RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • re chits. 4 pp. 18-21
  • Jesu Anouya Nekurudziro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anouya Nekurudziro
  • Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Chapupu Chakatendeka”
  • “Anouya Namakore”
  • “Arfa neOmega”
  • Zvakazarurwa Newe
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Ivai Varavi Vanofara Vebhuku Razvakazarurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Kununurwa Pakuratidzwa kwaJesu Kristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
re chits. 4 pp. 18-21

Ganhuro 4

Jesu Anouya Nekurudziro

1. Ko Johane zvino anonyorera vanaani, uye ndivanaani nhasi vanofanira kuwana shoko rake kuva refariro inofadza?

CHINOTEVERA chinofanira kuva chefariro inofadza kumunhu ari wose akabatana neungano dzavanhu vaMwari nhasi. Heino nhevedzano yamashoko. Iwo ane kushanda kwakati kuti sezvo “nguva yakagadzwa” inoswedera pedyo. (Zvakazarurwa 1:3) Kuri nokuda kwebetserwo yedu isingaperi kuti titetekere zvirevo izvozvo. Chinyorwa chinorava, kuti: “Johane kuungano nomwe dziri muruwa rweAsia: Ivai netsitsi dzakakomba norugare zvinobva kuno ‘Uyo aripo nowakanga aripo nounouya,’ nokumidzimu minomwe iri pamberi pechigaro choumambo chake, nokuna Jesu Kristu.”—Zvakazarurwa 1:4, 5a.

2. (a) Ko chiverengero che“nomwe” chinoratidzirei? (b) Mukati mezuva raShe, ko mashoko oku“ungano nomwe” anoshanda kuna vanaani?

2 Pano Johane anotaura ku“ungano nomwe,” uye idzodzi dzinotidudzirwa mazita gare gare muuporofita. Chiverengero ichocho, “nomwe,” chinowanzodzokororwa muna Zvakazarurwa. Chinoratidzira kukwana, zvikurukuru pamusoro pezvinhu zvaMwari neungano yake yakazodzwa. Sezvo chiverengero cheungano dzavanhu vaMwari munyika yose chakawedzera kusvika mumakumi ezviuru mukati mezuva raShe, tinogona kuva nechokwadi chokuti chinotaurwa zvikurukuru ku“ungano nomwe” dzavakazodzwa chinoshandawo kuvose vavanhu vaMwari nhasi. (Zvakazarurwa 1:10) Hungu, Johane ane shoko rinokosha reungano dzose dzeZvapupu zvaJehovha navose vakabatana nadzo, kunzvimbo iri yose iri pamusoro pepasi rino.

3. (a) Mukwaziso yaJohane, ko “tsitsi dzakakomba norugare” zvinobva kuna ani? (b) Kutaurai kwomuapostora Pauro kuri kwakafanana nekwaziso yaJohane?

3 “Tsitsi dzakakomba norugare”—haiwa zvinoshuviwa sei izvozvi uye zvikurukuru patinonzwisisa manyuko azvo! “Uyo” wazvinobva kwaari ndiye Changamire Ishe Jehovha iye amene, “Mambo wokusingagumi,” uyo anorarama “kubvira kunguva isingazivikanwi kusvikira kunguva isingazivikanwi.” (1 Timotio 1:17; Pisarema 90:2) Inobatanidzwawo pano, ndiyo “midzimu minomwe,” riri shoko rinoratidzira kuzara kwokushanda kwesimba rinobate basa raMwari, kana kuti mudzimu mutsvene, sezvaunovigira nzwisiso nechikomborero kuna vose vanocherekedza uporofita. Uyewo ane basa gurusa ndi“Jesu Kristu,” uyo Johane akanyora nezvake gare gare, kuti: “Iye akanga azere netsitsi dzakakomba nezvokwadi.” (Johane 1:14) Nokudaro, kwaziso yaJohane ine zvinhu zvimwe chetezvo izvo muapostora Pauro akadudza mukupfiga tsamba yake yechipiri yokuungano yeKorinte: “Tsitsi dzakakomba dzaShe Jesu Kristu norudo rwaMwari nokugoverana mumudzimu mutsvene ngazvive nemi mose.” (2 VaKorinte 13:14) Mashoko iwawo ngaashandewo kuno munhu ari wose wedu anoda zvokwadi nhasi!—Pisarema 119:97.

“Chapupu Chakatendeka”

4. Ko Johane anopfuurira sei kurondedzera Jesu Kristu, uye neiko aya mashoko anorondedzera akakodzera zvikuru?

4 Pashure paJehovha, Jesu munhu ane mbiri zvikurusa muchisiko chapose pose, sokuziva kunoita Johane, achimurondedzera se“‘Chapupu Chakatendeka,’ ‘Dangwe muna vakafa,’ no‘Mubati ushe wamadzimambo apasi.’” (Zvakazarurwa 1:5b) Somwedzi uri mumatenga, iye akasimbiswa zvakatsiga seChapupu chikuru kune zvose kuhuMwari hwaJehovha. (Pisarema 89:37) Pashure pokunge achengeta perero kusvikira kurufu rwechibairo, iye akava wokutanga anobva pakati pavanhu kuva anomutsirwa kuupenyu husingafi hwomudzimu. (VaKorose 1:18) Zvino ari pamberi paJehovha, iye akakwidziridzirwa zvikuru pamusoro pamadzimambo ose apasi, zvaakapiwa “chiremera chose . . . mudenga napasi pano.” (Mateo 28:18; Pisarema 89:27; 1 Timotio 6:15) Muna 1914 iye akagadzwa saMambo kuti abate ushe pakati pamarudzi apasi.—Pisarema 2:6-9.

5. (a) Ko Johane anopfuurira sei kuratidzira kuonga nokuda kwaShe Jesu Kristu? (b) Ndivanaani vanobetserekana nechipo chaJesu choupenyu hwake hwakakwana hwohunhu, uye maKristu akazodzwa akagoverana sei muchikomborero chaicho?

5 Johane anopfuurira kuratidzira kuonga nokuda kwaShe Jesu Kristu naawa mashoko anofadza, anoti: “Kuna iye akatida naakatisunungura pazvivi zvedu kupfurikidza neropa rake amene—uye iye akatiita tive umambo, vaprista kuna Mwari naBaba vake—hungu, kubwinya nesimba ngazvive kwaari nokusingaperi. Ameni.” (Zvakazarurwa 1:5c, 6) Jesu akapa upenyu hwake hwakakwana hwohunhu kuti avo venyika yavanhu vanomutenda vagodzorerwa kuupenyu hwakakwana. Iwe, muravi anodiwa, unogona kubatanidzwa muna ikoku! (Johane 3:16) Asi rufu rwechibairo rwaJesu rwakazarurira nzira chikomborero chaicho nokuda kwaavo vanova maKristu akazodzwa saJohane. Ivava vakanzi vakarurama pahwaro hwechibairo chorudzikinuro chaJesu. Vachiramba tariro dzose dzoupenyu hwapasi, sezvakaita Jesu, vaya veboka duku vakaberekwa nomudzimu waMwari, vane kariro yokumutswa kuti vabatire samadzimambo navaprista pamwe naJesu Kristu muUmambo hwake. (Ruka 12:32; VaRoma 8:18; 1 Petro 2:5; Zvakazarurwa 20:6) Haiwa iropafadzo yakaisvonaka sei! Hakuzatiwo kuchishamisa kuti Johane akakuwa nomutoo wokubvuma kwazvo kuti mbiri nesimba ndezvaJesu!

“Anouya Namakore”

6. (a) Ko Johane anozivisei pamusoro po“kuuya namakore” kwaJesu, uye Johane angave akayeuchidzwa nezvouporofitai hwaJesu? (b) Ko Jesu ano‘uya’ sei, uye ndivanaani vachatambura nhamo huru pasi pano?

6 Tevere, Johane anozivisa nomufaro, kuti: “Tarirai! Iye ari kuuya namakore, uye ziso riri rose richamuona, uye avo vakamubaya; uye ndudzi dzose dzapasi dzichazvirova dzimene munhamo nokuda kwake. Hungu, Ameni.” (Zvakazarurwa 1:7) Mukusapanikira Johane pano akayeuchidzwa nezvouporofita hwapakuvamba-vamba hwaJesu pamusoro pemhedziso yetsika yezvinhu. Jesu ipapo akati: “Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaoneka mudenga, uye ipapo ndudzi dzose dzapasi dzichazvirova dzimene mukuchema, uye idzo dzichaona Mwanakomana womunhu achiuya ari pamusoro pamakore okudenga aine simba nembiri huru.” (Mateo 24:3, 30) Nokudaro, Jesu ‘anouya’ kupfurikidza nokutendeudzira ngwariro yake kukuitwa kworutongeso rwaJehovha pamarudzi. Ikoko kuchaparira chinjo dzakakomba pasi pano, uye sezvo “ndudzi dzose dzapasi” dzakafuratira kuvapo chaiko kwoumambo hwaJesu, zvamazvirokwazvo idzo dzichawana “hasha dzokutsamwa kwaMwari Wamasimba ose.”—Zvakazarurwa 19:11-21; Pisarema 2:2, 3, 8, 9.

7. Ko “ziso riri rose,” kubatanidza navaya vasingateereri, richa“ona” sei Jesu?

7 Mukati mamadekwana okupedzisira aJesu aina vadzidzi vake, iye akavaudza, kuti: “Kwasara chinguva chiduku uye nyika haichazondionizve.” (Johane 14:19) Ipapoka, kunodaro sei kuti “ziso riri rose richamuona”? Hatizati tichifanira kukarira kuti vavengi vaJesu vaizomuona nameso okunyama, nokuti muapostora Pauro, pashure pokukwira kwaJesu kudenga, akataura kuti Jesu zvino “agere muchiedza chisingaswedereki,” uye “hapana mumwe wavanhu akaona kana kuti anogona kuona” iye. (1 Timotio 6:16) Nomutoo unooneka, Johane akareva “kuona” mupfungwa yo“kucherekedza,” kungofanana nezvatinogona kuona, kana kuti kucherekedza, mavara asingaoneki aMwari kupfurikidza nezvisiko zvake. (VaRoma 1:20) Jesu “ari kuuya namakore” mukuti iye achava asingaoneki neziso rokunyama kungofanana nezuva riri seri kwamakore. Kunyange apo zuva rinenge rakavanzwa namakore mukati menguva yamasikati, isu tinoziva kuti riripo nokuda kwechiedza chezuva chinotipoteredza. Nenzira imwe cheteyo, kunyange zvazvo Ishe Jesu ari asingaoneki, iye acharatidzirwa so‘mwoto unopfuta, apo iye anounza matsive pana avo vasingateereri mashoko akanaka pamusoro pake.’ Ivavawo vachagombedzerwa kumu“ona.”—2 VaTesaronika 1:6-8; 2:8.

8. (a) Ndivanaani vaiva “avo vakamubaya” mu33 C.E., uye ndivanaani vari vakadaro nhasi? (b) Sezvo Jesu asati achasitongovazve pasi pano, vanhu vanogona sei ‘kumubaya’?

8 Jesu acha‘onwa’wo na“vaya vakamubaya.” Ivava vangava vanaani? Apo Jesu akauraiwa muna 33 C.E., varwi veRoma vakamubaya chaizvoizvo. Mhaka yokuponda ikoko yakagoveranwa navaJudha, nokuti Petro akaudza vamwe vaivava paPentekosta kuti: “Mwari akamuita zvose zviri zviviri Ishe naKristu, uyu Jesu wamakarovera padanda.” (Mabasa 2:5-11, 36; enzanisa naZekaria 12:10; Johane 19:37.) VaRoma ivavo navaJudha zvino vave vakafa kwaanodokusvika makore 2 000. Naizvozvo avo vano‘mubaya’ nhasi vanofanira kumirira marudzi nendudzi dzinoratidzira chimiro chimwe chetecho chendangariro chokuvenga chakaratidzirwa apo Jesu akaroverwa padanda. Jesu haasati achasitongovazve pasi pano. Asi apo vashori vanotambudza nomutoo wokushingaira Zvapupu zvaJehovha, zvinopupurira Jesu, kana kuti zvimwe vanobvuma chinyararire kukubata kwakadaro, kwakangoita sokunge kuti vashori vakadaro vai‘baya’ Jesu iye amene.—Mateo 25:33, 41-46.

“Arfa neOmega”

9. (a) Ndiani zvino anotaura, uye muna Zvakazarurwa iye anodaro kangani? (b) Apo Jehovha anozviidza iye amene kuti “Arfa neOmega” no“Wamasimba ose,” ikoku kunorevei?

9 Zvino, chishamiso chezvishamiso! Ishe Changamire Jehovha iye amene anotaura. Haiwa kwakakodzera sei ikoku samashoko esumo yezviono zvodokuwadzanyurwa, sezvo iye ari Muraidzi wedu Mukuru naManyuko makuru kune ose aZvakazarurwa! (Isaya 30:20) Mwari wedu anozivisa kuti: “Ndini Arfa neOmega, . . . Uyo aripo uye uyo akanga aripo uye uyo ari kuuya, Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 1:8) Aka ndekekutanga kekatatu muna Zvakazarurwa ako Jehovha iye amene anotaura ari kudenga. (Onawo Zvakazarurwa 21:5-8; 22:12-15.) MaKristu omuzana ramakore rokutanga aizokurumidza kuziva arfa neomega sebhii rokutanga nerokupedzisira rendaza yamabhii ose omutauro wechiGiriki. Kuzviidza iye amene kwaJehovha namabhii maviri iwayo kunosimbisa kuti pamberi pake, kwakanga kusina Mwari wamasimba ose, uye hakuzati kuchizova nomumwe pashure pake. Iye achagumisa norubudiriro, nokuda kwokusingagumi kwose, chirevo choUmwari. Iye acharevererwa nokusingaperi saMwari mumwe uye wamasimba ose bedzi, Changamire Mukuru pachisiko chake chose.—Enzanisa naIsaya 46:10; 55:10, 11.

10. (a) Ko Johane anozvirondedzerazve iye amene sei, uye iye akanga ari musungwa kupi? (b) Mupumburu wamanyoro wakanyorwa naJohane unofanira kuve wakapfuudzwa kudziungano kupfurikidza nebatira pamwe yaani? (c) Ko zvokudya zvomudzimu zvinowanzogoverwa sei nhasi?

10 Ane chivimbo chokuti Jehovha aizotungamirira muuyo wenhau, Johane anoudza varanda biyake, kuti: “Ini Johane, hama yenyu nomugoverani nemi pamwe chete mudambudziko nomuumambo nomutsungiriro pamwe chete naJesu, ndakava pachiwi chinonzi Patmosi nokuda kwokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 1:9) Musungwa paPatmosi nokuda kwamashoko akanaka, anotsungirira madambudziko pamwe chete nehama dzake, achikarira kuva nomutoo wakatsiga kuva nomugove muUmambo hunouya, mukweguru Johane zvino anoona chokutanga chezviono zvaZvakazarurwa. Pasina panikiro iye akakurudzirwa zvikurukuru neizvi zviono, kungofanana neboka raJohane rinosimbaradzwa nhasi pakuona zadziko yazvo. Hatizati tichiziva kuti Johane aipfuudzira sei mupumburu waZvakazarurwa kuungano, sezvo iye akanga ari muusungwa munguvayo. (Zvakazarurwa 1:11; 22:18, 19) Ngirozi dzaJehovha dzinofanira kuva dzakabatira pamwe mukuita kuti ikoku kuitwe, kungofanana sezvo idzo kazhinji kazhinji dzakanga dzataviridzira Zvapupu zvakatendeka zvaJehovha zvinobatira mukurambidzwa nomuganhuriro nhasi, zvokuti izvozvi zvave zvichikwanisa kusvitsa zvokudya zvomudzimu zvinowirirana nomusi kuhama dzazvo dzine nzara yezvokwadi.—Pisarema 34:6, 7.

11. Iropafadzoi, yakafanana neiya yakakosheswa naJohane, iyo boka raJohane rinokoshesa zvikurukuru nhasi?

11 Haiwa Johane anofanira kuve akakoshesa sei iyi ropafadzo yake yokuva anoshandiswa naJehovha somukoto Wake wekurukurirano neungano! Nomutoo wakafanana, boka raJohane nhasi rinokoshesa zvikurukuru ropafadzo yaro yokugovera veimba yaMwari “zvokudya [zvomudzimu] panguva yakafanira.” (Mateo 24:45) Iva mumwe waavo vanosimbaradzwa neiyi gadziriro yomudzimu kuti ugowana nharidzano ine mbiri youpenyu husingaperi!—Zvirevo 3:13-18; Johane 17:3.

[Bhokisi riri papeji 21]

Kuwana Zvokudya Zvomudzimu Munguva Dzinotambudza

Mukati mamazuva ano okupedzisira, apo Zvapupu zvaJehovha zvakatambura chitambudzo chikuru kwazvo nechinetso, kwave kuchikosha kwazviri kuwana zvokudya zvomudzimu kuti zvirambe zvakasimba mukutenda. Mune zvinoitika zvizhinji, tsigiro yakaringanira yave ichigoverwa, kazhinji kazhinji nokuda kwokuratidzirwa kwakatanhamara kwakati kuti kwesimba raJehovha.

Somuenzaniso, muGermany yaidzorwa naHitler, Zvapupu zvakatsikirira ndokugovera makopi eNharireyomurindi, iyo yakanga yarambidzwa pamutemo nezviremera zvine utsinye zveNazi. MuHamburg maGestapo akadenha imba umo kutsikirira kwakadaro kwakaitwa. Imba yacho yakanga iri duku, uye pakanga pasina nzvimbo yokuvanza chinhu chiri chose nomutoo wakakotsekana. Tapureta yakanga yasiiwa mukabhoti, uye shongedzero yakawanda yokutsikirira yakanga ichichengetwa mubhini rembatatisi muimba yepasi. Zvakare, shure kwebhini kwakanga kune sutukesi izere namagazini! Kuwanwa kwairatidzika kuva kusingadzivisiki. Asika chii chakaitika? Mukuru mukuru uyo akazarura kabhoti akaita kudaro nenzira yokuti iye haana kuona tapureta. Kana riri kamuri rapasi, muridzi wemba anoshuma, kuti: “Vakuru vakuru vatatu vakamira pakati pekamuriro, cherekedzaka, apo chaipo bhini rakanga riri nesutukesi rizere namagazini eNharireyomurindi seri kwaro. Asi hapana nomumwe wavo akaratidzika kuva akaricherekedza; kwakanga kwakaita sokunge kuti ivo vakanga varovanywa noupofu.” Nokuda kweiyi nhungamiro youmwari yakatanhamara, muridzi wemba akanga achikwanisa kupfuurira kugovera zvokudya zvomudzimu munguva dzinotambudza nedzine ngozi.

Muma 1960, kwakanga kune hondo yavasati vari varwi pakati peNigeria noruwa rwakazviparadzanisa rweBiafra. Sezvo Biafra yakanga yakapoteredzwa chose chose noruwa rweNigeria, batano bedzi pakati payo nenyika yokunze yakanga iri nhandare duku yendege. Ikoku kwakareva kuti Zvapupu zvomuBiafra zvakanga zviri mungozi yokuva zvinogurwa pamugove wazvo wezvokudya zvomudzimu. Ipapo, mukuvamba ma1968, zviremera zveBiafra zvakagovera mumwe wavashandi vazvo vehurumende kunzvimbo inokosha muEurope uye mumwe akagoverwa kunhandare duku yendege yeBiafra. Vaviri ivava vaiva Zvapupu zvaJehovha, uye zvino vakanga vari kumigumo yose iri miviri yebatano bedzi pakati peBiafra nenyika iri kunze. Vavirivo vakaziva kuti gadziriroyo yaifanira kuva yakabva kuna Jehovha. Nokudaro, ivo vakazvipira nokuda kwebasa rokungwarira nerine ngozi rokupinza zvokudya zvomudzimu muBiafra. Uye ivo vakanga vachikwanisa kuita izvozvi muhondo yose. Mumwe wavo akatsinhira kuti: “Gadziriroyo yakanga ichipfuura chimwe chinhu icho vanhu vangadai vakarongedzera.”

[Chati iri papeji 19]

Nhamba Dzokufananidzira Dziri Muna Zvakazarurwa

Nhamba Revo Yokufananidzira

2 Inoreva kusimbisa nomutoo wakasimba nhau.

(Zvakazarurwa 11:3, 4; enzanisa naDheuteronomio 17:6.)

3 Inoreva simbiso. Uyewo inoratidzira ukuru.

(Zvakazarurwa 4:8; 8:13; 16:13, 19)

4 Inoreva kubatanidza chisiko chose kana kuti uenzani hwamativi mana mudzikamo.

(Zvakazarurwa 4:6; 7:1, 2; 9:14; 20:8; 21:16)

6 Inoreva kusakwana, chimwe chinhu chechienzi, chihombe. (Zvakazarurwa 13:18; enzanisa na2 Samueri 21:20.)

7 Inoreva kukwana kwakasarudzwa nomutoo woumwari, pamusoro pamadonzo aJehovha kana kuti aSatani.

(Zvakazarurwa 1:4, 12, 16; 4:5; 5:1, 6; 10:3, 4; 12:3)

10 Inoreva kuzara kana kuti kukwana munzira yokunyama, pamusoro pezvinhu zviri pasi.

(Zvakazarurwa 2:10; 12:3; 13:1; 17:3, 12, 16)

12 Inoreva kurongwa kwakaitwa nomutoo woumwari sangano mumatenga kana kuti zvimwe pasi pano.

(Zvakazarurwa 7:5-8; 12:1; 21:12, 16; 22:2)

24 Inoreva gadziriro huru (yakapetwa) yaJehovha yesangano.

(Zvakazarurwa 4:4)

Dzimwe nhamba dzinodudzwa muna Zvakazarurwa dzinofanira kurangarirwa sedziri sezvadziri. Kazhinji kazhinji, mashoko akapoteredza anobetsera kuwana ikoku. (Ona Zvakazarurwa 7:4, 9; 11:2, 3; 12:6, 14; 17:3,9-11; 20:3-5.)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe