RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • su chits. 16 pp. 121-128
  • Ko Iwe Umene Uchaitei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Iwe Umene Uchaitei?
  • Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • CHIRATIDZO ICHO MARUDZI ARI KUTENDEUKIRA KWACHIRI
  • ‘VACHANZWA ASI VASINGAITI’
  • IVO VAKAITA CHISARUDZO CHAKARURAMA
  • “Akakomborerwa Kupfuura Vamwe Vakadzi”
    Famba naMwari Neushingi
  • Mutungamiriri Mutsva Nevakadzi Vaviri Vakashinga
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Vakadzi Vairi Vakashinga
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • ‘Ndakasimuka Saamai Pakati paIsraeri’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
su chits. 16 pp. 121-128

Ganhuro 16

Ko Iwe Umene Uchaitei?

1. Chisarudzoi chinofanira kuitwa pahwaro hwomunhu oga?

CHISARUDZO chokubatira Jehovha hachizati chiri chiye icho munhu upi noupiwo zvake anogona kukuitira. Kana mukwanyina wako weroorano ari mubatiri wakatendeka waMwari, ikoko kunogona kuva chikomborero chinoisvokosha. Nomutoo wakafanana, kana vabereki vako vachida Jehovha, iwe uri munzvimbo yenyasha. Migariro yakadaro yomusha ingagovera kuchidziro yokusonganirana naavo vanonamata Jehovha “nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24) Asi mukufambira mberi kwenguva iwe unofanira kuita chisarudzo chako umene. Ko iwe unoda zvomenemene Jehovha uye uchida kuva mumwe wavabatiri vake here? Ko unoda zvomenemene kurarama munyika umo kururama kuchatekeshera here?

2. (a) Neiko chimiro chendangariro chomubereki kukubatira Jehovha chichikosha zvikurukuru? (b) Zvii zviri zvinhu zvishanu izvo vabereki vanogona kuita kupa vana vavo mavambo akaisvonaka?

2 Kana iwe uri mubereki, zvamazvirokwazvo unoda kuti vana vako vafarikanye chikomborero choupenyu husingagumi muUmambo hwaMwari. Haungagoni kudzora zvavachaita pavanenge vakura zvakaringanira kusarudza nzira yavo vamene muupenyu. Asi zvaunoita iwe umene pamsoro pokunamata kwechokwadi zvinogona kushandisa pesvedzero ine simba—nokuda kwezvakanaka kana kuti zvimwe nokuda kwezvakashata. Kudai waizorega kubatira Jehovha, ikoku kwaizonyima vana vako chaizogona kusanova banza ravo rakaisvonakisisa rokutanga kuenda kuupenyu husingaperi. Kana kuti kudai waizoita tsauriro kuna Mwari dzokonokei wobvumikisa kuva asingaitiri hanya pamsoro pokurarama mukuwirirana nayo, ikoku kungaparira ngwavaira yomudzimu nokuda kwemhuri yose, nokurashikirwa nechinhu chiri chose mudambudziko guru. Asi kana ukagadza muenzaniso wokutendeseka, kana iwe umene uchibetsera vana vako kufunda Shoko raMwari, kana uchikudziridza mauri umene nomavari kuda Jehovha nokuremekedza sangano rake rinooneka, kana uchivabetsera kuziva kuti ivo vanotaviridzirwa sei kupfurikidza nokuita kuda kwaMwari, kana uchivaratidzira mawanirwe omufaro mubasa dzvene, ipapo uri kuvapa mavambo akaisvonaka pamugwagwa unoenda kuupenyu. Ikoku kunobvira bedzi kupfurikidza nechikomborero chaJehovha. (Enzanisa 2 Timotio 1:5) Kunyengeterere nomutoo wokupfuurira. Nhamburiko huru inodikanwawo pauri. Asika haiwa uchava wakakodzera sei muuyo wacho!

3. (a) Kana ukasangana nechishoro chinobva kumitezo yemhuri, chii chingaitwa? (b) Asika zvakadiniko kana chishoro chikapfuurira?

3 Zvimwe mugariro unonangana newe ndowokuti mimwe mitezo yemhuri yako haizati ichida Jehovha sewe. Ko iyo inoedza kukuodza mwoyo kuti urege “kubatanidzwa” here? Kana kuti pane chishooro chakananga here? Chiiko chaungaita kuibetsera kuva nomufaro wako mukunzwisisa donzo raMwari? Kazhinji kazhinji mhinganidzo inogona kukurirwa kupfurikidza nokukoka mitezo yemhuri yenyu kuenda newe kuHoro Youmambo kundozvionera iyo imene chinoitika ikoko. Iri ikoko, ingataura nomumwe wavakuru kujekesa mibvunzo yaingave inayo pamsoro pezvitendero nemiitiro yeZvapupu zvaJehovha. Asika zvakadiniko kana chishooro chikapfuurira? Ipapo unodikanirwa kuzvibvunza umene, kuti: ‘Ko ini ndinoda zvomenemene Jehovha noMwanakomana wake Jesu Kristu uye ini ndinoonga zvakaringanira zvinhu zvose izvo ivo vakatiitira zvokuti ini ndinodisisa kutsungirira chitambudzo chakati kuti nokuda kwokuratidzira rudo rwangu nokuonga kwangu here? Ko ini ndinoda mhuri yokwangu ndimene zvakaringanira kugadza muenzaniso wakarurama zvokuti, kana kuchibvira, iyowo ingabetserwa kubatisisa gadziriro dzaMwari dzoupenyu husingagumi here?’—Mateo 10:36-38; 1 VaKorinte 7:12, 13, 16.

CHIRATIDZO ICHO MARUDZI ARI KUTENDEUKIRA KWACHIRI

4. Tingagona sei kuratidzira kuti tinoda chaizvoizvo Jehovha?

4 Banza zvino riri kupiwa kuvanhu kunzvimbo iri yose kuratidzira kuda kwavo Jehovha kupfurikidza nokuzvibatanidza vamene noUmambo hwoUmesia hwake. Hurumende iyoyo ndiyo mutoo uyo zita raJehovha richarevererwa kupfurikidza nawo. Chimiro chedu chendangariro kuUmambo chinoratidzira marangarire atinoita pamsoro paJehovha iye amene.

5. (a) Pana Isaya 11:10, chii chakadeya kutaurwa nokuda kwezuva redu? (b) Ko chinorevei?

5 Jehovha akafuridzira muporofita Isaya kunyora, kuti: “Uye kunofanira kuitika muzuva iroro kuti pachava nomudzi waJese uchava unomira sechiratidzo nokuda kwamarudzi. Kunyange marudzi achatendeukira kwaari nomutoo wokubvunza, uye nzvimbo yake yokuzorora inofanira kuva ine mbiri.” (Isaya 11:10) “Mudzi waJese” iwowo ndiye Ishe Jesu Kristu akapiwa mbiri. Apo iye akavamba kushandisa chiremera choumambo, so“mudzi” unopa upenyu iye akapa simba idzva kumutsara wamadzimambo oUmesia akabva kuna Jese nokuno mwanakomana wake Mambo Dhavhidhi. (Zvakazarurwa 5:5; 22:16) Kubvira muna 1914 iye ave a“kamira sechiratidzo nokuda kwamarudzi,” nzvimbo yokuunganira yavanhu vanopanga hurumende yakarurama. Jehovha iye amene akamumutsa seChiratidzo ichocho, Mambo wechokwadi woUmesia.—Isaya 11:12.

6. (a) Chii chakagonesa vanhu kuunganira Mambo wokudenga? (b) Ko vanhu vakadzidzei somuuyo wo‘kutendeukira nomutoo wokubvunza’ ku“chiratidzo”?

6 Asi nhasi vanhu vari pasi pano vaizogona sei kuunganira Mambo wokudenga? Vanodikanirwa kupiwa mashoko anobva muBhaibheri kuti ivo vagone kumuona nameso okunzwisisa. Mukutungamirirwa nomudzimu mutsvene, vakasarira vaIsraeri womudzimu nomutoo woushingi vave vachiita uyu mubato, kuparidzira mupasi rose mashoko akanaka oUmambo hwoUmesia hwakagadzwa hwaMwari. Vanhu vanobva mumarudzi vakateerera nomutoo wokunzwisisa. Ivo vakabvunza zvinodikanwa zvoumwari kuti ivo vagova vadzorwi voUmambo, vachifarikanya kusaguma kwoupenyu paParadhiso yapasi. Vagutsikana nemhinduro dzakagoverwa muBhaibheri, ivo vakaita mukutsinhirana naidzodzi uye vakaita kumira kwavo kurutivi rwoUmambo hwaMesia hwaJehovha. Ko iwe wakaita izvozvo here?

‘VACHANZWA ASI VASINGAITI’

7. Kuitai kushoko reBhaibheri kwakadeya kutaurwa pana Ezekieri 33:30-33?

7 Nokuda kwomubato wokushingaira weZvapupu zvaJehovha, izvo musoro wenguva dzose wekurukurirano pakati pavanhu. Asika ava vanhu vanorangarira sei pamsoro peshoko iro Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa? Kuita kwavazhinji kwakafanana nokwokwo kwenhapwa biyake dzomuporofita Ezekieri muBhabhironi. Pamsoro padzo, Jehovha akati: “Kana uriwe, haiwa mwanakomana womunhu, vanakomana vavanhu vokwako vanotaurirana . . . vachiti, ‘Uya, ndapota, ugonzwa riri shoko rinobva kuna Jehovha.’ Uye ivo vachauya kwauri, sokuuya kwavanhu vangu, uye vanogara pamberi pako savanhu vangu; uye zvamazvirokwazvo ivo vachanzwa mashoko ako asi ivo havasati vachizoaita, nokuti ivo vanotaura zvishuvo zvoruchochoro nemiromo yavo uye mwoyo wavo unoronda mhindu yavo isina kururama. Uye, tarira! kwavari iwe wakafanana norwiyo rwokukudzwa kwenyama, rwakafanana nomunhu ane inzwi rakanaka uye anosanoridza rudimbwa. Uye zvamazvirokwazvo ivo vachanzwa mashoko ako, asi hapana vanoaita. Uye apo iwo anozadzika—tarira! iwo anofanira kuzadzika—ivo vachatofanirawo kuziva kuti muporofita akanga abvumikisa kuva pakati pavo.”—Ezekieri 33:30-33.

8. Ko vamwe vanhu vanoratidzira sei chimiro chendangariro ichecho?

8 Kuna vanhu vazhinji vanoyemura Zvapupu zvaJehovha uye avo vanoda mabhuku azvo anotsanangura Bhaibheri. Ivo vangatobvuma chikarakadzo chefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena. Vamwe vanouya neshamwari dzavo kumisangano chaiyo inoitwa neZvapupu. PaChirangaridzo chegore negore chorufu rwaJesu Kristu, somuenzaniso, hakuzati kuri kwechienzi kuti chiverengero chavanopinda chipete nekaviri chiverengero cheZvapupu zvinoshingaira zvaJehovha. Mune dzimwe nyika, chiverengero chinokwira zvikuru zvokuti chinowanziridzika nakane kashanu chiverengero cheZvapupu. Asika vachaiteiko pamsoro pezvokwadi dzeBhaibheri dzavanonzwa? Vanopfuura mamirioni maviri nehafu vakadzifungisisa ivo vamene ndokutsinhiranisa upenyu hwavo nadzo. Asi vamwe vanodzirangarira dzose sokunge kuti dzaivawo zvadzo nziyo dzinofadza, chimwe chinhu chokuvavaraidza. Vanogara havo munzvimbo dzavacherekedzi, zvimwe vachigovera mashoko orukurudziro asi vasingaiti tsauriro youpenyu hwavo kuna Mwari uye vasingapindi mubasa rake dzvene.

9. Munzvimbo mokupanikira nokumirira, ko vanhu vakachenjera vachaitei?

9 Chii chingawanwa kupfurikidza nokupanikira nokumirira? Zvamazvirokwazvo kwete nyasha dzaJehovha netaviridziro mukati mezuva rinouya ramatsive. Kuti ugova pakati pavapukunyuki, unotofanira kuratidzira nenzira inopwisa zvino kuti iwe wa‘zvibatanidza umene naJehovha’ uye kuti iwe uri wake.—Zekaria 2:11; Mateo 7:21.

IVO VAKAITA CHISARUDZO CHAKARURAMA

10, 11. (a) Ko Hobhabhi aiva ani, uye kukokai kwaakaitwa? (b) Ko tinoziva sei chiri chisarudzo chaakaita?

10 Vose avo vakava vanamati vaJehovha savateveri vaJesu Kristu vakaita chisarudzo chomunhu mumwe nomumwe chokuita kudaro. Izvozvi ndizvo zvakaitika kuna vose vari vadyi venhaka voUmambo hwokudenga. Zvino banza rinokosha rakazarukira vamwe kuita chisarudzo chavo, vaine kariro yokupukunyuka dambudziko guru uye kurarama mukukwana pasi pano. Hobhabhi akagadza muenzaniso wakakodzerwa nokutevedzera kwavo.

11 Hobhabhi akanga ari tezvara waMosesi. Iye akanga asati ari muIsraeri asi mutezo wendudzi yavaKeni vaigara muruwa rweMidhiani. Pashure pokunge Israeri agamuchira Mutemo kupfurikidza naMosesi uye avaka tabernakeri tsvene yokunamatira Jehovha, nguva yakasvika yokuti vatamire kuchamhembe vakananga Nyika Yakapikirwa. Shongwe yegore yaimirira kuvapo kwaJehovha yaizovatungamirira, ichiratidza nzira yokutora nenzvimbo yokudzika misasa. Asi kwaizova kunobetsera kuti vave nomumwe munhu aiziva mugariro wapasi napokuwana zvinhu zvaidikanwa nokudzika misasa. Mosesi akakoka Hobhabhi kuvakumbanira, asika pakutanga Hobhabhi akaramba, achifunga kuti kwaizova kuri nani kugara nehama dzake dzokunyama munzvimbo yaakaberekerwa. Zvisinei, Mosesi akamukurudzira kurangarirazve uye kuenda pamwe chete navo kundo“batira sameso” nokuda kwaIsraeri uye nenzira iyeyo ndokuva munzvimbo yokuva nezvikomborero izvo Jehovha aizoisa pavanhu vake. Nomutoo wokuchenjera Hobhabhi akaita kudaro, sezvinoratidzirwa pana Vatongi 1:16.—Numeri 10:29-32.

12. (a) Ndivanaaniko nhasi vakafanana naHobhabhi, uye munziraiko? (b) Kukokai nhasi kwakafanana nokwokwo kwaMosesi kuna Hobhabhi?

12 Nhasi kuna vanhu vakafananidzirwa naHobhabhi. Kunyange zvazvo vasati vari vaIsraeri vomudzimu, vanokumbanirana naivava sezvavanoenda kuNhevedzo Itsva yaMwari. Kuti vagoita ikoku, vanofanira kugura batano nehama dzokunyama dzokunyika nehurumende dzavanhu. Mukutungamirira kwaMosesi Mukuru, Jesu Kristu, ivo vakabatira nomufaro pamwe chete navakasarira ve“hama” dzaKristu, kazhinji kazhinji vachiwana ndima itsva dzokuparidzira mashoko akanaka. Vazhinji vavo vakatamira munharaunda umo kushaiwa nokuda kwavaparidzi voUmambo kwakanga kuri kukuru zvikurukuru, kazhinji kazhinji samapiona kana kuti vafundisi, vachishandisa nguva yavo zvizere kuparidzira Umambo hwaMwari setariro bedzi chaiyo yavanhu. Kuchina mabanza mazhinji okugoverana mubasa dzvene rakadaro. Vanhu vanokwaniriswa vanokokerwa kuzviratidzira ivo vamene uye nenzira iyoyo ndokugoverana zvikomborero zvinova pamwe chete nebasa rakadaro rakakudziridzwa. Ungadaro here?

13. (a) Ko Jaeri aiva ani, uye chii chakanga chiri nzvimbo yomurume wake pamsoro pavabatiri vaJehovha? (b) Ko Jaeri akanangana sei nomuedzo?

13 Makore ane 180 pashure pokunge Hobhabhi asarudza kuenda naIsraeri, mumwe wavazukuru vake, murume ainzi Hebheri, akanga achigara nomudzimai wake, Jaeri, kusati kuri kure neMegidho. Hebheri akanga azviparadzanisa amene navamwe vavaKeni uye akanga apinda muukama hune rugare naJabhini, mambo wavaKanani uyo akadzvinyirira nomutoo wehasha Israeri. Apo Jehovha akamutsa Bharaki somununuri waIsraeri, mukuru mukuru weuto raJabhini, Sisera, akaunganidza uto rake nengoro dzehondo dzina mazana mapfumbamwe dzina mapanga esimbi akasungirirwa pamavhiri. Asika Jehovha akarwira vanhu vake, achiparira nyongano mumusasa womuvengi, uye mafashamo omunzvimbomo akanyudza ngoro. Sisera iye amene akasiya ngoro yake ndokutiza netsoka achienda kutende raJaeri mudzimai waHebheri. Sezvakanga zvakarirwa naSisera, iye akamukokera kupinda mutende.—Vatongi 4:4-17; 5:20, 21.

14. Ko Jaeri akaita chisarudzoi, uye ikoku kwakaratidzirei?

14 Zvino muedzo wakanga wavapo. Ko iye aizoitei kuno uyu muvengi wavanhu vaJehovha? Akafukidza Sisera negumbeze, akapedza nyota yake nomukaka wakakodzwa ndokumirira kutozosvikira abatwa kwazvo nehope. Pana ikoko iye aka“pfuurira kutora mbambo yetendi nokuisa nyundo muchanza chake. Ipapo iye akananaira achienda kwaari ndokuroverera mbambo pazvavovo zvake uye akairoverera ikabaira pasi, apo iye akanga akabatwa kwazvo nehope uye akaneta. Naizvozvo iye akafa.” Zvaakaita zvakada ushingi, uye kuda Jehovha navanhu vake. Uyewo kwakabatanidza chiito chaichoicho nenhamburiko kwaari.—Vatongi 4:18-22; 5:24-27, 31.

15. Ko nhasi vanhu vanobvumikisa sei kuti ivo vakafanana naJaeri?

15 Sezvakwakadaro kuna vamwe vanamati vaJehovha vasati vari vaIsraeri, Jaeri anofananidzira “mamwe makwai” anoitira zvakanaka hama dzomudzimu dzaKristu. Pasinei zvapo nokuti hama dzavo chaidzoidzo dzingava dzinoukamai nenyika neboka rayo rinobata ushe, “mamwe makwai” haatenderi kudzvinyirirwa kwavanhu vaJehovha kunoitwa navabati ushe venyika. Kuvimbika kwao kuri kuna Bharaki Mukuru zvikuru, Ishe Jesu Kristu, nokuna vateveri vake vechokwadi. Ava veboka raJaeri ivo vamene havasimudziri ruoko vabati ushe venyika, asi vanoshandisa chipi kana chipi chavanokwanisa kushandisa kudzivisa nhamburiko dzokudzvinyirira vabatiri vaJehovha. Havasati vachirega kuzivisa kuti ivo vanotsinhirana zvizere nedonzo raJehovha rokuparadza vavengi vake vose.

16, 17. (a) Muenzanisoi wakakodzerwa nokutevedzera kwedu wakanyorwa muna Mabasa ganhuro 8? (b) Pashure pakwo chii chatinofanira kupfuurira kuita?

16 Hapana nguva yokurashikirwa nayo. Kana uchitenda zvomenemene Jehovha noUmambo hwake hwoUmesia uye kana wakatsinhiranisa upenyu hwako nezvinodikanwa zveBhaibheri, ipapoka, pasina kunonozeka, ratidzira ikoko nomutoo uri pamhene. Ratidzira mudzimu wengomwa yeEtiopia inoshumwa pamusoro payo muna Mabasa ganhuro 8. Nokukurumidza paakanzwisisa zvakanga zvichidiwa kwaari, akabvunza Firipo, uyo akanga amutsanangurira mashoko akanaka pamsoro paJesu kuti: “Chii chinondidzivisa kubhapatidzwa?” Uye iye pakarepo akaombekwa mumvura.

17 Nokudaro uchinge waita mavambo akaisvonaka, simbaradza zuva nezuva ukama hwako naJehovha, tsvaka nzira dzokushandisa Shoko rake zvizere zvikuru muupenyu hwako, uye goverana zvizere zvikuru sezvingabvira mubasa rinokosha rokuparidzira Umambo riri kuitwa mukati mamazuva okupedzisira etsika ino yezvinhu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe