Kunamata Madzitateguru
Tsanangudzo: Tsika yokukudza uye kunamata madzitateguru akafa (nokuita mitambo kana zvimwewo) vanhu vachidavira kuti ari kurarama achiziva ari munzvimbo isingaoneki uye anogona kubatsira kana kuti kukuvadza vapenyu uye nokudaro anofanira kuitirwa zvinoafadza. Bhaibheri haridzidzisi izvozvo.
Madzitateguru akafa anoziva zviri kuitwa nevapenyu uye madzitateguru aya anokwanisa kubatsira vanhu vapenyu here?
Mup. 9:5: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.”
Job. 14:10, 21: “Munhu wepanyika anofa, zvino ari kupi? Vanakomana vake vanokudzwa, asi iye haazvizivi.”
Pis. 49:10, 17-19: “Kunyange vakachenjera vanofa, benzi neasingafungi vanoparara pamwe chete, vanosiyira vamwe zvavairarama nazvo. . . . Parufu rwake hapana kana chinhu chaanogona kuenda nacho; kukudzwa kwake hakuzoendi pamwe chete naye. . . . Pakupedzisira mweya wake unongosvika kuchizvarwa chemadzitateguru ake. Havazomboonizve chiedza.”
Hachisi chokwadi here kuti zvokudya zvinoiswa paatari kana paguva zvinongoramba zvakadaro? Izvi hazviratidzi here kuti vakafa havakwanisi kubatsirwa nazvo?
Onawo musoro mukuru unoti “Kuita Zvemidzimu.”
Pane chikonzero here chokutya kuti madzitateguru edu akafa achatikuvadza?
Mup. 9:5, 6: “Asi vakafa . . . rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara, havasisinazve mugove nokusingagumi pazvose zvinofanira kuitwa pasi pezuva.”
Pane mudzimu uri chikamu chomunhu chinopukunyuka panofa muviri here?
Ezek. 18:4: “Tarirai! Mweya yose—ndeyangu. Mweya wababa nomweya womwanakomanawo—ndeyangu. Mweya unotadza—ndiwo uchafa.” (Uyewo Eze 18 ndima 20)
Pis. 146:3, 4: “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika . . . Simba rake roupenyu rinobuda, iye odzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.”
Masayendisiti uye vanachiremba vanovhiya havana kuwana uchapupu hwokuti pane chikamu chipenyu chevanhu chinopukunyuka panofa muviri.
Onawo mapeji 307, 308 pasi pemusoro unoti “Rufu.”
Maizoda kuti vana uye vazukuru venyu vakuremekedzei uye vakudei muchiri mupenyu here kana kuti maizoda kuti vaite tsika dzokupira paguva renyu pashure pokunge mafa?
VaEf. 6:2, 3: “‘Kudza baba vako naamai vako’; uyo uri murayiro wokutanga une chipikirwa chokuti: ‘Kuti zvikufambire zvakanaka uye ugare panyika kwenguva refu.’” (Vana vanorerwa nemirayiro yeBhaibheri vanoratidza ruremekedzo rwakadaro runofadza vabereki vavo pavanenge vachiri vapenyu.)
Zvir. 23:22: “Teerera baba vako vakaita kuti uberekwe, uye usazvidza amai vako nokuti vakwegura.”
1 Tim. 5:4: “Kana chirikadzi iine vana kana vazukuru, ivava ngavatange kudzidza kuva netsika yokuzvipira kuna Mwari mumba mavo uye kuramba vachiripa muripo wakakodzera kuvabereki vavo navanasekuru, nokuti izvi zvinogamuchirika pamberi paMwari.”
Masvikiro paanoti anotaura mashoko anobva kuvakafa, iwaya anobva kupi chaizvoizvo?
Isa. 8:19: “Kana vakati kwamuri: ‘Bvunzai masvikiro kana kuti vafemberi vanorira uye vanotaura nemanzwi ari pasi-pasi,’ vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Vanofanira kubvunza vanhu vakafa nokuda kwevanhu vapenyu here?” (Mwari aizotinyevera nezvetsika yakadaro kana zvechokwadi ichiita kuti titaure nevatinoda here?)
Mab. 16:16: “Zvino patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomumwe mushandikadzi akanga aine mudzimu, dhimoni rokushopera. Aiwanisa vanatenzi vake pfuma zhinji nokufembera.”
Onawo mapeji 122-124, pasi pemusoro unoti “Kuita Zvemidzimu.”
Ndiani watinofanira kunamata?
Ruka 4:8: “Jesu akati kwaari: ‘Zvakanyorwa kuti, “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.”’”
Joh. 4:23, 24: “Awa iri kuuya, nazvino yatovapo, vanamati vechokwadi pavachanamata Baba nomudzimu nechokwadi, nokuti, chokwadi, Baba vari kutsvaka vanhu vakadaro kuti vavanamate. Mwari Mudzimu, uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.”
Itariro ipi iripo yokubatana nevemumhuri mune ramangwana, kusanganisira vaya vakafa?
Joh. 5:28, 29: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.”