Fundo Pamusoro paMagwaro Akafuridzirwa Nemamirire Awo Ezvinhu Ekare
Magwaro Akafuridzirwa Anounza Betsero Dzisingagumi
1. Kuhwirudzura kwedu “Rugwaro rwose” kwakazarura chionoi chine mbiri pamberi pameso edu?
KUHWIRUDZURA kwedu “Rugwaro rwose . . . rwakafuridzirwa naMwari” kwazarura pamberi pameso edu chiono chine mbiri chouchangamire hwaJehovha nechinangwa choUmambo hwake. Tacherekedza kuti Bhaibheri iBhuku rimwe, rine musoro mumwe une simba—kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha nokuzadzikwa pakupedzisira kwechinangwa chake nokuda kwapasi kupfurikidza noUmambo hwake hunodzorwa naKristu, Mbeu Yakapikirwa. Kubvira pamapeji okutanga eBhaibheri, uyu musoro mumwe unokudzwa ndokutsanangurwa kupfurikidza namanyoro anotevera, kutozosvikira, mumaganhuro aro okupedzisira, chinhu chaichoicho chine mbiri chechinangwa chikuru chaMwari kupfurikidza noUmambo hwake chajekeswa. Bhaibheri ibhuku rinoshamisa zvakadini! Kutangira pakusikwa kunoshamisa kwamatenga anooneka nokwepasi noupenyu hwezvisikwa zvaro, Bhaibheri rinotipa nhoroondo imwe yakafuridzirwa neyechokwadi yokubata kwaMwari norudzi rwomunhu kutozosvikira nguva yedu uye rinotisvitsa kukuzadzikwa kwakazara kwokusika kune mbiri kwaJehovha “denga idzva nenyika itsva.” (Zvak. 21:1) Chinangwa chake chikuru chaitwa zvizere kupfurikidza noUmambo hweMbeu, Jehovha Mwari anoonekwa muukama hwaBaba ane mutsa nemhuri inofara yakabatana yavanhu, iyo inokumbanira mapoka ose okudenga mukumurumbidza nokutsvenesa zita rake dzvene.
2, 3. Musoro unobatanidza Mbeu unokudzwa sei muMagwaro ose?
2 Uyu musoro unobatanidza Mbeu unokudzwa nenzira inoshamisa sei muMagwaro ose! Achitaura uporofita hwokutanga hwakafuridzirwa, Mwari anopa chipikirwa chokuti ‘mbeu yomukadzi’ ichapwanya nyoka mumusoro. (Gen. 3:15) Makore anopfuura 2 000 anopfuura, uye Mwari anoudza Abrahama akatendeka, kuti: “Marudzi ose apasi achazvikomborera amene zvirokwazvo kupfurikidza nembeu yako.” Makore anopfuura 800 gare gare, Jehovha anopa chipikirwa chakafanana kumumwe wavazukuru vaAbrahama, Mambo Dhavhidhi akavimbika, achiratidza kuti Mbeu yacho ichava youmambo. Sezvo nguva inopfuura, vaporofita vaJehovha vanokumbanira nomufaro kuti vafanotaura mbiri dzokutonga kwoUmambo. (Gen. 22:18, NW; 2 Sam. 7:12, 16; Isa. 9:6, 7; Dhan. 2:44; 7:13, 14) Ipapo Mbeu iyo imene inooneka, makore anopfuura 4 000 pashure pechipikirwa chokutanga muEdheni. Iyeyu, uyo ariwo ‘mbeu yaAbrahama,’ ndiJesu Kristu, “Mwanakomana woWokumusorosoro,” uye Jehovha anopa “chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi” kwaari.—VaG. 3:16; Ruka 1:31-33.
3 Kunyange zvazvo iyi Mbeu, Mambo akagadzwa waMwari, ichipwanywa murufu nembeu yapasi yeNyoka, Mwari anoimutsa muvakafa uye anoikwidza kuruoko rworudyi Rwake amene, uko inomirira nguva yakafanira yaMwari yoku‘pwanya musoro waSatani.’ (Gen. 3:15; VaH. 10:13; VaR. 16:20) Ipapo bhuku raZvakazarurwa rinosvitsa chiono chose kumugumo wacho une mbiri. Kristu anopinda musimba roUmambo uye anokandira kupasi “nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani,” kubva mudenga. Kwechinguvana, Dhiyabhorosi anounza nhamo kupasi uye anorwa hondo ne‘vakasara vembeu yomukadzi waMwari.’ Asi Kristu, sa“Mambo wamadzimambo,” anorova marudzi. Nyoka yapakuvamba, Satani, inokandirwa mugomba rakadzika-dzika uye ipapo pakupedzisira achaparadzwa nokusingaperi. Munguvayi, kupfurikidza neJerusarema Idzva, mwenga weGwayana, betsero dzechibayiro chaKristu dzinoshandiswa kurudzi rwomunhu nokuda kwokukomborerwa kwemhuri dzose dzapasi. Nokudaro, musoro wakaisvonaka waMagwaro akafuridzirwa unopetenuka pamberi pedu muukuru hwawo hwose hunofadza!—Zvak. 11:15; 12:1-12, 17; 19:11-16; 20:1-3, 7-10; 21:1-5, 9; 22:3-5.
KUBETSERWA NEICHI CHINYORWA CHAKAFURIDZIRWA
4. Tinogona sei kuwana betsero hurusa muMagwaro Matsvene, uye neiko?
4 Tinogona sei kuwana betsero hurusa muMagwaro Matsvene? Tinogona kubetserwa kupfurikidza nokurega Bhaibheri richishanda muupenyu hwedu. Kupfurikidza nefundo yezuva nezuva nokushandiswa kwaMagwaro akafuridzirwa, tinogona kuwana nhungamiro inobva kuna Mwari. “Shoko raMwari ibenyu, rine simba,” uye rinogona kuva simba rinoshamisa nokuda kwokururama muupenyu hwedu. (VaH. 4:12) Kana tikafunda nguva dzose ndokutevera nhungamiro dzeShoko raMwari, tichasvika paku“fuk[a] munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.” Tichavandudzwa musimba rinonyandura ndangariro dzedu, uye tichashandurwa kupfurikidza nokushandura ndangariro dzedu, kuti tizvibvumikisire timene “kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.”—VaEf. 4:23, 24; VaR. 12:2.
5. Chii chatinogona kudzidza muchimiro chendangariro nomuenzaniso zvaMosesi?
5 Tinogona kudzidza zvakawanda kupfurikidza nokucherekedza kuti vamwe vabatiri vakatendeka vaMwari vakabetserwa sei nokufunda Shoko raMwari nokufungisisa pariri. Somuenzaniso, kwakanga kuna Mosesi ‘munyoro zvikurusa wavanhu vose,’ uyo nguva dzose akanga ari anodzidzisika neanodisa kudzidza. (Num. 12:3) Nguva dzose tinofanira kuva nokuonga uchangamire hwaJehovha kumwe cheteko kwokunyengetera sokwaakanga anako. Akanga ari Mosesi uyo akati: “Ishe, makanga muri ugaro hwedu pamarudzi namarudzi. Makomo asati azvarwa, musati matongosika nyika nevhu, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi imi muri Mwari.” Mosesi akanga akasanorovedzana nouchenjeri hwaMwari, nokuti akashandiswa naJehovha mukunyora mabhuku okutanga eBhaibheri. Nokudaro, ainzwisisa ukoshi hwokutsvaka zuva nezuva uchenjeri hunobva kuna Jehovha. Nokudaro, akanyengetera kuna Mwari, kuti: “Tidzidzisei kunyatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.” Sezvo “mazuva amakore edu” angava mashomanene, makore 70 chete, kana kuti 80 kana “tine simba,” takachenjera kana tichidya zuva nezuva paShoko rake, nokuti ipapo “kunaka kwaJehovha Mwari wedu” kucha“ve pamusoro pedu,” sezvakwakanga kuri pamubatiri wake akatendeka Mosesi.—Pis. 90:1, 2, 10, 12, 17.
6. Isu, saJoshua, tinogona sei kuita kuti nzira yedu ibudirire?
6 Kuri madikanwa sei kufungisisa Shoko raMwari zuva nezuva! Jehovha akajekesa ikoku kumutsivi waMosesi, Joshua, achimuudza, kuti: “Asi usimbe nokutsunga mwoyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakarayira Mosesi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda. Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.” Kurava Mutemo waJehovha kwaJoshua nguva dzose ‘kwakaita kuti nzira yake ibudirire’ here? Chikomborero chaJehovha panhimbe yake youshingi muKanani chinogovera mhinduro yacho.—Josh. 1:7, 8; 12:7-24.
7. Dhavhidhi akataura sei kuonga kwake uchenjeri hunobva kuna Mwari, uye kuonga kumwe cheteko kunotaurwa sei muPisarema 119?
7 Rangarirawo Dhavhidhi anodiwa, mumwe aikoshesa zvikuru uchenjeri hunobva kuna Jehovha. Akaratidza kuonga kwomwoyo wose kwakadini “murayiro” waJehovha, “chipupuriro,” “zvinorayirwa,” “murau,” uye “zvakatongwa”! Dhavhidhi akati: “Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka.” (Pis. 19:7-10) Uyu musoro unofadza unokudzwa uye unodzokororwa nomumwe wezvamapisarema norunako runonyandura mweya muPisarema rechi119 rose. Sezvatinofunda zuva nezuva Shoko raMwari ndokuchengeta zano raro rokuchenjera, ngatikwanise nguva dzose kutaura kuna Jehovha, kuti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu. Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa; saka mweya wangu unozvichengeta.”—Pis. 119:105, 129.
8. Mashokoi aSoromoni atinofanira kuita kuti ave edu timene zvikuru?
8 Mumazuva okutendeka kwake, mwanakomana waDhavhidhi Soromoni akararamawo maererano neShoko raMwari, uye mukutaura kwakewo, tinogona kuwana kutaurwa kunonyandura kwokuonga uko tinoita zvakanaka kuita kwedu timene zvikuru. Kupfurikidza nokurava kwezuva nezuva nokushandisa Bhaibheri, tichasvika pakunzwisisa zvizere zvikuru revo yamashoko aSoromoni, anoti: “Munhu, wawana uchenjeri, une mufaro, naiye munhu, unowana njere. Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruoko rwahwo rworuboshwe mune fuma nokukudzwa. Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kune vanounamatira; mumwe nomumwe unoubata une mufaro.” (Zvir. 3:13, 16-18) Fundo yezuva nezuva nokuteerera Shoko raMwari zvinotungamirira kumufarwa mukurusa zvino, pamwe chete nevimbiso ye“mazuva mazhinji”—upenyu husingagumi munyika itsva yaJehovha.
9. Tingawana kurudziroi mumuenzaniso waJeremia?
9 Vasingafaniri kufuratirwa pakati paavo vakakoshesa nokuteerera Magwaro akafuridzirwa vaporofita vakatendeka vaMwari. Jeremia, somuenzaniso, akanga ane mugove wakaoma zvikuru. (Jer. 6:28) Sokutaura kwaakaita: “Shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshorwa, nechinhu chinosekwa zuva rose.” Asi akanga asimbiswa zvikuru kupfurikidza nefundo dzake dzeShoko raMwari, uye kutaura idi, iye amene akashandiswa kunyora mabhuku mana aMagwaro akafuridzirwa—bhuku raMadzimambo Rokutanga neRechipiri, bhuku raJeremia, uye bhuku raMariro. Naizvozvo, chii chakaitika apo kuora mwoyo kwakaratidzika kuva kwakaputira Jeremia uye akafunga kuti aizorega kuparidza “shoko raJehovha”? Jeremia amene ngaapindure: “Mumwoyo mangu mava somwoto unopfuta, wakapfigirwa mumafupa angu; ndaneta nokutsungirira, handichagoni.” Akagombedzerwa kutaura noushingi mashoko aJehovha, uye mukuita saizvozvo, iye akawana kuti Jehovha akanga anaye “semhare inotyisa.” Kana tikafunda ndokuramba tichifunda Shoko raMwari, zvokuti rinova chaizvo sorutivi rwedu zvikuru sezvarakanga riri rwaJeremia, ipapo simba risingakundwi raJehovha richavawo nesu, uye tichakwanisa kukunda mhinganidzo iri yose mukupfuurira kutaura nezvechinangwa chake chine mbiri choUmambo.—Jer. 20:8, 9, 11.
10. Magwaro akaita rutivii muupenyu hwaJesu, uye akanyengeterera vadzidzi vake chii?
10 Zvino, zvakadiniko nezvemuenzaniso wedu mukurusa, “Mumiriri Mukuru noMukwanisi wokutenda kwedu, Jesu”? Akanga akarovedzana naMagwaro akafuridzirwa kufanana navaporofita vose navamwe varume vakatendeka vakamutangira here? Zvirokwazvo akanga akadaro, sezvo kunokora kwake mashoko kwakawanda namararamire ake mutsinhirano naMagwaro zvinoratidza nenzira yakajeka. Akazvipa amene kuti aite kuda kwaBaba vake papasi rino achirangarira Shoko raMwari: “Ndauya; parugwaro rwakapetwa ndakazvirayirwa: Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumwoyo mangu.” (VaH. 12:2; Pis. 40:7, 8; VaH. 10:5-7) Nokudaro, Shoko raMwari rakaita rutivi rukuru mukutsvenesa kwaJehovha Jesu, kana kuti kumutsaura nokuda kwebasa rake. Jesu akanyengetera kuti vateveri vake vagotsveneswawo: “Muvaite vatsvene muzvokwadi, shoko renyu izvokwadi. Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika. Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muzvokwadi.”—Joh. 17:17-19.
11. (a) Petro akasimbisei kuvaKristu vakazodzwa pamusoro peShoko raMwari? (b) Neiko fundo yeBhaibheri ichikoshawo kuboka guru?
11 Vatsveneswa “muzvokwadi,” vateveri vakaberekwa nomudzimu navakazodzwa vaJesu vanofanira ‘kurambira mushoko rake’ kuti vagova chaizvoizvo vadzidzi vake. (Joh. 8:31) Nokudaro, Petro, mukunyorera “avo vakawana kutenda,” akasimbisa kudikanwa kwefundo inopfuuridzirwa nengwariro kuShoko raMwari: “Nokuda kweichi chikonzero ndichada nguva dzose kukuyeuchidzai nezveizvi zvinhu, kunyange zvazvo muchizviziva uye makasimba muzvokwadi iri mamuri.” (2 Pet. 1:1, 12, NW) Zviyeuchidzo zvenguva dzose, zvakadai sezvinowanwa mukuraviwa kwezuva nezuva nefundo yeShoko raMwari, zvinokoshawo kuvose vanokarira kuva ve“[boka guru, NW]” avo Johane akaona muchiono pashure pokurondedzera 144 000 vakaiswa chisimbiso vendudzi dzaIsraeri womudzimu. Nokuti kutoti vakaramba vachinwa mvura youpenyu yezvokwadi, iri boka guru rinogona sei noungwaru ku“danidzira nenzwi guru, [ri]chiti: Ruponeso ngaruve kuna Mwari unogara pachigaro choushe, nokuGwayana”?—Zvak. 7:9, 10; 22:17.
12. Neiko tichifanira kufungisisa Shoko raMwari nguva dzose?
12 Hatigoni kukunzvenga! Nzira yokuwana nayo betsero hurusa muMagwaro akafuridzirwa, nzira yokuwana nayo ruponeso kuupenyu husingaperi, ndiko kufunda Magwaro iwayo nokurarama maererano nawo zuva riri rose roupenyu hwedu. Tinofanira kufungisisa Shoko raMwari nguva dzose, nechimiro chendangiro chimwe chetecho chokunyengetera chokuonga sechinoratidzirwa nowezvamapisarema, kuti: “Ndichareva zvakaitwa naJehovha; nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare. Ndichafungisisawo basa renyu rose.” (Pis. 77:11, 12) Kufungisisa ‘mubato [waJehovha] unoshamisa nebasa’ kuchatinyandurawo kuva vanoshingaira mumabasa akaisvonaka, tichirangarira upenyu husingaperi. Chinangwa cheiri bhuku, “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” ndechokukurudzira munhu ari wose anoda kururama kugoverana mubetsero dzisingagumi nedzinogutsa dzinobva mufundo inopfuuridzirwa nokushandiswa kweShoko raMwari.
MU“NGUVA DZOKUTAMBUDZIKA”
13. Tiri kurarama mu“nguva dzokutambudzika” dzipi?
13 Iyi nguva yazvino uno inguva inotambudza zvikurusa munhau yavanhu. Yakazara nebviro dzinoshamisa. Zvirokwazvo, kunogona kutaurwa zvirokwazvo kuti kupukunyuka kumene kwedzinza ravanhu kuri mungozi. Akakodzera zvikurusa, ipapoka, mashoko omuapostora Pauro, anoti: “Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivavawo.”—2 Tim. 3:1-5.
14. Nemhaka yenguva, izanoi raPauro ratinofanira kuteerera?
14 Kufuratirirei vakadaro? Nemhaka yokuti nzira yavo isina umwari ichakurumidza kuguma muruparadziko! Panzvimbo pezvo, isu, pamwe chete navose vane mwoyo yakatendeseka, ngatitendeukire kudzidziso yakanaka yeMagwaro akafuridzirwa, tichiita aya Magwaro hwaro humene hwokurarama kwedu kwezuva nezuva. Ngatiteerere mashoko aPauro kuna Timotio muduku, anoti: “Iwe, zvisinei, pfuurira muzvinhu zvawakadzidza nezvawakanyengetedzwa kudavira.” (2 Tim. 3:14, NW) Hungu, “pfuurira” mazviri, anodaro Pauro. Tichiita saizvozvo, nenzira yokuzvininipisa tinofanira kurega Magwaro achitidzidzisa, achititsiura, achitiruramisira zvinhu, uye achitiranga mukururama. Jehovha anoziva zvatinoda, nokuti mifungo yake yakakwirira zvikuru kwazvo kupfuura mifungo yedu. Kupfurikidza naMagwaro ake akafuridzirwa, iye anotiudza zvinotibetsera kuti tigoshongedzerwa zvizere ndokukwaniswa nokuda kwebasa rakanaka rokupupurira zita rake noUmambo. Pauro anopa iri zano rakatanhamara mumashoko akapoteredza okurondedzera “nguva dzokutambudzika” dzinouya mu“mazuva okupedzisira”: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga mukururama, kuti munhu waMwari agova anokwanisa zvizere, akashongedzerwa zvakakwana nokuda kwebasa riri rose rakanaka.” Tose zvedu ngatipukunyuke idzi nguva dzinotambudza kupfurikidza nokuteerera iri zano rakafuridzirwa!—2 Tim. 3:16, 17, NW; Isa. 55:8-11.
15. (a) Chii chakabva mukusateerera? (b) Mukanai une mbiri wakazarurwa kupfurikidza nokuteerera kwaKristu?
15 Kuteerera Magwaro akafuridzirwa kunofanira kuva nharidzano yedu. Munhu wokutanga akawira muchivi norufu kupfurikidza nokusateerera shoko nomurayiro zvaJehovha, “saizvozvo rufu rwakasvika kuvanhu vose.” Naizvozvo munhu akarasikirwa nomukana ungave wakava wake muParadhiso yeEdheni woku“torawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.” (VaR. 5:12; Gen. 2:17; 3:6, 22-24) Asi Jehovha achasakisa urwu “rwizi rwemvura youpenyu, yakapenya sekristaro,” kuyerera nokuda kwokubetserwa kwavose vorudzi rwomunhu vanozvitsaurira vamene kuna Iye mukuteerera kupfurikidza nokuteerera kwaKristu uye pahwaro hwechibayiro cheiri “Gwayana raMwari.” Sokukuona kwakaita muapostora Johane muchiono: “Kumativi maviri orwizi kwakanga kune muti woupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi ane gumi namaviri, uchiita zvibereko zvaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.”—Joh. 1:29; Zvak. 22:1, 2; VaR. 5:18, 19.
16. Magwaro akafuridzirwa ndeebetseroi isingagumi?
16 Zvakare nzira yokuupenyu husingaperi yakazarukira rudzi rwomunhu. Vanofara, ipapoka, ndeavo vanoteerera rugwaro rwakafuridzirwa, runoti: “Tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako, kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira; nokuti ndihwo upenyu hwako, nokuwanzwa kwamazuva ako.” (Dheut. 30:19, 20) Jehovha anorumbidzwa, Mwari naBaba waShe wedu Jesu Kristu, uyo anoita iyi gadziriro yakaisvonaka youpenyu kupfurikidza nechibayiro choMwanakomana wake uye kupfurikidza noUmambo hwake husingaperi. Mufaro wedu nokuonga zvikuru sei kuti tinogona kurava ndokuravazve, kufunda ndokufundazve, uye kufungisisa idzi zvokwadi dzinokosha, nokuti zvirokwazvo “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera,” dzichititungamirira kuupenyu husingagumi mudenga kana kuti zvimwe muparadhiso yapasi. (Joh. 17:3; VaEf. 1:9-11) Ipapo chinhu chiri chose chichava ‘utsvene kuna Jehovha.’—Zek. 14:20; Zvak. 4:8.