Mifananidziro Nerondedzero Dzechiporofita Zvavanhu Vanorarama Zvino Vachagara Nhaka Dunhu Rapasi roUmambo hwaMwari
Vakadeya kufananidzirwa namapoka kana kuti vanhu vanotevera:
(1) Vanakomana navaroora vaNoa (Genesi 6-9).
(2) Roti navanasikana vake (Genesi 19).
(3) Hama gumi dzinopfidza dzaJosefa (Genesi 37, 42-45).
(4) VaEgipita vakarumwa nenzara vakazvitengesa vamene kuna Josefa (Genesi 41; 47:13-26).
(5) Boka rakavhengana rakasia Egipita navaIsraeri (Eksodho 12:38).
(6) Ndudzi gumi nembiri dzisiri vaRevhi dzaIsraeri paZuva reYananisiro (Revhitiko 16; Mateo 19:28).
(7) Vagari vechienzi muna Israeri (Revhitiko 19:34).
(8) Hobhabhi tezvara waMosesi (Numeri 10:29-32).
(9) Rakabhi weJeriko (Joshua 2:6).
(10) VaGibeoni vakatsvaka rugare naIsraeri (Joshua 9, 10).
(11) Jaeri mudzimai waHebheri muKeni (Vatongi 4, 5).
(12) Jonatani mwanakomana waMambo Sauro (1 Samueri 18; 23:16, 17).
(13) Vokumwe vakarwa vaina Dhavhidhi (2 Samueri 15:18-22).
(14) Mambokadzi weShebha (1 Madzimambo 10).
(15) Naamani akachenurwa maperembudzi (2 Madzimambo 5).
(16) Jehonadhabhi mwanakomana waRekabhi (2 Madzimambo 10:15-28).
(17) Vokumwe vakanyengeterera tembere yaJehovha (2 Makoronike 6:32, 33).
(18) Vanetinimi navanakomana vavaranda vasiri vaIsraeri vaSoromoni (Ezra 2, 8).
(19) VaRekabhi (Jeremia 35).
(20) Ebhedhimereki muEtiopia (Jeremia 38; 39:16-18).
(21) VaNinevhe vakapfidza (Jona 3).
Mukuwedzera, vakarondedzerwa nenzira youporofita sezvinotevera:
(1) Mhuri dzapasi dzinozvikomborera naAbrahama kupfurikidza nembeu yake (Genesi 12:3; 22:18).
(2) Marudzi anofara navanhu vaJehovha (Dheuteronomio 32:43).
(3) Vakarurama, avo vanokarira muna Jehovha (Pisarema 37:9, 29).
(4) Shamwari dziri mhandara dzomwenga (Pisarema 45:14).
(5) Vakarurama navasine mhaka (Zvirevo 2:21).
(6) Marudzi ari kudzidziswa paimba yaJehovha uye anofamba munzira dzake (Isaya 2:2-4).
(7) Marudzi anotendeukira kuChiratidzo mukubvunza (Isaya 11:10).
(8) Marudzi anobuda murima (Isaya 49:6, 9, 10).
(9) Rudzi rwaisazivikanwa kare (Isaya 55:5).
(10) Vokumwe vanoshumira Jehovha navanoda zita rake (Isaya 56:6).
(11) “Kupfuma kwegungwa,” “pfuma yamarudzi,” avo vanouya vachi‘bururuka segore renjiva’ (Isaya 60:5, 6, 8).
(12) Vaeni vanofudza mapoka aIsraeri, vokumwe vari varimi navagadziri vemizambiringa (Isaya 61:5).
(13) Avo vanoiswa chiratidzo pahuma nomurume anorunyanga rweinki rwomunyori (Ezekieri 9).
(14) Vanhu vanodana pazita raJehovha uye vanoponeswa pazuva rake rinotyisa (Joere 2:32).
(15) Zvinhu zvinoshuviwa zvamarudzi ose (Hagai 2:7).
(16) Marudzi anova ano“batanidzwa naJehovha” (Zekaria 2:11).
(17) ‘Varume gumi vakabata nguwo yomuJudha’ (Zekaria 8:23).
(18) Marudzi ayo Mambo anotaura rugare kwaari (Zekaria 9:10).
(19) “Makwai” anoitira zvakanaka hama dzaMambo (Mateo 25:31-46).
(20) Mwanakomana anopambadza akapfidza (Ruka 15:11-32).
(21) “Mamwe makwai” anoteerera inzwi romufudzi Akaisvonaka (Johane 10:16).
(22) Vanhu vanotenda Kristu ndoku“sazotongofa” (Johane 11:26).
(23) Chisiko chichasunungurwa muuranda hwokuora ndokuwana rusununguko rwune mbiri rwavanakomana vaMwari (VaRoma 8:20, 21).
(24) Avo venyika vanowana upenyu husingaperi nokuti vanotenda Mwanakomana waMwari (1 Johane 2:2; Johane 3:16, 36).
(25) “Boka guru” rinobatira usiku nesikati mutembere yaJehovha (Zvakazarurwa 7:9-17).
(26) Upi noupi anonwa mvura dzoupenyu uye iye achiti kuna vamwe, “Uyai!” (Zvakazarurwa 22:17).
Vari pamusoro apa ndiavo bedzi vanorondedzerwa kana kuti vanotaurwa nezvavo mubhuku rino.