Ganhuro 21
“Ivo Havazati Vari Rutivi Rwenyika”
1. (a) Ko Jesu akanyengetererei nokuda kwavadzidzi vake pausiku hwapamberi pokufa kwake? (b) Neiko kuva “vasati vari rutivi rwenyika” kuchikosha zvikuru?
PAHUSIKU IYE ASATI arovererwa, Jesu akanyengetera nomwoyo wose nokuda kwavadzidzi vake. Achiziva kuti ivo vaizodzvinyirirwa zvikurusa naSatani, iye akati kuna Baba vake: “Ini ndinokukumbirai, kusavabvisa munyika, asi kuvarindira nokuda kwowakaipa. Ivo havazati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.” (Johane 17:15, 16) Neiko kuparadzana nenyika kuchikosha zvikuru? Nemhaka yokuti Satani ndiye mubati ushe wayo. Avo vari rutivi rwenyika vari pasi pokudzora kwake. (Johane 14:30; 1 Johane 5:19) Mukurangarira ikoku, kunokosha kumuKristu ari wose kunzwisisa chaizvoizvo chinorehwa nokuva “asati ari rutivi rwenyika.” Ko ikoko kwakaitika sei kuna Jesu?
2. Ko Jesu “akanga asati ari rutivi rwenyika” munzirai?
2 Zvamazvirokwazvo Jesu haana kuzviparadzanisa iye amene navamwe vanhu. Kuva kwake “asati ari rutivi rwenyika” hakuna kureva kushaikwa kwokuda vamwe. Mukusiana nezvo, iye akaenda paguta neguta achivazivisa mashoko akanaka pamsoro poUmambo hwaMwari. Akaporesa vanorwara, akaita kuti mapofu aone, akamutsa vakafa, kunyange kupa upenyu hwake iye amene nokuda kwavanhu. Asika iye haana kuda zvimiro zvendangariro zvavanhu vasina umwari uye zviito zvakaipa zvavanhu vakanga vakazadzwa nomudzimu wenyika. Akanyevera pamsoro pezvishuvo zvoutere, mararamire okudisa zvenyika nokukarira kwoudyire utanhamari hwomunhu amene. (Mat. 5:27, 28; 6:19-21; Ruka 12:15-21; 20:46, 47) Panzvimbo pokutevedzera mararamire avanhu vari kure naMwari, Jesu akafamba munzira dzaJehovha. (Johane 8:28, 29) Kana dziri kakavadzano dzezvamatongerwe enyika dzaibatanidza Roma navaJudha, Jesu, kunyange zvazvo aiva muJudha, haana kutsigira.
“Umambo Hwangu Hahuzati Huri Rutivi Rwenyika”
3. (a) Ko vatungamiriri vorudzidziso vakaita kupomerai pamsoro paJesu kuna Pirato, uye neiko? (b) Chii chinoratidzira kuti Jesu akanga asingafariri kuva mambo wohunhu?
3 Zvisinei, vatungamiriri vorudzidziso vavaJudha, vakapomera kuti Jesu akanga achitsausa fariro dzorudzi. Vakaita kuti abatwe ndokuendeswa kuna Pontio Pirato, mudzori weRoma. Chakavavhiringidza chaizvoizvo chakanga chiri chokuti dzidziso yaJesu yakafumura hunhema hwavo. Asi kuti vaite kuti mudzori aite chiito, vakaita pomero, yokuti: “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu uye achirambidza kuterwa kwemitero kuna Kesari uye iye amene achiti ndiye Kristu mambo.” (Ruka 23:2) Idi nderokuti gore rimwe pakuvamba-vamba apo vanhu vakanga vada kumuita mambo, Jesu akanga aramba. (Johane 6:15) Iye aiziva kuti aizova Mambo wokudenga uye kuti nguva yokuti iye ave Mambo yakanga ichigere kusvika, uye iye aizogadzwa pachigaro choumambo, kusati kuri kupfurikidza nechiito chokusarudza kwavoruzhinji kana kuti chakakurumbira, asi kupfurikidza naJehovha Mwari.
4. Ko maidi anozivisei pamsoro pechimiro chendangariro chaJesu pamsoro po“kutera mitero kuna Kesari”?
4 Kana kuri kuterwa kwemitero, mazuva matatu bedzi pamberi pokusungwa kwaJesu vaFarise vakanga vaedza kumuita kuti ataure chimwe chinhu chokumuwanira mhaka pamsoro peiyi nhau. Asika mukupindura mubvunzo wavo wamano mano, Jesu akanga apindura, kuti “Ndiratidzirei dhenari [mari yeRoma]. Ko iro rinomufananidzo norunyoro zvaani?” Apo ivo vakati, “zvaKesari,” iye akapindura, kuti: “Zvamazvirokwazvo, nokuda kweichi chikonzero, dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Ruka 20:20-25.
5. (a) Ko Jesu akadzidzisa vadzidzi vake chifundoi panguva yokusungwa kwake? (b) Ko Jesu akatsanangura sei kuna Pirato chikonzero chezvaakanga aita?
5 Chakaitika panguva imene yokusungwa kwaJesu chakaratidzira kutiiye akanga asiri kunyandura rupanduko mukurwisana neRoma, uye haazati akada kuti vadzidzi vake vaite kudaro. Varwi veRoma pamwe chete navaJudha vakatakura minondo netsvimbo vakauya kuzobata Jesu. (Johane 18:3, 12; Marko 14:43) Achiona ikoku, muapostora Petro akavhomora munondo wake ndokurova mumwe wavarumevo, achicheka nzeve yake yokurudyi. Asi Jesu akatsiura Petro, achiti: “Dzorera munondo wako munzvimbo mawo, nokuti vose avo vanoshandisa munondo vachaparara nomunondo.” (Mat. 26:51, 52) Mangwanani akatevera, paaiveri pamberi paPirato, Jesu akatsanangura chikonzero chechiito chake, achiti: “Umambo hwangu hahuzati huri hwenyika ino. Kudai umambo hwangu hwaiva rutivi rwenyika ino, varindiri vangu vaizodai vakarwa kuti ndirege kuiswa kuvaJudha. Asi, sezvakwakadaro, umambo hwangu hahuzati huchibva pamanyuko iwawa.”—Johane 18:36.
6. Chii chakava muuyo wokutambwa kwemhaka ikoko?
6 Pashure pokurangarira ufakazi, Pirato akazivisa kuti pakanga “pasina chikonzero chepomero” dzakapomerwa Jesu. Hunyanguvezvo, iye akabvumirana nokuraira kwemhomho nokudaro akaita kuti Jesu aroverwe.—Ruka 23:13-15; Johane 19:12-16.
Vadzidzi Vanotevera Kutungamirira Kwatenzi
7. Ko maKristu apakuvamba akaratidzira sei kuti iwo aidzivisa mudzimu wenyika asi iwo achida vanhu?
7 Chinyorwa chechiKristu chapakuvamba, mose muri muviri muBhaibheri nomuzvimwe zvinyorwa zvenhau, chinoratidzira kuti vadzidzi vaJesu vainzwisisa icho kuva “vasati vari rutivi rwenyika” chaida kwavari. Vaitamburira kudzivisa mudzimu wenyika. Nokuti vaidzivisa varaidzo yamasimba masimba neyoutere yomunhandare dzemitambo nezvivako zvemitambo zveRoma, ivo vaisekwa savavengi vorudzi rwomunhu. Zvisinei, panokuti vavenge vanhu biyavo, vakazvishandisa ivo vamene mukubetsera vamwe kubetserekana negadziriro yorudo yaMwari yoruponeso.
8. (a) Nemhaka yokuva “vasati vari rutivi rwenyika,” ko vadzidzi ivavo vapakuvamba vakatamburei? (b) Asika ivo vakarangarira sei vabati ushe vezvamatongerwe enyika nokuterwa kwemitero, uye nei?
8 Sezvakanga zvichiita Tenzi wavo, ivowo vakanga vachitambudzwa zvikuru, kazhinji kazhinji navakuru vakuru vehurumende vaiudzwa zvisizvo. (Johane 15:18-20) Asi munenge muna 56 N.V. muapostora Pauro akanyorera maKristu biyake muRoma achisimbisa zano rakanga rapiwa naJesu. Pauro akavakuchidzira ku“va vanozviisa pasi pezviremera zvikuru,” vabati ushe vezvamatongerwe enyika, “nokuti hapana chiremera chiripo kunze kwaMwari.” Hakuzati kuri kuti Jehovha anogadza hurumende dzokunyika, asika dzinobata ushe kupfurikidza nokubvumira kwake. Pauro akatsanangura kuti izvo “zviri munzvimbo dzazvo dzinomwero kupfurikidza naMwari,” nokuti Mwari akadeya kuona ndokudeya kuzivisa nhevedzano yazvaizopinda nomairi mukubata ushe. “Zviremera zvikuru” nenzira iyeyo zvinoita “gadziriro yaMwari” kwenguva iripoyi, kutozosvikira Umambo hwaMwari amene hunodzorwa naJesu hwava hurumende bedzi inobata ushe pasi. Naizvozvo Pauro akapangira maKristu kuratidzira rukudzo rwakafanira kuvakuru vakuru vokunyika uye kutera mitero yavanoisa.—VaR. 13:1-7; Tito 3:1, 2.
9. (a) Chii chisati chichifanira kusiiwa mukurangarira pakuzviisa pasi pe“zviremera zvikuru”? (b) Ko nhau inoratidzira sei kuti maKristu apakuvamba akasanotevera muenzaniso waJesu?
9 Pauro haana kuvaudza, kunyange zvakadaro, kuva vanozviisa pasi chose chose vasingarangariri Mwari, Shoko raMwari nehana yavo yechiKristu. Vaiziva kuti Jesu akanga anamata Jehovha bedzi, kuti Jesu akanga aramba kuita kuti vanhu vamuite mambo uye kuti iye akanga audza Petro kudzosera munondo wake. Ivo mukutungamirirwa nehana vakaomerera kukutungamirira kwaTenzi wavo. Bhuku rinonzi On the Road to Civilization—A World History (rakanyorwa naHeckel naSigman, peji 237, 238) rinoshuma, kuti: “MaKristu akaramba kuva nemitoro yakati kuti yavagari veRoma. MaKristu . . . akakurangarira kuva kuputswa kwokutenda kwavo kupinda mumabasa amauto. Ivo havazati vaizova nenzvimbo yezvamatongerwe enyika. Ivo havasati vaizonamata mambo.”
10. (a) Neiko maKristu muJerusarema akaita chiito chaakaita muna 66 N.V.? (b) Ko ichecho chinogovera muenzanisoi unokosha?
10 Pamsoro pekakavadzano dzezvamatongerwe enyika nedzamauto dzomuzuva ravo, vadzidzi vaJesu vakachengeta kusatora rutivi chaikoiko. Mugore ra 66 N.V. vaJudha vomuruwa rweRoma rweJudhea vakapandukira Kesari. Uto reRoma nokukurumidza rakapoteredza Jerusarema. Ko maKristu omuguta irero akaitei? Akayeuka zano raJesu rokuramba asingatori rutivi uye kubuda pakati pamauto anorwisana. Apo uto reRoma rakadzokera shure kwechinguvana, maKristu akashandisa banzaro ndokuyambuka Rwizi rweJoridhani achitizira kumakomo ePella. (Ruka 21:20-24) Mukusatora rutivi kwao iwo akabatira somuenzaniso wakatendeka nokuda kwamaKristu apashure.
Vasingatori Rutivi vechiKristu Munguva Yomugumo
11. (a) Ko Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvakabatikana muchii, uye neiko? (b) Ko izvo hazvitori rutivi pamsoro pechii?
11 Ko chinyorwa chenhau chinoratidzira kuti boka ripi neripi mu“nguva yomugumo” ino, chifo cha 1914 N.V., rakaronda nzira yokusatora rutivi kwechiKristu mukutevedzerwa kwamaKristu aya apakuvamba here? Hungu, Zvapupu zvaJehovha zvakaita kudaro. Mupasi rose zvakapfuurira kubatikana mukuparidzira kuti Umambo hwaMwari ndihwo mutoo bedzi uyo rugare, rubudiriro nomufarwa usingaperi zvinobvira kupfurikidza nawo nokuda kwavadi vokururama mupasi rose. (Mat. 24:14) Asi kana dziri kakavadzano dzapakati pamarudzi, izvo zvakachengeta kusatora rutivi chaikoiko.
12. (a) Ko kusatora rutivi kweZvapupu kunosiana sei nemiitiro yavakuru vakuru vorudzidziso? (b) Ko kusatora rutivi pamsoro pezvamatongerwe enyika kunobatanidzei nokuda kweZvapupu zvaJehovha?
12 Mukusiana chaikoiko, vakuru vakuru vechiKristudhomu vanobatanidzwa zvikuru kwazvo munhau dzezvamatongerwe enyika dzenyika. Mune dzimwe nyika vanoita nhimbe nomutoo wokushingaira nokuda kwavabati ushe kana kuti kurwisana navo. Vamwe vavakireji vamene vane nzvimbo yezvamatongerwe enyika. Vamwe vanoisa dzvinyiriro huru kwazvo pana vezvamatongerwe enyika yokuda mapurogiramu ayo vakuru vakuru vorudzidziso vanotendera. Kune dzimwe nzvimbo vakuru vakuru vorudzidziso “vezvokusachinja” ishamwari chaidzoidzo dzavanhu vanobata ushe kunyange vaprista navashumiri “vezvokufambira mberi” vangave vachitsigira masangano echimurenga vachishandira kukurira kwavo. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha hazvipindiri mune zvamatongerwe enyika, pasinei zvapo nokuti inyikayi yazvinogara mairi. Izvo hazvivhiringidzi zvinoita vamwe pamsoro pokukumbanira bato rezvamatongerwe enyika, kurwira nzvimbo kana kuti kuvhoterwa mukusarudza. Asi, sezvo Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaizova “vasati vari rutivi rwenyika,” Zvapupu zvaJehovha hazvitori rutivi kana zvodii hazvo mumibato yezvamatongerwe enyika.
13. Kana kuri kutora rutivi kwazvo muhondo, ko maidi anoratidza kuti nzvimbo yeZvapupu zvaJehovha yave yakadini?
13 Sokudeya kuzivisa kwakaita Jesu, mukati me“nguva yomugumo” ino marudzi akarwa arwazve hondo, uye kunyange mapato ari mukati mamarudzi akarwisana. (Mat. 24:3, 6, 7) Asika mukunangana naikoku kwose, ko Zvapupu zvaJehovha zvakatora nzvimboyi? Kusatora rutivi kwazvo pamsoro perwisano dzakadaro kunosanozivikanwa mumativi ose enyika. Zvichiwirirana nenzvimbo yakatorwa naJesu Kristu ndokuenzanisirwa pashure navadzidzi vake vapakuvamba, Nharireyomurindi, yechiNgezi, muchinyorwa chaNovember 1, 1939, yakati: “Vose vari kurutivi rwaIshe vachava vasingatori rutivi pamsoro pamarudzi anorwisana, uye vachava chose chose uye zvikurukuru voMubati ushe woumwari mukuru [Jehovha] naMambo wake [Jesu Kristu].” Maidi anoratidzira kuti Zvapupu zvaJehovha mumarudzi ose nomumigariro yose zvinopfuurira kuomerera kunzvimbo iyi. Izvo hazvina kubvumira zvezvamatongerwe enyika zvinokamuranisa zvenyika nehondo kuputsanya ukama hwazvo hwamarudzi ose savanamati vaJehovha.—Isa. 2:3, 4; enzanisa 2 VaKorinte 10:3, 4.
14. (a) Nokuda kwechimiro chazvo chokusatora rutivi, ko Zvapupu zvakaramba kuiteizve? (b) Ko izvo zvinotsanangura sei chikonzero chaikoku?
14 Kunzverwa kwamaidi enhau kunoratidzira kuti Zvapupu zvaJehovha hazvina kungoramba bedzi kupfeka zvipfeko zvamauto ndokutora zvombo, asi, mukati mamakore anamakumi mashanu uye anopfuura, izvo zvakarambawo kuita basa risati riri rokurwa kana kuti kugamuchira mimwe migove yebasa mukutsiva basa ramauto. Neiko? Nokuti izvo zvakafunda zvinodikanwa zvaMwari dzokonokei zvoita chisarudzo chomunhu iye amene, chokutungamirirwa nehana. Hakuna munhu anozviudza zvazvinofanira kuita. Uyewo hazvivhiringidzi izvo vamwe vanosarudza kuita. Asi pazvinodanirwa kundotsanangura nzvimbo yazvo, Zvapupu zvaJehovha zvakakuita kuti kuzivikanwe kuti, savanhu vakazvipa ivo vamene kuna Mwari mutsauriro, izvo zvinosungirwa kushandisa miviri yazvo mubasa rake uye zvino hazvingagoni kupa iyoyi kuna vanatenzi vapasi avo vanoita mukupesana nedonzo raMwari.—VaR. 6:12-14; 12:1, 2; Mika. 4:3.
15. (a) Nokuda kwokuchengeta kuparadzana nenyika, ko Zvapupu zvaJehovha zvakawanei? (b) Kunyange apo zvakapfigirwa mutorongo, ko nheyo dzechiKristu dzakazvitungamirira sei?
15 Muuyo wacho wave uri sokutaura kwakaita Jesu, kuti: “Nokuti imi hamuzati muri rutivi rwenyika . . . nyika inokuvengai.” (Johane 15:19) Vazhinji veZvapupu zvaJehovha vave vachipfigirwa mutorongo nemhaka yokuti havazati vaizoputsa kusatora rutivi kwavo kwechiKristu. Vamwe vakabatwa noutsinye, kunyange pakudokufa. Vamwe vakapfuurira kuratidzira kusatora rutivi kwavo mukati mamakore okupfigirwa mutorongo. Bhuku rinonzi Values and Violence in Auschwitz (rakanyorwa naAnna Pawelczynska, peji 89) rinoshuma, kuti: “Munhu ari wose aiziva kuti hakuna Chapupu chaJehovha [chomumusasa wechibharo] chaizoita murairo unopesana nechitendero chacho chorudzidziso nokupwiswa kana kuti nechiito chipi nechipi chinorwisana nomumwe munhu, kunyange kudai munhu iyeyo akanga ari mhondi nomukuru mukuru weSS. Namamwe mashoko, chaizoita rimwe basa riri rose, kunyange rinoisvosemesa zvikuru, napachinogona napo pose, kana iro rakanga riri rokusatora rutivi kwaari.”
16. (a) Ko marudzi ose ari kufora achiendepi, naizvozvo Zvapupu zvaJehovha zvinongwarira kudzivisei? (b) Ko zvino, neiko kuparadzana nenyika kuri nhau yakakomba zvakadaro?
16 Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti marudzi ose ari kufora kuenda ku“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” paArmagedhoni. Savanhu vakabatana, vabatiri vaJehovha vakatsigira Umambo Hwake hwouMesia. Naizvozvo vanoshandisa ngwariro yokudzivisa kuzvibvumira vamene kuva vanopinzwa munzvimbo yokushora Umambo ihwohwo. (Zvak. 16:14, 16; 19:11-21) Vanonzwisisa kukomba kwokutaura kwaJesu kwokuti vateveri vake vechokwadi ha“vasati vari rutivi rwenyika.” Vanoziva kuti nyika ino yekare nokukurumidza ichapfuura, uye avo bedzi vanoita chaizvoizvo kuda kwaMwari vachararama nokusingaperi.—1 Johane 2:15-17.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Ko Jesu akaratidza sei chiri chinobatanidzwa mukuva “asati ari rutivi rwenyika”?
● Chii chinoratidzira chimiro chendangariro chamaKristu apakuvamba ku (1) mudzimu wenyika? (2) vabati ushe vokunyika nokuterwa kwemitero? (3) basa ramauto?
● Ko Zvapupu zvaJehovha zvomunguva dzazvino uno zvakapa ufakazi hwokusatora rutivi kwazvo kwechiKristu munzirai?