Kuita Zvemidzimu
Tsanangudzo: Dzidziso yokuti mudzimu wevanhu haufi panofa muviri uye unogona kutaura nevapenyu, kazhinji kuburikidza nomunhu anoita zvokusvikirwa. Vamwe vanhu vanodavira kuti chinhu chose chinooneka uye zvinhu zvose zvakasikwa zvine midzimu. Uroyi kushandisa simba rinonzi rinobva kumidzimu yakaipa. Bhaibheri rinoshora kwazvo zvose zvine chokuita nemidzimu.
Zvinoita chaizvoizvo here kuti munhu ataure no“mudzimu” womunhu waanoda akafa?
Mup. 9:5, 6, 10: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva . . . Uyewo, rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara, havasisinazve mugove nokusingagumi pazvose zvinofanira kuitwa pasi pezuva. Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose, nokuti muSheori [guva], iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.”
Ezek. 18:4, 20: “Mweya unotadza—ndiwo uchafa.” (Saka mweya hausi chinhu chinopukunyuka panofa muviri zvokuti vanhu vapenyu vanogona kuzotaura nawo.)
Pis. 146:4: “Simba rake roupenyu [mudzimu] rinobuda, iye odzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.” (Mudzimu paunonzi ‘unobuda’ mumuviri, iyi inongova imwe nzira yokutaura kuti simba roupenyu ramira kushanda. Saka kana munhu afa, mudzimu wake hauzovi chinhu chisingaoneki chinogona kufunga uye kuita zvaunenge waronga pasina muviri. Hausi chinhu chokuti vapenyu vanogona kutaura nacho pashure pokunge munhu afa.)
Onawo mapeji 307, 308, pasi pemusoro unoti “Rufu.”
Bhaibheri haritauri here kuti Mambo Sauro akataura nomuprofita Samueri pashure pokunge Samueri afa?
Nyaya yacho iri pana 1 Samueri 28:3-20. 1Sa 28 Ndima 13, 14 dzinoratidza kuti Sauro pachake haana kuona Samueri asi akangofungidzira kuti svikiro rakaona Samueri kubva pane zvarakatsanangura. Sauro aida chaizvo kubvuma kuti aiva Samueri saka akabvuma kunyengedzwa. 1Sa 28 Ndima 3 inotaura kuti Samueri akanga afa uye avigwa. Magwaro ane mashoko ataurwa pamusoro muduku unotangira uno anobudisa pachena kuti hapana chikamu chaSamueri chairarama mune imwe nzvimbo uye chaikwanisa kutaura naSauro. Inzwi raiita seraSamueri raiva romunyengeri.
Vaya vanoedza kutaura nevakafa chaizvoizvo vanenge vachitaura naani?
Chokwadi pamusoro pevakafa chinobudiswa pachena muBhaibheri. Asi ndiani akaedza kunyengedza vanhu vaviri vokutanga nezvorufu? Satani akataura zvinopesana nenyevero yaMwari yokuti kusateerera kwaizokonzera rufu. (Gen. 3:4; Zvak. 12:9) Chokwadi nokufamba kwenguva zvakazova pachena kuti vanhu vakafa sezvakanga zvataurwa naMwari. Saka kana tichida kutaura zvine musoro, tingati ndiani akatanga pfungwa yokuti vanhu havafi chaizvoizvo asi kuti mudzimu womunhu unopukunyuka panofa muviri? Unyengeri hwakadaro hunokodzera Satani Dhiyabhorosi, akatsanangurwa naJesu sa“baba venhema.” (Joh. 8:44; onawo 2 VaTesaronika 2:9, 10.) Vanhu havabatsirwi nedzidziso yokuti vakafa vapenyu kune imwe nzvimbo uye kuti tinogona kutaura navo. Asi Zvakazarurwa 18:23 inoti “marudzi ose akatsauswa” kuburikidza nokuita zvemidzimu kweBhabhironi Guru. Tsika yokuita zvemidzimu ‘yokutaura nevakafa’ unyengeri hunogona kuita kuti vanhu vaite zvemadhimoni (ngirozi dzakapandukira Mwari) uye inowanzoita kuti munhu anzwe manzwi aasingadi kunzwa uye kuti anetswe nemidzimu iyoyo yakaipa.
Pane chakaipa here nokutsvaka kurapwa kana kuti kudzivirirwa pachishandiswa zvemidzimu?
VaG. 5:19-21: “Mabasa enyama anooneka, uye ndeaya, ufeve, kusachena, kusazvibata, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu . . . Ndiri kufanokunyeverai pamusoro pezvinhu izvi, sokufanokunyeverai kwandakamboita, kuti vane tsika yokuita zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.” (Kutsvaka kubatsirwa nezvemidzimu zvinoreva kuti munhu anodavira manyepo aSatani pamusoro porufu; anenge achitsvaka mazano kubva kuvanhu vanoedza kuwana simba kuna Satani nemadhimoni ake. Saka munhu akadaro anenge achibatana nevaya vanozivikanwa kuti vavengi vaJehovha Mwari. Pane kubatsirwa zvechokwadi, munhu wose anoramba achiita izvozvo anotambura nokusingaperi.)
Ruka 9:24: “Munhu wose anoda kuponesa mweya [kana kuti upenyu] wake acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu [nokuti anenge ari muteveri waJesu Kristu] ndiye achauponesa.” (Kana munhu akatyora mirayiro yeShoko raMwari achiziva zvake paanenge achiedza kudzivirira kana kuti kuchengetedza upenyu hwake iye zvino, acharasikirwa netariro youpenyu husingaperi. Upenzi chaihwo!)
2 VaK. 11:14, 15: “Satani anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza. Saka hachisi chinhu chikuru kana vashumiri vake vachiramba vachizvichinjawo kuva vashumiri vokururama.” (Saka hatifaniri kutsauswa kana zvimwe zvinhu zvinoitwa nenzira yokudavira midzimu zvichiita sezvinobatsira kwenguva pfupi.)
Onawo mapeji 134-138, pasi pemusoro unoti “Kuporesa.”
Kuchenjera here kuita zvemidzimu uchida kuziva nezveremangwana kana kuti uchida kuva nechokwadi chokuti uchabudirira pane zvaunenge uchida kuita?
Isa. 8:19: “Kana vakati kwamuri: ‘Bvunzai masvikiro kana kuti vafemberi vanorira uye vanotaura nemanzwi ari pasi-pasi,’ vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here?”
Revh. 19:31: “Musatsaukira kumasvikiro, uye musabvunza vafemberi, kuti musvibiswe navo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”
2 Madz. 21:6: “[Mambo Manase] akaita zvemashiripiti, akatenda mashura, akagadza masvikiro nevafemberi. Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, kuti amugumbure.” (Tsika dzakadaro dzokuita zvemidzimu dzaitosanganisira kukumbira kubatsirwa naSatani nemadhimoni ake. Ndosaka zvakanga “zvakaipa . . . pamberi paJehovha,” uye akaranga Manase zvakaoma kwazvo. Asi Jehovha akamukomborera paakapfidza ndokusiya tsika idzodzo dzaiva dzakaipa.)
Pane chakaipa here nokutamba mitambo inosanganisira kushopera kana kuti kutsvaka zvinoreva chimwe chinhu chinoita semhanza yakanaka?
Dheut. 18:10-12: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu . . . anoshopera, anoita zvemashiripiti kana munhu anotenda mashura kana muroyi, kana munhu anotsinga vamwe nezvitsinga, kana anobvunza svikiro, kana vafemberi, kana anobvunza vakafa. Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanosemesa Jehovha.” (Kushopera kunobudisa pachena zvinhu zvinenge zvisingazivikanwi kana kuti kufanotaura zvichaitika, usingaiti zvokutsvakurudza, asi nokududzira mashura kana kuti kubatsirwa nemasimba emidzimu. Jehovha akarambidza vashumiri vake kuita tsika dzakadaro. Nei? Tsika dzose idzi dzinoita kuti vataure kana kuti vagarwe nemidzimu yakaipa kana kuti madhimoni. Kuita zvinhu zvakadai kungava kusatendeseka zvikuru kuna Jehovha.)
Mab. 16:16-18: “Mumwe mushandikadzi akanga aine mudzimu, dhimoni rokushopera. Aiwanisa vanatenzi vake pfuma zhinji nokufembera.” (Zviri pachena kuti hapana munhu anoda kururama aizobvunzira kumunhu akadaro, angava achinyatsoda kuziva zvimwe zvinhu kana kuti achiita hake zvokutamba. Pauro aneta nokushevedzera kwaaiita, akarayira mudzimu wacho kuti ubude maari.)
Midzimu yakaipa inogona kupfeka miviri yevanhu here?
Mumazuva aNoa, ngirozi dzisingateereri dzakapfeka miviri yevanhu. Dzakatoroora ndokuva nevana. (Gen. 6:1-4) Zvisinei, Mafashamo paakauya, ngirozi idzodzo dzakamanikidzwa kudzokera kunzvimbo yemidzimu. Judha 6 inoti nezvadzo: “Ngirozi dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera, akadzichengeta dzakasungwa nezvisungo zvisingagumi murima gobvu nokuda kwokutongwa kwepazuva guru.” Mwari haana kungodzideredza paropafadzo dzadzo dzadzaimbova nadzo kudenga ndokudziisa murima gobvu kana totaura nezvezvinangwa zvaJehovha, asi kutaurwa kwezvisungo kunoratidza kuti akadzirambidza. Kuitei? Zviri pachena kuti akadzirambidza kupfeka miviri yenyama kuitira kuti dzisaita zvepabonde nevakadzi, sezvadzakanga dzamboita Mafashamo asati auya. Bhaibheri rinoti ngirozi dzakatendeka, vatumwa vaMwari, dzaimbopfeka miviri yevanhu pakuita mabasa adzo kusvikira muzana remakore rokutanga C.E. Asi pashure peMafashamo, ngirozi dziya dzakanga dzashandisa zvipo zvadzo zvisina kunaka dzakanga dzisisakwanisi kupfeka miviri yevanhu.
Zvisinei, tinofanira kuziva kuti madhimoni anogona kuita kuti vanhu vaone zvimwe zvinhu, uye zvavanoona zvacho zvingatoita sezvechokwadi. Dhiyabhorosi paakaedza Jesu, zviri pachena kuti akashandisa nzira idzodzo kuitira kuti aratidze Jesu “umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo.”—Mat. 4:8.
Munhu angasunungurwa sei pamasimba emidzimu?
Zvir. 18:10: “Zita raJehovha inhare yakasimba. Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.” (Izvi hazvirevi kushandisa zita raMwari sezango rokudzinga zvakaipa. “Zita” raJehovha rinomiririra iye pachake. Tinodzivirirwa patinomuziva tovimba naye zvakazara, tichizviisa pasi pechiremera chake uye tichiteerera mirayiro yake. Kana tikaita izvi, patinokumbira kubatsirwa naye tichishandisa zita rake, anotidzivirira sezvaakavimbisa muShoko rake.)
Mat. 6:9-13: “Munofanira kunyengetera seizvi: ‘ . . . Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.’” Munofanirawo ‘kuramba muchinyengetera.’ (VaR. 12:12) (Mwari anonzwa minyengetero yakadaro yevaya vanoda zvechokwadi kuziva chokwadi uye kumunamata nenzira inomufadza.)
1 VaK. 10:21: “Hamugoni kudyira pa‘tafura yaJehovha’ uye patafura yemadhimoni.” (Vaya vanoda kushamwaridzana naJehovha uye vanoda kudzivirirwa naye vanofanira kurega zvachose kuita zvinhu zvine chokuita nemidzimu. Maererano nomuenzaniso uri pana Mabasa 19:19, zvinokoshawo kuti munhu aparadze kana kuti arase zvinhu zvose zvine chokuita nemidzimu.)
Jak. 4:7: “Naizvozvo, zviisei pasi paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.” (Kuti muite izvi, shingairai kudzidza zvinodiwa naMwari uye kuzvishandisa muupenyu hwenyu. Kuda kwamunoita Mwari zvakuchakusimbisai kuti musatye vanhu, rambai zvakasimba kusaita tsika dzose dzine chokuita nezvemidzimu kana kuti kuteerera zvose zvinorayirwa nemunhu anoita zvemidzimu.)
Shongai “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari” dzinotsanangurwa pana VaEfeso 6:10-18 uye shingairai pakuita kuti dzose zvadzo dzirambe dzichiratidzika zvakanaka.