Chikamu 5
Chikoro Nebasa
Chikoro, uchichida kana uchichivenga, zvimwe ndiko kwauchapedzera anenge makore 12 oupenyu hwako. Iwawa anogona kuva makore ebasa rinofinha kana kuti okuwana. Zvakawanda zvinotsamira pakuti unoshandisa sei makore iwawo echikoro. Mune ichi chikamu chinotevera nokuda kwechikonzero ichecho tichaita kunzvera kukurusa pachikoro, basa rinoitirwa kumba, mamakisi, navadzidzisi. Uye nokuda kwaavo venyu vakatopedza chikoro, tine pangiro dzakanaka dzokubudirira munyika yebasa.