Kusava Nedivi Raunotsigira
Tsanangudzo: Zvinoitwa nevaya vasina divi ravanorerekera kana kuti vasingatsigiri mapato anenge achipikisana. Kubvira kare nanhasi, zvinotozivikanwa kuti vaKristu vechokwadi vemarudzi ose uye vari mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana vanoedza kuramba vasina divi ravanotsigira panyaya dzokupikisana kunenge kuchiita mapato enyika. Havapindiri mune zvinenge zvichiitwa nevamwe pamhemberero dzokutsigira nyika, havapindi muchiuto, havatsigiri mapato ezvematongerwo enyika, havakwikwidzi musarudzo dzezvematongerwo enyika, kana kuti kuvhota. Asi vanonamata Jehovha bedzi, Mwari womuBhaibheri; vakatsaurira upenyu hwavo kwaari nomwoyo wose uye vanotsigira Umambo hwake zvakazara.
Magwaro api anotaura maonero anofanira kuita vaKristu simba rehurumende?
VaR. 13:1, 5-7: “Mweya yose ngaizviise pasi pevanhu vane masimba makuru [vatongi vehurumende], nokuti hapana munhu ane masimba asina kubvumirwa naMwari . . . Naizvozvo pane chikonzero chinogombedzera chokuti muzviise pasi, kwete chete nokuda kwehasha idzodzo asiwo nokuda kwehana yenyu. . . . Ipai vose zvakavakodzera, kune anorayira mutero, mutero; kune anorayira muripo, muripo; kune anorayira kutyiwa, kutyiwa kwakadaro; kune anorayira kukudzwa, kukudzwa kwakadaro.” (Hapana hurumende ingavapo isina kubvumidzwa naMwari. Pasinei nezvinoitwa nevakuru vakuru, vaKristu vechokwadi vanovaremekedza pamusana pebasa ravanoita. Somuenzaniso, pasinei nemashandisiro anoita hurumende mari yomutero, vanamati vaJehovha vanobhadhara mitero yavanofanira kubhadhara iyo inoshandiswa kuita mabasa anozobatsira munhu wose.)
Mako 12:17: “Jesu akabva ati: ‘Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.’” (Saka vaKristu vagara vachiziva kuti havangofaniri ‘kudzorera’ mari kuhurumende nokubhadhara mitero chete asi vanoitawo zvavanofanira kuitira Mwari.)
Mab. 5:28, 29: “[Mutauriri wedare repamusoro rechiJudha] akati: ‘Takakurayirai kwazvo [vaapostora] kuti murege kuramba muchidzidzisa nezvezita iri [raJesu Kristu], asi tarirai! mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu, uye makatsunga kuunza ropa romunhu uyu pamusoro pedu.’ Vachipindura, Petro nevamwe vaapostora vakati: ‘Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.’” (Zvinodiwa naMwari pazvinopesana nezvinodiwa nevatongi venyika, vaKristu vechokwadi vanotevedzera muenzaniso wevaapostora nokuteerera Mwari.)
Magwaro api ave achibatsira vaKristu vechokwadi pamaonero avanoita nyaya yokurwisana?
Mat. 26:52: “Jesu akabva ati kwaari: ‘Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.’” (Pangava nechikonzero chiri nani here chingaita kuti tide kurwa kunze kwokudzivirira Mwanakomana waMwari? Asi pano Jesu ari kuratidza kuti vadzidzi vacho vakanga vasingafaniri kushandisa zvombo kuti varwise.)
Isa. 2:2-4: “Nemazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richasimbiswa kwazvo kupfuura misoro yemakomo, richakwidziridzwa kupfuura zvikomo . . . Achatonga pakati pemarudzi, oruramisa zvinhu pamusoro pemarudzi mazhinji. Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Rumwe rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, havazodzidzizve kurwa.” (Vanhu vemarudzi ose vanofanira kuzvisarudzira kuti vachaita zvipi. Vaya vanoteerera zvakataurwa naJehovha vanoratidza kuti ndiye Mwari wavo.)
2 VaK. 10:3, 4: “Kunyange tichifamba munyama, hatirwi maererano nezvatiri panyama. Nokuti zvombo zvehondo yedu hazvisi zvenyama, asi zvinosimbiswa naMwari kuti zviputse zvinhu zvakadzika midzi.” (Pano Pauro ari kutaura kuti haana kumboshandisa zvombo chaizvo, zvakadai sounyengeri, mutauro wakaoma kunzwisisa, kana kuti kurwisana, kuti adzivirire ungano padzidziso dzenhema.)
Ruka 6:27, 28: “Ini [Jesu Kristu] ndinoti kwamuri imi makateerera, Rambai muchida vavengi venyu, muchiitira zvakanaka vaya vanokuvengai, muchikomborera vaya vanokutukai, muchinyengeterera vaya vanokuzvidzai.”
Jehovha haana here kubvumira vaIsraeri vekare kuti varwe muhondo?
Jehovha akaudza vaIsraeri vekare kuti varwe kuitira kuti vatore nyika yaakanga asarudza achiti inhaka yavo uye kuti vaparadze vanhu vakanga vaine maitiro akaipa chaizvo uye vakanga vasingateereri Mwari wechokwadi zvokuti Jehovha akaona vasisina kukodzera kuti vararame. (Dheut. 7:1, 2, 5; 9:5; Revh. 18:24, 25) Pasinei nezvose izvi, Rakabhi nevaGibhiyoni vakaitirwa mutsa nokuti vakaratidza kuti vaitenda muna Jehovha. (Josh. 2:9-13; 9:24-27) Musungano yoMutemo, Mwari akaisa mitemo yaaitarisira kuti itevedzerwe panorwiwa hondo, ichitaura nezvezvimwe zvinhu zvaisafanira kuitwa, uye kuti hondo yacho yaifanira kurwiwa sei. Zvechokwadi idzi dzaiva hondo tsvene dzaJehovha. Hapana rudzi runorwa hondo dzakadaro mazuva ano.
Pakatangwa ungano yechiKristu, zvinhu zvakachinja. VaKristu havasi pasi poMutemo waMosesi. Vateveri vaKristu vaifanira kuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi; saka nokufamba kwenguva vanamati vaMwari wechokwadi vaizobva mumarudzi iwayo ose. Asi vavariro yemarudzi iwayo paanenge achienda kuhondo ndeyei? Ndeyokuita kuda kwoMusiki wenyika yose here kana kuti ndeyokutsigira zvinenge zvichidiwa nenyika yavo? Kana vaKristu vorumwe rudzi vakaenda kuhondo kunorwisana norumwe rudzi, vanenge vachirwisana nevavanonamata navo, nevanhu vakanyengeterera rubatsiro kuna Mwari mumwe chete wavakanyengeterawo kwaari. Saka zvakakodzera kuti Kristu akaudza vateveri vake kuti vasatora bakatwa. (Mat. 26:52) Iye paachakudzwa ari kumatenga, achaparadza vaya vakashora Mwari wechokwadi uye zvaanoda.—2 VaT. 1:6-8; Zvak. 19:11-21.
Panyaya yokushanda muchiuto; zvakaitika kare zvinoratidzei nezvemaonero aiva nevaKristu vokutanga?
“Tikanyatsoongorora zvose zvakaitika tinoona kuti kusvikira panguva yaMarcus Aurelius [mambo weRoma kubvira muna 161 kusvikira muna 180 C.E.], hapana muKristu akava musoja; uye pamasoja akazova vaKristu, hapana akaramba ari muchiuto.”—The Rise of Christianity (London, 1947), E. W. Barnes, peji 333.
“Munyika yose mumwe nomumwe wedu aida zvehondo, kuurayana, uye zvakaipa zvose, akachinja zvombo zvedu zvakaita sezvehondo, kureva kuti mapakatwa edu kuva miromo yemagejo, uye mapfumo edu kuva zvokurimisa, uye tinoedza kuva vanhu vakanaka, vakarurama, vanoda kubatsira, vane kutenda netariro, zvatakawana kuna Baba vachishandisa uya akarovererwa.”—Justin Martyr mubhuku rinonzi “Dialogue With Trypho, a Jew” (zana remakore rechipiri C.E.), The Ante-Nicene Fathers (Grand Rapids, Mich.; rakadhindwazve muna 1885 Edinburgh), rakapepetwa naA. Roberts naJ. Donaldson, Vol. I, peji 254.
“Vakaramba kuita chero chii zvacho pakutonga kana kuti kudzivirira umambo muchiuto. . . . zvakanga zvisingaiti kuti vaKristu vaite mabasa akaita seechisoja, kuva mamejasitiriti, kana kuti machinda, uku vachiita basa dzvene.”—History of Christianity (New York, 1891), Edward Gibbon, mapeji 162, 163.
Magwaro api anoita kuti vaKristu vechokwadi vave nemaonero avanoita nyaya yokupindira mune zvematongerwo enyika?
Joh. 17:16: “Havasi venyika, seni [Jesu] ndisiri wenyika.”
Joh. 6:15: “Jesu, achiziva kuti [vaJudha] vakanga vava kuda kuuya kuzomubata kuti vamuite mambo, akabvazve, akaenda mugomo ari oga.” Pave paya, akaudza gavhuna weRoma kuti: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vashumiri vangu vangadai varwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvazviri, umambo hwangu hahubvi panyika ino.”—Joh. 18:36.
Jak. 4:4: “Imi mhombwekadzi, hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari? Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari.” (Nei nyaya yacho yakakura kudaro? Nokuti, sezvinotaurwa pana 1 Johani 5:19, “nyika yose iri musimba reakaipa.” Pana Johani 14:30, Jesu akataura nezvaSatani achiti “mutongi wenyika.” Saka pasinei nokuti munhu angatsigira bato ripi, chaizvoizvo anenge ari kutongwa naani?)
Vanyori venhau dzekare vanoti vaya vaizivikanwa sevaKristu vokutanga vaiona sei nyaya yokupindira mune zvematongerwo enyika?
“Pakutanga chiKristu chakanga chisinganyanyi kunzwisiswa uye chisingafarirwi nevaya vaitonga munyika. . . . VaKristu vairamba kuita mamwe mabasa aiitwa nevagari vomuRoma. . . . Vairamba kuva nezvinzvimbo mune zvematongerwo enyika.”—On the Road to Civilization, A World History (Philadelphia, 1937), A. Heckel naJ. Sigman, mapeji 237, 238.
“VaKristu vaizviparadzanisa uye vaizvisiyanisa nenyika, serudzi rwevapristi uye runonamata, uye chiKristu chaiita sechaikwanisa kukurudzira vanhu kuti vararame upenyu hwakachena, kuburikidza nokuita kuti vanhu venyika vave nemafungiro matsvene.”—The History of the Christian Religion and Church, During the Three First Centuries (New York, 1848), Augustus Neander, rakashandurwa kubva muchiGerman naH. J. Rose, peji 168.
Magwaro api anoita kuti vaKristu vechokwadi vave nemaonero avanoita nyaya dzemhemberero dzinoshandiswa mireza uye nziyo dzokurumbidza nyika?
1 VaK. 10:14: “Tizai kunamata zvidhori.” (Onawo Eksodho 20:4, 5)
1 Joh. 5:21: “Vana vaduku, zvichenjererei pazvidhori.”
Ruka 4:8: “Achipindura, Jesu akati kwaari: ‘Zvakanyorwa kuti, “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.”’”
Onawo Dhanieri 3:1-28.
Saka kushandisa zviratidzo izvozvo nokuita mhemberero dzenyika dzakadaro kunganzi kunamata here?
“[Munyori wenhau dzakaitika kare] Carlton Hayes akataura kare kare kuti tsika yokunamata mureza uye yokupika mhiko yaiitwa muzvikoro zvokuAmerica kunotova kunamata. . . . Uye pfungwa yokuti zvinhu izvi zvinoitwa mazuva ose kunotova kunamata yakazosimbiswa neDare Repamusorosoro panyaya dzakawanda dzaitongwa.”—The American Character (New York, 1956), D. W. Brogan, mapeji 163, 164.
“Mireza yokutanga yaishandiswa pakunamata. . . . Kwemazana emakore mureza wenyika yeEngland, kureva muchinjikwa mutsvuku waSt. George, waishandiswa pakunamata; kutaura zvazviri zvinoita sokuti chitendero chaikumbirwa kuti chitsvenese mireza yenyika, uye mireza yakawanda yaibva pamureza wainzi waiyera.”—Encyclopædia Britannica (1946), Vol. 9, peji 343.
“Pane imwe mhemberero yaiva yakaungana vanhu vakawanda yaitungamirirwa nomutevedzeri wapurezidhendi weDare [Repamusorosoro Rechiuto], musi wa19 November, mureza wokuBrazil wakakudzwa. . . . Pakasimudzwa mureza wacho, Gurukota reMauto Tristao de Alencar Araripe akataura zvaaifunga nezvokupemberera uku achiti: ‘ . . . mireza ndiyo mucherechedzo mukuru unoshandiswa pachitendero chokutsigira nyika . . . Mureza unoremekedzwa uye unonamatwa . . . Mureza unonamatwa, sezvinongoitwawo Nyika Yababa.’”—Diario da Justiça (Federal Capital, Brazil), February 16, 1956, peji 1906.
Panyaya yemhemberero dzenyika, zvakaitika kare zvinoratidzei nezvemaonero evaya vaizivikanwa sevaKristu vokutanga?
“VaKristu vakaramba . . . kuita zvirango zvokuremekedza mambo, izvo zvingangoenzaniswa nokuramba kusaruta mureza kana kuti kuita mhiko yokuvimbika kunyika yako. . . . VaKristu vashomanana chete ndivo vakasiya kutenda kwavo, kunyange zvazvo munhandare yacho maigara muine atari yaiva nomoto waibvira kuitira kuti zvivaitire nyore. Musungwa aifanira kungomwaya turusenzi pamoto wacho opiwa Chitupa Chokupa Chibayiro obva atosunungurwa. Ainyatsotsanangurirwawo kuti akanga asiri kunamata mambo; kwaingova kubvuma kuti mambo ndiye aimiririra mwari somukuru wehurumende yeRoma. Kunyange zvakadaro, hapana vaKristu vakashandisa mukana wacho kuti vapukunyuke.”—Those About to Die (New York, 1958), D. P. Mannix, mapeji 135, 137.
“Kunamata mambo kwaisanganisira kumwaya turusenzi tushomanana kana kuti madonhwe mashomanana ewaini paatari yaiva yakaiswa pamberi pechifananidzo chamambo. Zvichida isu tisisiri kurarama panguva iyoyo tikatanga kuzvicherechedza tinoona zvisina kusiyana . . . nokusimudza ruoko uchisaruta mureza kana kuti mumwe mutongi wehurumende, uchimukudza, uchimuremekedza, uye uchiratidza kuzvipira kunyika yako. Pamwe vakawanda vomuzana remakore rokutanga vaiona saizvozvo asi kwete vaKristu. Vaiona nyaya yacho yose sokunamata, sokuti vaizenge vachibvuma kuti mambo ndimwari, zvichiita kuti vasava vakavimbika kuna Mwari naKristu, saka vakaramba kuzviita.”—The Beginnings of the Christian Religion (New Haven, Conn.; 1958), M. F. Eller, mapeji 208, 209.
Kusatsigira zvematongerwo enyika kunoitwa nevaKristu kunoreva here kuti havana hanya nenhamo dzinosangana nevavakidzani vavo?
Kwete. Vanonyatsoziva uye vanoedza kuita zvakarayirwa naJesu, zvokuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mat. 22:39) Vanoitawo zvakataurwa nomuapostora Pauro, zvokuti: “Ngatiitirei vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaG. 6:10) Vane chokwadi chokuti chinhu chakanakisisa chavangaitira vavakidzani vavo ndechokuvaudza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, uhwo huchagadzirisa zvachose matambudziko evanhu uye huchaita kuti vaya vanohubvuma vawane mukana wakaisvonaka woupenyu husingaperi.