RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 294-298
  • Rubhabhatidzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rubhabhatidzo
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Revo Yorubhapatidzo Rwako
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zvinoreva Rubhabhatidzo Rwako
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Nei Tichifanira Kubhabhatidzwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 294-298

Rubhabhatidzo

Tsanangudzo: Shoko rokuti “bhabhatidza” rinobva pashoko rechiGiriki rokuti ba·ptiʹ-zein, rinoreva kuti “kunyudza, kunyika.” (A Greek-English Lexicon, rakanyorwa naLiddell naScott) Rubhabhatidzo rwechiKristu pachishandiswa mvura chiratidzo chokunze chokuti munhu anenge achibhabhatidzwa akazvitsaurira zvakakwana, zviri pachena uye nemwoyo wose kuburikidza naJesu Kristu kuti aite kuda kwaJehovha Mwari. Magwaro anotaurawo nezvorubhabhatidzo rwaJohani, kubhabhatidza nomudzimu mutsvene uye kubhabhatidza nemoto, nokumwewo.

Vanhu vanotenda Shoko raMwari zvechokwadi vanozeza kubhabhatidzwa here?

Mat. 28:19, 20: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”

Mab. 2:41: “Vaya vakagamuchira shoko rake nomwoyo wose vakabhabhatidzwa.”

Mab. 8:12: “Zvino pavakatenda Firipi, akanga achizivisa mashoko akanaka pamusoro poumambo hwaMwari uye pamusoro pezita raJesu Kristu, vakabva vabhabhatidzwa, varume nevakadzi.”

Mab. 8:36-38: “Zvino zvavakanga vachienda vari mumugwagwa, vakasvika paiva nemvura zhinji, mukuru mukuru wacho [weItiopiya] akati: ‘Tarira! Mvura zhinji; chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?’ Naizvozvo akarayira kuti ngoro imire, uye . . . [Firipi] akamubhabhatidza.”

Rubhabhatidzo rwechiKristu pachishandiswa mvura—runoitwa nokusasa here kana kuti nokunyudza zvizere?

Mako 1:9, 10: “Jesu . . . akabhabhatidzwa [“akanyudzwa,” ED, Ro] mu[Rwizi rwa]Jodhani naJohani. Achangobva kubuda mumvura akaona matenga achiparadzana.”

Mab. 8:38: “Vakapinda mumvura, iye Firipi nomukuru mukuru wacho; uye akamubhabhatidza [“akamunyudza,” ED, Ro].”

VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaibhabhatidza vacheche here?

Mat. 28:19: “Naizvozvo endai munoita . . . vadzidzi muchivabhabhatidza.”

Mab. 8:12: “Pavakatenda Firipi . . . vakabva vabhabhatidzwa, varume nevakadzi.”

Zvisinei, pave paya, Origen (185-254 C.E.) akanyora kuti: “Itsika yechechi kuti kunyange vacheche vabhabhatidzwe.” (Selections From the Commentaries and Homilies of Origen, Madras, India; 1929, peji 211) Council of Carthage (c. 252 C.E.) yakatsigira kuti tsika iyi yaiitwa.

Munyori wezvakaitika muchitendero Augustus Neander akati: “Kutenda norubhabhatidzo zvaifambidzana nguva dzose; uye nokudaro zvinofungidzirwa zvikuru . . . kuti tsika yokubhabhatidza vacheche yakanga isingazivikanwi panguva iyi [muzana remakore rokutanga]. . . . Kutanga kwayo kuzivikanwa muzana remakore rechitatu setsika yevaapostora uchapupu hwokubvuma kuti haina kutanga nevaapostora pane kuti zvinzi ndivo vakatanga nayo.”—History of the Planting and Training of the Christian Church by the Apostles (New York, 1864), peji 162.

Rubhabhatidzo rwechiKristu pachishandiswa mvura runoita kuti zvivi zvikanganwirwe here?

1 Joh. 1:7: “Kana tiri kufamba muchiedza iye zvaari muchiedza, . . . ropa raJesu Mwanakomana wake rinotichenesa pazvivi zvose.” (Nokudaro, ropa raJesu ndiro rinotichenesa pazvivi kwete mvura yorubhabhatidzo.)

Mat. 3:11: “Ini [Johani Mubhabhatidzi] ndinokubhabhatidzai nemvura nokuda kwokupfidza kwenyu; asi uyo anouya pashure pangu [Jesu Kristu] akasimba kupfuura zvandakaita, ane hwashu dzandisina kukodzera kubvisa.” (Mt 3 Ndima 5, 6, uyewo Mabasa 13:24, dzinoratidza kuti zvakaitwa naJohani zvakanga zvisingaitirwi vanhu vose, asi vaJudha. Nei? Pamusana pezvivi zvevaJudha zvavakaitira sungano yoMutemo uye kuvagadzirira Kristu.)

Mab. 2:38: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi zvenyu.” (Kubhabhatidzwa pachako kwakaita kuti vakanganwirwe here? Funga izvi: Izvi zvakataurirwa vaJudha vakauraya Kristu. [Ona Mab 2 ndima 22, 23.] Rubhabhatidzo rwavo rwaizopa uchapupu hwechimwe chinhu. Hwechii? Hwokuti iye zvino vakanga vava kutenda muna Jesu saMesiya, Kristu. Vaigona kukanganwirwa zvivi zvavo chete nokuita izvi. [Mab. 4:12; 5:30, 31])

Mab. 22:16: “Simuka, ubhabhatidzwe, ubvise zvivi zvako nokudana zita rake.” (Uyewo Mabasa 10:43)

Ndivanaani vanobhabhatidzwa nomudzimu mutsvene?

1 VaK. 1:2; 12:13, 27: “Kunemi makatsveneswa muri pamwe naKristu Jesu, makadanwa kuti muve vatsvene . . . Nokuti chokwadi tose takabhabhatidzwa nomudzimu mumwe chete kuti tive muviri mumwe chete, tingava vaJudha kana vaGiriki, tingava varanda kana vakasununguka, uye tose takaitwa kuti tinwe mudzimu mumwe chete. Zvino imi muri muviri waKristu.” (Sezvinoratidzwa pana Dhanieri 7:13, 14, 27, “vatsvene” ivavo vanotonga muUmambo noMwanakomana womunhu, Jesu Kristu.)

Joh. 3:5: “Kana munhu akasaberekwa nemvura nomudzimu, haangapindi muumambo hwaMwari.” (Munhu ‘anoberekwa nomudzimu’ panguva yaanobhabhatidzwa nomudzimu iwoyo. Ruka 12:32 inoratidza kuti “boka duku” chete ndiro rine ropafadzo iyoyo. Onawo Zvakazarurwa 14:1-3.)

Vose vanobhabhatidzwa nomudzimu mutsvene vanotaura nendimi kana kuti vane chipo chokuporesa here?

1 VaK. 12:13, 29, 30: “Nokuti chokwadi tose takabhabhatidzwa nomudzimu mumwe chete kuti tive muviri mumwe chete . . . Vose vaapostora here? . . . Vose vanoita mabasa esimba here? Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here?”

Onawo misoro inoti “Kuporesa” uye “Ndimi, Kutaura ne-.”

‘Kubhabhatidzwa nokuda kwevakafa’—zvinorevei?

1 VaK. 15:29, KJ: “Kana zvisina kudaro, ko avo vanobhabhatidzwa nokuda kwevakafa, vachagoita seiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vakagobhabhatidzirweiko ivo vakafa?”

Shoko rechiGiriki rokuti hy·perʹ, rakashandurwa pano kuti “nokuda kwe-,” rinorevawo kuti “pamusoro pe-,” “panzvimbo pe-,” “nokuda kwechinangwa che-,” zvichingodaro. (A Greek-English Lexicon, rakanyorwa naLiddell naScott) Rinorevei murugwaro runo? Pauro akanga achitaura nezvokubhabhatidza vanhu vapenyu kuitira vaya vakanga vafa vasina kubhabhatidzwa here?

Mamwe magwaro chete anotaura zvakananga nezvorufu maererano nokubhabhatidzwa anotaura nezvokubhabhatidzwa kunoitwa munhu pachake, kwete kubhabhatidzirwa mumwe munhu anenge afa

VaR. 6:3: “Hamuzivi here kuti isu tose takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake?” (Uyewo Mako 10:38, 39)

VaK. 2:12: “Nokuti makavigwa [vapenyu vaiva muungano yeKorose] pamwe chete naye murubhabhatidzo rwake, uye muri pamwe chete naye makamutswawo pamwe chete naye nokutenda kwenyu mukushanda kwaMwari, uyo akamumutsa kubva kuvakafa.”

Mashoko ari mu“Shanduro yeNyika Itsva” akarurama maererano nemitemo yomutauro uye anoenderana nedzimwe ndima idzi dzeBhaibheri

1 VaK. 15:29: “Kana zvisina kudaro, vari kubhabhatidzwa kuti vave vakafa vachaitei? Kana vakafa vasingazombomutswi, vari kubhabhatidzirweiwo kuti vave vakafa?” (Saka vanobhabhatidzwa, kana kuti kunyudzwa, munzira youpenyu hunoita kuti vafe vakavimbika sezvakaita Kristu vozomutsirwa kuupenyu hwomudzimu sezvaakaitwa.)

Rubhabhatidzo rwemoto runoguma nei?

Ruka 3:16, 17: “Iye [Jesu Kristu] achakubhabhatidzai . . . nomoto. Foshoro yake yokuurutsisa iri muruoko rwake kuti achenese zvakakwana buriro rake . . . Achapisa hundi nomoto usingagoni kudzimwa.” (Kuparadza kwawo ndekwokusingagumi.)

Mat. 13:49, 50: “Ndizvo zvazvichange zvakaita pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho: ngirozi dzichabuda dzoparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama uye dzichavakanda muvira romoto.”

Ruka 17:29, 30: “Pazuva rakabuda Roti muSodhoma kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. Zvichavawo saizvozvo pazuva iroro pacharatidzwa Mwanakomana womunhu.”

Haruna kufanana norubhabhatidzo rwomudzimu mutsvene, rwakanga rwuri rwevadzidzi

Mab. 1:5: “Chokwadi, Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi [vaapostora vaJesu vakatendeka] muchabhabhatidzwa nomudzimu mutsvene kusati kwapera mazuva mazhinji pashure peizvi.”

Mab. 2:2-4: “Kwakangoerekana kwava noruzha rwakaita semhepo inovhuvhuta nesimba rwakabva kudenga, rukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaona ndimi dzakafanana nedzomoto uye dzakapararira pose, pane mumwe nomumwe wavo pakagara rumwe chete, [asi haruna kuputira kana kuti kunyudza] vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, sokupiwa kwavakanga vachiitwa nomudzimu kuti vataure.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe