Rudzikinuro
Tsanangudzo: Muripo unobhadharwa kudzosa kana kuti kusunungurwa pamutoro kana kuti pamamiriro ezvinhu asingafadzi. Rudzikinuro runonyanya kukosha rwakapiwa nderwuya rweropa raJesu Kristu rakateurwa. Nokubhadhara ukoshi hwerudzikinuro irworwo mudenga, Jesu akazarura nzira yokuti vana vaAdhamu vanunurwe pachivi norufu zvatakaberekwa tiinazvo tose nemhaka yechivi chatateguru wedu Adhamu.
Rufu rwaJesu Kristu rwakasiyana sei nerwevamwe vakafira kutenda?
Jesu aiva munhu akakwana. Akaberekwa asina kana kachivi uye akaramba akadaro kwoupenyu hwake hwose. “Haana kuita chivi.” Akanga “asina kusvibiswa, akaparadzaniswa nevatadzi.”—1 Pet. 2:22; VaH. 7:26.
Aiva Mwanakomana waMwari akasiyana nevamwe. Mwari pachake akapupurira izvi paakataura zvinonzwika ari kudenga. (Mat. 3:17; 17:5) Mwanakomana uyu akanga amborarama kudenga; Mwari akamushandisa kusika vamwe vanhu vose nezvinhu zvose. Kuti aite kuda kwake, nenzira inoshamisa Mwari akatamisira upenyu hweMwanakomana uyu mudumbu remhandara kuitira kuti aberekwe somunhu. Kuti aratidze kuti zvechokwadi akanga ava munhu, Jesu akazviti Mwanakomana womunhu.—VaK. 1:15-20; Joh. 1:14; Ruka 5:24.
Aiva nesimba pane vaida kumuuraya. Akati: “Ndinopa mweya wangu . . . Hapana munhu akautora kwandiri, asi ndinoupa nokuzvidira.” (Joh. 10:17, 18) Akaramba kukumbira kuti ngirozi dzipindire kuti dzimubatsire. (Mat. 26:53, 54) Kunyange zvazvo vanhu vakaipa vakabvumirwa kuti vaite zvavakanga vakaronga kuti vamuuraye, zvechokwadi rufu rwake rwaiva rwokuzvibayira.
Ropa rake rakateurwa rinokosha zvokununura vamwe. “Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mako 10:45) Saka rufu rwake rwaisangova nyaya yokufira kutenda pamusana pokungoda kuramba kusiya zvaaitenda.
Onawo mapeji 47, 48, pasi pemusoro unoti “Chirangaridzo.”
Nei zvakanga zvakakodzera kuti rudzikinuro rupiwe nenzira yarwakapiwa nayo kuitira kuti tiwane upenyu husingaperi?
VaR. 5:12: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (Pasinei nokuti tingave tichirarama tiine tsika dzakanaka, tose zvedu takaberekwa tiine chivi. [Pis. 51:5] Hapana zvatingaita kuti tiwane kodzero yokurarama nokusingaperi.)
VaR. 6:23: “Mubayiro wechivi ndirwo rufu.”
Pis. 49:6-9: “Vaya vanovimba nezvavanorarama nazvo, uye vanoramba vachizvirumbidza pamusoro pokuwanda kwepfuma yavo, hapana kana mumwe chete wavo anogona kudzikinura kunyange hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro nokuda kwake; (uye mutengo wokudzikinura mweya yavo unokosha kwazvo zvokuti haupo nokusingagumi) kuti arambe achirarama nokusingaperi uye arege kuona gomba.” (Hapana munhu asina kukwana anogona kununura mumwe munhu pachivi norufu. Mari yake haigoni kutenga upenyu husingaperi, uye rufu rwake, urwo runongova mubayiro unouya nemhaka yechivi, harugoni kununura ani zvake.)
Nei Mwari asina kungotaura kuti, kunyange zvazvo Adhamu naEvha vaifanira kufa nemhaka yokupanduka kwavo, vana vavo vose vaizoteerera Mwari vaigona kuzorarama nokusingaperi?
Nokuti Jehovha “anoda kururama nokururamisira.” (Pis. 33:5; Dheut. 32:4; Jer. 9:24) Saka nzira yaakagadzirisa nayo nyaya yacho yakaratidza kururama kwake, kururamisira kwakakwana uye panguva imwe chete yakaratidza rudo rwake nengoni. Sei?
(1) Adhamu naEvha vakanga vasati vava nevana pavakatadza, saka hapana akaberekwa akakwana. Vana vose vaAdhamu vakaberekerwa muchivi uye chivi chinoita kuti vafe. Kudai Jehovha akangosiya zvakadaro, izvozvo zvaizopesana nemitemo yake yakarurama. Mwari aisagona kudaro obatanidzwa mukusarurama. Haana kungorega zvaidiwa nokururamisira kwake kwakakwana; saka hapana chisikwa chakangwara chinogona kupa mhaka panyaya iyi.—VaR. 3:21-26.
(2) Asingafuratiri zvinodiwa nokururamisira kwake, Jehovha aizonunura sei vana vaAdhamu vaizomuteerera vachida? Kana munhu akakwana aizofa rufu rwechibayiro, kururamisira kwaizobvumira kuti upenyu ihwohwo hwakakwana hufukidze zvivi zvevaya vaizoratidza kutenda muurongwa hwacho. Sezvo chivi chomunhu mumwe chete (chaAdhamu) chakaita kuti vanhu vose vave vatadzi, ropa rakateurwa romumwe munhu akakwana (Adhamu wechipiri), rakanga rakakosha zvinoenderana, raiita kuti pave nokururamisira. Sezvo Adhamu akatadza nemaune, aisagona kubatsirwa; asi sezvo vanhu vaizobhadharirwa chivi chavo nomumwe munhu, vana vaAdhamu vaigona kununurwa. Asi kwakanga kusina munhu akakwana kudaro. Vanhu vaisagona kuita izvozvo zvaidiwa nokururamisira kwakakwana. Saka achida kuratidza rudo rwake runoshamisa uye achitorasikirwa zvikuru, Jehovha pachake akapa Mwanakomana wake. (1 VaK. 15:45; 1 Tim. 2:5, 6; Joh. 3:16; VaR. 5:8) Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi aidawo kuita chimwe chinhu. Achisiya nokuzvininipisa kukudzwa kwaaiva nako kudenga ndokuva munhu akakwana, Jesu akafira vanhu.—VaF. 2:7, 8.
Muenzaniso: Baba vemba vangapara mhosva votongerwa rufu. Vana vavo vangasara vachitambura, vaine chikwereti chakakura. Zvichida sekuru vavo vane mutsa vanopindira, voita kuti mwanakomana wavo wavanogara naye abhadhare zvikwereti zvevana ava uye zvichiita kuti vatarisire kuva noupenyu hutsva. Chokwadi, kuti vabatsirwe, vana vacho vanofanira kubvuma urongwa hwacho uye sekuru vacho vangada zvimwe zvinhu zvinovimbisa kuti vana ava havazotevedzeri zvakaitwa nababa vavo.
Chibayiro chaJesu chaifanira kutanga kushanda kuna vanaani, uye nechinangwa chei?
VaR. 1:16: “Mashoko akanaka [nezvaJesu Kristu uye basa rake pakuitwa kwechinangwa chaJehovha] . . . iwo chokwadi, isimba raMwari rinoponesa kumunhu wose anotenda, kutanga, kumuJudha uyewo kumuGiriki.” (VaJudha ndivo vakatanga kupiwa mukana wokubatsirwa nourongwa hwokuponeswa kuburikidza naKristu, kuchizotevera vasiri vaJudha.)
VaEf. 1:11-14: “Uyo [Kristu] isu [vaJudha, kusanganisira muapostora Pauro] takagoverwa pamwe naye sevagari venhaka [Vagari venhaka vechii? VoUmambo hwokudenga] . . . kuti tishandire kurumbidzwa kwokubwinya kwake, isu tave tiri vokutanga kuva netariro muna Kristu. Asi makavawo [vaKristu vakabva kune Vemamwe Marudzi, sezvakanga zvakaita vakawanda muEfeso] netariro maari pashure pokunge manzwa shoko rechokwadi, iwo mashoko akanaka pamusoro pokuponeswa kwenyu. Pashure pokunge matenda pachishandiswawo iye, imi makaiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene uya wakapikirwa, uyo uri chokumbofanobata chinotangira nhaka yedu, nokuda kwokusunungura zvinhu zvaMwari pachishandiswa rudzikinuro, kuti arumbidzwe iye zvine mbiri.” (Sezvinoratidzwa pana 1 Petro 1:4, nhaka iyoyo yakachengetwa kudenga. Zvakazarurwa 14:1-4 inoratidza kuti vane 144 000 ndivo vane nhaka iyoyo. Pamwe chete naKristu, ava vachatonga vanhu vari madzimambo nevapristi kwemakore 1 000, pachazadzika chinangwa chaMwari chokuti nyika ive paradhiso ichagarwa nevana vakakwana vevanhu vaviri vokutanga.)
Ndivanaanizve vari kubatsirwa nechibayiro chaJesu mazuva ano?
1 Joh. 2:2: “Iye [Jesu Kristu] chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu [zvomuapostora Johani nevamwe vaKristu vakazodzwa nomudzimu], kwete zvedu chete asiwo zvenyika yose [zvevanhu, vane tariro yokurarama nokusingaperi panyika].”
Joh. 10:16: “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino; iwayowo ndinofanira kuuya nawo, achateerera inzwi rangu, uye achava boka rimwe chete, pasi pomufudzi mumwe chete.” (“Mamwe makwai” aya anotarisirwa naJesu Kristu norudo vasara ve“boka duku” revanogara nhaka Umambo pavanenge vachiri pasi pano; nokudaro “mamwe makwai” pamwe chete nevanogara nhaka Umambo vanonzi “boka rimwe chete.” Vose vanobatsirwa nechibayiro chaJesu pane zvakawanda, asi kwete zvakafanana, nokuti nguva yavo yemberi yakasiyana.)
Zvak. 7:9, 14: “Pashure pezvinhu izvi ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi . . . ‘Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru, uye vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.’” (Saka veboka guru iri vanenge vachiri kurarama panotanga kutambudzika kukuru uye vane ukama hwakanaka naMwari nokuti vanotenda murudzikinuro. Vanonzi vakarurama pamusana peizvi uye zvinoita kuti vachengetedzwe vari vapenyu pasi pano pakutambudzika kukuru.)
Rudzikinuro ruchaita kuti pave nezvikomborero zvipi zvenguva yemberi?
Zvak. 5:9, 10: “Vakaimba rwiyo rutsva, vachiti: ‘Makakodzera [Gwayana, Jesu Kristu] kutora mupumburu nokuvhura zvisimbiso zvawo, nokuti makaurayiwa uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi, uye makaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.’” (Rudzikinuro rwaikosha kuti vachazotonga naKristu vakwanise kurarama kudenga. Nokukurumidza vatongi vose vehurumende itsva yepasi vachange vava pazvigaro zvavo zvokutonga mudenga.)
Zvak. 7:9, 10: “Tarira! boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana [Jesu Kristu, akafa sokunge gwayana rechibayiro], vakapfeka nguo refu chena; uye mumaoko avo makanga muine mapazi emichindwe. Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: ‘Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.’” (Kutenda muchibayiro chaKristu kunokosha kuti boka guru iri ripone pakutambudzika kukuru.)
Zvak. 22:1, 2: “Zvino iyo yakandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ichiyerera ichibva pachigaro choumambo chaMwari necheGwayana ichidzika nepakati pomugwagwa wakafara weguta racho. Mhiri kuno kworwizi nemhiri uko kwakanga kuine miti youpenyu inobereka zvibereko zvomuchero gumi nezviviri, ichibereka michero yayo mwedzi mumwe nomumwe. Mashizha emiti yacho akanga ari okurapa marudzi.” (Saka kushanda kweukoshi hwechibayiro cheGwayana raMwari, Jesu Kristu, ndohumwe urongwa hunokosha hwakaitwa naMwari kuti apedze zvinokonzerwa nechivi uye aite kuti vanhu vawane upenyu husingaperi.)
VaR. 8:21: “Zvisikwa [vanhu] zvichasunungurwawo muuranda hwokuora zvova norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”
Tinofanira kuitei kuti tibatsirwe kwoupenyu hwose nechibayiro chaJesu chakakwana?
Joh. 3:36: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.”
VaH. 5:9: “Pashure pokunge [Jesu Kristu] aitwa akakwana akava nesimba rokuponeswa kusingaperi kune vaya vose vanomuteerera.”
Urongwa hwerudzikinuro hunoratidzei nezvemanzwiro anoita Mwari pamusoro pevanhu?
1 Joh. 4:9, 10: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa pachena kwatiri, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake munyika, iye akaberekwa ari mumwe oga, kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye. Rudo ruri pachinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chokuyananisira zvivi zvedu.”
VaR. 5:7, 8: “Kashoma kuti mumwe munhu afire munhu akarurama; zvichida, mumwe munhu angatotsunga kufira munhu akanaka. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.”
Urongwa uhwu hunofanira kutiita kuti tirarame sei?
1 Pet. 2:24: “Iye akatakura zvivi zvedu mumuviri wake padanda, kuti tirege zvivi uye tiraramire kururama.” (Tichifunga zvose zvatakaitirwa naJehovha neMwanakomana wake kuti vatichenese pachivi, tinofanira kuedza nesimba kuti tikurire zvishuwo zvokutadza. Hatitombofaniri kuita nemaune chimwe chinhu chatinoziva kuti chakashata!)
Tito 2:13, 14: “Kristu Jesu . . . akazvipa nokuda kwedu kuti atinunure pakusateerera mutemo kwemarudzi ose ozvichenesera vanhu vake, vanoshingairira mabasa akanaka.” (Kuonga urongwa uhwu hunoshamisa kunofanira kuita kuti tishingaire mumabasa ayo Kristu akapa vateveri vake vechokwadi.)
2 VaK. 5:14, 15: “Rudo runa Kristu runotigombedzera, nokuti izvi ndizvo zvatakaziva, kuti munhu mumwe chete akafira vose; naizvozvo, vose vakanga vafa; zvino akafira vose kuti vanorarama varege kuzviraramirazve, asi vararamire iye akavafira, akamutswa.”