamutsa dzinobatanidza rudzi rwose rwomunhu, kubatanidza isu nhasi. Zita raMwari rakacherwa, uye uchangamire hwake hwakadenhwa. Kururama kwechisiko chaMwari, munhu, kwakapokanwa. Idzi nhau dzaifanira kupedzwa.

NZIRA YOKUPEDZA NAYO NHAU DZACHO

14 Somuenzaniso, ngatitaurei kuti iwe uri mubereki ane vana vanoverengeka mumhuri inofara. Ngatitii mumwe wavavakidzani vako anoparadzira nhema, achikupomera kuva mubereki akashata. Zvakadiniko kana muvakidzani wacho achitaura kuti vana vako havakudi, kuti vanogara newe bedzi nemhaka yokuti havazivi mugariro upi noupi uri nani, uye kuti vaizobva kana mumwe munhu akavaratidza nzira yacho. ‘Nhema dzisina mufungo!’ ungadaro. Hungu, asi waizodzibvumikisa sei? Vamwe vabereki vangaita nehasha. Kunze kwokuparira zvinetso zvakawanda, chiito chamasimba masimba chakadaro chaizotsigira nhema dzacho. Nzira inogutsa yokubata nayo nechinetso chakadaro yaizova yokubvumira mukana wokuti mupomeri wako abvumikise kutaura kwake uye kuti vana vako vapupurire kuti vanokuda zvapachokwadi.

15 Jehovha akafanana nomubereki ane rudo. Adhama naEvha vangaenzaniswa navana, uye Satani anokodzera rutivi rwomuvakidzani anoreva nhema. Mwari nenzira yokuchenjera haana kuparadza Satani, Adhama, uye Evha pakare pakarepo asi akabvumidza vaiti ivava vezvakaipa kupfuurira kurarama kwenguva yakati. Ikoku kwakabvumira vabereki vedu vokutanga nguva yokutanga mhuri yavanhu, uye kwakapa Dhiyabhorosi mukana wokubvumikisa kana kutaura kwake kwakanga kuri kwechokwadi kuitira kuti nhau dzacho dzigogona kupedzwa. Kuvambira pamavambo, zvisinei, Mwari aiziva kuti vamwe vanhu vaizova vakavimbika kwaari uye nokudaro vaizobvumikisa Satani kuva murevi wenhema. Tinoonga sei kuti Jehovha akapfuurira kukomborera ndokubetsera avo vanomuda!—2 Makoronike 16:9; Zvirevo 15:3.

CHII CHAKABVUMIKISWA?

16 Mukati meinodokuva nhau yose yavanhu, Satani akava norusununguko rwokuita mazano ake okutonga rudzi rwomunhu. Pakati pezvimwe zvinhu, akashandisa pesvedzero pamasimba ezvamatongerwe enyika uye akatsigira marudzidziso anonangidzira nenzira yamanomano kunamata kwaari panzvimbo pokuna Jehovha. Nokudaro Dhiyabhorosi ava “mwari wetsika ino yezvinhu,” uye iye anonzi “mutongi wenyika ino.” (2 VaKorinte 4:4; Johane 12:31, NW) Zvirokwazvo, “nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Ikoku kunoreva here kuti Satani akabvumikisa kutaura kwake kwokuti aigona kubvisa rudzi rwose rwomunhu kuna Jehovha Mwari? Zvirokwazvo kwete! Achibvumidza Satani kuramba aripo, Jehovha akapfuurira kuita chinangwa chake amene. Chii, ipapoka, chinozivisa Bhaibheri pamusoro pokubvumidza kwaMwari uipi?

17 Uipi nokutambura hazviparirwi naJehovha. Sezvo Satani ari mutongi wenyika ino uye mwari wetsika ino yezvinhu, iye naavo vanomutsigira vanoparira mamiriro ezvinhu azvino enzanga yavanhu nenhamo yose iyo rudzi rwomunhu rwatambura. Hakuna munhu anogona kutaura nomazvo kuti Mwari ndiye chisakiso chenhamo yakadaro.—VaRoma 9:14.

18 Kubvumidza kwaJehovha uipi nokutambura kwakabvumikisa kuti kuzvimirira pana Mwari hakuna kuparira nyika iri nani. Nenzira isingarambwi, nhau yakaratidzirwa nengwavaira imwe pashure paimwe. Chikonzero chaikoku ndechokuti vanhu vakasarudza kuronda nzira yavo vamene yokuzvimirira uye havana kuremekedza chaizvoizvo shoko raMwari uye kuda. Apo vanhu vakare vaJehovha navatungamiriri vavo vakaronda nenzira yokusatendeka “nzira [yakakurumbira, NW]” ndokuramba shoko rake, migumisiro yacho yaiva nengwavaira. Kupfurikidza nomuporofita wake Jeremia, Mwari akavaudza, kuti: “Vanhu vakachenjera vakanyadziswa, vakavhunduka nokubatwa; tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino vane njere dzakadiniko?” (Jeremia 8:5, 6, 9) Zvarwakakundikana kutevera mipimo yaJehovha, rudzi rwose zvarwo rwomunhu rwakava rwakafanana nengarava isina chidzoreso, inokandwa-kandwa mugungwa rine masimba masimba.

19 Kubvumidza kwaMwari uipi nokutambura kwakabvumikisawo kuti Satani haana kukwanisa kubvisa rudzi rwose rwomunhu kuna Jehovha. Nhau inoratidza kuti nguva dzose kwave kuna vanhu vakaramba vakatendeka kuna Mwari pasinei zvapo nemiedzo kana kati nhamo zvakaunzwa pavari. Mumazana amakore, simba raJehovha rakaratidzirwa nokuda kwavabatiri vake, uye zita rake rakaziviswa mupasi rose. (Eksodho 9:16; 1 Samueri 12:22) VaHebheru ganhuro 11 anotiudza pamusoro pendaza refu yavakatendeka, kubatanidza Abheri, Enoki, Noa, Abrahama, uye Mosesi. VaHebheru 12:1 inovadana kuti ‘gore guru rezvapupu.’ Vakanga vari mienzaniso yokutenda kusingazununguki muna Jehovha. Munguva dzazvino unowo, vakawanda vakapa upenyu hwavo muperero isingapunziki kuna Mwari. Kupfurikidza nokutenda kwavo norudo, vanhu vakadaro vanobvumikisa chose chose kuti Satani haagoni kuita kuti vanhu vose vapandukire Mwari.

20 Pakupedzisira, kubvumidza kwaJehovha uipi nokutambura kunopfuurira kwakagovera chibvumikiso chokuti Jehovha bedzi, Musiki, ane simba namaruramiro zvokutonga rudzi rwomunhu nokuda kwechikomborero chavo chisingagumi nomufarwa. Kwamazana amakore, rudzi rwomunhu rwakaedza zvimiro zvakawanda zvehurumende. Asi chii chave chiri mugumisiro wacho? Zvinetso zvakaoma nenjodzi zvakatarisana namarudzi nhasi ufakazi hwakakwana hwokuti zvirokwazvo, sezvinoonesa Bhaibheri, “munhu akatonga munhu kusvikira kukuvadziko yake.” (Muparidzi 8:9, NW) Jehovha bedzi anogona kutinunura ndokuzadzika chinangwa chake chapakuvamba. Achaita sei ikoku, uye rini?

21 Pashure chaipo pokunge Adhama naEvha vava vanyajambwa vezano raSatani, Mwari akazivisa chinangwa Chake pamusoro pomutoo woruponeso. Izvi ndizvo izvo Jehovha akazivisa pamusoro paSatani: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pembeu yako nembeu yake. Iye achakupwanya mumusoro uye iwe uchamupwanya muchitsitsinho.” (Genesi 3:15, NW) Ziviso iyoyo yakavimbisa kuti Dhiyabhorosi haasati aizobvumirwa kuita mabasa ake akaipa nokusingaperi. SaMambo woUmambo hwaMesiya, Mbeu Yakapikirwa, Jesu Kristu, ‘achapwanya Satani mumusoro.’ Hungu, noku“kurumidza.” Jesu achapwanya Satani anopanduka!—VaRoma 16:20.

UCHAITEI?

22 Uchiziva nhau dzinobatanidzwa, uchava parutivi rwaani? Uchabvumikisa here nezviito zvako kuti uri mutsigiri akavimbika waJehovha? Sezvo Satani achiziva kuti nguva yake yava pfupi, achaita zvose zvaanogona kutsamwira avo vanoda kuchengeta perero kuna Mwari. (Zvakazarurwa 12:12) Asi unogona kutarira kuna Mwari nokuda kwebetsero nemhaka yokuti “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo.” (2 Petro 2:9, NW) Haasati achizokurega uchiedzwa kupfuura kwaunogona kutsungirira, uye achaita nzira yokubuda nayo kuti ukwanise kutsungirira miedzo.— 1 VaKorinte 10:13.

23 Nenzira ine chivimbo, ngatitarireyi mberi kunguva apo Mambo Jesu Kristu acharwisana naSatani navose vanomutevera. (Zvakazarurwa 20:1-3) Jesu achaparadza vose avo vanogoverana mhaka yenhamo nenyongano izvo rudzi rwomunhu rwatambura. Kutozosvikira panguva iyoyo, chimiro chimwe chinorwadza zvikuru chokutambura kurasikirwa navadiwa vedu murufu. Rava ganhuro rinotevera kuti uwane chinoitika kwavari.

EDZA ZIVO YAKO

Tinoziva sei kuti Jehovha haapariri kutambura kwavanhu?

Inhaui dzakamutswa naSatani muEdheni ndokujekeswa muzuva raJobho?

Kubvumidza kwaMwari kutambura kwakabvumikisei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1, 2. Vanhu vanowanzoita sei kukutambura kwavanhu?

3, 4. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti zvakaipa nokutambura hazvibvi kuna Jehovha?

5. Ndaapi ari mamwe amavara aJehovha, uye anonzwa sei pamusoro pezvisikwa zvake?

6. Dzimwe ngano dzinorondedzera sei mamiriro ezvinhu munhau yapakuvamba yorudzi rwomunhu?

7. Nei Mwari akasika pasi norudzi rwomunhu?

8. Adhama naEvha vaikarirwa kuteerera murayiroi, asi chii chakaitika?

9. Inhaui dzinobatanidza Jehovha idzo Satani akamutsa?

10. Zvikarakadzoi izvo Satani akaita pamusoro pavanhu?

11. Jobho akanga ari rudzii rwomunhu, asi ipomeroi iyo Satani akaita?

12. (a) Mibvunzoi yaigona kupindurwa bedzi kudai Mwari akabvumidza Satani kuedza Jobho? (b) Muedzo waJobho wakaguma nei?

13. Tinobatanidzwa sei muchakaitika muEdheni nokuna Jobho?

14. Apo anonangana nedenho yakaipa, munhu anopomerwa angaitei?

15. Jehovha akasarudza kubata sei nedenho yaSatani?

16. Nyika yakasvika sei pakuva musimba raSatani?

17. Tinofanira kurangarirei pamusoro pechisakiso chouipi nokutambura?

18. Kubvumidza kwaJehovha uipi nokutambura kwakabvumikisei pamusoro pepfungwa youzvimiriri pana Mwari?

19. Chibvumikisoi chiripo chokuti Satani haagoni kuita kuti vanhu vose vapandukire Mwari?

20. Kubvumira kwaJehovha uipi nokutambura kupfuurira kwakabvumikisei pamusoro paMwari norudzi rwomunhu?

21. Chii chichaitwa kuna Satani, uye ndiani achashandiswa kuita ichochi?

22. (a) Mibvunzoi yaunofanira kutarisana nayo? (b) Kunyange zvazvo Satani achishatirirwa avo vakatendeka kuna Mwari, vanogona kuva nechokwadi nezvechii?

23. Tinogona kutarira mberi kuchii nenzira ine chivimbo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe