RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 108-110
  • Kubvisa Pamuviri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubvisa Pamuviri
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Mumwe Munhu Akati—
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Pamuviri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kubvisa Pamuviri
    Mukai!—2017
  • Chinetso Chokubvisa Mimba—Kuuraya Kune Mamirioni 60 Ndiko Chigadzikiso Here?
    Mukai!—1993
  • Kubvisa Pamuviri—Haisi Nzira Yokugadzirisa Dambudziko Isina Mamwe Matambudziko
    Mukai!—2009
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 108-110

Kubvisa Pamuviri

Tsanangudzo: Kubvisa pamuviri kubvisa mwana anenge ari muchibereko kazhinji asingakwanisi kurarama ari kunze. Kubva pamuviri kana kupfupfudzika kwepamuviri kungaitika nemhaka yokusakwana kwedu sevanhu kana kuti netsaona. Kubvisa pamuviri nemaune kungoitira kuti mwana asingadiwi asazvarwa, kutouraya munhu nemaune.

Kuziva Tsime roupenyu hwevanhu kunoita kuti tione sei nyaya iyi?

Mab. 17:28: “Naye [Mwari] tine upenyu, tinofamba uye tiripo.”

Pis. 36:9: “Kwamuri [Jehovha Mwari] ndiko kune tsime roupenyu.”

VaR. 14:12: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.”

Jehovha anoona upenyu hwemwana sehunokosha kunyange mazuva okutanga-tanga pamuviri pabata here?

Pis. 139:13-16: “[Jehovha] makaramba makandivharidzira mudumbu raamai vangu. . . . Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa, uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu.”

Mwari akambotaura here kuti munhu aizonzi azvidavirire kana akakuvadza mwana asati aberekwa?

Eks. 21:22, 23: “Kana varume vakarwisana, vokuvadza mukadzi ane pamuviri uye vana vake vobuda asi pasina njodzi inouraya yaitika, anofanira kuripiswa kukuvadza kwaakaita maererano nezvaangatarirwa nomuridzi womukadzi wacho; uye anofanira kuzviripa achishandisa vatongi. Asi kana njodzi inouraya ikaitika, ipapo munofanira kutsiva mweya nomweya.” (Dzimwe shanduro dzinoita kuti zviite sokunge kuti mumutemo uyu kuna Israeri zvaiitika kuna amai ndizvo zvaikosha, kwete zvaiitika kumwana. Zvisinei, mashoko echiHebheru epakutanga anotaura nezvenjodzi inouraya amai kana kuti mwana.)

Nyaya yokugumisa upenyu hwomunhu nemaune nokuda kwechikonzero chisingabvumirwi naMwari yakakomba zvakadini?

Gen. 9:6: “Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwa nomunhu, nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.”

1 Joh. 3:15: “Hapana muurayi ane upenyu husingaperi hunoramba huri maari.”

Eks. 20:13: “Usaponda.”

Maonero achiremba okuti pamuviri pakaregwa pachikura pangakanganisa utano hwaamai anopa chikonzero chakarurama chokubvisa pamuviri pacho here?

Dzimwe nguva zvinotaurwa navanachiremba zvinenge zvisina kururama. Zvaizova zvakarurama here kuuraya munhu nokuti angakuvadza mumwe munhu? Kana zvikanzi panguva yokuzvara mwana panofanira kusarudzwa kuti amai vorarama here kana kuti mwana, zvinosiyirwa vanhu vanenge vachibatanidzwa kuti vasarudze. Zvisinei, kufambira mberi mukurapa munyika dzakawanda kunoita kuti mamiriro ezvinhu akadai ave mashoma zvikuru.

Kana Mumwe Munhu Akati—

‘Asi ndine kodzero yokusarudza panyaya dzine chokuita nomuviri wangu.’

Ungapindura kuti: ‘Ndinonzwisisa manzwiro amunoita. Mazuva ano kodzero dzedu dzinowanzotyorwa nevamwe; vakawanda havana hanya nezvinoitika kuvamwe vanhu. Asi Bhaibheri rine mirayiridzo inogona kutichengetedza. Zvisinei, kuti tibatsirwe tinofanirawo kutevedzera mirayiro iyi.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Vanaamai vakawanda vakasiyiwa navanababa vevana vavo. Asi mumusha umo vose murume nomudzimai vanenge vachirarama maererano nemirayiro yeBhaibheri, murume achanyatsoda mudzimai wake nevana uye achagara navo nokuvimbika uye achavapa zvavanoda. (1 Tim. 5:8; VaEf. 5:28-31)’ (2) ‘Kana tichizodiwa uye kuremekedzwa zvakadaro, tinofanirawo kushandisa mirayiro yeBhaibheri pane zvatinoitira vomumhuri medu. Bhaibheri rinoti tinofanira kuona sei vana vatinobereka? (Pis. 127:3; enzanisa naIsaya 49:15.)’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe