RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • su chits. 7 pp. 54-60
  • Ita Nokuchenjera Mukunangana Nengwavaira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Nokuchenjera Mukunangana Nengwavaira
  • Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “NYIKA IRI KUPFUURA”
  • “VAKAPFIDZA PANE ZVAKAPARIDZWA NAJONA”
  • TSVAKA RUGARE NOKUKURUMIDZA
  • Zvatinodzidza Kubva kuvaGibhiyoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • VaGibheoni Vakachenjera
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Joshua nevaGibhiyoni
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Akadzidza Kuva Nengoni
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
su chits. 7 pp. 54-60

Ganhuro 7

Ita Nokuchenjera Mukunangana Nengwavaira

1. Neiko vanhu vakaparara zvisiri madikanwa (a) Apo Titanic yakanyura? (b) Apo Gomo rePelée rakambumutsa mavhunze?

APO vanonyeverwa namanyuko anovimbika kuti ngwavaira iri kuswedera pedyo, vanhu vakachenjera vanoita chiito chokutaviridzira upenyu hwavo. (Zvirevo 22:3) Asika zviuru zvisingaverengeki zvakaparara nomutoo usiri madikanwa nemhaka yokuti chivimbo chavo chakaiswa pasino kufanira. Pasinei hapo nenyevero dzokupinda mumagwa okuponesa upenyu, mazana avatakurwi akanyura mugungwa pamwe chete nengarava inonzi Titanic muna 1912 nemhaka yokuti vaidavira kukambira kwokuti yakanga isinganyuri. Apo Gomo rePelée muMartinique rakavamba kumbumutsa mavhunze egomo rinombumutsa mwoto nokutenheka muna 1902, vanhu veSaint-Pierre vari pedyopo vakatya, asi fariro dzoudyire dzemitezo yakatanhamara yenzangayo zvadzakanga dzava pamutanhiko, vezvamatongerwe enyika vomunzvimboyo nomupepeti wenhau wepepanhau romunzvimboyo vakatsvaka kuteramisa kutya kwavanhu, vachivakuchidzira kusaenda. Pakare pakarepo gomo rakambumuka, uye vanhu vane 30 000 vakaparara.

2. (a) Inyeveroi yokukurumidza iri kuziviswa muzuva redu? (b) Neiko mugariro wacho wakakomba?

2 Muzuva redu nyevero inotova yokukurumidzira zvikuru iri kuziviswa—isati iri pamsoro pengwavaira yakati kuti yomunzvimbomo asi inoreva nezvokuva pedyo kwehondo yapose pose yeArmagedhoni yaMwari. (Isaya 34:1, 2; Jeremia 25:32, 33) Zvapupu zvaJehovha zvakashanya zvashanyazve pamisha yavanhu munyika yose, zvichivakurudzira kuita nokuchenjera, zvichirangarira kuponeswa kwoupenyu hwavo. Ko iwe unoda upenyu zvakaringanira kuita chiito chinodikanwa, uye kuita kudaro nokukurumidzira, pasina kunonozeka here?

“NYIKA IRI KUPFUURA”

3. Neiko chimiro chedu chendangariro kunyika chichizotapura kariro yedu yokupukunyuka?

3 Chinhu chinokosha mukariro yako yokupukunyuka ndicho chimiro chako chendangariro kunyika. Chero bedzi iwe uri mupenyu somunhu uri munyika. Asika haudikanirwi kugoverana muzvishuvo zvayo zvisino kururama uye kutevedzera zviito zvayo zvisiri zvoumwari. Iwe haudikanirwi kusonganira nayo kupfurikidza nokuvimba kwako navanhu negadziriro dzavo munzvimbo maMwari nedonzo rake. Asika unofanira kuita chisarudzo; haungagoni kuva pamativi ose ari maviri. “Upi kana upi . . . anoda kuva shamwari yenyika anozviita amene muvengi waMwari.” Neiko? Nemhaka yokuti, sokuziviswa kwatinoitwa neShoko raMwari, “nyika yose iri musimba rowakaipa.”—Jakobho 4:4; 1 Johane 5:19; Pisarema 146:3-5.

4. (a) Uchishandisa Bhaibheri, tsanangura kuti miitiroi uye zvimiroi zvendangariro zvichadzivisa vanhu kuwana upenyu muUmambo hwaMwari? (b) Neiko munhu upi noupi akapinda muzvinhu izvi achifanira kuzvisiya nokukurumidza?

4 Nomutoo unonzwisisika, Jehovha haazati achizochengeta ndokupinza muNhevedzo Itsva yake yakarurama vanhu vanomuraramiro unofakazira kuti ivo vanoomerera kune zvinoshurikidzwa naMwari. Ko zvii zviri zvimwe zvezvinhu izvozvi? Mibato mizhinji nezvimiro zvendangariro izvo nyika inoita isingacherekedzi. Asika kana tichida kupukunyuka mugumo wenyika ino yakaipa, ipapoka, pasinei hapo neizvo vamwe vanhu vanoita nokufunga, tichatetekera nyevero yeBhaibheri yokuti zvifeve, mhombwe, vanhu vane mitezo mimwe cheteyo vanovatana naavo vanogutsa zvishuvo zvavo mukusachena kwoutere nomufambiro usingadzorwi havazati vachizova pakati pavapukunyuki. Pasinei hapo nokuti vamwe vanowanzoshandisa sei kureva nhema kana kuti kuba, ticharamba mararamire akadaro. Pasinei hapo nokukurumbira kwemiitiro yamashiripiti, tichaidzivisa. Kunyange zvazvo vamwe vangava vane godo, vanomutsa gakava, vanofufutirwa nehasha, kana kuti vanoedza kudzivisa kuvhiringidzika kupfurikidza nemirimo kana kuti kunyanyodutira zvinwiwa zvinoraradzisa, hatizati tichizovatevedzera. Uye kana isu takapinda muzvinhu izvi, tichabvuma dikanwo yokuchinja. Kunyange kana zvimwe zvaizvozvi zvairatidzika kuva “zvenguva dzose” kwatiri munguva yakapfuura, tichazvisia. Neiko? Nemhaka yokuti tinoda zvomenemene Mwari, tinoda upenyu, uye Shoko raMwari rinonyevera kuti “avo vanojaidza kuita zvinhu zvakadaro havazogari nhaka umambo hwaMwari.”—VaGaratia 5:19-21; VaEfeso 5:3-7; 1 VaKorinte 6:9, 10; 2 VaKorinte 7:1; Zvakazarurwa 22:15.

5. (a) Kana upenyu huchikosha kwatiri, tinofanira kudzidza kuitei? (b) Mavarai akaisvonaka anodudzwa mumagwaro pakupera kwendima ino? Anokosha zvakadini? Tingagona sei kuakudziridza?

5 Kana banza rokurarama nokusingaperi mumufaro riri rinokosha kwatiri, tinodikanirwa kudzidza kufadza kwatingaita Mupi woupenyu, Jehovha Mwari. (Mabasa 17:24-28; Zvakazarurwa 4:11) Nomutoo unofambira mberi tinofanira kushandisa Shoko rake kurutivi rwuri rwose rwoupenyu hwedu. Sezvatinodaro, nokukurumidza tichanzveresesa chimiro chedu chendangariro kwatiri timene navamwe vanhu, pfuma yedu timene nezvinowanwa, uye kurangarira kuti izvozvi zvinotapura sei kumira kwedu pamberi paMwari. Vanhu vakatipoteredza vangave vanomufungo wokuzvikudza kwavo vamene, wokundudzi yavo vamene kana kuti dzinza kana kuti rudzi, asi isu tichafungisisa pamsoro porugwaro runoti: “Mwari anoshora vanozvitutumadza, asi anopa tsitsi dzakakomba kuna vanozvininipisa.”—Jakobho 4:6; Zefania 2:2, 3; Pisarema 149:4.

6, 7. Neiko tichifanira kunzvera upenyu hwedu timene mukubetserwa na 1 Johane 2:15-17?

6 Kunyange zvazvo vamwe vachizvibvumidza vamene kuva vanobatwa mumusungo nezvishuvo zvinokuchidzirwa nechaunga chokudisa zvokunyama kana kuti vanosundwa nechishuvo choutanhamari hwavo vamene, isu tichanzvera upenyu hwedu humene mukubetserwa na 1 Johane 2:15-17, iyo inoti: “Musava vanoda nyika kana kuti zvinhu zviri munyika. Kana munhu upi noupi achida nyika, rudo rwaBaba haruzati ruri maari; nokuti chinhu chiri chose chiri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwameso nokuzvitutumadza nezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvizati zvichibva kuna Baba, asi zvinobva munyika. Kupfurirazve, nyika iri kupfuura ndizvo zvinoitawo kuchiva kwayo, asi iye unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.” Kana tichida kuita chinjo, ino ndiyo nguva yokukuita.

7 Nyika namararamire ayo hazvizati zvichizopfuurira nokusingaperi. Haizati iri “isinganyuri.” Vanhu venyika vangaedza havo kuomerera kuvateveri vavo, vachivaita kuti varangarire kuti nhamburiko dzavo dzinogona kuvandudza nyika. Asika nzira bedzi yokuva vanoponeswa mungwavaira yoswedzera pedyo ndeyokutetekera shoko raMwari renyevero. Muna ikoku vaNinevhe mumazuva omuporofita Jona vakagadza muenzaniso watinoita zvakanaka kufungisisa.

“VAKAPFIDZA PANE ZVAKAPARIDZWA NAJONA”

8. Ko vaNinevhe vakaratidzira sei uchenjeri apo Jona akapa nyevero yaMwari kwavari, uye nemiuyoi?

8 Muzana ramakore rechipfumbamwe P.N.V., Jehovha akatuma Jona kuenda kuvanhu veNinevhe, dzimbahwe reAsiria, kundozivisa kuti, nokuda kwoushati hwavo, Ninevhe raizoparadzwa. Apo Jona akanyevera kuti mumazuva 40 bedzi ivo vaizoparara, ivo vakaita seiko? Panzvimbo pokuseka, ivo “vakavamba kutenda Mwari, uye ivo vakapfuurira kuzivisa kutsanya nokupfeka magumbu.” Mambo iye amene akavakumbanira ndokukuchidzira vanhu vose kudanidzira nomwoyo wose kuna Mwari nokutendeuka panzira yavo yakashata napamasimba masimba avo. Iye akarangarira, kuti: “Ndianiko aripo anoziva zvimwe Mwari wechokwadi . . . angadzoka pakutsamwa kwake kukuru, zvokuti isu hatingaparari?” Nemhaka yokuti vakasia nzira yavo yakashata, Jehovha akavaitira ngoni. Upenyu hwavo hwakaponeswa.—Jona 3:2-10.

9, 10. (a) Ko Jesu akataura kuti vaNinevhe vaiva muenzaniso wokutevera mukuwirirana nechii? (b) Ndivanaaniko nhasi vakafanana navaNinevhe?

9 Setsiuro kuna vaJudha vasingadaviri vomuzana rokutanga ramakore N.V., Jesu akazivisa chinoitika ichecho chenhau, achiti: “Varume veNinevhe vachasimuka murutongeso nechizvarwa ichi uye vachachishora; nokuti ivo vakapfidza pane zvakaparidzwa naJona, asi, tarirai! chimwe chinopfuura Jona chiri pano.”—Mateo 12:41.

10 Zvakadiniko nezuva redu? Ko munhu upi noupi ari kuratidzira rupfidzo rwakadaro here? Hungu; kune zviuru zvizhinji munyika yose izvo, savaNinevhe, zvingave zvisina kutongokambira kunamata Mwari weBhaibheri asi izvo zvino zvinotetekera shoko raJehovha renyevero. Apo vanoziva chikonzero nei ruparadziko ruri kuuya panyika ino, vanotsvaka ngoni dzaMwari. Vane kuchinja chaikoiko kwendangariro nomwoyo pamsoro paaichimbova mararamire avo uye zvino vanozvishandisa ivo vamene mukuita “mabasa akakodzera rupfidzo.” (Mabasa 26:20; onawo VaRoma 2:4.) Ko chishuvo chako chokuva mumwe wavo here? Kana zvakadaro, rega kunonozeka.

TSVAKA RUGARE NOKUKURUMIDZA

11. (a) Ko mugariro wavaGibheoni wakanga wakadini? (b) Neiko vakatsvaka rugare naIsraeri?

11 VaGibheoni mumazuva aJoshua vakaitawo nenzira yokuchenjera kuti upenyu hwavo hugoponeswa. Vakanga vari vaKanani avo mararamire avo akanga ari outere nookudisa zvenyika, okunamata zvifananidzo neoudhemoni. Jehovha akanga araira kuparadzwa kwavo. Vaiziva manunurire akanga aita Jehovha Israeri muEgipita makore 40 apakuvamba zvikuru uye kuti madzimambo anesimba avaAmori nechokumabvazuva kwoRwizi rwaJoridhani akanga asina kukwanisa kumira pamberi pavo. Munhu ari wose akanga achiziva kuti, pasina kushandiswa kwemichina yehondo yokupwanywa nayo, masvingo makurusa eJeriko akanga akoromoka pamberi pavo uye kuti guta reAi rakanga rashandurwa kuva matongo. (Joshua 9:3, 9, 10) Vagari veguta reGibheoni vaida kurarama, asi vakaziva kuti havazati vaizotongokunda mukurwisana naMwari waIsraeri. Chimwe chinhu chaidikanirwa kuitwa nokukurumidza. Chii? Havati vaigona kuraira bvumirano naIsraeri, asi vakafunga kuti vanenge vaifanira kuedza kuiwana. Seiko?

12. (a) Pasinei hapo nomutoo wavakashandisa, neiko vaGibheoni vakaponeswa? (b) Ko ivo vaifanira kuita kuchinjai, uye ibasai rakapiwa kwavari rokuita?

12 Vakaita nomutoo wokuchenjera, vachitumira kuna Joshua varume vaiva nechitarisiko chairatidzika kuti vakanga vafamba rwendo rurefu zvikuru. Vachisvika Joshua, vakataura kuti ivo vakanga vachibva kunyika iri kure, kuti ivo vakanga vanzwa nezvezvinhu zvikuru zvakanga zvaitwa naJehovha uye, savamiriri vavanhu vavo, vakanga vauya kuzozvipa ivo vamene savabatiri uye kuzokumbira kuti sungano iitwe pamwe chete navo. Joshua navakuru vakuru vaIsraeri vakabvumira. Gare gare, apo nyengedzo yakazivikanwa, vaGibheoni nomutoo wokuzvininipisa vakabvuma kuti vakanga vachitya nokuda kwoupenyu hwavo nokudaro ivo vakaratidzira kudisisa kuita chinhu chipi nechipi chakanga chichidikanwa kwavari. (Joshua 9:4-25) Jehovha akanga acherekedza nhau yose. Iye haana kunyengedzwa. Iye aigona kuona kuti vakanga vasiri kuedza kushatsa vanhu vake, sezvakanga zvaita vaMoabhi pakuvamba vamba, uye iye akanzwisisa chishuvo chavo chomwoyo wose chokurarama. Naizvozvo akavabvumira kuva vanogoverwa kushanda mukutungamirira kwavaRevhi patabhernakeri tsvene, kuunganidza huni nokuteka mvura, nenzira iyeyo vachitsigira kunamatwa kwaJehovha. Kuti vagogamuchirwa nokuda kwebasa rakadaro, chokwadika, vaitofanira kusia miitiro yavo yekare isina kuchena.—Joshua 9:27; Revhitiko 18:26-30.

13. (a) Ko isu tingagona kubetserekana sei nechinoitika chouporofita chinobatanidza vaGibheoni? (b) Kuti vagoponeswa naJoshua Mukuru, chii chinodiwa kuna vanhu nhasi?

13 Mukurangarira idi rokuti tinorarama pedyo nomugumo wa“mazuva okupedzisira,” kunokosha kuti vanhu vose vanoda kupukunyuka vaite chimwe chinhu pasina kunonozeka, uye nohuchokwadi hwakakwana. Jesu Kristu, uyo ari mupondi waJehovha nhasi, haangagoni kunyengedzwa sezvakaitwa Joshua. Nzira bedzi iyo vanhu vakadaro vanogona kupinda nayo mugadziriro pamwe chete naye kuti avaponese pakupondwa ndeyokuti ivo vazivise pamhene kutenda kwavo Jehovha saMwari wechokwadi. (Enzanisa Mabasa 2:17-21.) Ivo vanofanirawo kugamuchira Jesu Kristu mumabasa ayo Mwari akamugovera ndokurarama pashure pacho savanhu vasati vari vadi vamararamire enyika ino yakashurikidzwa. Ipapo vanofanira kuva vabatiri vanozvininipisa vaMwari, vanomuitira basa dzvene mukusonganirana neungano yavanhu vake.—Johane 17:16; Zvakazarurwa 7:14, 15.

14. Neiko kununura kwaJehovha vaGibheoni pamauto omuvengi kuchikosha kwatiri?

14 Nokukurumidza pashure pokunge vaGibheoni vaita kumira kwavo navanhu vaJehovha, vakadzvinyirirwa zvikuru. Madzimambo mashanu avaAmori akakomberedza Gibheoni kugombedzera vagari kudzokera shure kurutivi rwavo, mukushora Israeri. VaGibheoni vakatumira mukumbiro wokukurumidzira kuna Joshua nokuda kwebetsero, uye kununurwa kwavakawana kwakanga kuri kuya kunoisvoshamisa zvikuru munhau yose. Jehovha akanyonganisa muvengi, akanisira chimvuramabwe pavari kubva kudenga, uye akaparira chiedza kufutunuka nomutoo unoshamisa kutozosvikira Israeri akurira chose chose muvengi. (Joshua 10:1-14) Kupukunyuka ikoko kwavaGibheoni kwakanga kuri kwouporofita hwokunotova kununurwa kunoshamisa zvikuru kweboka guru ravanamati vaMwari wechokwadi pahondo yapose pose yeArmagedhoni. Banza rokubetserekana pakununurwa ikoko rakazarukira vanhu vorudzi rwuri rwose kana ivo vachiita nokuchenjera zvino. Ko iwe uri kuzvibetsera umene nebanza irero here?—Zvakazarurwa 7:9, 10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe