Ganhuro 22
Usapanga Zvakasiiwa Shure
1. (a) Zvikomboreroi zviri pamberi pedu chaipo apa nokuda kwavabatiri vakatendeka vaMwari? (b) Asika, ko vamwe vanhu vakaitei?
KUZADZIKA kwechiporofita cheBhaibheri nomutoo usingaposhi kunoratidzira kuti nhasi tava pachikumbaridzo pamene petsika itsva yezvinhu ine mbiri yaMwari. Nokukurumidza nyika yakaipa ichave yaparara, uye pamwe chete nayo nhamo, kukangaidzika norusuruvaro zvayakaparira. Pasi richashandurwa kuva Paradhiso iyo vanamati vaMwari wechokwadi vachakwanisa kufarikanya pariri upenyu hwakakwana hwohunhu nokusingaperi. Pamsoro pouchokwadi hwezvipikirwa zvake pamsoro pezvinhu izvi, Jehovha akati kuno muapostora Johane: “Nyora, nokuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” (Zvakazarurwa 21:1-5) Asika, kunyange zvazvo kungaratidzika kuva kwechienzi, vamwe vanhu vanoziva zvokwadi idzodzi vanodzokera kumararamire enyika iyo Mwari anoti achaparadza. Haiwa kunosuruvarisa sei! Neiko vachikuita?
2. (a) Kudzivisa muuyo wakadaro, ko munhu anofanira kuitei pashure pokutanga kudzidza zvokwadi? (b) Kana akakundikana kuita ikoku, chii chingadzora kufunga kwake, uye nomuuyoi?
2 Pavakatanga kunzwa mashoko akanaka pamsoro poUmambo hwaMwari nezvahuchaita, nomufaro ivo vakaagamuchira. Asika kunokoshawo kusimbirira kuukuru mumudzimu hwechiKristu, kukudziridza kunzwisisa kwako Shoko raMwari uye kutsvaka nzira dzokurishandisa nadzo zvizere muupenyu hwako umene. (VaHebheru 6:1, 11, 12) Kana kushaikwa kwokunzwisisa kuchiparira munhu upi noupi kuregeredza kuita ikoku, iye haasati achizopfuurira kurangarira ropafadzo yokubatira Jehovha seinokosha. Munhu akadaro angava asingashiviriri zvikomborero zvokunyama izvo Mwari akapikira, kunyange achikundikana kunzwisisa chinodikanwa chake chokukura mumudzimu nokukosha kwokugoverana zvizere sezvingabvira mubasa rokuparidzira nokuita vadzidzi iro Mwari akatipa kuti tiite zvino. Kugutsa zvishuvo zvezvinhu zvokunyama nezvezvinoratidzika kuva zvinofadza kungavamba kutora nguva yake zhinjisa. Iye anoisa fariro dzomudzimu munzvimbo yechipiri. Hakuitiki pakarepo, asi pashoma napashoma, iye anodzokera shure achipinda munyika.—1 Timotio 6:9, 10.
3. (a) Neiko kuri kune ngozi kusarudza seshamwari vanhu vasinganamati Jehovha? (b) Ndirini apo munhu angazviwana amene nyore nyore akafaranuka musonganirano navanhu vakadaro?
3 Munhu angataura kuti iye anoda kupukunyuka ndokupinda mu“pasi idzva,” kundogara munyika umo kururama kunogara. Asika kusarudza kwake shamwari kunotsigira zvaanotaura here? Chokwadi, zuva riri rose pane kuonana kusingadzivisiki navanhu vasingabatiri Jehovha—kubasa, kuchikoro, pakutenga, kunyange pamusha. Asika mukati mamazororo kubasa, pamberi napashure pechikoro, pakuridza runhare kana kuti pakushanyira shamwari, mukati menguva yenhandaro, iye anosarudza kuva pamwe chete navanaani? Ko kunoita musiano zvomenemene here? Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Musatsauswa. Songaniro dzakashata dzinoshatsa tsika dzinobetsera.” (1 VaKorinte 15:33) Asika chii chiri “songaniro dzakashata”? Ko kunoita musiano upi noupi here kuti vamwe vanhu havanamati Jehovha, kuti vanongoita havo chinoratidzika kuva chakarurama mumeso avo vamene? Nokuda kwezvatatodzidza, tinoziva kuti vanhu vorudzi irworwo havazopukunyuki ndokupinda mu“pasi idzva.” Vapi navapi vanodukupisa mipimo yaJehovha pakusarudza shamwari nokukurumidza vachazviwana vamene vadzokera munyika iyo ivo vakambofunga kuti vakanga vachiisiya shure. Asika mienzaniso inonyevera yakanyorwa muMagwaro inogona kutitaviridza panzira yakadaro kana tikaifungisisa.—1 VaKorinte 10:11.
“ZVAKANYORERWA KUTINYEVERA”
4. (a) Ko Israeri akanga anoupenyu hworudzii muEgipita pashure porufu rwaJosefa? (b) Neiko “boka guru” rakakumbanira Israeri pavakanunurwa muEgipita? (c) Ko chinoitika ichocho chouporofita chakazadzika sei muzuva redu?
4 Apo Jehovha akanunura Israeri muuranda muEgipita, haiwa runofanira kuva rwakava rusunungurwo rwakadini kwavari! Kudzvinyirirwa kwoutsinye kwavakanga vatambura pashure porufu rwaJosefa kwakaita Egipita iratidzike sechoto chomwoto unopisa umo ivo vakanga vakandirwa. (Eksodho 1:13, 14; Dheuteronomio 4:20) Asika ipapo Jehovha akaunza ngwavaira gumi, kana kuti matambudziko, paEgipita. Musiano pakati paMwari wechokwadi navamwari veEgipita wakava unooneka. Naizvozvo, apo Israeri akasia nyikayo, “boka guru rakavhengana” ravasati vari vaIsraeri rakaenda pamwe chete navo, sezvo nhasi “boka guru” richizviparadzanisa rimene nenyika ndokubatana navakasarira vaIsraeri womudzimu. (Eksodho 12:38) Asika chii chakaitika mumusasa nokukurumidza pashure pokuBuda?
5. (a) Chinguvana pashure pokununurwa kwavo, ko ivo vaka‘cheukira kuEgipita’ sei? (b) Neiko kwakaitika?
5 Mudzidzi wechiKristu Stefano akatsanangura, kuti: “Mumwoyo yavo ivo vakadzokera shure kuEgipita.” Iyoyi yaingova mwedzi mishomanene bedzi pashure pokununurwa kwavo. (Mabasa 7:39, 40) Chii chakapa ufakazi hwako? Vakaita mhuru yendarama—rudzi rwechinhu chavakanga vakarovedzana nacho muEgipita—ndokuzivisa kuti ivo vakanga vachiva no“mutambo waJehovha.” Asika ivo vakanga vachitevedzera vaEgipita. (Eksodho 32:1-6) Jehovha akatsamwiswa zvikuru navo. Mufambiro wavo wakanga uchirwisana noMutemo wakapiwa paGomo reSinai. Zviuru zvakarashikirwa noupenyu hwazvo. Neiko kwakaitika? Kunyange zvazvo vaiziva mirairo yaJehovha, sezvinooneka ivo vakanga vasina kuwedzera kunzwisisa kunobva pamwoyo nokuda kwaiyoyi uye nokuda kweidi rokuti Mwari wechokwadi akanga achivatungamirira zvechokwadi.
6. (a) Ko Jehovha akaita gadziriroi nokuda kwavo murenje? (1 VaKorinte 10:3, 4) (b) Neiko vamwe vakavamba kupanga zvavakanga vanazvo muEgipita?
6 Apo ivo vakasiya Egipita, vose vari vaviri Israeri ne“boka rakavhengana” rakaenda navo vaiziva kuti chakanga chiri chinhu chakarurama chokuita. Asi pashure pokunge gore rimwe rapfuura ivo vakanga vachigere kuva muNyika Yakapikirwa; vakanga vachigere kuva nemisha mu“nyika inoyerera mukaka nouchi.” Ivo vose vakanga vane zvakaringanira zvokudya munyama, uye zvikurukuru kwakanga kune maguta omudzimu. Shongwe yegore uye yomwoto yaipfuurira kupa hufakazi hwokuti Jehovha akanga achivatungamirira. PaGungwa Dzvuku napaGomo reSiani ivo vakanga vaona hufakazi hunotyisa hwesimba raJehovha. Sungano yoMutemo yakavapa zvokudya zvomudzimu nokunyevenutsa. Yakagoverawo zvizhinji zvokuti ivo vaite somunhu mumwe nomumwe, ichivaratidzira apo ivo vaidikanirwa kugadziridza mumufambiro wavo, kufunga kwavo, vavariro dzavo, kuti ivava vagova vanofadza Jehovha. Asi panzvimbo pokunzwisisa zvose izvo Jehovha akanga achivaitira, ivo vakavamba kupanga zvinhu zvokunyama zvavaiva nazvo muEgipita. Kupanga kwoudyire kwakaparira kuparadzwa kwavazhinji.—Numeri 11:4-6, 31-34.
7. (a) Apo tsori dzakadzoka nemishumo yadzo, neiko vanhu vakataura nezvokudzokera Egipita? (b) Chii chakava muuyo? (VaHebheru 3:17, 19)
7 Chinguvana pashure paikoku, Mosesi akatuma varume kundosora Nyika Yakapikirwa. Pavakadzoka ivo vose vakabvumira kuti zvamazvirokwazvo iyo yakanga iri ino“yerera mukaka nouchi.” Asi vane gumi vetsori vaitya vanhu vaikoko uye vakatyisidzirwa namaguta avo akasimbiswa. Havana kuvimba naJehovha nomwoyo wavo wose uye vakasakisa mwoyo yavamwe kubvunda nokutya. Zvakare mifungo yavo yakadzokera Egipita, nokudaro ivo vakataura nezverongedzero dzokuhwirirako. Nokuda kwokushaiwa kwavo kutenda, chizvarwa ichocho chose china makore 20 kana kuti anopfuura pakupedzisira chakafira murenje, chisina kutongopinda muNyika Yakapikirwa.—Numeri 13:27-33; 14:1-4, 29.
8. (a) Kuti Roti nemhuri yake vave vanoponeswa apo Sodhoma rakaparadzwa, ivo vaitofanira kuitei? (b) Neiko mudzimai waRoti akashandurwa kuva shongwe yomunyu? (c) Ko ikoko kune shokoi renyevero nokuda kwedu?
8 Kwamakore anopfuura 400 pakuvamba-vamba, chifundo chimwe chetecho ichecho chakasimbiswa mukuronga kwakasiana. Mwana womunun’una waAbrahama Roti akanga agara muSodhoma, guta rakanga rakashata mutsika asi richibudirira mune zvokunyama. Utere hwakanga hwakakura zvikuru muSodhoma nomuruwa rwaro zvokuti Jehovha akasarudza kuriparadza, zvokusazotongovakwazve. Ngirozi dzakatumwa kundonunura Roti neimba yake. Apo Roti akanyevera vaizova vakuwasha vake, mumeso avo “iye akaratidzika kuva munhu akanga achiita musere.” Asika wakanga usati uri musere. Pakubuda kwoutonga ngirozi nokuchimbidzika dzakabudisa Roti nemhuri yake kunze kweguta ndokuvaudza kutiza vasingacheuki. Upenyu hwavo hwaitsamira pakuteerera. Roti navanasikana vake vaviri vakaita zvavakaudzwa ndokuponeswa. Asi mudzimai waRoti sezvinooneka akanga achizengurira kuzviparadzanisa nezvinhu zvokunyama zvaisiiwa shure. Achicheuka kuti atarire shure, iye akarashikirwa noupenyu hwake, achiva shongwe yomunyu. Ko isu timene tati tafungisisa zvinorehwa naikoko here? Kuti tigorega kupotsa pfundo racho, Jesu akakubatanidza munyevero yake pamsoro pekurumidziro yokutiza mutsika yekare muzuva redu. Ndapaya apo akanyevera pamsoro pokuva vanonyanyoitira hanya pamsoro pezvinhu zvokunyama zvokuti iye akataura nokupfupikisa kuti: “Yeukai mudzimai waRoti.” (Genesi 19:12-26; Ruka 17:31, 32) Chii chingatidzivirira pamisungo yakabata vaIsraeri nomudzimai waRoti?
“KUSVASVAVIRIRA NZVIMBO IRI NANI ZVIKURU”
9. Ko kutenda chii, uye kunogona sei kukudziridzwa?
9 Kudzivirira kupesvedzerwa kucheuka, tinodikanirwa kukudziridza kuwedzera kutenda zviri mberi. VaHebheru 11:1 inorondedzera kutenda se“kariro yakasimbisirwa yezvinhu zvinokarirwa, kuratidzirwa kunooneka kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvazvo zvisingaoneki.” Isimbisiro kana kuti chibvumikiso, chakafanana norugwaro runobvumikisa kuva mwene wechinhu, chokuti tichapinda mukuva varidzi veicho Mwari akapikira. Kutenda kwakavakirwa pahufakazi hune simba, uye somuuyo tine zvikonzero zvakasimba zvokudavira izvo zvisingagoni kuonwa nameso okunyama. Hakusati kuri nhendedzero, kana kuti kusatana kudavira bedzi nokuti chimwe chinhu chinonzwika kuva chakanaka. Kuva nokutenda chaikoiko, tinofanira kungwarira zvakaringanira kuva vanorovedzana nohufakazi huri hwaro nokuda kwako. Tinodikanirwawo kusanorangarira kuti zvatiri kudzidza zvinotapura sei upenyu hwedu timene uye kukudziridza kunzwisisa chaikoiko kunobva pamwoyo nokuda kwako.
10. (a) Ko Abrahama akabvumikisa sei kutenda kwake, uye kwenguva yakareba zvakadini? (b) Ko tinoziva sei kuti zvaakaita zvakanga zvakarurama?
10 Abrahama akanga ano kutenda kwakadaro. Somuuyo, pakutungamirira kwaJehovha Abrahama akasiya shure guta rinobudirira reUri muKadhea ndokutamira munyika yeKanani iri kure, nyika yaakanga asina kutongoona nakare kwose. Ikoko iye akagara somugari ari mweni, asati achizvibatanidza amene nokuda kwechengeteko nohupi nohupi hwoumambo hwegutaro. “Iye akanga achimirira guta rine nheyo chaidzo [Umambo hwaMesia hwaJehovha], guta iro Mwari ari muvaki waro nomuiti waro.” Kudai iye akanga apfuurira kupanga upenyu hwomuKadhea, mukusapanikira aizodai akadzokera. Panzvimbo pakwo, iye akanga achi“svasvavirira nzvimbo iri nani zvikuru, ndiko kuti, imwe iri yokudenga.” (VaHebheru 11:8-16) Kwakanga kusati kuchingova bedzi kwamakore mashomanene, kana kuti kunyange kwamakore gumi kana kuti ana makumi maviri, uko Abrahama akasvasvavirira “nzvimbo iri nani zvikuru.” Akapfuurira kuita saizvozvo kusvikira kurufu rwake, makore ane 100 kana kuti anopfuura pashure pokunge abva Uri. Iye haana kungotaura bedzi kuti iye akanga achitenda; akakuratidzira kupfurikidza namabasa ake. Somuuyo tuso yake yakasimbisirwa. Kariro yorumuko nokuda kwake ndeyechokwadi zvikuru zvokuti, sokutaura kwakaita Jesu, “kuna Mwari, Abrahama mupenyu.”—Ruka 20:37, 38; Jakobho 2:18.
11. Ko Isaka naJakobho vakaratidzira sei kuti ivowo, vakanga vanokutenda?
11 Asika zvakadiniko nomwanakomana waAbrahama Isaka, nomwanakomana waIsaka Jakobho? Ivo vakanga vasina kutongoravidza mararamire avaKadhea. Asi havana kutongorangarira ikoku sechikonzero chokuzviwanira vamene kuti hwakanga hwakadini. Apo ivo vakadzidza kuvabereki vavo pamsoro pezvipikirwa zvaJehovha vakazvifungisisa. Vakakudziridza kutenda kwakafanana nokwaAbrahama. Ivowo, vakanga vachi“svasvavirira nzvimbo iri nani zvikuru.” Mwari akanga asinganyadziswi navo.—VaHebheru 11:9, 16, 20, 21; Genesi 26:24, 25; 28:20-22.
12. Chii chakaparira Esau naDhina kupinda muzvitambudzo zvakakomba?
12 Namamwe mashoko, mukoma waJakobho Esau haana kukoshesa zvinhu zvomudzimu. Iye akaroora vakadzi vakanga vasati vari vanamati vaJehovha. Panzvimbo pokukoshesa zvinhu zvitsvene, iye akatengesa udangwe hwake nokuda kwezvokudya zvakamwe chete. (Genesi 25:29-34; 26:34, 35; VaHebheru 12:14-17) Iye akanga ari munhu aida kugutswa kwenyama zvino. Mwanasikana waJakobho, Dhina, akapindawo muchinetso chakakomba. Neiko? Nemhaka yokuti iye akada kusonganirana na“vanasikana venyikayo” vechihedheni.—Genesi 34:1, 2.
13. (a) Ko upenyu hwakadini zvomenemene kuvanhu vari rutivi rwenyika nhasi? (b) Chii chichatitaviridzira pakukweverwa mairi?
13 Kana, saAbrahama, Isaka naJakobho, iwe zvomenemene uri ku“svasvavirira nzvimbo iri nani zvikuru,” nokuda kwoupenyu muUmambo hwaMesia hwaJehovha, usazvirega iwe umene uchikweverwa munyika. Yeuka, nyika haigoveri nguva yemberi isingaperi. “Asi iye anoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi.” Uye haiwa ihwohwo huchava upenyu hunogutsa zvikuru zvakadini!—1 Johane 2:17.
[Mufananidzo uri papeji 172]
Yeukai mudzimai waRoti!