Zuva Rokuberekwa
Tsanangudzo: Zuva rakaberekwa munhu kana kuti kuyeukwa kwezuva racho. Mune dzimwe nzvimbo zuva rokuberekwa kwemunhu zvikurukuru remwana, rinopembererwa nemabiko uye kupa zvipo. Bhaibheri haridzidzisi izvozvo.
Bhaibheri rinotaura zvakanaka nezvekupemberera mazuva okuberekwa here? Bhaibheri rinotaura kaviri chete nezvemhemberero dzakadaro:
Gen. 40:20-22: “Zvino zuva rechitatu raiva zuva rokuberekwa kwaFarao, akaitira vashandi vake vose mutambo . . . Naizvozvo akadzosa mukuru wevadiri pabasa rake rokuva mudiri . . . Asi akaturika mukuru wevabiki.”
Mat. 14:6-10: “Asi zuva rokuberekwa kwaHerodhi parakanga richichengetwa, mwanasikana waHerodhiyasi akatamba ipapo akafadza Herodhi kwazvo, zvokuti akavimbisa achiita zvokupika kuti aizomupa chose chaaizokumbira. Zvino iye, arayirwa naamai vake, akati: ‘Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro huru.’ . . . Akatumira shoko, akaita kuti Johani adimburwe musoro mujeri.”
Chinhu chose chiri muBhaibheri chirimo nokuda kwechikonzero. (2 Tim. 3:16, 17) Zvapupu zvaJehovha zvinoona kuti Shoko raMwari rinotaura zvisina kunaka nezvekupemberera mazuva okuberekwa saka havazviiti.
VaKristu vepakutanga uye vaJudha vomunguva dzeBhaibheri vaiona sei kupemberera mazuva okuberekwa?
“Pfungwa yokupemberera zuva rokuberekwa yakanga iri kure nevaKristu vakawanda vomunguva iyi.”—The History of the Christian Religion and Church, During the Three First Centuries (New York, 1848), Augustus Neander (rakashandurwa naHenry John Rose), peji 190.
“VaHebheru vakararama pave paya vaiona kupemberera mazuva okuberekwa sokunamata zvidhori, maonero akazoratidzwa zvakajeka nezvavakaona pakupemberera kwaiva nechokuita nemazuva aya.”—The Imperial Bible-Dictionary (London, 1874), rakapepetwa naPatrick Fairbairn, Vol. I, peji 225.
Tsika dzakakurumbira dzine chokuita nokupemberera mazuva okuberekwa dzakatanga sei?
“Tsika dzakasiyana-siyana dzinoitwa nevanhu pakupemberera mazuva avo okuberekwa dzakatanga kare kare. Dzakatangira mune zvemashiripiti uye zvechitendero. Tsika dzokuita makorokoto, kupa zvipo uye kupemberera— pamwe chete nemakenduru akabatidzwa—munguva dzekare zvaiitirwa kudzivirira aipembererwa wacho pamadhimoni uye kuona kuti aizova akachengeteka mugore raizotevera racho. . . . Muzana remakore rechina chiKristu chakaramba kupemberera mazuva okuberekwa nokuti itsika yechihedheni.”—Schwäbische Zeitung (wedzero yemagazini inonzi Zeit und Welt), April 3/4, 1981, peji 4.
“VaGiriki vaidavira kuti munhu wose ane mudzimu unodzivirira waivapo pakuberekwa kwake uye unomurinda muupenyu hwake. Mudzimu uyu waiva neukama husinganzwisisiki namwari akaberekwa pazuva rakaberekwa munhu wacho. VaRoma vaitendawo pfungwa iyi. . . . Pfungwa iyi yakaramba ichitendwa nevanhu uye inoonekwa pazvinhu zvinodavirwa zvakadai sengirozi inotungamirira, mwarikadzi anobatsira uye musande anodzivirira. . . . Tsika yemakenduru anenge akabatidzwa pamakeke yakatanga nevaGiriki. . . . Makeke ouchi eraundi akaita semwedzi uye aiva netukenduru twakabatidzwa aiiswa paatari dzetemberi ya[Artemis]. . . . Pane zvinotendwa nevanhuwo zvavo, makenduru ezuva rokuberekwa, anonzi ane simba rokuita mashiripiti okuzadzisa zvishuvo. . . . Tukenduru tunenge twakabatidzwa uye moto yezvibayiro zvave zvichikosheswa pakunamata kubva munhu paakatanga kuitira vanamwari vake atari. Nokudaro makenduru ezuva rokuberekwa ndeokuremekedza mwana wacho uye anounza mhanza yakanaka. . . . Makorokoto ezuva rokuberekwa uye kushuvira mufaro zvinhu zvinokosha pazororo iri. . . . Pakutanga pfungwa yacho yaiva nechokuita nezvemashiripiti. . . . Makorokoto ezuva rokuberekwa ane simba rokuunza zvakanaka kana kuti zvakaipa nokuti munhu anenge ari pedyo nenyikadzimu pazuva iri.”—The Lore of Birthdays (New York, 1952), Ralph naAdelin Linton, mapeji 8, 18-20.
Hazvina kuipa kuti mhuri neshamwari dziungane pane dzimwe nguva kuti vadye, vanwe uye vafare
Mup. 3:12, 13: “Hapana chinhu chiri nani kwavari kupfuura kuti munhu afare uye aite zvakanaka muupenyu; uyewo kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma. Icho chipo chaMwari.”
Onawo 1 VaKorinde 10:31.