Rwiyo 68
Ngoni Dzoumwari
1. MaKristu chaiwoiwo,
Anoratidza ngoni
Kuvadikani navamwe,
Hungu kune vatorwa.
Jesu Mudzidzisi
Akasanojekesa
Nomuenzaniso.
Vanofara vanonzwa.
2. ‘M’Samaria aifamba
Achienda Jeriko.
Panzira m’Judha arere;
Akapambwa panzira.’
Pakumubatsira,
Wosiya kufungira.
Rudo rwobatsira.
M’rairo woshandiswa.
3. M’vakidzani uno’neka.
Ndiyewoda yamuro.
Ja akanaka kuvose,
Opa mvura nezuva.
Mwari une ngoni!
Ishamwari chaiyo.
Une nyasha huru.
Tovimba neidi’ri.
4. Pane nguva apo kudya
Tinopa m’vakidzani.
Pane kushaya kukuru,
Kwokuti vararame.
Zivo yoUmambo,
Nezvokwadi yakewo
Topa m’vakidzani
Kuti, akudze Mwari.