RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gm chits. 14 pp. 184-189
  • Bhaibheri Newe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Newe
  • Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Gamuchira Betsero
  • Shandisa Zano reBhaibheri
  • Gamuchira Chiremera Charo
  • Hakuna Munhu Akakwana
  • Rarama Mukuwirirana neShoko raMwari
  • Shoko raMwari Izvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Ramba Wakabatisisa Shoko raMwari
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Sanobatisisa Shoko raMwari
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
gm chits. 14 pp. 184-189

Ganhuro 14

Bhaibheri Newe

Vatsoropodzi vazvino uno vanotaura kuti Bhaibheri harisati riri resayenzi uye rinozvipokanidza, kuti rinongova zvaro muunganidzwa wengano. Jesu, kune rumwe rutivi, akati: “Shoko renyu [raMwari] izvokwadi.” (Johane 17:17) Ufakazi hunotsigira Jesu panzvimbo pavatsoropodzi. Maidi anoratidza kuti Bhaibheri nderechokwadi munhau. Zvakare, tsinhirano yaro inoshamisa, zviporofita zvaro zvechokwadi, uchenjeri hwaro hukuru, uye simba raro nokuda kwezvakanaka muupenyu hwavanhu zvose zvinoratidzira kuti Bhaibheri iShoko rakanyorwa raMwari. Sokunyora kwakaita muapostora Pauro: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera.”—2 Timotio 3:16.

1. (Batanidza sumo.) (a) Ko maidi anobvumikisei pamusoro peBhaibheri? (b) Ndedzipi dziri revo dzeidi rokuti Bhaibheri iShoko rakafuridzirwa raMwari?

IDI rokuti Bhaibheri ishoko raMwari, kwete romunhu, rine revo hurusa. Rinoreva kuti Mwari zvomenemene akakurukurirana navanhu. Iye akapindura mizhinji yemibvunzo yedu uye akaratidza chigadzikiso chezvizhinji zvezvinetso zvedu. Rinorevawo kuti tariro nokuda kwenguva yemberi dzinorondedzerwa muBhaibheri ndedzechokwadi. Umambo hwaMwari zvomenemene huri kubata ushe uye munguva yakafanira huchaita chiito chokubvisa papasi rino kusaruramisira kwose, kudzvinyirira, uye kutambura.

2. Zivo yokuti Bhaibheri iShoko raMwari inofanira kukusunda kuitei?

2 Zvino, mubvunzo ndouyu: Chii chauchaita naaya mashoko? Pakutanga chaipo, zivo yokuti Bhaibheri iShoko raMwari inofanira kukukurudzira kurinzvera. Wezvamapisarema akapikira mufaro nokuda kwaavo vanoita kudaro apo iye akanyora, kuti: “Anofara ndiye munhu uyo asina kufamba muzano ravakaipa . . . asi mufaro wake uri mumutemo waJehovha, uye iye anorava mutemo wake chinyararire masikati nousiku.”—Pisarema 1:1, 2.

Gamuchira Betsero

3, 4. (a) Sokuratidza kunoita Bhaibheri iro rimene, chii chatinofanira kuita apo tinowana zvinhu zviri muBhaibheri zvatisinganzwisisi? (b) Ndivanaani vanodisa nguva dzose kubetsera vanhu kunzwisisa Bhaibheri zviri nani zvikuru?

3 Sezvinobvira, mukurava kwako Bhaibheri, uchawana zvinhu zvausinganzwisisi. (2 Petro 3:16) Chinoitika chakanyorwa mubhuku reBhaibheri raMabasa chinoratidza kuti ikoku kunofanira kukarirwa. Nokukurumidza pashure porufu rwaJesu, muEtiopia akanga achirava muuporofita hwebhuku reBhaibheri raIsaya. Muevhangeri wechiKristu Firipo akasangana nomunhu wacho ndokumubvunza, kuti: “Unoziva chaizvoizvo zvauri kurava here?” MuEtiopia aisaziva, naizvozvo akakoka Firipo kumubetsera kunzwisisa.—Mabasa 8:30, 31.

4 Mumwe mai womuUnited States akanga ari mumugariro wakafanana. Akanga ari muravi wenguva dzose weBhaibheri, asi pakanga pane dzidziso zhinji dzinokosha dzeBhaibheri dzaakanga asati anzwisisa mukurava kwake amene. Pakanga pari bedzi apo iye akava nekurukurirano neZvapupu zvaJehovha apo iye akaziva zvokwadi dzehwaro dzeBhaibheri, kubatanidza ukoshi hwoUmambo hwaMwari uye zvikomborero zvizhinji izvo Umambo huchaunzira kuvanhu. Kana ukazvikoka, Zvapupu zvaJehovha zvichava zvinofara kukubetserawo kuti ugone kunzwisisa zviri nani zvikuru zvaunorava muBhaibheri.

Shandisa Zano reBhaibheri

5. Mukuwirirana neBhaibheri, inzirai inovigira mufarwa?

5 Hatisati tichitongokurudzirwa bedzi kurava Bhaibheri asiwo kuita chiito pamusoro pezvatinorava. (Pisarema 119:2) Mukuwedzera, Bhaibheri rinokurudzira, kuti: “Ravirai muone kuti Jehovha wakanaka, Haiwa imi vanhu; anofara ndiye munhu akagwinya anotizira maari.” (Pisarema 34:8) Chokwadi, rinotikokera kuedza Mwari. Edza kurarama mukuwirirana nenheyo dzaMwari, uchiratidza kuti unovimba naMwari kuziva zviri nani zvikuru nokuda kwako. Ndopanguva iyeyo bedzi pauchawana kuti zvirokwazvo iyi ndiyo nzira yakarurama. Avo vanovimba kudaro naMwari vanofara zvomenemene.

6. Kunobetsera here kuedza kurarama mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri nhasi? Tsanangura.

6 Vamwe vanotaura kuti hakuna munhu anogona kurarama mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri munyika ino yokusatendeseka, youtere, yamasimba masimba. Kunyange zvazvo zvakadaro, zvokwadi ndeyokuti, vazhinji vanodaro. Vanaaniko? Rimwe jaya romuAfrica rakaona boka ravakadaro. Iro rakanyora, kuti: “Ndave ndichicherekedza kwamakore mashomanene apfuura kuti muno muZimbabwe ndimi vanhu, Zvapupu zvaJehovha, vari kuedza zvomenemene kutevera muenzaniso waKristu amene . . . Ndimi boka bedzi, kusvikira zvino, rakagona kundipwisa nezvorudo rwaMwari nesimba reevhangeri Yake, kupfurikidza nokurarama kwenyu uye kwete bedzi kupfurikidza nokutaura nokunyora. Muri kurarama mukuwirirana neevhangeri uye muri kuiparidzira apo vazhinji, vanhu vazhinji zvikuru vari kuparidzira evhangeri asi vasiri kurarama mukuwirirana nayo.”

Gamuchira Chiremera Charo

7. Miitiroi yakarovedzeka nhasi inopesana neizvo Bhaibheri rinoreva?

7 Muapostora Pauro akataura kuti Bhaibheri “rinobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu.” (2 Timotio 3:16) Zvisinei, padzimwe nguva izvo Bhaibheri rinotaura hazvisati zvichigamuchirwa. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoshurikidza zviito zvevatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo, asi vatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo inorangarirwa zvakafara somuraramiro unogamuchirika. (VaRoma 1:24-27; 1 VaKorinte 6:9-11; 1 Timotio 1:9-11) Bhaibheri rinorevawo kuti upenyu hwomucheche asati aberekwa hunokosha uye hahusati huchifanira kuparadzwa noune, asi kubvisa pamuviri kunopfuura mamirioni 50 kunoitwa munyika yose gore rimwe nerimwe. (Eksodho 21:22, 23; Pisarema 36:9; 139:14-16; Jeremia 1:5) Zvakadiniko kana isu somunhu oga tikakuona kwakaoma kugamuchira izvo Bhaibheri rinoreva pamusoro penhau dzakadaro?

8, 9. Patinokuona pakutanga kwakaoma kugamuchira pfundo rakati muBhaibheri, tinofanira kuyeukei, uye mipimo yaani yatinofanira kugamuchira nguva dzose?

8 Eya, maKristu akadzidza kuti kunogarova kuchenjera kutevera Shoko raMwari. Neiko? Nokuti pakupedzisira, kutevera izvo Bhaibheri rinotaura nguva dzose kunoita zvakanakisisa nokuda kwomunhu ari wose. (Zvirevo 2:1-11) Idi nderokuti, vanhu vakaganhurirwa zvikuru kana toreva nezvouchenjeri. Havagoni kuona nguva dzose miuyo yokupedzisira yezviito zvavo. Muporofita Jeremia akabvuma, kuti: “Haiwa Jehovha, ndinosanoziva kuti nzira yomunhu wapasi haisi yake. Kunyange kururamisa nhano yake hakusati kuri kwomunhu anofamba.”—Jeremia 10:23.

9 Tinongotofanira hedu bedzi kutarira-tarira patiri kuona kuti uku kurangarira kwakarurama. Zvinetso zvizhinjisa zvinotambudza nyika miuyo yakananga yokusatevera kwavanhu zano reShoko raMwari. Nhau refu, inotambudza yavanhu yaratidza kuti vanhu havagoni kuzvisarudzira vamene norubudiriro munhau dzetsika. Mwari akachenjera zvikuru mukusava neganhuriro kupfuura zvatiri. Kuregererei kugamuchira zvaanotaura, panzvimbo pokuvimba nouchenjeri hwedu timene?—Zvirevo 28:26; Jeremia 17:9.

Hakuna Munhu Akakwana

10, 11. (a) Maidii pamusoro penzira yatakaitwa nayo uye nyika yatinorarama mairi anoparira zvinetso patinoedza kurarama mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri? (b) Bhaibheri rinotikurudzira kutsvaka rudzii rwesonganiro, uye tinogona kuwana kupi songaniro yakadaro?

10 Bhaibheri rinotisvinudzira kune imwe nharaunda iyo tinoda betsero mairi. Tose tine kombamiro yakagarwa nhaka yokuita chivi. “Murangariro womwoyo womunhu wakashata kubvira paupwere hwake.” (Genesi 8:21; VaRoma 7:21) Ichi chinetso chinokudziridzwa neidi rokuti tinorarama munyika isati ichitevera nheyo dzeBhaibheri. Nokudaro, tinoda betsero kwete bedzi yokunzwisisa Bhaibheri asiwo yokushandisa zvinhu zvatinodzidza. Ndicho chikonzero nei Bhaibheri richitikurudzira kusonganirana navamwe vanoshuva kurarama mukuwirirana nemipimo youmwari. Wezvamapisarema akanyora, kuti: “Ndakavenga ungano yavaiti vezvakashata, uye ini handigari navakaipa. . . . Ini ndicharumbidza Jehovha pakati peungano dzakaungana.” Uye rimwe pisarema rinoti: “Haiwa kwakanaka sei uye kunofadza sei kuti hama dzigare pamwe chete muchinzwano!”—Pisarema 26:5, 12; 133:1.

11 Kusonganirana pamwe chete rutivi runodikanwa rwokunamata nokuda kweZvapupu zvaJehovha. Izvo zvine misangano inoverengeka vhiki rimwe nerimwe, uyewo kokorodzano dzapanhambo nenhambo, uko zvinodzidza Bhaibheri pamwe chete uye kukurukura mashandire anoita nheyo dzaro muupenyu hwazvo. Zvinoumba “boka rehama” renyika yose umo mumwe nomumwe anokurudzirwa uye anobetserwa kuchengeta iyi mipimo yakakwirira yeBhaibheri. (1 Petro 2:17) Kuregererei kupinda mumwe wemisangano yavo ndokuona kuti boka rakadaro rinogona sei kukubetserawo?—VaHebheru 10:24, 25.

Rarama Mukuwirirana neShoko raMwari

12. Zvikomboreroi zvinobva mukuziva kuti Bhaibheri iShoko raMwari?

12 Naizvozvo, kuziva kuti Bhaibheri iShoko raMwari kunounza zvikomborero nemitoro. Takakomborerwa nokuti tinowana nhungamiro nokuda kwomufambiro wedu wezuva nezuva isati ichiwanikwa kune imwe nzvimbo iri yose. Kupfuurirazve, tinodzidza nezvorudo rwaMwari mukugovera Mwanakomana wake kuzotidzikinura kuti tigova netariro youpenyu husingaperi. (Johane 3:16) Tinoziva kuti Jesu zvino ari kutonga saMambo uye nokukurumidza achaita chiito chokubvisa uipi papasi. Uye nechivimbo tinomirira “matenga matsva nepasi idzva” zvakarurama izvo Mwari iye amene akapikira.—2 Petro 3:13.

13. Mitoroi inouya kwatiri patinogamuchira Bhaibheri seShoko raMwari?

13 Kunyange zvazvo zvakadaro, rangarira kuti tine mutoro wokufunda Bhaibheri ndokufungisisa zvarinoreva. Mwari iye amene anotikurudzira, kuti: “Mwanakomana wangu, usakanganwa mutemo wangu, uye mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu.” (Zvirevo 3:1) Kunyange kana vazhinjisa vakarangarira Bhaibheri seshokowo zvaro romunhu, noushingi tinofanira “kurega Mwari achiwanwa kuva wechokwadi, kunyange munhu ari wose achiwanwa kuva ari murevi wenhema.” (VaRoma 3:4) Rega uchenjeri hwaMwari hutungamirire upenyu hwako. “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose . . . Munzira dzako dzose mucherekedze.” (Zvirevo 3:5, 6) Kutetekera Shoko raMwari nomutoo wokuchenjera neiyi nzira kuchatapura upenyu hwako nokuda kwezvakanaka mose muri muviri zvino nomunguva isingagumi yose.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 187]

Hatifaniri kungorava bedzi Bhaibheri asi kuitawo chinhu pamusoro pezvatinorava

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 188]

Kutevera izvo Bhaibheri rinotaura nguva dzose kunoshanda nokuda kwezvakanakisisa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe