RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • re chits. 16 pp. 89-99
  • Vatasvi Vamabhiza Vana Vari Kugagadika!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vatasvi Vamabhiza Vana Vari Kugagadika!
  • Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Bhiza Jena Nomutasvi Waro Akatanhamara
  • Kubuda Kundokurira
  • Onai Bhiza Dzvuku!
  • Bhiza Dema Rinobuda
  • Bhiza Rakachenuruka Nomutasvi Waro
  • Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Ndiani Anokonzera Hondo Uye Kutambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zviri Mubhuku raZvakazarurwa
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Nei Uchifanira Kuziva Vatasvi 4 Vemabhiza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
Ona Zvimwe
Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
re chits. 16 pp. 89-99

Ganhuro 16

Vatasvi Vamabhiza Vana Vari Kugagadika!

Chiono 3—Zvakazarurwa 6:1-17

Musoro: Kutasva kwavarume vana vamabhiza, zvapupu zvakaurairwa kutendeka zviri pasi peatari, nezuva guru rokutsamwa

Nguva yezadziko: Inobva muna 1914 kusvikira kuruparadziko rwetsika ino yezvinhu

1. Ko Jehovha anowadzanyurira sei Johane zviri mukati momupumburu wamanyoro unofadza uyo Jesu anonamanura?

MUZUVA rino renjodzi, hatizati tichifarira zvikuru here “zvinhu zvinofanira kuitika nokukurumidza”? Zvamazvirokwazvo tinodaro, nokuti isu timene tinobatanidzwa! Naizvozvo zvino ngativei pamwe chete naJohane apo Jesu anopfuurira kuzarura mupumburu wamanyoro iwowo unonyandura. Nomutoo wakatanhamara, Johane haazati achifanira kuurava. Anoregerereiko? Nokuti zviri mukati mawo zvinopiwa kwaari “muzviratidzo” kupfurikidza nenhevedzano yezviono zvine simba, zvizere nezviito.—Zvakazarurwa 1:1, 10.

2. (a) Ko Johane anoonei nokunzwa, uye chitarisiko chekerubhi chinokarakadzirei? (b) Ko murairo wekerubhi rokutanga unotaurirwa kunaani, uye neiko uchipindura kudaro?

2 Teerera kuna Johane apo Jesu anonamanura chisimbiso chokutanga chomupumburu wamanyoro: “Ipapo ini ndakaona apo Gwayana rakanamanura chimwe chezvisimbiso zvinomwe, uye ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichitaura nenzwi guru serokutinhira chichiti: ‘Uya!’” (Zvakazarurwa 6:1) Iri inzwi rekerubhi rokutanga. Chitarisiko charo chakafanana necheshumba chaizokarakadzira kuna Johane kuti sangano raJehovha richaita noushingi mukuita marutongeso Ake akarurama. Uye murairo iwowo unotaurirwa kunaani? Hakuzati kwaigona kuva kuna Johane, nokuti Johane akanga atokokerwa kuzogoverana mune izvi zvinoitika zvouporofita. (Zvakazarurwa 4:1) Irero “inzwi serokutinhira” riri kudanira vamwe vatori rutivi mune yokutanga yenhevedzano dzezvinoitika zvina zvinonyandura.

Bhiza Jena Nomutasvi Waro Akatanhamara

3. (a) Ko zvino Johane anorondedzerei? (b) Mutsinhirano nefananidziro yeBhaibheri, bhiza jena rinofanira kufananidzirei?

3 Johane, uye boka raJohane rinoshingaira pamwe naye neshamwari dzanhasi, akaropafadzwa kuona chinoitika chinofamba nokukurumidza! Johane anoti: “Uye ini ndakaona, uye tarira! bhiza jena; uye uyo akanga agere pamusoro paro akanga ane uta; uye akapiwa korona, uye iye akabuda achikunda nokupedzisa rukundo rwake.” (Zvakazarurwa 6:2) Hungu, mukupindura “Uya!” iyeyo anotinhira bhiza jena rinopfuura nokukurumidza. MuBhaibheri, bhiza rinowanzofananidzira hondo. (Pisarema 20:7; Zvirevo 21:31; Isaya 31:1) Iri bhiza, sezvinobvira mukono wakaisvonaka, unon’animira norucheno runoratidzira utsvene husina kusvibiswa. (Enzanisa naZvakazarurwa 1:14; 4:4; 7:9; 20:11.) Haiwa kwakaisvokodzera sei ikoku, nokuti iro rinoratidzira hondo iri yakachena neyakarurama mukuona kutsvene kwaJehovha!—Onawo Zvakazarurwa 19:11, 14.

4. Ko ndiani Mutasvi webhiza jena? Tsanangura.

4 Ndianiko ari mutasvi weiri bhiza? Iye ane uta, chombo chinodenha chehondo, asi iye anopiwawo korona. Vakarurama bedzi vanoonwa vakapfeka korona muzuva raShe ndiJesu neboka rinomirirwa navakuru vane 24. (Dhanieri 7:13, 14, 27; Ruka 1:31-33; Zvakazarurwa 4:4, 10; 14:14)a Hakuzati kuchibvira kuti mutezo weboka wavakuru vane 24 ungafananidzirwa sounogamuchira korona pafanirwo yawo umene. Nokuda kwechikonzero ichecho, uyu mutasvi webhiza ari oga bedzi anofanira kuva Jesu Kristu uye hapana mumwe. Johane anomuona ari mudenga panhambo yenhau muna 1914 apo Jehovha anozivisa kuti, “Ini, kunyange ini, ndakagadza mambo wangu,” uye anomuudza kuti kuri nokuda kwedonzo “kuti ini ndigopa marudzi senhaka yako.” (Pisarema 2:6-8)b Nokudaro, mukunamanura chisimbiso chokutanga Jesu anowadzanyura kuti iye amene, saMambo achangobva kugadzwa, anobuda sei nokukurumidza kundorwa panguva yakagadzwa yaMwari.

5. Ko wezvamapisarema anorondedzera sei Mutasvi nenzira yakafanana naZvakazarurwa 6:2?

5 Ichi chinoitika chinotsinhirana nomutoo wakaisvonaka nePisarema 45:4-7, rakataurirwa kuna Mambo akagadzwa pachigaro choumambo naJehovha, kuti: “Uye muukomba hwenyu pfuurirai murubudiriro; tasvai munzira yezvokwadi nokuzvininipisa nokururama, uye ruoko rwenyu rworudyi ruchakuraidzai muzvinhu zvinotyisa. Miseve yenyu inopinza—marudzi anopfuurira kuwira pasi penyu—mumwoyo wavavengi vamambo. Mwari ndicho chigaro chenyu choumambo kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi; tsvimbo youmambo hwenyu itsvimbo yokururama. Imi makada kururama uye makavenga uipi. Ndokusaka Mwari, Mwari wenyu, akakuzodzai namafuta okufara kupfuura shamwari dzenyu.” Zvaaiva akarovedzana nerondedzero iyoyo youporofita, Johane aizonzwisisa kuti inoshanda kumubato waJesu saMambo.—Enzanisa naVaHebheru 1:1, 2, 8, 9.

Kubuda Kundokurira

6. (a) Neiko Mutasvi achifanira kubuda achikurira? (b) Ko kutasva kworukundo kunopfuurira nomumakore api?

6 Kunyange zvazvo zvakadaro, neiko Mambo achangobva kugadzwa achifanira kutasva kuti andorwa? Imhaka yokuti umambo hwake hunogadzwa mukunangana nechishoro chakakasharara chinobva kumuvengi mukuru waJehovha, Satani Dhiabhorosi, naavo vari pasi avo—nomutoo wokuziva kana kuti nomutoo wokusaziva—vanobatira madonzo aSatani. Kuberekwa kwoUmambo iko kumene kunoda hondo huru mudenga. Achirwa pasi pezita rokuti Mikaeri (rinoreva kuti “Ndianiko Akafanana naMwari?”), Jesu anokunda Satani namadhemoni ake ndokuakandira kupasi. (Zvakazarurwa 12:7-12) Kutasva kwaJesu kworukundo kunopfuurira nomumakumi amakore okutanga ezuva raShe apo vanhu vakafanana namakwai vari kuunganidzirwa. Kunyange zvazvo nyika yose ichiri “musimba rowakaipa,” Jesu nomutoo worudo anopfuurira kufudza hama dzake dzakazodzwa neshamwari dzadzo, achibetsera mumwe nomumwe kuwana rukundo rwokutenda.—1 Johane 5:19.

7. Ko Jesu akaita rukundoi pasi pano mumakumi amakore okutanga ezuva raShe, uye chii chinofanira kuva kutsunga kwedu?

7 Ndikumwe kukundai kwakaitwa naJesu mukati mamakore 90 neanopfuura akapfuura ezuva raShe? Kupote mburumbwa yose, munhu mumwe nomumwe uye seungano, vanhu vaJehovha vakatambura matambudziko mazhinji, dzvinyiriro, uye zvitambudzo, zvakafanana nezvezvo zvakarondedzerwa nomuapostora Pauro mukupa chibvumikiso choushumiri hwake. (2 VaKorinte 11:23-28) Zvapupu zvaJehovha zvakada “simba rinopfuura renguva dzose,” zvikurukuru munzvimbo dzehondo nedzamasimba masimba, kuti zvigotsungirira. (2 VaKorinte 4:7) Asi kunyange mumigariro inoisvotambudza, Zvapupu zvakatendeka zvave zvichikwanisa kutaura sezvakaita Pauro, kuti: “Ishe akamira pedyo neni ndokundisimbisa kuti kuparidzira kungoitwa zvizere kupfurikidza neni.” (2 Timotio 4:17) Hungu, Jesu akakunda nokuda kwazvo. Uye iye achapfuurira kubuda achikurira nokuda kwedu, chero isu takatsunga kupedzisa rukundo rwedu rwokutenda.—1 Johane 5:4.

8, 9. (a) Ko ungano yemburumbwa yose yeZvapupu zvaJehovha yakagoverana mukukundai? (b) Ko wedzero yeZvapupu zvaJehovha yave yakatanhamara zvechokwadi kupi?

8 Ungano yemburumbwa yose yeZvapupu zvaJehovha yakagoverana murukundo ruzhinji mukutungamirira kwaMambo wayo anokunda. Nomutoo wakatanhamara, iye akataviridzira ava Vadzidzi veBhaibheri pakuparadzwa muna 1918, apo ivo vamene vaka‘kundwa’ kwechinguvana nesangano rezvamatongerwe enyika raSatani. Zvisinei, muna 1919 iye akaguranya mipiringidzo yetorongo kuti avasunungure, uye ipapo akavasimbaradza kuparidzira mashoko akanaka “kurutivi rwuri kuresa rwapasi.”—Zvakazarurwa 13:7; Mabasa 1:8.

9 Pamberi nomukati meHondo yeNyika II, masimba oushushi eAxis akaedza kuparadzanya Zvapupu zvaJehovha munyika zhinji umo vatungamiriri vorudzidziso, zvikurukuru vaya vedare ravafundisi reRoma Katurike, vakapa tsigiro yapamhene kana kuti yapachivande kuvashushi vanodzvinyirira. Asi Zvapupu 71 509 zvakanga zvichiparidzira apo hondo yakatanga muna 1939 zvakava 141 606 pakuzosvika pakupera kwayo muna 1945, kunyange zvazvo vanopfuura 10 000 vakanga vapedzera makore akawanda mutorongo nomumisasa yechibharo, uye vanenge 2 000 vakanga vaurawa. Chiverengero cheZvapupu zvinoshingaira mupasi rose chakafutunukira kukupfuura mamiriyoni matanhatu nhasi. Wedzero yave yakatanhamara munyika dzechiKaturike nomunyika umo zvitambudzo zvakanga zvakaisvokasharara—dzakadai seGermany, Italy, uye Japan, umo Zvapupu zviri kushuma vashumiri vomumunda vanoshingaira vanopfuura 600 000.—Isaya 54:17; Jeremia 1:17-19.

10. Ko Mambo anokunda akakomborera vanhu vake namarukundoi norukundo “mukudzivirira nokusimbisa pamutemo mashoko akanaka”?

10 Mambo wedu anokunda akakomborerawo vanhu vake vanoshingaira kupfurikidza nokuvatungamirira murukundo ruzhinji “mukudzivirira nokusimbisa pamutemo mashoko akanaka” mumatare omutemo napamberi pavabati. (VaFiripi 1:7; Mateo 10:18; 24:9) Ikoku kwave kuri pamwero wamarudzi ose—muAustralia, Argentina, Canada, Greece, India, Swaziland, Switzerland, Turkey, uye dzimwe nyika. Pakati pamarukundo apamutemo ane 50 akawanwa neZvapupu zvaJehovha muDare Rapamusoro reUnited States pave pana awo anosimbisira maruramiro okuzivisa mashoko akanaka “pamhene napaimba neimba” uye kurega zvinoitika zvokunamata mifananidzo zvokuzvipira kunyika yokwako. (Mabasa 5:42; 20:20; 1 VaKorinte 10:14) Nokudaro, nzira yave ichiitwa kuti irambe yakazaruka nokuda kwouchapupu hunofutunuka hwemburumbwa yose.

11. (a) Ko Mutasvi ano“pedza rukundo rwake” sei? (b) Ko kunamanurwa kwechisimbiso chechipiri, chechitatu, nechechina kunofanira kuva netapuroi patiri?

11 Ko Jesu ano“pedzisa rukundo rwake” sei?c Iye anoita ikoku, sezvatichaona, kupfurikidza nokubvisa rudzidziso rwenhema dzokonokei kwakukandira rutivi rwuri rwose rwechisaririra chesangano rinooneka raSatani mu“dziva romwoto” rokufananidzira roruparadziko, murevererwo youchangamire hwaJehovha. Nomutoo wechivimbo, isu zvino tinokarira zuva irero paArmagedhoni apo “Mambo wamadzimambo” wedu achawana rukundo rwokupedzisira pasangano rinodzvinyirira rezvamatongerwe enyika raSatani! (Zvakazarurwa 16:16; 17:14; 19:2, 14-21; Ezekieri 25:17) Kuri zvino, Mukundi asingakundiki ari pabhiza jena anopfuurira kutasva apo Jehovha anopfuurira kuwedzera vane mwoyo yakatendeseka kurudzi Rwake rwakarurama pasi pano. (Isaya 26:2; 60:22) Ko iwe uri kugoverana neboka rakazodzwa raJohane mufutunuko iyoyo inofadza yoUmambo here? Mune chinoitika ichecho, icho muapostora Johane anoona apo zvisimbiso zvinotevera zvitatu zvinonamanurwa pasina panikiro zvichakunyandurira kukuva kunyange negoverano huru zvikuru mubasa raJehovha nokuda kwezuva rino.

Onai Bhiza Dzvuku!

12. Ko Jesu akati chii chaizoratidzira kuvapo kwake kusingaoneki saMambo?

12 Kunenge kumugumo woushumiri hwaJesu pasi pano, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga, kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Mukupindura, iye akadeya kuzivisa ngwavaira dzaizova “mavambo amarwadzo enhamo.” Jesu akati: “Rudzi ruchamukirana norudzi, noumambo huchamukira umambo; uye kuchava nokudengenyeka kwapasi kukuru, uye munzvimbo imwe neimwe nhenda nokuperevedza kwezvokudya; uye kuchava nezviono zvinotyisa uye zviratidzo zvikuru zvinobva kudenga.” (Mateo 24:3, 7, 8; Ruka 21:10, 11) Zvinhu zvinoona Johane apo zvisimbiso zvasara zvomupumburu wamanyoro zvinonamanurwa zvinogovera enzanirano yakatanhamara kuuporofita ihwohwo. Ona zvino sezvo Jesu akapiwa mbiri anonamanura chisimbiso chechipiri!

13. Musianoi wodokuva unooneka kuna Johane?

13 “Uye apo akazarura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti: ‘Uya!’” (Zvakazarurwa 6:3) Ikerubhi rechipiri, rine chitarisiko chenzombe, rinobudisa murairo. Simba ndiro vara rinofananidzirwa pano, asi simba rinoshandiswa nomutoo wakarurama. Mukusiyana, kunyange zvazvo zvakadaro, Johane zvino achaona ratidzirwo yesimba rinotyisa, rinouraya.

14. Ko Johane anoonazve bhizai nomutasvi, uye ichi chiono chinofananidzirei?

14 Ipapoka, ko uku kushevedza kwechipiri kwokuti “Uya!” kunopindurwa sei? Nenzira iyi: “Ipapo rimwe bhiza rakabuda, dzvuku; uye uyo akanga agere pamusoro paro akapiwa kubvisa rugare papasi kuti vagourayana; uye akapiwa munondo mukuru.” (Zvakazarurwa 6:4) Haiwa chiono chinotyisa zvamazvirokwazvo! Uye hapana panikiro pamusoro peicho chinofananidzira: hondo! Haizati iri hondo yakarurama, yorukundo yaMambo anokunda waJehovha asi hondo youtsinye, inoitwa nomunhu, yamarudzi ose ine kuteurwa kweropa namarwadzo zvisingadiwi. Haiwa kwakakodzera sei kuti uyu mutasvi akatasva bhiza dzvuku!

15. Neiko tisati tichifanira kuda rutivi rwokutasva kwomurume webhiza rechipiri?

15 Zvamazvirokwazvo, Johane haazati aizoda kugoverana nouyu mutasvi webhiza nokutasva kwake kwokukurumidza, nokuti kwakanga kwadeya kuporofitwa pamusoro pavanhu vaMwari, kuti: “Havazati vachizodzidzirazve hondo.” (Isaya 2:4) Kunyange zvazvo vachiri “munyika,” Johane uye, pamwe chete, neboka raJohane neboka guru nhasi hava“zati vari rutivi” rwetsika ino yakashatswa neropa. Zvombo zvedu ndezvomudzimu uye “zvine simba kupfurikidza naMwari” nokuda kwokuparidzira nokushingaira zvokwadi, panzvimbo pehondo yokunyama.—Johane 17:11, 14; 2 VaKorinte 10:3, 4.

16. Ko mutasvi webhiza dzvuku akapiwa “munondo mukuru” rini uye sei?

16 Kwakanga kwave kune hondo zhinji pamberi pa1914, gore apo Mutasvi webhiza jena akagamuchira korona yake. Asi zvino mutasvi webhiza dzvuku anopiwa “munondo mukuru.” Ikoku kunoratidzirei? Nokutanga kweHondo yeNyika I, hondo yavanhu inova inoteura ropa zvikuru, inoparadza zvikuru kupfuura nakare kwose. Mukati ma1914-18 kuuraya kuno mwero mukuru, matangi ehondo, magasi ane chepfu, ndege, ngarava dzinoita chamunyurududu, nganunu hombe, uye zvigwagwa zvakashandiswa kwenguva yokutanga kana kuti zvimwe pamwero usingaenzanisirwi. Marudzi 28, zviverengero zvose zvavagari vapasi, kwete bedzi varwi vakadzidzira hondo, vakagombedzerwa kupinda munhamburiko yehondo. Vakuvadzwi vaityisa zvikuru. Vanopfuura varwi vana mamiriyoni mapfumbamwe vakaurawa, uye vakakuvadzwa vasiri varwi vaiva vazhinji-zhinji. Kunyange nokupera kwehondo, pakanga pasina kudzokera kurugare chairwoirwo pasi pano. Anopfuura makore 50 pashure pehondo iyeyo, mukuru mukuru wehurumende weGermany Konrad Adenauer akatsinhira, kuti: “Chengeteko norunyararo zvakanyangarika paupenyu hwavanhu chifo cha1914.” Zvamazvirokwazvo, kubvisa rugare papasi kwakapiwa kumutasvi webhiza dzvuku!

17. Ko kushandiswa kwo“munondo mukuru” kwakapfuurira sei, pashure peHondo yeNyika I?

17 Ipapo, nokudisa kwake kuteura ropa kwakakuchidzirwa, mutasvi webhiza dzvuku akapinda muHondo yeNyika II. Midziyo yokuuraya yakatova inotyisa zvikuru, uye vakakuvadzwa vakawedzera nakana kupinda avo veHondo yeNyika I. Muna 1945 mabhomba maviri eatomu akaputikira paJapan, rimwe nerimwe richiparadzanya—kamwe kamwe—makumi ezviuru zvavakaurawa. Mukati mehondo yechipiri yenyika, mutasvi webhiza dzvuku akacheka chibereko chihombe choupenyu hwamamiriyoni ane 55, uye kunyange kwakanga kwakadaro akanga asina kugutsikana. Kunoshumwa nomutoo wakavimbika kuti mweya inopfuura chaizvo mamiriyoni 20 yakaurawa no“munondo mukuru” chifo cheHondo yeNyika II.

18, 19. (a) Panzvimbo pokuva kwarwo rukundo nokuda kworuzivo rwokugadzirwa kwezvinhu zvehondo, ko kuuraya chifo cheHondo yeNyika II chipupuriro cheidii? (b) Inhamoi yanangana navanhu, asika Mutasvi webhiza jena achaitei kuidzivisa?

18 Tinogona here kudana ikoku kuti rukundo nokuda kworuzivo rwokugadzirwa kwezvinhu zvehondo? Panzvimbo pakwo, chipupuriro chokuti bhiza dzvuku risina ngoni riri kugagadika. Uye kugagadika ikoku kuchagumira kupi? Vezvesaenzi vanotaura kuti hondo yenyukireya ingangoitika netsaona—ndoda kuparadzanya kwenyukireya kwakarongedzerwa! Asika nomufaro Mutasvi anokunda webhiza jena ane mimwe mifungo pamusoro paikoku.

19 Chero bedzi nzanga yakavakirwa parudado noruvengo zvourudzi, vanhu vanofanira kupfuurira kugara pamusoro pefachi rengozi yenyukireya. Kunyange kana marudzi, mukupererwa nezano rose zvaro, akabvisa simba rose renyukireya, iwo angachengeta ruzivo rwokuitwa kwaro. Nokukurumidza, angaitazve zvombo zvawo zvinouraya zvenyukireya; nokudaro, hondo ipi neipi ine zvombo zvekare ingakurumidza kuwedzera mukuva inoparadzanya. Rudado noruvengo zvinomonzvera marudzi nhasi zvinofanira kuparira kuzviuraya kwavanhu, kutoti—ah, hungu, Mutasvi webhiza jena akapinganidza kugagadika kwoupengo kwebhiza dzvuku. Ngativei nechivimbo chokuti Kristu Mambo achatasva, kwose kuri kuviri kupedzisa rukundo rwake panyika inodzorwa naSatani uye kugadza chaunga chitsva chapasi chakavakirwa parudo—rudo rwaMwari nomuvakidzani—simba rorugare rukurusa, rinopfuura zvikurusa kukandwa pasi kwezvombo zvenyukireya kusina kutsarukana kwomunguva dzedu dzoupengo.—Pisarema 37:9-11; Marko 12:29-31; Zvakazarurwa 21:1-5.

Bhiza Dema Rinobuda

20. Isimbisiroi yatinayo yokuti Mutasvi webhiza jena achagonana nomugariro upi noupi wengwavaira?

20 Jesu zvino anonamanura chisimbiso chechitatu! Johane, unooneiko? “Uye apo iye akanamanura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti: ‘Uya!’” (Zvakazarurwa 6:5a) Nomufaro, iri kerubhi rechitatu “rine chiso chakafanana nechomunhu,” kuratidzira vara rorudo. Rudo rune nheyo ruchawanda munyika itsva, kungofanana nevara riya rakaisvonaka rinotekeshera sangano rose raJehovha nhasi. (Zvakazarurwa 4:7; 1 Johane 4:16) Tinogona kuva nechokwadi chokuti Mutasvi webhiza jena, uyo ano“fanira kubata ushe saMambo kutozosvikira Mwari aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake,” norudo achabvisa mugariro une ngwavaira unovigirwazve kukunzvera kwaJohane.—1 VaKorinte 15:25.

21. (a) Chii chinofananidzirwa nebhiza dema nomutasvi waro? (b) Chii chinobvumikisa kuti bhiza dema richiri kumhanya?

21 Johane anooneiko, ipapo, apo kushevedza kwechitatu kwokuti “Uya!” kunopindurwa? “Ipapo ndakaona, uye, tarira! bhiza dema; uye uyo akanga agere pamusoro paro akanga aine zviyereso zviviri muruoko rwake.” (Zvakazarurwa 6:5b) Inzara yakakomba! Irero ishoko rinotyisa reichi chiono chouporofita. Rinonongedzera mberi kumigariro mukuvamba mezuva raShe apo zvokudya zvinofanira kugoverwa kupfurikidza nezviyereso. Chifo cha1914 nzara yave iri chinetso chinopfuurira chenyika yose. Hondo yazvino uno inoteverwa nenzara, nokuti pfuma dzinowanzoshandiswa mukudyisa vane nzara dzinowanzotsausirwa kukugovera zvombo zvehondo. Vashandi vomumapurazi vanonyoreswa ndokuendeswa kuhondo, uye minda yakakuvadzwa nehondo nemiitiro yapasi rakabvuraudzwa inodzivisa kugadzirwa kwezvokudya. Haiwa ikoku kwakanga kuri kwechokwadi sei muhondo yokutanga yenyika, apo mamiriyoni akatambura nenzara ndokufa! Zvakare, mutasvi webhiza dema renzara haana kurega pakuguma kwehondoyo. Muma1930, mamiriyoni mashanu akapararira munzara imwe bedzi muUkraine. Hondo yenyika yechipiri yakateverwa neperevedzo dzezvokudya dzakawanda zvikuru nenzara. Bhiza dema zvarakapfuuridzira kugagadika kwaro, Dare reNyika reZvokudya rakashuma mukati ma1987 kuti vanhu vana mamiriyoni 512 vakanga vachirumwa nenzara uye kuti vana vane 40 000 vanofa nezvisakiso zvine chokuita nenzara zuva riri rose.

22. (a) Ko inzwi rinotii, richiratidzira chinodikanwai? (b) Chii chinoratidzirwa nomutengo wechiyero chimwe chezvina chegorosi nezviyero zvitatu zvezvina zvebhari?

22 Johane ane zvakawanda zvokutiudza! “Ipapo ndakanzwa inzwi sokunge kuti riri pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti: ‘Chiyero chimwe chezvina chegorosi nokuda kwedhenari, uye zviyero zvitatu zvezvina zvebhari nokuda kwedhenari; uye usashatsa mafuta omuorivhi newaini.’” (Zvakazarurwa 6:6) Makerubhi ose mana akabatana mukuratidzira chinodikanwa chokusanorinda migove yezvokudya—sezvo vanhu vaitofanira “kudya zvokudya kupfurikidza nechiyereso uye kupfurikidza nokuitira hanya kwokutya” pamberi poruparadziko rweJerusarema muna 607 B.C.E. (Ezekieri 4:16) Munguva yaJohane, chiyero chimwe chezvina chegorosi chairangarirwa kuva mugove wezuva nezuva nokuda kwomurwi. Ko mugove wakadaro waizoita marii? Dhenari rimwe—muripo wezuva rose! (Mateo 20:2)d Zvakadiniko kana munhu akanga ane mhuri? Hekani waro, iye aigona kutenga zviyero zvitatu zvezvina zvebhari risina kudzvurwa panzvimbo paro. Kunyange iwawo aizodyiwa bedzi nemhuri duku. Uye bhari yakanga isingarangarirwi sezvokudya zvine vara rakanaka rakadai seregorosi.

23. Chii chinoratidzirwa nokutaura kwokuti, “Usashatsa mafuta omuorivhi newaini”?

23 Chii chinoratidzirwa nokutaura kwokuti, “Usashatsa mafuta omuorivhi newaini”? Vamwe vakakurangarira sokunoreva kuti kunyange vazhinji vaizoperevedzerwa nezvokudya uye kunyange kurumwa nenzara, maguta avapfumi haazati aizoshatswa. Asika muMiddle East, mafuta newaini hazvizati zviri chaizvoizvo maguta. Munguva dzeBhaibheri, chingwa, mafuta, newaini zvairangarirwa sezvokudya zvenguva dzose. (Enzanisa naGenesi 14:18; Pisarema 104:14, 15.) Mvura nguva dzose yakanga isina kunaka, naizvozvo waini yaishandiswa zvakafara nokuda kwokunwa uye padzimwe nguva nokuda kwamadonzo okurapa. (1 Timotio 5:23) Pamusoro pamafuta, muzuva raEria chirikadzi yeZarefati, zvayakanga iri murombo, yakanga ichine mafuta akati kuti asara okubika nawo hupfu hwayo hwakamotseka hwasara. (1 Madzimambo 17:12) Naizvozvo, murairo wo“kusashatsa mafuta omuorivhi newaini” unoratidzira kuva pangiro yokusanyanyokurumidza kupambadza zvinhu izvi zvikuru nokukurumidza zvikuru asi kuva vane rutsuta mukushandisa kwavo. Kukasanzarwo, izvo zvicha‘shatswa,’ ndiko kuti, zvaizopera nzara isati yaguma.

24. Neiko bhiza dema risati richizopfuuridzira kugagadika kwaro kwenguva refu zvikuru?

24 Haiwa tinogona kuva vanofara sei kuti Mutasvi webhiza jena nokukurumidza achadzora bhiza dema irero rinogagadika! Nokuti kwakanyorwa pamusoro pegadziriro Yake yorudo nokuda kwenyika itsva, kuti: “Mumazuva ake wakarurama uchakura, uye kuwanda kworugare kutozosvikira mwedzi usati uchasitongoripozve. . . . Kuchava nezviyo zvakawanda pamusoro papasi; pamusoro pamakomo pachava namafashafasha.”—Pisarema 72:7, 16; onawo Isaya 25:6-8.

Bhiza Rakachenuruka Nomutasvi Waro

25. Apo Jesu anonamanura chisimbiso chechina, Johane anonzwa inzwi raani, uye ikoku kunoratidzirei?

25 Nhau ichigere kuziviswa chose chose. Jesu anonamanura chisimbiso chechina, uye Johane anotiudza muuyo wacho, achiti: “Uye apo iye akanamanura chisimbiso chechina, uye ini ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti: ‘Uya!’” (Zvakazarurwa 6:7) Iri inzwi rekerubhi rakatodzana negondo rinobhururuka. Uchenjeri hunoona zviri kure hunoratidzirwa, uye zvamazvirokwazvo Johane, boka raJohane, navabatiri vamwe vose vapasi vaMwari vaida kucherekedza ndokuita chiito nouchenjeri nokuda kwechiri kuratidzirwa pano. Tichiita kudaro, tingawana mwero wetaviridziro pazvitambudzo zvinonetsa vakachenjera venyika vechizvarwa chinodada, choutere chanhasi.—1 VaKorinte 1:20, 21.

26. (a) Ndianiko ari mutasvi webhiza wechina, uye neiko ruvara rwebhiza rake rwakakodzera? (b) Ndianiko anotevera mutasvi webhiza wechina, uye chii chinoitika kuna vakaurawa vake?

26 Ndizvinotyisai zvitsva zvinosunungurwa, ipapo, apo mutasvi webhiza wechina anodavidza kukushevedza? Johane anotiudza, kuti: “Ipapo ini ndakaona, uye, tarira! bhiza rakachenuruka; uye uyo agere pamusoro paro akanga ane zita rinonzi Rufu. Uye Hadhesi rakanga richisanomutevera.” (Zvakazarurwa 6:8a) Mutasvi webhiza rokupedzisira ane zita rinonzi: Rufu. Ndiye oga bedzi wavatasvi vana vamabhiza vaApocalypse kuzivisa kuzivikanwa kwake nomutoo wakananga zvikuru. Nomutoo wakakodzera, Rufu runotasva bhiza rakacheneruka, sezvo shoko rokuti kucheneruka (chiGiriki, khlo·rosʹ) richishandiswa mumabhuku echiGiriki kurondedzera zviso zvakacheneruka, sokunge kuti kupfurikidza nehosha. Nomutoo wakakodzerawo, Rufu runosanoteverwa neHadhesi (guva) nomutoo wakati usingarondedzereki, sezvo Hadhesi iyo imene ichigamuchira chiverengero chikuru zvikuru chaavo vanourawa nezvinoparadza zvomurume akatasva bhiza rechina. Nomufaro, kuchava norumuko nokuda kwaivava, apo ‘rufu neHadhesi zvinobudisa avo vakafa vari mazviri.’ (Zvakazarurwa 20:13) Asika Rufu runowana sei vanourawa ivavo?

27. (a) Ko mutasvi anonzi Rufu anowana sei vanourawa vake? (b) Chii chinorehwa no“rutivi rwechina rwapasi” urwo Rufu rune simba pamusoro parwo?

27 Chionocho chinodudza dzimwe dzenzira: “Ipapo ivo vakapiwa chiremera pamusoro porutivi rwechina rwapasi, kuuraya nomunondo murefu uye neperevedzo yezvokudya uye nedenda rinouraya uye kupfurikidza nezvikara zvapasi.” (Zvakazarurwa 6:8b) Haruzati harwo ruri rutivi rwamativi mana rwechiverengero chavagari vapasi asi chikamu chikuru chapasi, chingava chinogarwa nomutoo wakatsikinyidzana kana kuti wakataramukana, chaizotapurwa nouku kutasva. Uyu murume akatasva bhiza anowana vanourawa nomunondo mukuru womurume wechipiri akatasva bhiza, nzara neperevedzo dzezvokudya dzewechitatu. Iye anowanawo vazhinji vake amene, mudenda rinouraya uyewo vazhinji mukudengenyeka kwapasi, sezvinorondedzerwa muna Ruka 21:10, 11.

28. (a) Ko pave pane zadziko sei youporofita pamusoro pe“denda rinouraya”? (b) Ko vanhu vaJehovha vave vachitaviridzirwa sei pahosha zhinji nhasi?

28 Roukoshi hwazvino uno pano ndiro “denda rinouraya.” Pashure pokuparadzanya kweHondo yeNyika I, murakatira weSpania wakawana hunopfuura upenyu hwavanhu huna mamiriyoni ane 20 mumwedzi mishomanene bedzi ya1918-19. Nzvimbo bedzi pasi pano yakapukunyuka iri denda yakanga iri chitsuwa chiduku cheSt. Helena. Munzvimbo umo zviverengero zvavagari vapasi zvakaurawa muuhwandu, mirwi yehuni dzamariro yaitungidzwa mwoto kupisa mirwi yezvitunha. Uye nhasi kune kupararira kwedenda rinotyisa rehosha yomwoyo negomarara, uzhinji hwaro hunoparirwa nokushatisa kwefodya. Mune akarondedzerwa sa“makore gumi akashata” omuma1980, nzira youpenyu iri yokusateerera mutemo pamipimo yeBhaibheri yakawedzera denda reAIDS ku“denda rinouraya.” Mugore ra2000, chiremba mukuru wokuvhiya wokuUnited States anonzi akati AIDS “zvimwe ndiyo mukondombera wakaipisisa wati wamboitika munyika.” Akati mamiriyoni 52 evanhu pasi pose akanga abatwa neHIV/AIDS, uye mamiriyoni 20 avo akanga afa. Haiwa vanhu vaJehovha vanoonga sei kuti zano rokuchenjera reShoko rake rinovadzivirira paufeve nokushandiswa zvisino kufanira kweropa, uko hosha zhinji zvikuru kwazvo dzinopfuudzirwa nhasi kupfurikidza nakwo!—Mabasa 15:28, 29; enzanisa na1 VaKorinte 6:9-11.

29, 30. (a) Kushandai kungava ne“zviito zvina zvakaipa” zvaEzekieri 14:21 nhasi? (b) Ko tinganzwisisei ne“zvikara” zvaZvakazarurwa 6:8? (c) Chii chinoratidzika kuva pfundo guru rechiono chouporofita?

29 Chiono chaJohane chinodudza zvikara sechisakiso chechina chorufu rwapamberi penguva. Zvamazvirokwazvo, zvinhu zvina zvinoratidzirwa nokunamanurwa kwechisimbiso chechina—hondo, nzara, hosha nezvikara—munguva dzekare zvairangarirwa sezvisakiso zvakatanhamara zvorufu rwapamberi penguva. Naizvozvo zvaizodeya kufananidzira zvisakiso zvose zvorufu rwapamberi penguva nhasi. Kuri seizvo Jehovha akanyevera Israeri, kuti: “Saizvozvowo, kuchaitika apo kuchava nezviito zvangu zvina zvakaipa zvorutongeso—munondo nenzara nezvikara zvakaipa uye nhenda—zvandichatumira zvamazvirokwazvo paJerusarema kuti ndiparadze mariri munhu wapasi nechipfuyo.”—Ezekieri 14:21.

30 Rufu runoparirwa nezvikara rwave rusingawanzokuita misoro mikuru yamapepanhau munguva dzazvino uno, kunyange zvazvo munyika dziri kumusoro dzinopisa zvikara nomutoo wakatsiga zvakauraya vanhu. Munguva yemberi, zvingaparadza kunyange vanopfuura kana nyika dzikava matongo nokuda kwehondo kana kuti vanhu vanonyanyova vanoziya nenzara zvokusagona kurwisa zvikara zvine nzara. Mukuwedzera, kuna vanhu vazhinji nhasi avo, semhuka dzisino mufungo, vanoratidzira zvimiro zvendangariro zvezvikara mukupesana zvikuru nezvinorondedzerwa pana Isaya 11:6-9. Ava vanhu vanoparira zvikurukuru futunuko yemburumbwa yose youbhinya hune chokuita nevatano, kuponda, kuvhundutsira, nokubhomba nyika yazvino uno. (Enzanisa naEzekieri 21:31; VaRoma 1:28-31; 2 Petro 2:12.) Mutasvi wechina webhiza anowanawo vanyajambwa vawo. Zvamazvirokwazvo, pfundo guru rechiono chouporofita uhwu rinoratidzika kuva rokuti mutasvi webhiza rakachenuruka anowana rufu rwapamberi penguva rwavanhu munzira dzakawanda.

31. Pasinei hapo nokuparadza kwakaparirwa nomutasvi webhiza dzvuku, dema, rakachenuruka, neiko tingava vanokurudzirwa?

31 Shoko rakawadzanyurwa nokunamanurwa kwezvisimbiso zvokutanga zvina rinotisimbisirazve nokuti iro rinotidzidzisa kusapererwa nezano rose zvaro pamusoro pehondo, nzara, hosha, nezvimwe zvisakiso zvorufu rwapamberi penguva zvakapararira zvikuru nhasi; uyewo hatizati tichifanira kurasikirwa netariro nemhaka yokuti vatungamiriri vohunhu vakundikana kupedza zvinetso zvazvino uno. Kana migariro yenyika ikaratidzira kuti mutasvi webhiza dzvuku, wedema, nowerakachenuruka vari kwose kwose, musakanganwa kuti Mutasvi webhiza jena akanga ari wokutanga kuvamba kutasva kwake. Jesu ava Mambo, uye akatokunda kusvikira kutambanuko yokubudisa Satani mumatenga. Kukundazve kwake kwakabatanidza kuunganidza kwake vakasarira vavanakomana vaIsraeri womudzimu neboka guru ramarudzi ose, rosvika chiverengero chamamiriyoni, nokuda kwokupukunyuka mudambudziko guru. (Zvakazarurwa 7:4, 9, 14) Kutasva kwake kunofanira kupfuurira kutozosvikira iye apedzesa rukundo rwake.

32. Chii chinoratidzira kunamanurwa kwechimwe nechimwe chezvisimbiso zvokutanga zvina?

32 Kunamanurwa kwechimwe nechimwe chezvisimbiso zvokutanga zvina kwave kuchiteverwa nokushevedza, kwokuti: “Uya!” Nguva imwe neimwe, bhiza nomutasvi waro raibuda richimhanya. Kutanga nechisimbiso chechishanu, hatizati tichanzwazve kushevedza kwakadaro. Asika vatasvi ivavo vamabhiza vachiri vakatasva, uye vachapfuurira kugagadika mumhedziso yose yetsika yezvinhu. (Enzanisa naMateo 28:20.) Ndizvimwe zvinoitikai zvinokosha zvinowadzanyurwa naJesu sezvaanonamanura zvisimbiso zvitatu zvasara? Zvimwe zvezvinoitika hazvioneki nameso ohunhu. Zvimwe, kunyange zvichioneka, zvichiri munguva yemberi. Hunyanguvezvo, zadziko yazvo ndeyechokwadi. Ngationei kuti zvii.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvisinei, cherekedza kuti “mukadzi” waZvakazarurwa 12:1 ane “korona yenyeredzi gumi nembiri” yokufananidzira.

b Nokuda kwechibvumikiso chamashoko ose oudzame chokuti Jesu akapinda muUmambo hwake muna 1914, ona mapeji 215-18 ebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

c Kunyange shanduro zhinji dzichishandura iri shoko “kukunda” (Revised Standard, The New English Bible, King James Version) kana kuti “kutsunga parukundo” (Phillips, New International Version), shandiswo yeshoko rechiito risingatsananguri rechimiro cheganhuriro pano muchiGiriki chapakuvamba rinopa mufungo wokupedza kana kuti wokugumisa. Nokuda kwechikonzero ichecho, Word Pictures in the New Testament raRobertson rinotsinhira, kuti: “Shoko rechimiro chisingatsananguri pano rinonongedzera kurukundo rwokupedzisira.”

d Ona New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.

[Bhokisi riri papeji 92]

Mambo Anotasva Mukukurira

Muma1930 nomuma1940, mauto akatsunga akaedza kukuita kuti kuratidzike sokuti ushumiri hweZvapupu zvaJehovha hwakanga husati huri hwapamutemo, hwoutsotsi, kana kuti kunyange hwokupandukira. (Pisarema 94:20) Mugore ra1936 roga bedzi, kwaiva nokusungwa kune 1 149 kwakanyorwa muUnited States. Zvapupu zvakarwisa mhaka zhinji dzapamutemo kusvikira kuDare Rapamusoro reUnited States, uye kunotevera ndikumwe kworukundo rwazvo rwakatanhamara.

Pana May 3, 1943, Dare Rapamusoro mumhaka yaMurdock v. Pennsylvania rakasarudza kuti Zvapupu zvakanga zvisingadikanirwi kuva nerezinesi kuti zvigovere mabhuku nokuda kwemari. Pazuva rimwe chetero irero, chisarudzo mumhaka yaMartin v. City of Struthers chakatsigira kuti kwakanga kusati kusi kwapamutemo kuridza mabhero apamasuo zvichingunotora rutivi mukugoverwa kwapasuo nesuo kwamahandibhiri nezvimwe zvinhu zvinozivisa.

Pana June 14, 1943, Dare Rapamusoro rakasarudza mumhaka yaTaylor v. Mississippi kuti Zvapupu hazvina kukurudzira kusavimbika kuhurumende kupfurikidza nokuparidza kwazvo. Pazuva rimwe chetero irero, muWest Virginia State Board of Education v. Barnette, Dare rakatsigira kuti mutumbi wechikoro wakanga usina maruramiro okudzinga pachikoro vana veZvapupu zvaJehovha avo vakaramba kuchingamidza mureza. Zuva rakatevera rimene, Dare Rakakwirira rizere reAustralia rakabvisa kurambidza kwenyika Zvapupu zvaJehovha, ikoku kuchiziviswa kunzi “kusatevera mutemo, kusava nomufungo nokudzvinyirira.”

[Bhokisi riri papeji 94]

“Akabvumirwa Kubvisa Rugare Papasi”

Ko ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rwuri kutungamirira kupi? The Globe and Mail, Toronto, Canada, January 22, 1987, rakashuma zvinotevera zvinobva mukutaura kwakaitwa naIvan L. Head, purezidhendi weNzvimbo yoKunzvera yeFambiro Mberi Yamarudzi Ose:

“Kunorangarirwa nomutoo unovimbika kuti mumwe munyanzvi dzesayenzi ina vari vose navezvoruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu munyika akabatikana munzverwo nomuenderero mberi mukushanda pazvombo. . . . Pamwero ya1986, ndyiko inopfuura mamiriyoni $1,5 paminiti. . . . Ko isu tose takakotsekana zvikuru somuuyo wourwu rudzi rwesimbiso yoruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu here? Matura enyukireya ana masimba makuru ane simba rinoputika rezvombo zvose zvakashandiswa navarwi vose muHondo yeNyika Yechipiri yose—nakane 6 000. Hondo dzeNyika Dzechipiri dzine zviuru zvitanhatu. Chifo cha1945, kwave kune mavhiki ari pasi pamanomwe apo nyika yave isitongorina mubato wehondo. Kwave kune dzinopfuura hondo 150 dzamarudzi ose kana kuti dzenzanga, idzo dzinorangarirwa kuve dzakauraya upenyu hunopfuura mamiriyoni 20, zhinji dzadzo somuuyo woruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rutsva runobudirira urwo rwakabudira muzera rino reChibatanwa chaMarudzi.”

Pazosvika gore ra2005, basa rechiuto rakanga raurayisa vanhu vanopfuura mamiriyoni 20.

[Bhokisi riri papeji 98, 99]

Chimiro Chebhuku raZvakazarurwa

Zvatafambira mberi kusvikira pano mukurukurirano yedu yebhuku raZvakazarurwa, tinovamba kusanoona zvakajeka chimiro chebhukuro. Pashure pesumo yaro inonyandura (Zvakazarurwa 1:1-9), Zvakazarurwa zvinogona kuva zvinorangarirwa sezvakakamuranisirwa mukuva zviono 16 sezvinotevera:

CHIONO CHECHI 1 (1:10–3:22): Johane anoona kupfurikidza nefuridziro Jesu akapiwa mbiri, uyo anotumira mashoko oushamwari ezano kuungano nomwe.

CHIONO CHECHI 2 (4:1–5:14): Chiono chakaisvonaka chechigaro choumambo chokudenga chaJehovha Mwari. Iyeyo anogamuchidza mupumburu wamanyoro kuGwayana.

CHIONO CHECHI 3 (6:1-17): Kunamanura zvisimbiso zvokutanga zvitanhatu zvomupumburu wamanyoro, Gwayana nomutoo unofambira mberi rinowadzanyura chiono chomubatanidzwa chezvinoitika zvodokuitika muzuva raShe. Varume vana vakatasva mabhiza vaApocalypse vanobuda vakatasva, varanda vakaurairwa kutendeka vaMwari vanogamuchira nguvo chena, uye zuva guru rokutsamwa rinorondedzerwa.

CHIONO CHECHI 4 (7:1-17): Ngirozi dzinodzivisa mhepo dzoruparadziko kutosvikira vane 144 000 vaIsraeri womudzimu vaiswa chisimbiso. Boka guru rinobva mumarudzi ose rinowana ruponeso runobva kuna Mwari naKristu uye rinounganidzwa nokuda kwokupukunyuka nomudambudziko guru.

CHIONO CHECHI 5 (8:1–9:21): Pakunamanurwa kwechisimbiso chechinomwe, panova nehwamanda nomwe dzinorira nenzwi guru, nhanhatu dzokutanga dzadzo dzinobatanidza chiono chechishanu. Idzi hwamanda nhanhatu dzinorira nenzwi guru dzinozivisa mashoko amarutongeso aJehovha pavanhu. Hwamanda yechishanu neyechitanhatu dzinoshumawo nhamo yokutanga neyechipiri.

CHIONO CHECHI 6 (10:1–11:19): Ngirozi ine simba inopa Johane mupumburu wamanyoro muduku, tembere inopimwa, uye tinodzidza zvinoitika zvezvapupu zviviri. Chinoguma nokuridzwa kwehwamanda yechinomwe, inonzi nhamo yechitatu, iyo inozivisa nomufaro Umambo hunouya hwaJehovha nohwaKristu wake.

CHIONO CHECHI 7 (12:1-17): Ichochi chinorondedzera kuberekwa kwoUmambo, kuchiparira kukanda kwaMikaeri nyoka, Satani, kupasi.

CHIONO CHECHI 8 (13:1-18): Chikara chine simba chinobuda mugungwa, uye chikara chine nyanga mbiri segwayana chinokuchidzira vanhu kuchinamata.

CHIONO CHECHI 9 (14:1-20): Kudeya kuonwa kwakaisvonaka kwevane 144 000 paGomo reZioni. Mashoko engirozi anonzwiwa kupote pasi, muzambiringa wapasi unochekwa, chisviniro chewaini chehasha dzaMwari chinotsikwa-tsikwa.

CHIONO CHECHI 10 (15:1–16:21): Rumwe rumbonera rwedare rokudenga, runoteverwa nokudururwa kwendiro nomwe dzehasha dzaJehovha mupasi. Ichi chikamuwo, chinoguma nokurondedzerwa kwouporofita hwomugumo wetsika yaSatani.

CHIONO CHECHI 11 (17:1-18): Hure guru, Bhabhironi Guru, rinotasva chikara chitsvuku, icho chinopinda kwechinguva mugomba rakadzika-dzika asi chinobudazve ndokuriparadzanya.

CHIONO CHECHI 12 (18:1–19:10): Kuwa noruparadziko rwokupedzisira zveBhabhironi Guru zvinoziviswa. Pashure pokuurawa kwaro, vamwe vanochema, vamwe vanorumbidza Jehovha; roorano yeGwayana inoziviswa.

CHIONO CHECHI 13 (19:11-21): Jesu anotungamirira mauto okudenga kundoita rutongeso rwehasha dzaMwari patsika yaSatani, mauto ayo, uye vatsigiri vayo, shiri dzinodya zvitunha zvavo.

CHIONO CHECHI 14 (20:1-10): Kuiswa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani Dhiabhorosi, Kutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu namadzimambo biyake, muedzo wokupedzisira wavanhu, uye ruparadziko rwaSatani namadhemoni ake.

CHIONO CHECHI 15 (20:11–21:8): Rumuko rwavose neZuva Guru roRutongeso; denga idzva nepasi idzva zvinooneka, zvine zvikomborero zvisingagumi nokuda kwavanhu vakarurama.

CHIONO CHECHI 16 (21:9–22:5): Zvakazarurwa zvinogumiswa nechiono chine mbiri cheJerusarema Idzva, mudzimai weGwayana. Gadziriro yaMwari yokuporesa uye upenyu nokuda kwavanhu zvinoyerera zvichibva muguta irero.

Zvakazarurwa zvinoguma namashoko oushamwari ekwaziso nezano zvinobva kuna Jehovha, Jesu, ngirozi, naJohane iye amene. Kokero kumunhu ari wose ndeyokuti “Uya!”—Zvakazarurwa 22:6-21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe