RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • re chits. 31 pp. 215-220
  • Mabasa aJehovha—Makuru Uye Anoshamisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabasa aJehovha—Makuru Uye Anoshamisa
  • Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rwiyo rwaMosesi nerweGwayana
  • Ngirozi Dzine Ndiro
  • Jehovha Ari Munzvimbo Tsvene Yake
  • Ndiro Nokurira Kwehwamanda
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvakazarurwa—II
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 66—Zvakazarurwa
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Zviono Zvinofadza Zvinosimbisa Kutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kutsamwa kwaMwari Kunopedzwa
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
re chits. 31 pp. 215-220

Ganhuro 31

Mabasa aJehovha—Makuru Uye Anoshamisa

Chiono 10—Zvakazarurwa 15:​1–16:⁠21

Musoro: Jehovha ari munzvimbo tsvene yake; ndiro nomwe dzehasha dzake dzinodururirwa mupasi

Nguva yezadziko: 1919 kusvikira kuArmagedhoni

1, 2. (a) Ko Johane anosuma chiratidzoi chechitatu? (b) Ibasai rengirozi ranguve richizivikanwa navabatiri vaJehovha?

MUKADZI anosununguka mwanarume! Dragoni huru inotsvaka kuparadza mwana iyeyo! Zviratidzo zviviri izvozvo zvokudenga, zvinoratidzirwa nomutoo wakajeka zvikuru muna Zvakazarurwa ganhuro 12, zvakatijekesera kuti pokanidzano yenguva refu inobatanidza Mbeu yomukadzi waMwari naSatani nembeu yake youdhemoni yosvika mugumo wayo. Mukusimbisa izvi zviratidzo, Johane anoti: “Zvino chiratidzo chikuru chakaonekwa mudenga, . . . Uye chimwe chiratidzo chakaoneka.” (Zvakazarurwa 12:​1, 3, 7-12) Zvino Johane anoshuma chiratidzo chechitatu, achiti: “Ipapo ini ndakaona chimwe chiratidzo mudenga, chikuru uye chinoshamisa, ngirozi nomwe dzine madambudziko manomwe. Iwawa ndiwo okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kunopedzwa kupfurikidza nawo.” (Zvakazarurwa 15:⁠1) Ichi chiratidzo chechitatu chine revo inokoshawo nokuda kwavabatiri vaJehovha.

2 Cherekedza mabasa anokosha ayo ngirozi dzinawozve mukuita kuda kwaMwari. Iri idi ranguve richizivikanwa navabatiri vaJehovha. Chokwadika, mukufemerwa wezvamapisarema wekare akatotaura kungirozi dzakadaro, achidzikurudzira, kuti: “Rumbidzai Jehovha, Haiwa imi ngirozi dzake, mhare musimba, munoita shoko rake, kupfurikidza nokuteerera inzwi reshoko rake”! (Pisarema 103:​20) Zvino, mune ichi chinoitika chitsva, ngirozi dzinogoverwa kudurura madambudziko manomwe okupedzisira.

3. Ko madambudziko manomwe chii, uye kudururwa kwawo kunoratidzirei?

3 Zvii zviri aya madambudziko? Sokurira kwehwamanda nomwe, iwo iziviso dzinorwadza dzorutongeso dzinozivisa murangariro waJehovha wamativi akasiyana-siyana enyika ino uye dzinonyevera nezvomuuyo wokupedzisira wezvisarudzo zvake zvokutonga. (Zvakazarurwa 8:​1–9:​21) Kudururwa kwawo kunonongedzera kukuitwa kwamarutongeso iwawo, apo vashatirirwi vehasha dzaJehovha vanoparadzwa muzuva rehasha dzake huru. (Isaya 13:​9-​13; Zvakazarurwa 6:​16, 17) Nokudaro, kupfurikidza nawo “kutsamwa kwaMwari kunopedzwa.” Asi pamberi pokurondedzera kudururwa kwamadambudziko, Johane anotiudza pamusoro pavamwe vanhu vasati vachizova vanotapurwa nomutoo wakaipa nawo. Zvavakaramba chiratidzo chechikara, ava vakavimbika vanoimba rumbidzo kuna Jehovha sezvavanozivisa zuva rake ramatsive.​—⁠Zvakazarurwa 13:​15-⁠17.

Rwiyo rwaMosesi nerweGwayana

4. Ko zvino Johane anoonei?

4 Chiono chinobatanidza zvose chakatanhamara zvino chinoonwa naJohane: “Ipapo ini ndakaona rairatidzika kuva gungwa rinoonekera rakavhengana nomwoto, naavo vakakunda chikara nomufananidzo wacho nechiverengero chezita racho vamire pagungwa rinoonekera, vane udimbwa hwaMwari.”​—⁠Zvakazarurwa 15:⁠2.

5. Chii chinofananidzirwa ne“gungwa rinoonekera rakavhengana nomwoto”?

5 “Gungwa rinoonekera” ndirimwe chetero neriya rakaonwa naJohane pakuvamba-vamba, riri pamberi pechigaro choumambo chaMwari. (Zvakazarurwa 4:⁠6) Rakafanana ne“nyanza yendarira yakanyunguduswa” (shambiro yemvura) yetembere yaSoromoni, umo vaprista vaitora mvura yokuzvichenura vamene. (1 Madzimambo 7:​23) Nokudaro iro chimiriro chakaisvonaka che“shambiro yemvura,” ndiko kuti, Shoko raMwari, iro Jesu anochenura kupfurikidza naro ungano yavaprista yamaKristu akazodzwa. (VaEfeso 5:​25, 26; VaHebheru 10:​22) Iri gungwa rinoonekera raka“vhengana nomwoto,” kuratidzira kuti ava vakazodzwa vanoedzwa ndokuchenurwa sezvavanoteerera mupimo wakakwirira wakagadzwa nokuda kwavo. Kupfuurirazve, rinotiyeuchidzawo kuti Shoko raMwari rinewo ziviso dzamarutongeso makuru anoitwa pavavengi vake. (Dheuteronomio 9:⁠3; Zefania 3:⁠8) Mamwe aaya marutongeso makuru anoratidzirwa mumadambudziko manomwe okupedzisira ayo odokudururwa.

6. (a) Ndivanaani vaimbi vamire pamberi pegungwa rinoonekera rokudenga, uye tinoziva sei? (b) Ko ivo “vakakunda” munzirai?

6 Idi rokuti nyanza yendarira yakanyunguduswa iri mutembere yaSoromoni yakanga iri nokuda kwokushandisa kwavaprista inoratidzira kuti vaimbi vamire pamberi pegungwa rinoonekera rokudenga iboka ravaprista. Ivo vane “udimbwa hwaMwari,” uye naizvozvo tinovabatanidza navakuru 24 ne144 000, sezvo aya mapoka achiimba pamwe chete noudimbwa. (Zvakazarurwa 5:⁠8; 14:⁠2) Vaimbi avo Johane anoona “vanokunda chikara nomufananidzo wacho nechiverengero chezita racho.” Naizvozvo vanofanira kuva avo vanobva pakati pavane 144 000 vanorarama pasi pano mukati mamazuva okupedzisira. Seboka, zvamazvirokwazvo ivo vanokunda. Kwamakore anoda kusvika 90 kubvira muna 1919, ivo vakaramba kugamuchira chiratidzo chechikara kana kuti kuvimba nomufananidzo wacho sekariro bedzi yomunhu nokuda kworugare. Vazhinji vavo vakatotsungirira mukutendeka kusvikira kurufu, uye ivava, zvino vava mudenga, pasina panikiro vanotevera nomufaro chaiwo kuimba kwehama dzavo dzichiri pasi pano.​—⁠Zvakazarurwa 14:​11-⁠13.

7. Ko udimbwa hwaishandiswa sei muna Israeri wekare, uye kuvapo kwoudimbwa hwaMwari muchiono chaJohane kunofanira kutitapura sei?

7 Ava vakuriri vakavimbika vane udimbwa hwaMwari. Muna ikoku, vakafanana navaRevhi vekare vetembere, avo vainamata Jehovha norwiyo pamwe chete noudimbwa. Vamwe vakaporofita pamwe chete namarimba. (1 Makoronike 15:​16; 25:​1-⁠3) Nziyo dzinonakidza dzoudimbwa dzainatsa nziyo dzaIsraeri dzomufaro neminyengetero yerumbidzo nokuonga kuna Jehovha. (1 Makoronike 13:⁠8; Pisarema 33:⁠2; 43:⁠4; 57:​7, 8) Munguva dzokuora mwoyo kana kuti utapwa, udimbwa hwakanga husinganzwiki. (Pisarema 137:⁠2) Kuvapo kwoudimbwa hwaMwari muchiono ichi kunofanira kukuchidzira kariro yedu nokuda kworwiyo rwomufaro, rworukundo rwerumbidzo nokuonga kuna Mwari.a

8.Rwiyoi rwuri kuimbwa, uye ndaapi ari mashoko arwo?

8 Ndozvinoshumwa naJohane, kuti: “Uye ivo vari kuimba rwiyo rwaMosesi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti: ‘Jehovha Mwari, Wamasimba ose, mabasa enyu makuru uye anoshamisa. Mambo wokusingagumi, nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi. Ndianiko asati achizokutyai zvomenemene, Jehovha, ndokukudza zita renyu, nokuti imi moga bedzi makavimbika? Nokuti marudzi ose achauya ndokunamata pamberi penyu, nokuti zvirevo zvenyu zvakarurama zvakaratidzwa.’ ”​—⁠Zvakazarurwa 15:​3, 4.

9. Neiko rwiyo ruchinzi, murutivi, “rwiyo rwaMosesi”?

9 Ava vakundi vanoimba “rwiyo rwaMosesi,” ndiko kuti, rwiyo rwakafanana nourwo Mosesi akaimba mumigariro yakafanana. Pashure pokunge vaIsraeri vaona madambudziko gumi muEgipita noruparadziko rwamauto eEgipita muGungwa Dzvuku, Mosesi akavatungamirira murwiyo rwakadaro rwerumbidzo yorukundo kuna Jehovha, achizivisa, kuti: “Jehovha achabata ushe samambo kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.” (Eksodho 15:​1-19) Haiwa kwakakodzera sei kuti vaimbi vomuchiono chaJohane, vanokunda murubudiriro chikara uye vachiva vakabatikana mukuzivisa madambudziko manomwe okupedzisira, vanofanirawo kuimba “kuna Mambo wokusingagumi”!​—⁠1 Timotio 1:⁠17.

10. Ndorupi rumwe rwiyo rwakaitwa naMosesi, uye ndima yokupedzisira yarwo inowirirana sei neboka guru ranhasi?

10 Muno rumwe rwiyo, rwakarongwa apo Israeri aigadzirira rukundo rweKanani, mukweguru Mosesi akaudza rudzi irworwo, kuti: “Ini ndichaparidza zita raJehovha. Ipai ukuru kuna Mwari wedu!” Ndima yokupedzisira yourwu rwiyo yakapawo rukurudziro kuna vasati vari vaIsraeri, uye mashoko akafuridzirwa aMosesi anoburukira chaizvo kuboka guru ranhasi, anoti: “Farai, imi marudzi, navanhu vake.” Uye neiko vachifanira kufara? Nokuti zvino Jehovha “achatsiva ropa ravaranda vake, uye iye ucharipidzira matsive kuvavengi vake.” Uku kuitwa kworutongeso rwakarurama kuchavavigira mufaro kuna vose vanokarira muna Jehovha.​—⁠Dheuteronomio 32:​3, 43; VaRoma 15:​10-​13; Zvakazarurwa 7:⁠9.

11. Ko rwiyo urwo Johane akanzwa runopfuurira sei kuva nezadziko?

11 Haiwa Mosesi iye amene aizodai akafara sei kuva muzuva raShe zvino, achiimba pamwe chete neboka ravaimbi vokudenga, kuti: “Marudzi ose achauya ndokunamata pamberi penyu”! Rwiyo irworwo rwakaisvonaka runopfuurira kuva nezadziko inoshamisa nhasi sezvatinoona, kwete bedzi muchiono asi sechinhu chaichoicho, mamiriyoni anobva “mumarudzi” awo zvino ari kudirana mumufaro kusangano rapasi raJehovha.

12. Neiko rwiyo rwavakundi ruchinziwo “rwiyo rweGwayana”?

12 Hunyanguvezvo, irworwu rwiyo rwusati ruchingova bedzi rwaMosesi asiwo “rweGwayana.” Kunodaro sei? Mosesi akanga ari muporofita waJehovha kuna Israeri, asi Mosesi iye amene akaporofita kuti Jehovha aizomutsa muporofita akafanana naye. Iyeyu akabvumikisa kuva Gwayana, Jesu Kristu. Kunyange Mosesi akanga ari “muranda waMwari,” Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari, kureva idika, Mosesi Mukuru Zvikuru. (Dheuteronomio 18:​15-​19; Mabasa 3:​22, 23; VaHebheru 3:​5, 6) Nokudaro, vaimbi vanoimbawo “rwiyo rweGwayana.”

13. (a) Kunodaro sei kuti Jesu, kunyange zvazvo ari mukuru zvikuru kupinda Mosesi, akafanana naye? (b) Tingabatanidzwa sei navaimbi?

13 SaMosesi, Jesu akaimba pamhene rumbidzo dzaMwari ndokuporofita pamusoro porukundo Rwake pavavengi vose. (Mateo 24:​21, 22; 26:​30; Ruka 19:​41-44) Jesu aikarirawo nguva apo marudzi aizouya kuzorumbidza Jehovha, uye se“Gwayana raMwari” rakazvibaira rimene, iye akavanzarika upenyu hwake hwohunhu kuti ikoku kubvire. (Johane 1:​29; Zvakazarurwa 7:⁠9; enzanisa naIsaya 2:​2-⁠4; Zekaria 8:​23.) Uye kungofanana naMosesi akasvika pakunzwisisa zita raMwari, Jehovha, ndokukudza zita irero, saizvozvowo Jesu akaratidzira zita raMwari. (Eksodho 6:​2, 3; Pisarema 90:​1, 17; Johane 17:⁠6) Jehovha zvaakavimbika, zvipikirwa zvake zvine mbiri zvine chokwadi chokuzadzika. Zvamazvirokwazvo, ipapoka, tinowirirana naava vaimbi vakavimbika, neGwayana, uye naMosesi, mukutsigira mashoko orwiyo, runoti: “Ndianiko asati achizokutyai zvamazvirokwazvo, Jehovha, ndokukudza zita renyu?”

Ngirozi Dzine Ndiro

14. Ndivanaani vanoonwa naJohane vachibuda munzvimbo tsvene, uye chii chinopiwa kwavari?

14 Kwakakodzera kuti isu tinzwe rwiyo rwaava vakundi vakazodzwa. Neiko? Nokuti ivo vakaparidzira pasi pano marutongeso ari mundiro dzakanga dzizere nokutsamwa kwaMwari. Asika kudururwa kweidzi ndiro kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura vanhuwo zvavo, Johane zvaanopfuurira kuratidzira, kuti: “Uye pashure peizvi zvinhu ini ndikaona, uye nzvimbo tsvene yetendi youchapupu yakazaruka mudenga, uye ngirozi nomwe dzina madambudziko manomwe dzakabuda munzvimbo tsvene, dzakafuka mucheka wakachena, unopenya uye dzakazvisunga pazvipfuva zvadzo namabanhire endarama. Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa ngirozi nomwe ndiro nomwe dzendarama dzakanga dzizere nokutsamwa kwaMwari, uyo anorarama nokusingaperi-peri.”​—⁠Zvakazarurwa 15:​5-⁠7.

15. Neiko kusati kuchikatyamadza kuti ngirozi nomwe dzinobuda munzvimbo tsvene?

15 Kana iri tembere yavaIsraeri, yaiva nezvimiriro zvezvinhu zvokudenga, muprista mukuru bedzi aigona kupinda muNzvimbo Tsvene Tsvene, pano inonzi “nzvimbo tsvene.” (VaHebheru 9:​3, 7) Inomirira nzvimbo yokuvapo kwaJehovha mudenga. Zvisinei, mudenga imo mumene Muprista Mukuru Jesu Kristu haazati achingova bedzi ane ropafadzo yokupinda pamberi paJehovha asi ngirozi dzinodarowo. (Mateo 18:​10; VaHebheru 9:​24-26) Hakuzati kuchishamisa, ipapoka, kuti ngirozi nomwe dzinofanira kuonwa dzichibuda munzvimbo tsvene mudenga. Idzo dzine kutumwa kunobva kuna Jehovha Mwari iye amene: Dururai ndiro dzizere nokutsamwa kwaMwari.​—⁠Zvakazarurwa 16:⁠1.

16. (a) Chii chinoratidzira kuti ngirozi nomwe dzinosanokwaniriswa nokuda kwebasa radzo? (b) Chii chinoratidzira kuti vamwe vanobatanidzwa mubasa guru rokudurura ndiro dzokufananidzira?

16 Idzi ngirozi dzinosanokwaniriswa nokuda kweiri basa. Idzo dzakafuka mucheka muchena, unopenya, kuratidzira kuti idzo dzakachena uye itsvene mumudzimu, dzakarurama mukuona kwaJehovha. Uyewo, dzakasunga mabanhire endarama. Mabanhire anowanzoshandiswa apo munhu anozvisunga amene nokuda kwebasa rinoda kuitwa. (Revhitiko 8:​7, 13; 1 Samueri 2:​18; Ruka 12:​37; Johane 13:​4, 5) Naizvozvo ngirozi dzakazvisunga nokuda kwokuita mugove. Zvakare, mabanhire adzo ndeendarama. Mutabharnakeri yekare, ndarama yakanga ichishandiswa kumirira zvinhu zvoumwari, zvokudenga. (VaHebheru 9:​4, 11, 12) Ikoko kunoreva kuti idzi ngirozi dzine basa rinokosha, roumwari romubato rokuita. Vamwewo vanobatanidzwa mune iri basa guru. Chimwe chezvisikwa zvina zvipenyu chinogamuchidza ndiro chaidzoidzo kwadziri. Pasina panikiro, ichi chakanga chiri chisikwa chokutanga chipenyu, icho chakatodzana neshumba, kufananidzira utsungiriri noushingi hwakatsiga hunodikanirwa kuzivisa marutongeso aJehovha.​—⁠Zvakazarurwa 4:⁠7.

Jehovha Ari Munzvimbo Tsvene Yake

17. Ko Johane anotiudzei pamusoro penzvimbo tsvene, uye ikoko kunotiyeuchdza sei nezvenzvimbo tsvene muna Israeri wekare?

17 Pakupedzisira, kupedzisa uru rutivi rwechiono, Johane anotiudza, kuti: “Ipapo nzvimbo tsvene yakazara noutsi nokuda kwembiri yaMwari uye nokuda kwesimba rake, uye hapana munhu akanga achikwanisa kupinda munzvimbo tsvene kuzotosvikira madambudziko manomwe engirozi nomwe apera.” (Zvakazarurwa 15:⁠8) Kwaiva nenhambo munhau yaIsraeri apo gore raifukidza nzvimbo tsvene chaiyoiyo, uye uku kuonekwa kwembiri yaJehovha kwaidzivisa vaprista kupinda imomo. (1 Madzimambo 8:​10, 11; 2 Makoronike 5:​13, 14; enzanisa naIsaya 6:​4, 5.) Idzi dzaiva nguva apo Jehovha akanga akabatikana nomutoo wokushingaira nezvinoitika zvapasi pano.

18. Ko ngirozi nomwe dzichadzoka rini kundoshuma kuna Jehovha?

18 Jehovha anofarirawo zvikurukuru zvinhu zvinoitika pasi pano zvino. Iye anoda kuti ngirozi nomwe dzipedze mugove wadzo. Inguva yokupedzisira yorutongeso, sezvinorondedzerwa pana Pisarema 11:​4-⁠6, kuti: “Jehovha ari mutembere yake tsvene. Jehovha​—⁠chigaro chake choumambo chiri mumatenga. Meso ake amene anoona, meso ake amene anopenya anonzvera vanakomana vavanhu. Jehovha iye amene anonzvera wakarurama uyewo wakaipa, uye munhu upi noupi anoda masimba masimba mweya Wake unovenga chaizvoizvo. Iye uchanisira pamusoro pavakaipa misungo, mwoto nesurferi uye mhepo inopisa, somugove womukombe wavo.” Kutozosvikira aya madambudziko manomwe adururwa pana vakaipa, ngirozi nomwe hadzizati dzichizodzokera panzvimbo yapamberi yakakwirira yaJehovha.

19. (a) Murairoi unobudiswa, uye naani? (b) Ko kudururwa kwendiro dzokufananidzira kunofanira kuve kwakatanga rini?

19 Murairo unotyisa unonzwika: “Ipapo ini ndakanzwa inzwi guru richibuda munzvimbo tsvene richiti kungirozi nomwe: ‘Endai mundodururira mupasi ndiro nomwe dzokutsamwa kwaMwari.’ ” (Zvakazarurwa 16:⁠1) Ndianiko anobudisa uyu murairo? Anofanira kuva Jehovha iye amene, sezvo kupenya kwembiri yake nesimba zvakadzivisa munhu upi noupiwo zvake kupinda munzvimbo tsvene. Jehovha akauya kutembere yake yomudzimu nokuda kworutongeso muna 1918. (Maraki 3:​1-⁠5) Kunofanira, ipapoka, kuva kwave kuri chinguvana pashure pomusi iwowo apo iye akapa murairo wokudurura ndiro dzokutsamwa kwaMwari. Kureva idi, marutongeso ari mundiro dzokufananidzira akatanga kuva anoziviswa zvine simba muna 1922. Uye kuziviswa kwawo kuri kuwedzera kusvikira kumwero wakakwirira zvikuru nhasi.

Ndiro Nokurira Kwehwamanda

20. Ko ndiro dzokutsamwa kwaJehovha dzinowadzanyurei uye dzinonyevera nezvechii, uye dzinodururwa sei?

20 Ndiro dzokutsamwa kwaJehovha dzinowadzanyura mativi enyika sokuarangarira kunoita Jehovha ndokunyevera nezvamarutongeso ayo Jehovha achaita. Ngirozi dzinodurura ndiro kupfurikidza navamiriri veungano yamaKristu akazodzwa pasi pano, vari kuimba rwiyo rwaMosesi norwiyo rweGwayana. Richingunoparidzira Umambo samashoko akanaka, boka raJohane rakawadzanyura noushingi zvinhu zviri mukati meidzi ndiro dzokutsamwa. (Mateo 24:​14; Zvakazarurwa 14:​6, 7) Nokudaro, shoko ravo ramaviri rave rine rugare mukuparidzira sununguko kuvanhu asi rakafanana nehondo mukunyevera nezve“zuva ramatsive raMwari wedu.”​—⁠Isaya 61:​1, 2.

21. Ko zvipfuro zvendiro ina dzokutanga dzokutsamwa kwaMwari dzinowirirana sei nezvezvo zvokurira kuna kwokutanga k wehwamanda, uye zvinosiyana papi?

21 Zvipfuro zvendiro ina dzokutanga dzokutsamwa kwaMwari zvinowirirana nezviya zvokurira kuna kwokutanga kwehwamanda, ndiko kuti, pasi, gungwa, nzizi namatsime emvura, namanyuko okudenga echiedza. (Zvakazarurwa 8:​1-12) Asi kurira kwehwamanda kwakazivisa madambudziko pamusoro pe“chetatu,” nepo zvose zvichioneswa nhamo nokudururwa kwendiro dzokutsamwa kwaMwari. Nokudaro, kunyange chiKristudhomu, se“chetatu,” chakawana ngwariro yokutanga mukati mezuva raShe, hapana norutivi rumwe rwetsika yaSatani rwakahesvurwa pakuva runotambudzwa namashoko anorwadza orutongeso aJehovha nokusuruvara kwaanovigira.

22. Ko kurira kutatu kwokupedzisira kwehwamanda kwakanga kwakasiyana sei, uye kunowirirana sei nendiro nhatu dzokupedzisira dzokutsamwa kwaJehovha?

22 Kurira kutatu kwehwamanda kwokupedzisira kwakanga kwakasiyana, nokuti kwainzi nhamo. (Zvakazarurwa 8:​13; 9:​12) Kuviri kwokutanga kwaiitwa zvikurukuru nemhashu namauto avatasvi vamabhiza, nepo kwechitatu kwakasuma kuberekwa kwoUmambo hwaJehovha. (Zvakazarurwa 9:​1-​21; 11:​15-19) Sezvatichaona, ndiro nhatu dzokupedzisira dzokutsamwa kwaMwari dzinobatanidzawo mamwe aaya mativi, asi dzinenge dzakatisianei hadzo nenhamo nhatu. Zvino ngatisanoteererai wadzanyuro dzinokatyamadza dzinoparirwa nokudururwa kwendiro dzokutsamwa kwaJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

a Nomutoo unofadza, muna 1921 boka raJohane rakabudisa yamuro yefundo yeBhaibheri inonzi The Harp of God, iro rakava neparadzirwo yaanopfuura makopi anamamiriyoni mashanu mumitauro inopfuura 20. Rakabetsera kupinza vamwe vaimbi vakazodzwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe