RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 26 pp. 205-211
  • Bonhora—Ndinogona Sei Kurwisa Kuchidziro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bonhora—Ndinogona Sei Kurwisa Kuchidziro?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Gadzirirai Ndangariro Dzenyu Nokuda Kwechiito”
  • Shandisa Nhano Dzinodzivirira
  • Denho Yomudzimu
  • Betsero Inobva Kuna Vamwe
  • Kubata Nokuitazve Muitirowo
  • Tuso Dzokurwa Kwakanaka
  • Ndingakurira Sei Tsika Yokuita Bonhora?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Nei Ndisingafaniri Kuona Zvinonyadzisira?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Zvinonyadzisira Hazvikuvadzi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kuona Zvinonyadzisira Kwakaipirei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 26 pp. 205-211

Ganhuro 26

Bonhora—Ndinogona Sei Kurwisa Kuchidziro?

“KUPINDWA muropa kwakasimba zvikuru,” rakadaro rimwe jaya rakarwisana nebonhora kwaanopfuura makore 15. “Rinogona kuva rakafanana nomuitiro unoumbika somurimo upi noupi kana kuti chinwiwa chinoraradzisa.”

Zvisinei, muapostora Pauro haana kurega zvishuvo zvake zvichiva satenzi anoshusha. Mukupesana, iye akanyora, kuti: “Ndinorova muviri wangu [zvishuvo zvokunyama] ndichiutungamirira somuranda.” (1 VaKorinte 9:27) Akazviomesera amene! Nhamburiko imwe cheteyo ichagonesa munhu upi noupi kurega bonhora.

“Gadzirirai Ndangariro Dzenyu Nokuda Kwechiito”

Vazhinji vanoita bonhora kusunungura kusafaranuka nefunganyo. Bonhora, kunyange zvazvo zvakadaro, inzira youhwana yokuita nayo kuzvinetso. (Enzanisa na 1 VaKorinte 13:11.) Kuri nani zvikuru kuratidzira “mano okufunga” ndokudenha chinetso icho chimene. (Zvirevo 1:4) Apo zvinetso nekangaidziko zvinoratidzika kuva zvinoremedza, “kandira kufunganya kwako kwose pana [Mwari].”—1 Petro 5:6, 7.

Ngatitii unongoerekana waona kana kuti wanzwa chimwe chinhu chinokuchidzira muvatano? Bhaibheri rinorumbidza, kuti: “Gadzirirai ndangariro dzenyu nokuda kwechiito; ivai vanozvidzora.” (1 Petro 1:13, New International Version) Shandisa ndangariro yako nesimba ndokuramba mufungo woutere. Kuchidziro ichakurumidza kuterama.

Kuramba mifungo yakashata kwakaoma zvikurukuru, kunyange zvazvo zvakadaro, apo mumwe munhu anenge ari oga usiku. Imwe mhandara inopangira, kuti: “Chinhu chakanakisisa chokuita ndechokuburuka pahuvato ndokubatikana norudzi rwakati rwebasa, kana ungava nechokudya chakati, kuti ndangariro yako itendeukire kune zvimwe zvinhu.” Hungu, zvigombedzere iwe umene ‘kurangarira zvinhu zvipi kana zvipi zviri zveitiro hanya yakakomba, zvakarurama, zvakachena, zvinodikanwa, zvinosanotaurwa nezvazvo.’—VaFiripi 4:8.

Paunova nechinetso chokurara, tamburira kutevedzera Mambo Dhavhidhi akatendeka, uyo akanyora, kuti: “Kana ndichikurangarirai [Mwari] pahuvato hwangu, mukati mezvirindo zvousiku ndinofungisisa pamusoro penyu.” (Pisarema 63:6) Kugombedzera ndangariro yako kufungisisa pamusoro paMwari namavara ake kunowanzogumisa kuchidziro. Kunobetserawo kana ukaramba uchifunga nezvokuti Mwari anorangarira sei uyu muitiro usina kuchena.—Pisarema 97:10.

Shandisa Nhano Dzinodzivirira

“Munhu akachenjera ndiye anoona ngwavaira ndokupfuurira kuzvivanza amene, asi vasina ruzivo rwokuzviwanira vanopfuura havo uye vanofanira kutambura chirango,” akanyora kudaro murume akachenjera akafuridzirwa. (Zvirevo 22:3) Unogona kuzviratidzira umene kuva akachenjera kupfurikidza nokushandisa kudeya kufunga. Somuenzaniso, kana ukawana kuti kushanda mumibato yakati, kupfeka zvipfeko zvinobata, kana kudya zvokudya zvakati kwakakuparira kuva anonyandurwa muvatano, ipapo napaunogona napo pose dzivisa zvakadaro. Somuenzaniso, zvinwiwa zvinodhakisa zvinogona kuderedza zvirambidzo zvako ndokuita kuti kuzvidzora kuve kwakaoma zvikuru. Uyewo, dzivisa sedenda mabhuku api naapi okurava, mapurogiramu eTV, kana mabhaisikopo ane misoro inonyandura ruchiva rwevatano. “Dzorai meso angu pakuona zviri zvisina maturo,” akanyengetera kudaro wezvamapisarema.—Pisarema 119:37.

Nhano dzinodzivirira dzinogonawo kushandiswa nokuda kwenguva apo iwe unotapurika zvikurukuru. Mhandara ingawana kuti ruchiva rwayo rwevatano rwunova runokura zvikuru panguva dzakati kuti dzomwedzi. Kana kuti munhu angakuvadzika mundangariro kana kupera mwoyo. “Wati wambozviratidzira iwe umene kuva akaora mwoyo muzuva renhamo here? Simba rako richava shoma,” inonyevera kudaro Zvirevo 24:10. Naizvozvo dzivisa kuva oga bedzi kwenhambo refu dzenguva. Rongedzera mibato inovaka ichaita kuti ndangariro yako irambe yakabatikana pamabasa anoda ngwariro, uchiipa banza shoma rokukweverwa kumifungo youtere.

Denho Yomudzimu

Murume ane zera ramakore 27 uyo akanga arwisana nomuitirowo kubvira paakanga ana makore 11 pakupedzisira akakwanisa kuwana rukundo. “Yakanga iri nhau yokupfuurira nedenho,” iye akatsanangura kudaro. “Ndairava Bhaibheri, anenge maganhuro maviri zuva rimwe riri rose pasina rinopfuura.” Iye aita ikoku kwamakore matatu pasina kundikano. Anopangirawo kudaro mumwe muKristu: “Pamberi pokundorara, rava chimwe chinhu chine chokuita nezvinhu zvomudzimu. Kunokosha zvikuru kuti mufungo wokupedzisira wezuva uve chinhu chomudzimu. Munyengetero panguva ino unobetserawo zvikurukuru.”

“Kuva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe,” zvakadai sebasa rokudzidzisa vamwe Bhaibheri, kunobetserawo. (1 VaKorinte 15:58) Mumwe mukadzi akakurira bonhora akataura, kuti: “Chimwe chinhu chinondibetsera kudzivisa uyu muitiro ndechokuti somuevhangeri wenguva yakazara ndangariro yangu namasimba angu zvakatendeudzirwa kukubetsera vamwe kuwana ukama hunotenderwa naMwari.”

Kupfurikidza nomunyengetero womwoyo wose, unogonawo kukumbira Mwari nokuda kwe“simba rinopfuura riri renguva dzose.” (2 VaKorinte 4:7) “Dururirai mwoyo wenyu pamberi pake [Mwari].” (Pisarema 62:8) Imwe mhandara inoti: “Munyengetero ishongwe yapakarepo yesimba. Kunyengetera panguva apo chishuvo chinomuka kunobetsera chaizvoizvo.” Uyewo, pakumuka uye muzuva rose, ratidzira kutsunga kwako kuna Mwari uye kumbira nokuda kwomudzimu wake mutsvene unosimbaradza.—Ruka 11:13.

Betsero Inobva Kuna Vamwe

Kana nhamburiko dzako umene dzisati dzichibudirira, ipapo taura kuno mumwe munhu anogona kubetsera, akadai somubereki kana kuti mukuru wechiKristu. Mhandara dzingakuwana kuchibetsera kuvimba nomumwe mukadzi akura wechiKristu. (Tito 2:3-5) Rimwe jaya rakanga rasvika papfundo rokupererwa nezano rose zvaro rakati: “Ini ndakataura nababa vangu tiri toga pahumwe usiku pamusoro pakwo.” Iro rakazivisa, kuti: “Kwakada ushingi hukuru kwazvo kuvaudza. Ndakachema sezvandaivaudza, ndakanzwa kunyara zvikuru. Asi handisati ndichizotongokanganwa zvavakataura. Kupfurikidza nenyemwerero inosimbisira pachiso chavo, ivo vakati: ‘Unondiita kuti ini ndidade newe zvikuru.’ Ivo vaiziva zvandakanga ndichifanira kupfuura nomazviri kuti ndisvike papfundo iroro. Hapana mamwe mashoko aigona kuvigira rukurudziro nokutsunga kwangu anopfuura aya mashoko.

“Baba vangu ipapo vakandiratidzira magwaro mashomanene okundibetsera kuona kuti ndakanga ‘ndisati ndakanyanyoenda kure,’” inopfuurira kudaro pwereyo, “uye ipapo mamwe magwaro okusimbisira kuti ndanzwisisa ukombi hwenzira yangu yakashata. Ivo vakataura kuti ‘ndiite kuzvibata kwakanaka’ kutozosvikira panguva yakati kuti, nokudaro taizokurukurazve panguva iyeyo. Ivo vakandiudza kusakurega kuchindipedza nesimba rose zvaro kana ndikawirazve muchiitocho, kungopfuurira bedzi nhambo refu yenguva ndisingakurirwi munguva inotevera.” Pashure pokukurira chinetsocho zvizere, jaya rakawedzera, kuti: “Kuva nomumwe munhuwo zvake aiziva nezvechinetso changu achindibetsera kwakanga kuri betsero hurusa.”

Kubata Nokuitazve Muitirowo

Pashure pokushanda nesimba kukurira muitirowo, imwe pwere yakatambura kuitazve muitirowo. Iyo yakabvuma, kuti: “Kwakanga kwakaita seibwe rinotswanya riri pamusoro pangu. Ndakanzwa ndisina kukodzera. Ipapo ndakarangarira, kuti: ‘Ndanyanyoenda kure. Handinazve nyasha dzaJehovha, naizvozvo huzviomesererei pachangu?’” Zvisinei, kudzokera kumuitirowo hakuzati kuchireva kuti munhu arashikirwa nokurwa. Mumwe musikana wezera ramakore 19 anoyeuka, kuti: “Pakutanga kwaiitika hunenge usiku huri hwose, asi ipapo ini ndakavamba kuvimba naJehovha zvikuru, uye kupfurikidza nebetsero yomudzimu wake zvino ndokundikana bedzi zvimwe katanhatu pagore. Ndinonzwa zvakashata pashure pakwo, asi nguva imwe neimwe yandinokundikana, apo muedzo unotevera unosvika, ndasimba zvikurusa.” Naizvozvo pashoma napashoma iye ari kukurira mukurwisa kwake.

Apo kuitazve muitirowo kunoitika, nzvera chakatungamirira kwauri. Imwe pwere yakati: “Ndinohwirudzura izvo ndange ndichirava kana ndichifunga pamusoro pazvo. Ndinogona kunongedzera chikonzero nei ndaitazve muitirowo inenge nguva yose. Neiyi nzira ndinogona kurega kuita ikoko ndokukururamisa.”

Tuso Dzokurwa Kwakanaka

Imwe pwere yakakurira bonhora yakati: “Chifo chokukurira chinetsocho, ndinogona kuchengeta hana yakachena pamberi paJehovha, uye ichechi ndichimwe chinhu chandisati ndaizotsinhanisa nechinhu chipi nechipi!”

Hungu, hana yakanaka, pfungwa yakavandudzwa yefaniro dzomunhu oga, simba guru zvikuru retsika, noukama hwapedyo zvikuru naMwari ituso dzose dzokudzivisa kwakanaka bonhora. Imwe mhandara pakupedzisira yakakurira bonhora yakati: “Ndidavirei, rukundo pane uyu muitiro rwunosanofanira nhamburiko dzakashandiswa.”

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Neiko kuri kune ngozi kufungisisa mifungo yorudo? Ko pwere inogona kuitei kuita kuti ndangariro yayo ipinde pane chimwe chinhuwo zvacho?

◻ Inhanoi dzinodzivirira dzingashandiswa nepwere kuderedza muedzo wokupinda mukuita bonhora?

◻ Neiko kurwisa kwomudzimu kuchibetsera?

◻ Ko munyengetero unoita basai mukukurira uyu muitiro?

◻ Neiko kuchibetsera kuvimba nomumwe munhu kana pane chinetso muna ikoku?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 208, 209]

Mabhuku Ane Nhau Dzoutere—anoumba Muitiro Uye Ane Ngozi!

“Mabhuku ane nhau dzoutere ari munzvimbo iri yose: ukafamba mumugwagwa—hero rinoratidzirwa pamhene pazvigadziko zvamapepa nhau,” anoyeuka kudaro Ronald wezera ramakore 19. “Vamwe vavadzidzisi vedu vanga vauya naro kuchikoro, vachiriravira pazvibhariro zvavo vachingunomirira kirasi rinotevera.” Hungu, vanhu vazhinji vamazera akasiana-siana, migariro, uye mwero yedzidzo varavi vanodisisa vamabhuku ane nhau dzoutere. Imwe pwere inonzi Mark yakati: “Pandakarava magazini avakadzi vakapfeka zvisina kukwana uye ndichiona mifananidzo kwakanga kuchifadza! . . . Ndaitarisira mberi kuzvinyorwa zvitsva zvaaya magazini nokuti kuravazve andakanga ndapedza kwakanga kusingandipi kuchidziro imwe cheteyo yomufaro. Anoumba muitiro.” Asi iwo muitiro wakanaka here?

Mabhuku ane nhau dzoutere ane shoko rinokangaidza: ‘Vatano chaizvoizvo iri nokuda kwokuzvigutsa.’ Mazhinji acho azerwe nokubata chibharo namasimba masimba outsinye. Vaoni vazhinji nokukurumidza vanowana kuti zvimiro “zvinyoro zvikuru” (zvisinganyanyisi mukusvibisa) hazvizati zvichakuchidzirazve nokudaro vanotsvaka havo mifananidzo kana mabhaisikopo akatoshata zvikuru! Sokutaura kwakaita Ernest van den Haag, mubetseri wapaYunivhesiti yeNew York kuti: “Mabhuku ane nhau dzoutere anotikoka kurangarira vamwe bedzi senhindi dzenyama, savanyajambwa vejeredzerwo nokuda kwokunzwa kwedu timene kwomufaro.”

Mabhuku ane nhau dzoutere anopawo murangariro wakashata, wokunamatwa kwevatano kunowanzoparira zvinetso zveroorano. Mumwe mukadzi muduku, anoti: “Kurava mabhuku ane nhau dzoutere kwandiparira pamwe chete nomurume wangu kuchiva zvinhu zvisiri zvomusikirwo zvinoratidzirwa mumabhukuwo. Ikoku kwakaparira kangaidziko inopfuurira nederero muvatano.” Kunzvera kwa 1981 kwakaitwa pakati pavakadzi vane mazana anoverengeka pamusoro pemiuyo yamabhuku ane nhau dzoutere pamusoro poukama hwavo navarume vanoarava muupenyu hwavo. Inenge hafu imwe yakashuma kuti akaparira zvinetso zvakakomba. Akaparadza chaizvoizvo roorano yakati kuti kana kubvunzira. Mumwe mukadzi akachema, achiti: “Ndinogona bedzi kufungidzira kupfurikidza nechinodikanwa nechishuvo [chomurume wangu] nokuda kwevatano kupfurikidza namabhuku ane nhau dzoutere kuti ini handina kuringana . . . Ndinoshuva kuna Mwari kuti kudai ndaiva mukadzi anogona kumugutsa, asi anosarudza mabhaisikopo namagazini uye chinodikanwa chake chaparadza rutivi rwangu. . . . Mabhuku ane nhau dzoutere . . . anorwisana norudo . . . Akashata, ano utsinye uye anoparadza.”

Chokuitira hanya zvikurusa chepwere dzechiKristu, zvisinei, ndiro idi rokuti mabhuku ane nhau dzoutere anorwisana nomutoo wakananga nenhamburiko dzomunhu dzokuva akachena mukuona kwaMwari. (2 VaKorinte 6:17–7:1) Bhaibheri rinoratidza kuti “nokuda kwohukukutu hwomwoyo yavo” vamwe munguva dzakapfuura vakava “vasitongorina pfungwa yose yetsika” uye “vakazvipa vamene kumufambiro wokusazvidzora kuita basa rokusachena rorudzi rwuri rwose runa makaro.” (VaEfeso 4:18, 19) Waizoda kuwana ushati hwakadaro here? Yeuka, kunyange kuzvigutsa kwapanhambo nenhambo mumabhuku ane nhau dzoutere kunogona kuva nomuuyo unoomesa hana yako. Kwakaparira maKristu akati kuti echiduku kuita bonhora uye, zvakatoipisisa, utere hwevatano. Chinhu chokuchenjera, ipapoka, ndechokushanda nesimba kusatongova nechinhu chokuita namabhuku ane nhau dzoutere.

“Kazhinji mabhuku ane nhau dzoutere anonangana neni,” anodaro Darryl muduku. “Nokudaro ndinogombedzerwa kuaona pakuringa kwokutanga; asi handitongofaniri kutarira kwenguva yechipiri.” Hungu, ramba kutarira paanoratidzirwa pamhene, uye ramba kubvumira vafundi biyako kukukuchidzira kuatarisa. Sokurangarira kwakaita Karen wezera ramakore 18, kuti: “Somunhu asina kukwana zvakaoma zvikuru kuedza kuita kuti ndangariro yangu irambe iri pazvinhu zvakachena uye zvinorumbidzwa. Hakuzati kwaizova kwakaoma zvikuru kwazvo here kudai noune ndaizorava mabhuku ane nhau dzoutere?”

[Mufananidzo uri papeji 206]

“Munyengetero ishongwe yapakarepo yesimba. Kunyengetera panguva apo chishuvo chinomuka kunobetsera chaizvoizvo”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe