Mwari Anogarova Mukuru Zvikuru Kuna Jesu Here
JESU haana kutongotaura kuva akafanana naMwari. Chinhu chiri chose chaakataura pamusoro pake iye amene chinoratidzira kuti iye haana kuzvirangarira amene kuva akaenzana naMwari munzira ipi neipi—kwete musimba, kwete muzivo, kwete muzera.
Munhambo iri yose yokurarama kwake, kunyange mudenga kana kuti pasi pano, kutaura kwake nomufambiro zvinoratidzira kuva pasi paMwari. Mwari anogarova mukuru, Jesu muduku uyo akasikwa naMwari.
Jesu Akatsaukana naMwari
KAZHINJI kazhinji, Jesu akaratidzira kuti iye akanga ari chisikwa chakaparadzana naMwari uye kuti iye, Jesu, akanga ana Mwari ari pamusoro pake, Mwari waainamata, Mwari waaiidza kuti “Baba.” Mumunyengetero kuna Mwari, ndiko kuti, Baba, Jesu akati, “Imi, Mwari bedzi wechokwadi.” (Johane 17:3) Pana Johane 20:17 iye akati kuna Maria Magdharene: “Ini ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.” (RS, chinyorwa cheKaturike) Pana 2 VaKorinte 1:3 muapostora Pauro anosimbisa uhu ukama, achiti: “Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu.” Sezvo Jesu akanga ana Mwari, Baba vake, iye haati aigona panguva imwe cheteyo kuva Mwari iyeyo.
Muapostora Pauro haana kusiya chinhu pamusoro pokutaura nezvaJesu naMwari savanhu vakaparadzana chose chose, achiti: “Kwatiri kuna Mwari mumwe, ivo Baba, . . . uye kuna Ishe mumwe, Jesu Kristu.” (1 VaKorinte 8:6, JB) Muapostora anoratidzira mutsaukano apo iye anodudza “kuvapo kwaMwari nokwaKristu Jesu nokwengirozi dzakasarudzwa.” (1 Timotio 5:21, RS Common Bible) Sezvo Pauro achitaura nezvaJesu nengirozi savari vakaparadzana mudenga, ndozvakaitawo Jesu naMwari.
Mashoko aJesu ari pana Johane 8:17, 18 anokoshawo. Iye anoti: “MuMutemo wenyu mumene makanyorwa kuti, ‘Uchapupu hwavanhu vaviri ndohwechokwadi.’ Ini ndini ndinopupurira pamusoro pangu ndimene, naBaba avo vakandituma kuzopupurira pamusoro pangu.” Pano Jesu anoratidzira kuti iye naBaba, ndiko kuti, Mwari Wamasimba ose, vanofanira kuva vanhu vaviri vakatsaukana, nokuti paizogona sei kuva chaizvoizvo nezvapupu zviviri?
Jesu akapfuurirazve kuratidzira kuti iye akanga ari munhu akaparadzana naMwari kupfurikidza nokuti: “Neiko muchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka kunze kwaMwari oga bedzi.” (Marko 10:18, JB) Naizvozvo Jesu akanga achitaura kuti hakuno munhu akanaka saMwari, kwete kunyange naJesu iye amene. Mwari akanaka munzira inomuparadzanisa naJesu.
Mubatiri Anozviisa Pasi waMwari
KAZHINJI kazhinji, Jesu akaita kutaura kwakadai souku: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu chipi nechipi nokuda kwake amene, iye anogona bedzi kuita zvaanoona Baba vake vachiita.” (Johane 5:19, The Holy Bible, rakanyorwa naMonsignor R. A. Knox) “Ini ndakaburuka kudenga kuzoita, kwete kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma.” (Johane 6:38) “Zvandinodzidzisa hazvizi zvangu, asi ndezvaiye wakandituma.” (Johane 7:16) Ko mutumi haazi mukuru kuno uyo anotumwa here?
Ukama hunooneka mumuenzaniso waJesu womuzambiringa. Iye akafananidzira Mwari, Baba vake, nomwene womuzambiringa, uyo akaenda kunyika iri kure ndokuusiira mukutarisira kwavarimi, avo vaimirira vakuru vakuru vechiJudha. Apo mwene gare gare akatuma muranda kundowana zvimwe zvezvibereko zvomuzambiringa, varimi vakarova muranda ndokumutuma asina chinhu. Tevere mwene akatuma muranda wechipiri, uye gare gare wechitatu, vose vari vaviri avo vakawana kubatwa kumwe cheteko. Pakupedzisira, mwene akati: “Ini ndichatuma Mwanakomana wangu [Jesu] anodikanwa. Sezvingabvira ivo vacharemekedza iyeyu.” Asi varimi vakashata vakati: “‘Uyu ndiye mudyi wenhaka; ngatimuurayei, kuti nhaka igova yedu.’ Naikoko vakamukandira kunze kwomunda womuzambiringa ndokumuuraya.” (Ruka 20:9-16) Nokudaro Jesu akaenzanisira nzvimbo yake amene somunhu ari kutumwa naMwari kundoita kuda kwaMwari, kungofanana nababa vanotuma Mwanakomana anozviisa pasi.
Vateveri vaJesu vaigaromurangarira somubatiri anozviisa pasi waMwari, kwete somuenzanirani waMwari. Ivo vakanyengetera kuna Mwari pamusoro pa“Jesu mubatiri wenyu mutsvene, uyo imi makazodza, . . . uye zviratidzo nezvishamiso zvinoitwa kupfurikidza nezita raJesu mubatiri wenyu mutsvene.”—Mabasa 4:23, 27, 30, RS, chinyorwa cheKaturike.
Mwari Mukuru Panguva Dzose
PAKUTANGA pamene poushumiri hwaJesu, apo iye akabuda mumvura yorubhapatidzo, inzwi raMwari rakabva kudenga richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodikanwa, wandatendera.” (Mateo 3:16, 17) Ko Mwari akanga achitaura kuti iye akanga ari mwanakomana wake amene here, kuti iye akazvitendera amene, kuti iye akazvituma amene? Nyangwe, Mwari Musiki akanga achitaura kuti iye, somukuru, akanga achitendera muduku, Mwanakomana wake Jesu, nokuda kwebasa riri mberi.
Jesu akaratidzira ukuru hwaBaba vake apo iye akati: “Mudzimu waJehovha uri pamusoro pangu, nokuti iye akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo.” (Ruka 4:18) Kuzodza ndiko kupiwa kwechiremera kana kuti basa kunoitwa nomukuru kuno mumwe munhu uyo asati atova nechiremera. Pano Mwari nomutoo wakajeka mukuru, nokuti iye akazodza Jesu, achimupa chiremera chaakanga asina kare.
Jesu akaita kuti ukuru hwaBaba vake hujeke apo amai vavadzidzi vaviri vakakumbira kuti vanakomana vavo vagare mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe rwaJesu apo iye anopinda muUmambo hwake. Jesu akapindura, kuti: “Kana zviri zvigaro zviri kuruoko rwangu rworudyi nokuruboshwe, izvi hazvisati zviri zvangu kuti ndipe; izvo ndezvaavo vakazvigoverwa naBaba vangu,” ndiko kuti, Mwari. (Mateo 20:23, JB) Kudai Jesu akanga ave ari Mwari Wamasimba ose, nzvimbo idzodzo dzaizodai dzakava dziri dzake kuti ape. Asi Jesu haati aigona kuzvipa, nokuti zvakanga zviri zvaMwari kuti ape, uye Jesu akanga asati ari Mwari.
Minyengetero yaJesu amene muenzaniso wakasimba wenzvimbo yake yakaderera. Apo Jesu akanga odokufa, iye akaratidzira kuti ndiani akanga ari mukuru wake kupfurikidza nokunyengetera, kuti: “Baba, kana muchida, bvisai uyu mukombe mandiri. Hunyanguvezvo, regai, kusati kuri kuda kwangu, asi kwenyu kuitike.” (Ruka 22:42) Ko iye akanga achinyengetera kuna ani? Kurutivi rwake amene here? Nyangwe, iye akanga achinyengetera kuno mumwe munhu akaparadzana chose chose, Baba vake, Mwari, uyo ane kuda kwakanga kuri kukuru uye kwaigona kuva kwakasiana nokwake amene, Uyo bedzi aikwanisa ku“bvisa uyu mukombe.”
Ipapo, zvaakanga odokufa, Jesu akadanidzira, achiti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?” (Marko 15:34, JB) Jesu akanga achidanidzira kuna ani? Kwaari amene here kana kuti kurutivi rwake amene? Zvamazvirokwazvo, kudanidzira ikoko kwokuti, “Mwari wangu,” kwakanga kusati kuchibva kuno mumwe munhu uyo aizvirangarira amene kuva Mwari. Uye kana Jesu akanga ari Mwari, ipapoka iye akasiiwa naaniko? Naiye amene here? Ikoko hakuzati kwaizoita mufungo. Jesu akatiwo: “Baba, ini ndinoronzesa mudzimu wangu mumaoko enyu.” (Ruka 23:46) Kudai Jesu aiva Mwari, iye aizofanira kuronzesa mudzimu wake kuna Baba nokuda kwechikonzeroiko?
Pashure pokunge Jesu afa, iye akanga ari muhwiro kwamativi matatu amazuva. Kudai iye aiva Mwari, ipapo Habhakuki 1:12 haina kururama apo inoti: “Haiwa Mwari wangu, Mutsvene Wangu, imi hamufi.” Asika Bhaibheri rinoti Jesu akafa chaizvo uye akanga asingazivi ari muhwiro. Uye ndianiko akamutsa Jesu muna vakafa? Kana iye akanga akafa zvamazvirokwazvo, iye haati aigona kuva akazvimutsa amene. Kuno rumwe rutivi, kana iye akanga asina kufa chaizvoizvo, rufu rwake rwokunyepedzera rwaizodai rusina kuripira mutengo worudzikinuro nokuda kwechivi chaAdhama. Asika iye akaripira chaizvo mutengo iwowo zvizere kupfurikidza norufu rwake chairwoirwo. Naizvozvo akanga ari “Mwari [uyo] akamutsa [Jesu] kupfurikidza nokusunungura marwadzo orufu.” (Mabasa 2:24) Mukuru, Mwari Wamasimba ose, akamutsa muduku, Jesu mubatiri wake, muna vakafa.
Ko idi rokuti Jesu aigona kuita manenji, akadai sokumutsa vakafa, rinoratidzira kuti iye akanga ari Mwari here? Hekani waro, vaapostora navaporofita vanaEria naErisha vakanga vane simba irerowo, asika ikoko hakuna kuvaita vanopfuura vanhu. Mwari akapa simba rokuita manenji kuvaporofita, Jesu, navaapostora kuratidzira kuti Iye akanga achivatsigira. Asika harina kuita upi noupi wavo rutivi rwoHumwari hwoutatu hwavazhinji.
Jesu Akanga Ane Zivo Yakaganhurirwa
APO Jesu akapa uporofita hwake pamusoro pomugumo wetsika ino yezvinhu, iye akati: “Asi nezvezuva irero kana kuti awa iyeyo hakuno munhu unoziva, kwete kunyange ngirozi dziri mudenga, kana kuti Mwanakomana, asi Baba bedzi.” (Marko 13:32, RS, chinyorwa cheKaturike) Kudai Jesu akanga ari rutivi rwakaenzana rwoMwanakomana rwoHumwari, aizodai aiziva izvo Baba vaiziva. Asi Jesu haana kuziva, nokuti akanga asina kuenzana naMwari.
Nomutoo wakafanana, tinorava pana VaHebheru 5:8 kuti Jesu “akadzidza kuteerera kubva muzvinhu zvaakatambura.” Tinogona here kufungidzira kuti Mwari aitofanira kudzidza chinhu chipi nechipi? Nyangwe, asi Jesu akadaro, nokuti iye haana kuziva chinhu chiri chose icho Mwari aiziva. Uye aitofanira kudzidza chimwe chinhu icho Mwari akanga asati achitongodikanirwa kudzidza—kuteerera. Mwari haazati achitongofanira kuteerera munhu upi noupi.
Musiano uri pakati peicho Mwari anoziva neicho Kristu anoziva wakavapowo apo Jesu akamutsirwa kudenga kundova naMwari. Cherekedza mashoko okutanga ebhuku rokupedzisira reBhaibheri, anoti: “Chizaruro chaJesu Kristu, icho Mwari akamupa.” (Zvakazarurwa 1:1, RS, chinyorwa cheKaturike) Kudai Jesu iye amene aiva rutivi rwoHumwari hwoutatu, ko iye aizofanira kupiwa chizaruro norumwe rutivi rwoHumwari hwoutatu here—Mwari? Zvamazvirokwazvo iye aizove achiziva zvose pamusoro pacho, nokuti Mwari aiziva. Asi Jesu haana kuziva, nokuti iye akanga asati ari Mwari.
Jesu Anopfuurira Kuva Ari Pasi
MUKURARAMA kwake iye asati ava munhu, uyewo ari pasi pano, Jesu akanga ari pasi paMwari. Pashure porumuko rwake, iye anopfuurira kuva ari pasi, munzvimbo yechipiri.
Achitaura nezvorumuko rwaJesu, Petro naavo vaiva naye vakaudza Sanhedrini yechiJudha, kuti: “Mwari akasimudzira iyeyu [Jesu] . . . kuruoko rwake rworudyi.” (Mabasa 5:31) Pauro akati: “Mwari akamusimudzira kunzvimbo yakakwirira.” (VaFiripi 2:9) Kudai Jesu akanga ave ari Mwari, Jesu aigona sei kuve akasimudzirwa, ndiko kuti, akamutsirwa kunzvimbo yakakwirira inopfuura yaakanga afarikanya kare? Aizotodai akave ari rutivi rwakasimudzirwa rwoUtatu. Kudai, pamberi pokusimudzirwa kwake, Jesu akanga ave akaenzana naMwari, kumusimudzirazve kupi nokupi kwaizove kwakamuita mukuru kuna Mwari.
Pauro akataurawo kuti Kristu akapinda “kudenga iko kumene, zvokuti iye aigona kumira pamberi chaipo paMwari nokuda kwedu.” (VaHebheru 9:24, JB) Kana ukamira pamberi pomumwe munhuwo zvake, unogona seiko kuva munhu iyeyo? Haugone. Unofanira kuva akasiana uye akaparadzana.
Nomutoo wakafanana, pamberi chaipo pokuva anotakwa namabwe kusvikira afa, Stefano akaponderwa kutendeka “akaringa mudenga ndokuona mbiri yaMwari neyaJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” (Mabasa 7:55) Nomutoo wakajeka, iye akaona vanhu vaviri vakaparadzana—asi pasina mudzimu mutsvene, pasina Humwari hwoUtatu.
Munhauro iri pana Zvakazarurwa 4:8 kusvikira ku 5:7, Mwari anoratidzirwa agere pachigaro chake choumambo chokudenga, asi Jesu haasati. Iye aitofanira kusvika Mwari kuti atore mupumburu wamanyoro muruoko rworudyi rwaMwari. Ikoko kunoratidzira kuti mudenga Jesu haazati ari Mwari asi akaparadzana naye.
Mubvumirano nezvadudzwa pakutanga, Bulletin of the John Rylands Library muManchester, England, rinoti: “Muupenyu hwake hwokudenga hwapashure porumuko, Jesu anoratidzirwa somunhu oga akatsaukana uye akaparadzana naMwari sezvaakanga akaita muupenyu hwake pasi pano saJesu wapasi. Ari kurutivi rwaMwari uye achienzanisirwa naMwari, iye anooneka, zvamazvirokwazvo, achindoveri mumwe munhu womudenga mudare rokudenga raMwari, sezvakanga zvakaita ngirozi—kunyange zvazvo soMwanakomana waMwari, iye ari muboka rakasiana, uye ari munzvimbo yakakwirira pamusoro padzo.”—Enzanisira VaFiripi 2:11.
Bulletin inotiwo: “Zvisinei, zvinotaurwa nezvoupenyu hwake namabasa saKristu wokudenga hazvizati zvichireva uyewo hazviratidziri kuti muchimiro chokudenga iye anoenzana naMwari iye amene uye ndiMwari akakwana. Mukusiana, mumufananidzo weTestamende Itsva yohunhu hwake hwokudenga noushumiri tinoona pose pari paviri munhu akaparadzana uye ari pasi paMwari.”
Munguva yemberi isingaperi mudenga, Jesu achapfuurira kuva mubatiri akaparadzana, anozviisa pasi waMwari. Bhaibheri rinokuratidzira neiyi nzira, richiti: “Pashure paizvozvo mugumo uchasvika, apo iye [Jesu ari mudenga] achagamuchidza umambo kuna Mwari Baba . . . Ipapo Mwanakomana iye amene achaiswa pasi poUyo akaisa chinhu chiri chose pasi pake, kuti Mwari agova zvose muna zvose.”—1 VaKorinte 15:24, 28, NJB.
Jesu Haana Kutongotaura Kuva Mwari
NZVIMBO yeBhaibheri yakajeka. Mwari Wamasimba ose haazati achingova bedzi, Jehovha, munhu akaparadzana naJesu asi Iye mukuru wake panguva dzose. Jesu anogaroratidzirwa somubatiri akaparadzana uye muduku, anozvininipisa waMwari. Ndochikonzero nei Bhaibheri richireva zvakajeka kuti “musoro waKristu ndiMwari” munzira imwe cheteyo iyo “musoro womurume ari wose ari Kristu.” (1 VaKorinte 11:3) Uye ndochikonzero nei Jesu iye amene akati: “Baba vakuru kupfuura ini.”—Johane 14:28, RS, chinyorwa cheKaturike.
Idi nderokuti Jesu haazati ari Mwari uye haana kutongotaura kuva akadaro. Ikoku kuri kuzivikanwa kupfurikidza nechiverengero chinowedzera chavazivi. Sokurondedzera kunoita Rylands Bulletin, kuti: “Idi rinofanira kunanganwa naro kuti kunzvera kweTestamende Itsva, ngatitii, kwaanopfuura makore ana makumi matatu akapfuura kana kuti ana makumi mana kwave kuchitungamirira chiverengero chinowedzera chavazivi vakakurumbira veTestamende Itsva kumhedziso yokuti Jesu . . . zvamazvirokwazvo haana kutongozvidavira iye amene kuva Mwari.”
Bulletin inorevawo nezvamaKristu omuzana rokutanga, ichiti: “Naizvozvo, apo ivo vakaidza [Jesu] mazita ezviratidziro orukudzo akadai sokuti Kristu, Mwanakomana womunhu, Mwanakomana waMwari uye Ishe, idzi dzaiva nzira dzokusataura kuti iye akanga ari Mwari, asi kuti iye akaita basa raMwari.”
Nokudaro, kunyange vamwe vazivi vorudzidziso vanobvuma kuti mufungo wokuva kwaJesu Mwari unoshora chipupuriro chose cheBhaibheri. Ipapo, Mwari anogarova mukuru, uye Jesu mubatiri ari pasi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
‘Kunzverwa kweTestamende Itsva kwave kuchitungamirira chiverengero chinowedzera chavazivi kumhedziso yokuti Jesu zvamazvirokwazvo haana kutongozvidavira amene kuva Mwari.’—Bulletin of the John Rylands Library
[Mufananidzo uri papeji 17]
Jesu akaudza vaJudha, kuti: “Ini ndakaburuka kudenga kuzoita, kusati kuri kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma.”—Johane 6:38
[Mufananidzo uri papeji 18]
Apo Jesu akadanidzira, kuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?” zvamazvirokwazvo iye haana kuzvidavira amene kuva Mwari