RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 10 pp. 82-89
  • Zvitarisiko Zvinokosha Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvitarisiko Zvinokosha Sei?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndianiko Anotaura Kuti Iwe Hauzati Uchiyevedza?
  • Rega Kuva Ano‘dzvinyirirwa Muforoma Yavo’!
  • Ita Unani Hwako!
  • Dikanwo Yedzikamo
  • ‘Chii Chiri Kuitika Kwandiri?’
    Mukai!—2004
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiratidzike Zvakanaka?
    Mukai!—2002
  • Chii Chiri Kuitika Kumuviri Wangu?
    Mukai!—1990
  • Ko Kana Ndichivenga Chitarisiko Changu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 10 pp. 82-89

Ganhuro 10

Zvitarisiko Zvinokosha Sei?

IWE unotaura kuti haudi maonekere aunoita here? Eya, vashomanene vedu—kana vachitongovapo—vanogutsikana chose chose nechitarisiko chedu. Mukusafanana naNarcissus, uyo akazvida paakazviona mudziva remvura, vamwe vedu vanodokupera mwoyo patinozviona muchionioni.

‘Ndine chandisingadi pamusoro pamuviri wangu,’ anochema kudaro Maria wezera ramakore 16. ‘Ndinofunga kuti handioneki zvakanaka zvikuru.’ Bob wezera ramakore gumi namatatu ane chichemo chimwe chetecho, chokuti: ‘Ini handidi bvudzi rangu, mamirire arinoita muno mugotsi.’ Kuipisisa zvinhu, chitarisiko chechiduku chinogona kuchinja nokukurumidza zvikuru zvokuti, mukuwirirana neimwe nyanzvi yokushanda kwendangariro, pwere dzinowanzo“nzwa savaenzi mumiviri yadzo dzimene.” Nokudaro vazhinji vanozvidya mwoyo pamusoro pechiso, bvudzi, chimiro chomuviri uye tsandanyama.

Chokwadika, Mwari amene anokoshesa rutsvindo. Inodaro Muparidzi 3:11: “[Mwari] akaita chinhu chiri chose chakanaka munguva yacho.” Uye maonekere aunoita anogona kuva netapuro yakadzama pamarangarirwe namabatirwe aunoitwa navamwe. Dr. James P. Comer anowedzera, kuti: “Chitarisiko chomuviri ndicho rutivi rwechitarisiko chako umene. Chinogona kutapura kuzvivimba kwomunhu nezvaanoita uye nezvaasati achiita muupenyu.” Itiro hanya yakanaka pamusoro pechitarisiko chako nokudaro inoita mufungo. Zvisinei, apo iwe unova anonyara zvikuru zvokuti unozvibvisa pana vamwe kana kuti kunzwa zvisinokururama pamusoro pako umene, ipapo itiro hanya yakadaro haizati ichirizve yakanaka.

Ndianiko Anotaura Kuti Iwe Hauzati Uchiyevedza?

Nomutoo unofadza, kutambudzika pamusoro pechitarisiko chako umene nguva dzose hakuzati kuri nokuda kwourema chaihwoihwo hwomuviri. Musikana mutete anogara mukirasi achishuva kuti kudai akanga ari mukobvu, nepo kuno rumwe rutivi, musikana mukobvu anochema na“mafutire” aakaita. Ko kusagutsikana kwakadaro kunobva kupi? Chii chinoita kuti pwere dzakasanoumbwa dzifunge kuti idzo hadzizati dzichiyevedza?

Anodaro Purofesa woruzivo rwokurapwa kwendangariro Richard M. Sarles: “Kuyaruka inhambo yokuchinja umo kuumbwazve kukuru kwomuviri kunoitika. . . . Kubata nokunetsa kwomuviri mutsva uye unochinja, vayaruki vazhinjisa vanotsamira pachengeteko yeboka revezera ravo.” Asi mukunzveresesa kwavezera rako, kuti wakareba sei, wakapfupika sei, uri mukobvu sei, kana wakatetepa sei—tisingadudzi hedu chimiro chemhino yako kana nzeve—kunogona kuva manyuko efunganyo huru. Apo vamwe vanowana ngwariro huru kupinda iwe kana apo iwe unosekwa pamusoro pamaonekero ako, ungasatana kuvamba kunzwa zvakashata pamusoro pako umene.

Tevere pane pesvedzero inokuvadza yeTV, mabhuku, uye mabhaisikopo. Nhena dzavarume navakadzi dzinotituzura dziri muTV nomumapeji amagazini, dzichitengesa chinhu chiri chose kubvira pazvizoro zvinonhuwira kusvikira kumichina yesaw. Manyuko enhau ekurukurirano nokudaro aizokuita kuti udavire kuti kana iwe usati uri tsvarakadenga yerukanda rwakaserera kana “muhombe” ane tsandanyama huru, ungatosva hako wangwambairawo uchipinda mumwena kune imwe nzvimbo—kana zvimwe kukanganwa pamusoro pokuzombova akakurumbira kana anofara.

Rega Kuva Ano‘dzvinyirirwa Muforoma Yavo’!

Asi usati wataura kuti iwe uri dhadha duku rakashata, zvibvunze umene huri chaizvoizvo ukuru hwourema hwako hwomuviri—kana hunofungidzirwa. Chitarisiko ichecho chechiso chaunozvidya mwoyo (kana chaunonetsekana) pamusoro pacho hachizati chichiyevedza zvikuru zvomenemene here? Kana kuti vamwe vakakudzvinyira kupinda mukufunga kuti hachina here? Bhaibheri rinopangira, kuti: “Musarega nyika yakakupoteredzai ichikuitai kuti muve vakafanana nayo imene.”—VaRoma 12:2, Phillips.

Funga: Ndianiko uyo anosimudzira pfungwa yokuti iwe unoda chitarisiko chakati kuti kana uchizova anogamuchirwa, anobudirira, kana anofara? Havazati vari vagadziri kana vazivisi vanovapo kuti vawane mhindu kupfurikidza nokuronda kwako zvinodyiwa zvechinguvana kana kutenga yamuro dzinodhura dzorutsvindo here? Huvaregererei vachiumba kufunga kwako? Uye kana vezera rako vachitsoropodza maonekero ako, vari kuita kudaro kuti vave vanobetsera here—kana kungokuodza mwoyo bedzi? Zvisinei, kana vachikuodza mwoyo, ndianiko anoda “shamwari” dzakadaro?

Bhaibheri rinopfuurirazve kukupangira kuti “rerekera mwoyo wako kunzwisiso.” (Zvirevo 2:2) Nzwisiso ichakubetsera kurangarira mavara ako omuviri usina kwawakarerekera uye kuva anopanikira paradziro yamanyuko enhau. Vanhu vashomanene vacharamba vachiratidzika savakatsvinda zvikuru. Uye “runako haruna maturo.” (Zvirevo 31:30, Byington) Vanhu vanoripirwa nokuda kwezvitarisiko zvavo vanoita unani hwavo nokuda kwenhambo pfupi vasati varegwa nokuda kwechiso chakanaka, chitsva. Uyewo, zvishamiso zvinowanzoitwa nokuda kwezvitarisiko zvavo nezvizoro, muchina wokuvhenekera wamagetsi, nounyanzvi hwokunatsidzira mifananidzo. (Vamwe vanokatyamadzwa kuona maonekero anoita vanhu vakatanhamara vasina gadziriro dzavo dzinotsigira runako!)

Nokudaro hapana chikonzero chokunzwa wakaora mwoyo nemhaka yokuti hauoneki somuyedzi wapaTV kana womumagazini. Uyewo vezera rako havazati vari vasarudzi vokupedzisira vokuti unofanira kuva akareba sei, akapfupika sei, kana akatetepa sei kuti ugoratidzika kuva nhena. Kana uchigutsikana namaonekere aunoita, usatetekera vezera rako. Nomutoo wechienzi, chinhu chimene chausati uchida pamusoro pamaonekere ako chingasanova manyuko echinochiviwa nomumwe munhuwo zvake.

Ita Unani Hwako!

Padzimwe nguva pwere dzinova nezvinetso zvakafanira zvechitarisiko: chitarisiko chakashata, uremu hwakanyanyisa hwomuviri, mhino yakaumbika zvisakafanira, nzeve dzakakwangwamara, chimiro chokunyanyopfupika. Chokwadi, sepwere iri kukura, chitarisiko chako chichiri kuchinja. Mburwa, chinjo muuremu, uye wedzero mukukurumidza kuperevedzeka (kana kunonozeka kunorwadza) inhamo yamakore avechiduku. Nguva inopedza zvinetso zvizhinji zvakadaro.

Vamwe haidaro. Uye pwere zhinji dzinofanira kurarama mukuwirirana neidi rokuti maonekere adzo, akaisvonaka, haane mburwa. Munyori John Killinger, akati: “Kuna vanhu vazhinjisa, kushaikwa kwezvitarisiko zvakanaka ndirimwe ramaidi anoisvorwadza oupenyu, rimwe ravanoziva pakuvamba ndokusawanzodzivisa kwenguva yose yasara youpenyu hwavo.” Zvisinei, iwe unogona kuita napaunogona napo maonekere ako!

Kuvhiiwa kunodya mari yakawanda uye zvimwe inzira yengozi yokururamisa kusakwana kwokunyama.a Kunyange zvazvo zvakadaro, shambidzikowo zvayo haidyi mari yakawanda uye inogona kuita zvakawanda kunatsiridza ruyevedzo rwako. Vhudzi rako ringava risina un’ain’ai hwerero romutambi womubhaisikopo kana mutambikadzi, asika rinogona kuva rakachena; ndozvinogona kuitawo chiso chako, zvanza, nenzara. Mazino akachena asina zvipakanwa, manyada epingi achaita kuti nyemwerero ipi neipi ifadze zvikuru. Ko iwe une chinetso chokunyanyorema here? Chirongwa chemirau yezvokudya nemitambo yokusimbisa miviri (zvimwe mukutarisira kwachiremba) chingaita zvakawanda kudzora uremu hwako.

Kupfurikidza netendero yavabereki, ungaedzawo kunzvera zvipfeko namagadzirirwe ebvudzi zvinokweva ngwariro kumavara ako okunyama ndokuderedza urema hwako. Somuenzaniso, mukuwirirana nomunyori Sharon Faelten, mhino huru inogona kuvanzwa kupfurikidza nokuva kwomusikana noku“gadzirwa kwebvudzi rakarembera zvikuru kana korona yakakamirwa kumusoro.” Zvitarisiko zvakapinza, zvakatundumara zvinogona nenzira imwe cheteyo kuva zvinovanzwa kupfurikidza nokuva “nomugadzirirwo webvudzi rine mihomba kana rakagonyana,” uye shandiswo yokuchenjera yezvizoro inogona nenzira imwe cheteyo kuderedza urema hwechiso chomusikana. Munhurume kana munhukadzi, unogonawo kuita zvakawanda nechisarudzo chako chechipfeko. Sarudza mavara anonatsiridza chitarisiko chako uye zvitaera zvinonatsiridza. Ngwarira mitsetse yenguvo: Mitsetse yakadzika pasi inokuita uve akatetepa; mitsetse yakachinjika, inokuita akakobvumara!

Hungu, kupfurikidza nenhamburiko nomufungo, unogona kuratidzira chitarisiko chinofadza—kunyange zvazvo mumuzvarirwo usati wakapiwa maonekere akanaka.

Dikanwo Yedzikamo

Kunyange kupa ngwariro kumaonekere aunoita kuchikosha, unangwarira kusaita chitarisiko chako chinhu chikuru muupenyu hwako. Wati wambocherekedza here kuti Bhaibheri rinoreva sei zvishoma pamusoro pamaonekere aiita vanhu? Neiko tisingaudzwi kuti Abrahama, Maria, kana kunyange Jesu vairatidzika sei? Sezvinooneka, Mwari haana kukurangarira kuva kunokosha.

Nomutoo unofadza, Mwari akamboramba nokuda kwenzvimbo yamambo jaya rainzi Eriabhi, raiva nechimiro chakanga chichiorora zvikuru! Jehovha Mwari akatsanangurira muporofita Samueri, kuti: “Usatarira chiratisiko chake napaurefu hwechimiro chake . . . Nokuti haazi maonere anoita munhu ari maonere anoita Mwari, nokuti munhuwo zvake anoona zviri zvinoonwa nameso ake; asi kana ari Jehovha, iye anoona chiri mwoyo.” (1 Samueri 16:6, 7) Haiwa inyaradzo yakadini kuziva kuti kuna Mwari, Uyo anokosha zvomenemene, zvitarisiko zvedu hazvizati zviri chinhu chinokosha! “Iye anoona chiri mwoyo.”

Rimwe pfundo rokurangarira, ndeiri: Ko vazhinjisa veshamwari dzako havazati vakati tsvindei zvine mwero wapakati here? Uye upi kana upi wavabereki vako aizova mufananidzo nokuda kwebutiro ramagazini refashoni here? Zvimwe kwete. Zvamazvirokwazvo, uchiziva mavara avo akaisvonaka, iwe hautombogarofungi pamusoro pamaonekere avo! Iwewo una mavara somunhu anopfuura zvikuru kwazvo urema hupi nohupi hwokunyama—chaihwoihwo kana hunofungidzirwa.

Kunyanguvezvo, zvitarisiko zvinokosha kuna vezera rako, uye ungazviwana umene uchidzvinyirirwa kuwirirana nezvitaera zvavo zvomupfekero nokushambidzika. Unofanira kuita sei kudzvinyiriro iyeyo?

[Mashoko Omuzasi]

a Mimwe miitiro yokurapa, yakadai sezvisungiso zvokururamisa mazino akakombama, zvinogona kuva nedzose dziri mbiri betsero dzoutano nedzorutsvindo.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Neiko pwere dzichiitira hanya zvikuru maonekere adzo? Unonzwa sei pamusoro pamaonekere ako umene?

◻ Murangariroi woukoshi wamaonekere unosimudzirwa namanyuko enhau nevezera rako? Unofanira kuita sei kupesvedzero yakadaro?

◻ Ndedzipi dzimwe nzira dzokubata nadzo nechinetso chemburwa?

◻ Unogona sei kuita napaunogona napo namaonekere ako? Neiko pane kudikanwa kwedzikamo muna ikoku?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 82]

‘Ndine chandisingadi pamusoro pomuviri wangu . . . Ndinofunga kuti handioneki zvakanaka zvikuru’

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 88]

Iwe una mavara anopfuura zvikuru kwazvo hurema hupi nokupi hwokunyama

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 84, 85]

‘Handingagoni Kuita Chimwe Chinhu Pamusoro Pemburwa Dzangu Here?’

Mburwa ndiko kukanganisika kweganda kunoriparira kuva rina mavanga kana kunyange kushatswa netumapundu, miromo mitema, mapundu matsvuku akazvimba, kana tumota. Kupwere zhinji, ndiko kukanganisika kwakakomba kweganda, panzvimbo pamarwadzowo zvawo anopfuura anogara bedzi mwedzi mishomanene. Vanhu vamazera ose vanogona kuva vanotapurwa nadzo, asi vechiduku vanotambura zvikurusa. Mukuwirirana nedzimwe nyanzvi, vane 80 muzana vanotapurwa nemburwa mumwero yakasiana-siana.

Nomutoo usingashamisi, apo vechiduku vane 2 000 vakakumbirwa kutaura chavakanga vasingade zvikurusa pamusoro pavo vamene, zvinetso neganda zvakakurira zvikuru chimwe chirwere chiri chose. Inoyeuka kudaro pwere inonzi Sandra, iyo yakanga ine chirwere chakashata chemburwa ichiri pachikoro chapamusoro: “Ndakanga ndine mburwa dzakashata kwazvo, ndaigarovanza chiso changu kuna vamwe vanhu. Ndainyara nokuti ndakanga ndichikangaidzwa namaonekere andaiita. . . . Ndairatidzika zvakashata zvikuru.”—Magazini yeCo-Ed.

Neiko ichi chirwere chichioneka mukati mamakore okuyaruka kwako—panguva imene yaunoda kuoneka zvakanakisisa zvikuru? Nokuti uri kukura. Kupfurikidza nokutanga kwokuyaruka, tsvurwe dzeganda dzinowedzera mibato yadzo.

Chii chinoitika? The World Book Encyclopedia rinotsanangura namashoko akapfava chinoitika chacho: Tsvurwe imwe neimwe inodururira mukahomwe kebvudzi—ndiko kuti, chitsaga chakapoterera bvudzi rimwe nerimwe. Nomutoo womusikirwo, mafuta angabuda nomuburi romuganda, asi padzimwe nguva buri rinovharwa uye mafuta haangabudi nokukurumidza zvakaringanira. Buri rakavharwa zvino rinoita vanga rinonzi muromo mutema nemhaka yokuti mafuta abatwa anogwamba, anooma, ndokushanduka kuva matema. Mburwa inokura apo urwa hunoumbika. Tumota tunoitika apo utachiona hunowanda mumafuta akavharirwa. Nditwo tumota twunosiya mavanga echigarire. Mburwa hadziite mavanga kutoti dzikapindwa noutachiona, uko kunowanzoitika somuuyo wokusvina kana kutumbura—naizvozvo rega kusvina kana kutumbura!

Nomutoo unofadza, kutsamwa kwokumanikidzira nokwokufunga kunogona kunyandura tsvurwe dzeganda. Vamwe vanowana kukura kwemburwa huru pamberi chaipo pechinoitika chinokosha kana pamberi nomukati mebvunzo. Mashoko aJesu nokudaro anova anoshanda, anoti: “Musatongofunganya pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokufunganya kwaro rimene.”—Mateo 6:34.

Zvinosuruvarisa kutaura, hapana kurapa kwenenji kuripo. Zvisinei, kune mishonga inowanika muzvitoro, yakadai sema“gel,” ma“cream,” ma“lotion,” mishonga yokugeza chiso, sipo, nezvifukidziro zvechiso, zvine “benzoyl peroxide” (mushonga unorwisana noutachiona) iyo inogona kubetsera kudzora mburwa. (Chiremba wenyu wemhuri angabvunzwa kana mwero yakasimba ichidikanwa.) Vazhinji vanowana kuti kugeza ganda ravo kwazvo nesipo kana mishonga yokugeza chiso ine “benzoyl peroxide” kunobetsera. Zvisinei, dzivisa sipo dzina mafuta akawandisa kana zvizoro zvakaitwa namafuta.

Dzimwe pwere dzakawanawo kuti kupfurikidza nokutarisira utano hwadzo hwose—kuwana mitambo yakawanda yokugwinyisa muviri, kubuda kundofefeterwa nemhepo kazhinji sakanobvira, nokuva nokuvata kwakaringanira—mugariro wemburwa dzadzo unovandudzika. Uye kunyange betsero dzokuchengeta zvokudya zvisina mafuta kuchiitiranwa nharo navamwe, kudzivisa zvokudya zvisingavaki muviri, uye kudya zvokudya zvine mwero, sezvinooneka kunoita mufungo.

Muchinoitika chipi nechipi, kushivirira ndichinodikanwa. Yeuka: Chinetso chinowedzera kwenhambo yakati kuti yenguva, naizvozvo hachisati chichipera nousiku humwe. Sandra, adudzwa pakuvamba-vamba, anoti: “Ndinofunga kuti kwakatora rinenge gore kuti rukanda rwangu ruratidzike zvakanaka chose chose, asi ndaigona hangu kuona chinjo murukanda rwangu mukati mamavhiki matanhatu.” Kupfurikidza nokuomerera kukurapwa kwako kwenhambo yakati kuti yenguva, ungawana betsero yakati kuti.

Kuri zvino, usarega mburwa shomanene dzichiputsanya kuzviremekedza kwako kana kuti kudzivisa kutaura kwako navamwe. Kunyange unganzwa uchinyara zvikuru pamusoro porukanda rwako, zvimwe vamwe vanorucherekedza zvishoma zvikuru kupinda zvaunofunga. Naizvozvo edza kuchengeta chimiro chendangariro chaichoicho, chinofara. Uye ita zvaunogona nokuda kwemburwa dzako iye zvino!

[Mufananidzo uri papeji 83]

Chausingadi pamusoro pako umene chingava chinochiviwa navamwe

[Mifananidzo iri papeji 86]

Pwere dzinowanzokundikana kunzwisisa kuti mifananidzo yomumagazini ine mabasa echikwata chavatsigiri vorutsvindo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe