RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • we pp. 3-6
  • “Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”
  • Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kune Tariro Chaiyoiyo
  • “Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”
    Mukai!—1988
  • Kunyange Zvazvo Tichitambudzika, Hatisati Tiri Vasina Tariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Tariro Yokumuka Ndeyechokwadi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kumutswa Kwevakafa—Kuchatoitika!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
we pp. 3-6

“Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”

MUMWE murume weNew York (U.S.A.) anorondedzera, kuti: “Mwanakomana wangu Jonathan akanga achishanyira shamwari kure namamaira mashomanene. Mudzimai wangu, Valentina, haana kuda kuti aende ikoko. Nguva dzose aitya motokari. Asi aida electronics, uye shamwari dzake dzaiva neshopu uko aigona kuwana ruzivo runoshanda. Ndakanga ndiri pamusha muManhattan yokumadokero, New York. Mudzimai wangu akanga andoshanyira mhuri yake muPuerto Rico. ‘Jonathan achadzoka nokukurumidza,’ ndakafunga kudaro. Ipapo bhero rapasuo rakarira. ‘Ndiye zvechokwadi.’ Akanga asiri. Akanga ari mapurisa navarapi. ‘Munoziva here rezenisi iri romuchairi?’ mupurisa akabvunza kudaro. ‘Hungu, nderomwanakomana wangu, raJonathan.’ ‘Tine mashoko enyu akashata. Kwaitika tsaona, uye . . . mwanakomana wenyu, . . . mwanakomana wenyu aurawa.’ Kuita kwangu kwokutanga kwaiva, ‘Hakugoni kuva kwechokwadi!’ Chinokatyamadza ichocho chakazarura ronda mumwoyo yedu iro richiri kupora, kunyange makore gare gare.”

Murume ari kushamisika paari kuratidzwa raisenzi yemwanakomana wake nemupurisa

‘Tine mashoko enyu akashata. Kwaitika tsaona, uye . . . mwanakomana wenyu, . . . mwanakomana wenyu aurawa.’

Vamwe baba muBarcelona (Spain) vanonyora, kuti: “Shure muSpain yama1960, takanga tiri mhuri inofara. Maiva naMaría, mudzimai wangu, uye vana vedu vatatu, David, Paquito, uye Isabel, vaiva namakore 13, 11, uye 9 mukutevedzana.

“Rimwe zuva muna March 1963, Paquito akauya kumusha achibva kuchikoro achinyunyuta kuti ane marwadzo omusoro akakomba. Takavhiringidzwa nechaigona kuva chisakiso chacho—asi kwete kwenguva refu. Maawa matatu gare gare akanga afa. Kutsemuka kwetsinga yeropa muuropi kwakanga kwagumisa kamwe kamwe upenyu hwake.

“Rufu rwaPaquito rwakaitika makore anopfuura 30 apfuura. Kunyange zvakadaro, marwadzo makuru okurasikirwa ikoko anogara nesu kusvikira kuzuva rino. Hakuna nzira iyo vabereki vanogona kurasikirwa nayo nomwana ndokusanzwa kuti varasikirwa nechimwe chinhu chavo vamene—pasinei zvapo nokuti inguva yakawanda sei inopfuura kana kuti ndivamwe vana vakawanda sei avo vangava navo.”

Izvi zvinoitika zviviri, umo vabereki vakarasikirwa navana, zvinoratidzira kuti ronda iguru uye rinogara kwenguva refu sei apo mwana anofa. Ndeechokwadi sei mashoko omumwe chiremba uyo akanyora, kuti: “Rufu rwomwana runowanzova rune ngwavaira zvikuru norunokuvadza kupfuura rufu rwomunhu akura nemhaka yokuti mwana ndiye munhu wokupedzisira mumhuri anokarirwa kufa. . . . Rufu rwomwana upi noupi runomirira kurasikirwa nefungidziro dzomunguva yemberi, ukama [mwanakomana, muroora, vazukuru], zvinoitika . . . izvo zvichigere kufarikanywa.” Uye iyi pfungwa yokurasikirwa kukuru inogonawo kushanda kumukadzi upi noupi akarasikirwa nomucheche kupfurikidza nokupfupfudzika.

Mumwe mudzimai akafirwa anotsanangura, kuti: “Murume wangu, Russell, akanga abatira somubetseri wavarapi munharaunda yePacific mukati meHondo yeNyika II. Iye akanga aona uye apukunyuka hondo dzinotyisa. Iye akadzoka kuUnited States uye kuupenyu hwakanyarara zvikuru. Gare gare akabatira somufundisi weShoko raMwari. Mumakore ake omukuvamba kwama60 akavamba kuva nezviratidzo zvechinetso chomwoyo. Akaedza kurarama upenyu hwokushingaira. Ipapo, rimwe zuva muna July 1988, akatambura kurwadza kukuru kwomwoyo ndokufa. Kurasikirwa naye kwaiparadza. Handina kutongokwanisa kuti endai zvakanaka. Akanga asati achingova chete murume wangu. Akanga ari shamwari yangu yakanakisisa. Takanga tagoverana makore 40 oupenyu pamwe chete. Zvino kwakaratidzika kuti ndaifanira kutarisana noushoma chaihwo.”

Idzodzi dzinongova shomanene chete dzezviuru zvengwavaira dzinorova mhuri munyika yose zuva riri rose. Seizvo vanhu vakawanda zvikurusa vanotambudzika vachakuudza, apo rufu runotora mwana wako, murume wako, mudzimai wako, mubereki wako, shamwari yako, ruri zvirokwazvo izvo munyori wechiKristu Pauro akarudana kuti, “muvengi wokupedzisira.” Kazhinji kazhinji kuita kwokutanga kwomuzvarirwo kumashoko anotyisa kungava kuramba kuti, “Hakugoni kuva kwechokwadi! Handikudaviri.” Kumwe kuita kunowanzotevera, sezvatichaona.—1 VaKorinte 15:25, 26.

Zvisinei, tisati tarangarira mirangariro yenhamo, ngatipindurei mibvunzo inokosha. Rufu runoreva mugumo womunhu iyeyo here? Kune tariro ipi neipi here yokuti tinogona kuona vadiwa vedu zvakare?

Kune Tariro Chaiyoiyo

Munyori weBhaibheri Pauro akapa tariro yorusununguko mu“muvengi wokupedzisira” iyeyo, rufu. Iye akanyora, kuti: “Rufu ruchaparadzwa.” “Muvengi wokupedzisira achaparadzwa rufu.” (1 VaKorinte 15:26, The New English Bible) Neiko Pauro aigona kuva nechokwadi kwazvo nezvaikoko? Nemhaka yokuti akanga adzidziswa nouyo akanga amutswa muna vakafa, Jesu Kristu. (Mabasa 9:3-19) Ndokusakawo Pauro aigona kunyora, kuti: “Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu [Adhama], kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo [Jesu Kristu]. Nokuti vose sezvavanofa muna Adhama, saizvozvowo vose vachararamiswa muna Kristu.”—1 VaKorinte 15:21, 22.

Jesu akatambudzwa zvikuru apo akasangana nechirikadzi yeNaini ndokuona mwanakomana wayo akafa. Nhauro yeBhaibheri inotiudza, kuti: “Zvino, [Jesu] wakati achiswedera pedyo nesuo reguta [Naini], akaona vanhu vakanga vakatakura wakafa, mwanakomana mumwe woga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye. Zvino Ishe wakati achimuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usachema. Ipapo akaswedera, akabata bwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka. Iye wakanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake. Vakabatwa vose nokutya; vakarumbidza Mwari, vachiti: Muporofita mukuru wakamuka pakati pedu; uyezve: Mwari wakashanyira vanhu vake.” Cherechedza kuti Jesu akasundwa sei netsitsi, zvokuti akamutsa mwanakomana wechirikadzi! Fungidzira chinoratidzira ikoko nokuda kwenguva yemberi!—Ruka 7:12-16.

Ipapo, pamberi pezvapupu zvinoona, Jesu akaita rumuko rusingakanganwiki. Chakanga chiri chiratidzo chorumuko urwo akanga atotaura nguva yakati pamberi peichi chinoitika, kudzorerwa kuupenyu pasi pano mu“denga idzva.” Panhambo iyoyo Jesu akanga ati: “Musashamiswa naikoku, nemhaka yokuti nguva iri kuuya umo avo vose vari mumakuva echirangaridzo vachanzwa inzwi rake ndokubuda.”—Zvakazarurwa 21:1, 3, 4; Johane 5:28, 29, NW; 2 Petro 3:13.

Zvimwe zvapupu zvakaona rumuko zvakabatanidza Petro, pamwe chete navamwe vavane 12 vaiperekedza Jesu pakufamba kwake. Ivo vakanzwa chaizvoizvo Jesu akamutswa achitaura ari paGungwa reGarirea. Nhauro yacho inotiudza, kuti: “Jesu akati kwavari: Uyai, musvusvure. Kwakanga kusino mumwe wavadzidzi vake wakatsunga kumubvunza, kuti: Ndimi aniko? Vachiziva kuti ndiyeShe. Zvino Jesu akaenda, akatora chingwa, akavapa, nehovewo saizvozvo. Urwu rwaiva rwechitatu, Jesu rwaakazviratidza kuvadzidzi vake amuka kuvakafa.”—Johane 21:12-14.

Naizvozvo, Petro aigona kunyora nokupwiswa kwakakwana, kuti: “Mwari, Baba vaShe wedu, Jesu Kristu, ngaatendwe, wakatiberekazve nengoni dzake huru, kuti tive netariro mhenyu, inouya nokumuka kwaJesu Kristu kuvakafa.”—1 Petro 1:3.

Muapostora Pauro akataura tariro yake ine chivimbo apo akati: “Ndichitenda zvose zvomurayiro nezvakanyorwa pavaporofita; ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanotendawo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:14, 15.

Mamiriyoni naizvozvo anogona kuva netariro yakasimba yokuona vadiwa vawo vari vapenyu zvakare pasi pano asi mumigariro yakasiyana zvikuru. Chii chichava migariro iyoyo? Humwe udzame hwetariro yakavakirwa paBhaibheri yavakarasika vedu vanodiwa ichakurukurwa muchikamu chokupedzisira chebhurocha rino, chine musoro unoti “Tariro ine Chokwadi Yavakafa.”

Asi kutanga ngatirangarirei mibvunzo yaungava nayo kana uri kutambudzika pamusoro pokurasikirwa nomudiwa: Muzvarirwo here kutambudzika neiyi nzira? Ndinogona sei kugara nenhamo yangu? Chii chinogona kuita vamwe kundibetsera kubudirira? Ndinogona sei kubetsera vamwe vari kutambudzika? Uye zvikurukuru, Chii chinotaura Bhaibheri pamusoro petariro ine chokwadi yavakafa? Ndichazomboonazve vadiwa vangu here? Uye kupi?

Mibvunzo Yokurangarira

  • Ndokupi kuri kuita kwomuzvarirwo kurufu rwomudiwa?

  • Chii chakaitira Jesu chirikadzi paNaini?

  • Chipikirwai pamusoro pavakafa chakapa Jesu?

  • Neiko Petro naPauro vaigona kuva nechokwadi chokuti kwaizova norumuko?

  • Mibvunzoi inofanirwa nemhinduro?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe