RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • uw chits. 14 pp. 110-116
  • ‘Ndinoita Sungano Nemi Nokuda kwoUmambo’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Ndinoita Sungano Nemi Nokuda kwoUmambo’
  • Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuunganidza Vadyinhaka Voumambo
  • Vanakomana Vomudzimu—Vanoziva Sei?
  • Kugoverana Nomutoo Wakakodzera
  • “Isu Tichaenda Nemi Vanhu”
  • Kudya kwaShe Kwemanheru Kunorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Ndivanaani Chaizvoizvo Vane Danidzo Yokudenga?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Nei Tichikoshesa Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Wakagamuchira “Mudzimu Wechokwadi” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
uw chits. 14 pp. 110-116

Ganhuro 14

‘Ndinoita Sungano Nemi Nokuda kwoUmambo’

1. Pausiku hwapamberi pokufa kwaJesu ikariroi yaakagadza pamberi pavaapostora vake?

PAKANGA PARI pausiku hwapamberi pokuurawa kwaJesu apo iye akaudza vadzidzi vake vakatendeka kuti: ‘Mumba yaBaba vangu mune nzvimbo zhinji. Ini ndinoenda kundokugadzirirai nzvimbo, kuti pandiri nemiwo mugovapo.’ Iye akapfuurirazve kutaura kwavari, kuti: “Ndinoita sungano nemi, sezvo Baba vangu vakaita sungano neni, nokuda kwoumambo.” (Johane 14:2, 3; Ruka 22:29) Haiwa ikariro yakaisvonaka sei yaakagadza pamberi pavo!

2. Vanganiko vachagoverana naKristu muUmambo hwake hwokudenga?

2 Zvisinei, Jesu haana kureva kuti vaapostora ivavo bedzi vaizobata ushe naye muUmambo hwokudenga. Gare gare kwakaziviswa kuti vane 144 000 vakadzikinurwa papasi vaizova neropafadzo yakaisvonaka iyeyo. (Zvak. 5:9, 10; 14:1-4) Ko vamwe nhasi vanosvasvavirira kuibatisisa here?

Kuunganidza Vadyinhaka Voumambo

3. Muushumiri hwake hwapamhene, ko Jesu akazivisa banzai?

3 Pashure pokunge Johane Mubhapatidzi apfigirwa mutorongo naHerodhe Antipasi, Jesu akatanga nhimbe hurusa yokuparidzira pamhene umo iye akanangidzira ngwariro pa“umambo hwamatenga.” (Mat. 4:12, 17) Akaita kuti vanhu vazive kuti kwaizova nebanza ravo rokupinda muUmambo ihwohwo, uye vadzidzi vake nomutoo wokudisisa vakasvasvavirira mubairo iwowo.—Mat. 5:3, 10, 20; 7:21; 11:12.

4. (a) Ko vadzidzi vokutanga vaJesu vakazodzwa riini nomudzimu mutsvene? (b) Chii chinoratidzira kuti ngwariro yakanga ichirereudzirwa kubvira panguva iyeyo zvichienda mberi kukuunganidzwa kwavadyi venhaka voUmambo?

4 PaPentekosta ya 33 N.V. vokutanga vavo vakazodzwa nomudzimu mutsvene. (Mabasa 2:1-4; 2 VaK. 1:21, 22) Gadziriro yaMwari yoruponeso inotungamirira kuupenyu hwokusafa hwokudenga yakaziviswa. Petro akashandisa “makiyi oumambo hwamatenga” kuzarura kuziva uku—kutanga kuvaJudha, tevere kuvaSamaria, uye ipapo kuvanhu vamarudzi aVamarudzi. (Mat. 16:19) Ngwariro chaiyoiyo yakanga ichipiwa kukuumba hurumende yaizobata ushe vanhu kwamakore ane 1 000, uye anenge matsamba ose akafuridzirwa ari muMagwaro echiGiriki echiKristu akanongedzerwa zvikurukuru kune iri boka ravadyi venhaka voUmambo—“vatsvene,” “vagoverani vokudanwa kwokudenga.”a

5. Ko kudanirwa kwavo kuupenyu hwokudenga kwakanga kuri nemhaka yokuti vakanga vari vabatiri vari nani zvikuru vaMwari kupinda vakanga vararama kare here?

5 Kudanirwa kwavo kuupenyu hwokudenga kwakanga kusati kuri nemhaka yokuti ivo vakanga vakati nakei zvikuru kupinda vabatiri vose vaMwari vakanga vafa pamberi pePentekosta ya 33 N.V. (Mat. 11:11) Kupfuurezvo, Jehovha zvino akanga avamba kusarudza avo vaizova vabati ushe pamwe chete naJesu Kristu. Kwamakore anamazana 19 pashure paikoko kwakanga kuno kudana kumwe bedzi, kwokudenga. Dzakanga dziri tsitsi dzakakomba idzo Mwari akaisa pachiverengero chakaganhurirwa mukupfuuridzirwa mberi kwamadonzo okuchenjera noorudo ake amene.—VaEf. 2:8-10.

6. (a) Neiko nguva yaifanira kusvika apo kudana kwokudenga kwaizoguma? (b) Ndianiko aizotungamirira zvinhu zvokuti chiporofita chinoreva nezve“boka guru” chaizozadzikawo, uye chii chakaitika chaizvoizvo?

6 Pashure penguva yakati kuti chiverengero chakarongwa asi chakaganhurirwa chavane 144 000 chaizokwana. Kuiswa chisimbiso kwaava vaIsraeri vomudzimu savakatenderwa kwaizoswedera pedyo. (Zvak. 7:1-8) Ipapo Jehovha, kupfurikidza nomudzimu wake nokunzwisiswa kweShoko rake kwaakaita kuti kubvirire sangano rake rinooneka, waizotungamirira zvinhu nokuda kwokuita rumwe rutivi rwedonzo rake, sezvakarondedzerwa muna Zvakazarurwa 7:9-17. “Boka guru” rinobva mumarudzi ose raizounganidzwa, riine kariro inofadza yokupukunyuka dambudziko guru ndokurarama nokusingaperi mukukwana pakati peParadhiso yapasi. Patinorangarira zvakaitika chaizvoizvo, kunoratidzika kuva kuri pamhene kuti kudana kwokudenga kwose zvako kwakapedzwa pakuzosvika panenge pagore ra 1935 N.V., apo tariro yapasi ye“boka guru” yakacherekedzwa zvakajeka. Chifo chenguva iyeyo mamirioni avanamati vaJehovha vanotarisira nomwoyo wose kurarama nokusingaperi pasi pano chaipo ave achiunzwa musonganirano navakasarira vane zviuru zvishomanene veboka rokudenga.

7. Ko kunobvira here kuti vamwe kunyange nhasi vangawana kudanwa kwokudenga, uye nei uchipindura kudaro?

7 Ko ikoku kunoreva here kuti zvino hakuchina vari kudanwa naMwari nokuda kwoupenyu hwokudenga? Kutozosvikira kuiswa chisimbiso kwokupedzisira kwaitwa, kunobvira kuti vamwe vashoma vane tariro iyeyo vangabvumikisa kuva vasina kutendeka, nokudaro vamwe vanotofanira kusarudzwa kutsiva nzvimbo yavo. Asika kunoratidzika kuva kunomufungo kuti ikoku kwaizova kusingawanzoitika.

Vanakomana Vomudzimu—Vanoziva Sei?

8. Ko muapostora Pauro anopa kutsanangurai kunoratidzira mazivire anoita avo vanoberekwa nomudzimu idi irero?

8 Mudzimu waMwari unopa simbisiro chaiyoiyo yokugamuchirwa savanakomana vomudzimu kumaKristu akabhapatidzwa akagamuchira kudana kwokudenga. Muapostora Pauro akaratidzira ikoku apo iye akanyorera “vatsvene” vomuRoma, achirondedzera chakanga chiri mugariro panguva iyeyo wamaKristu ose echokwadi. Iye akati: “Vose vanotungamirirwa nomudzimu waMwari, ivava vanakomana vaMwari. Nokuti imi hamuna kugamuchira mudzimu wouranda unoparirazve kutya, asi imi makagamuchira wokusarudzwa savanakomana, uri mudzimu watinodanidzira kupfurikidza nawo kuti: ‘Abba, Baba!’ Mudzimu iwo umene unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari. Kana, zvino, tiri vana, tiriwo vadyi venhaka: vadyi venhaka zvamazvirokwazvo vaMwari, vadyi venhaka pamwe chete naKristu, kana tikatambura pamwe chete kuti isu tigokudzwawo pamwe chete.”—VaR. 1:7; 8:14-17.

9. Ko ‘mudzimu iwo umene unopupurirana’ sei nomudzimu waavo vari zvomenemene vanakomana vaMwari?

9 Kushandiswa kuviri kweshoko rokuti “mudzimu” pano kunotiziviswa: “mudzimu iwo umene” no“mudzimu wedu.” Wokutanga isimba rinobata basa risingaoneki raMwari. Iwo unokuchidzira muvana vake vomudzimu kupwiswa kwokuva vakagamuchirwa savana vakasununguka vaMwari. Mudzimu iwowo unopupurirawo kupfurikidza neShoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, iro rakafanana netsamba kuvana vake vomudzimu. (1 Pet. 1:10-12) Apo avo vakaberekwa nomudzimu mutsvene vanorava zvinorehwa naMagwaro kuna avo vari vanakomana vomudzimu vaMwari, ivo vanosanopindura, kuti: ‘Ikoko kunoshanda kwandiri.’ Nokudaro simba rinobata basa raMwari amene munzira dzakasiana-siana rinopupurirana nomudzimu wavo, simba rinokuchidzira rendangariro nomwoyo wavo vamene, kuti ivo vana vaMwari. Mukuwirirana nezvinoratidzirwa nomudzimu waMwari nenzira iyeyo, ndangariro nemwoyo yavo zvinova zvakagadzwa patariro yokuva vadyi venhaka pamwe chete naKristu, nokudaro vanogamuchira mitoro yavana vomudzimu vaMwari.—VaF. 3:13, 14.

10. (a) Zvinhui izvo mazviri zvimene zvisati zvichizivisa munhu kuva muKristu akazodzwa? (b) Ko “mamwe makwai” anorangarirei pamsoro penzvimbo yao mudonzo raMwari?

10 Ndozvakwakaita kwauri here? Kana zvakadaro, iwe une ropafadzo inoshamisa. Zvisinei, kwaizova kuposha kuno upi noupi kutaura kuti nemhaka yokuti munhu ane nzwisiso hurusa nokuda kwezvinhu zvomudzimu zvakadzama zvikuru kana kuti anoshingaira muhushumiri hwomumunda kana kuti anoda zvikuru kwazvo hama dzake iye nokuda kwechikonzero ichecho anofanira kuva muKristu akazodzwa nomudzimu. Zvinhu izvozvo zvimene zvinoratidzira vazhinji va“mamwe makwai.” Mwoyo yavowo, inosundwa kupfurikidza nezvavanorava muMagwaro pamsoro pavadyi venhaka pamwe chete naKristu, asi ivo havangofungidziri havo kuzvikambirira ivo vamene chimwe chinhu icho Mwari asina kuvachengetera. (Enzanisa naNumeri 16:1-40.) Ivo vanoziva donzo rapakuvamba raMwari nokuda kwapasi nokudaro nomutoo wokunzwisisa vanoshandira kugoverana mariri.

Kugoverana Nomutoo Wakakodzera

11. Ndivanaaniko vanopinda kurangarirwa kwegore negore kworufu rwaJesu, uye neiko?

11 Gore rimwe nerimwe, pana Nisani 14, pashure pokunyura kwezuva, vateveri vakazodzwa vaJesu Kristu mumativi ose apasi vanoyeuka rufu rwake, mukutsinhirana nemirairidzo yaakapa vaapostora vake. (Ruka 22:19, 20) “Mamwe makwai” anopindawo, kwete savagoverani vechingwa newaini, asi savacherekedzi vanoremekedza.

12. Ko vamwe vamaKristu apakuvamba omuKorinte vakanga vachikundikana sei kuratidzira nzwisiso yakafanira Chirangaridzo chaShe Chamadekwana?

12 Iwowu hauzati uri muitiro usina maturo worudzidziso asi wakazadzwa nerevo ine simba. Muapostora Pauro akanyorera zano rakakomba kumaKristu omuzana rokutanga ramakore omuKorinte, Girisi, mamwe awo akakundikana kuratidzira kunzwisisa kwakafanira nokuda kwenhambo iyeyo, achiti: “Nokudaro upi kana upi anodya ichi chingwa nokunwa uyu mukombe waShe nomutoo usino kufanira achava nemhaka pamsoro pomuviri neropa raShe.” Chii chakavaita vagoverani ‘vasina kufanira’? Vakanga vasina kuzvigadzirira ivo vamene nomutoo wakafanira mumwoyo nendangariro. Muungano makanga mune kukamurana. Uyewo vamwe vainyanyodyisa nokunwa pamberi pomusanganowo. Vairerutsa Chidyo chaShe Chamadekwana. Vakanga vasingakwanisi kucherekedza revo yakakomba yechingwa newaini.—1 VaK. 11:17-34.

13. Chii chiri revo yechingwa newaini zvinogoverwa paChirangaridzo?

13 Chii chiri revo iyoyo? Haizati iri mukushandura chimiro kunoshamisa kupi nokupi kunofungidzirwa kwechingwa newaini. Munzira ipi neipi Kristu haazati achibairwazve paChirangaridzo chimwe nechimwe. Magwaro anorondedzera kuti “Kristu akapirwa kamwe chete nokuda kwenguva yose kuti atakure zvivi zvavazhinji.” (VaH. 9:28; 10:10; VaR. 6:9) Bundu rechingwa chisina kuviriswa newaini tsvuku zvinongova hazvo zviratidzo zvokumirira muviri chaiwoiwo wakapirwa naJesu sechibairo neropa chairoiro raakateura. Asika haiwa zvinokosha sei zvinhu izvi chaizvoizvo! Muviri wohunhu usina chivi waJesu wakapiwa kuti nyika yavanhu igogona kuva nebanza rokurarama nokusingaperi. (Johane 6:51) Uye ropa rake rakateurwa rinobatira madonzo maviri—kubvisa chivi pana vanhu avo vanoritenda, uyewo kuita kuti sungano itsva iri pakati paMwari neungano yaIsraeri akazodzwa nomudzimu ishande, iyo inoumbwa namaKristu akazodzwa nomudzimu. (1 Johane 1:7; 1 VaK. 11:25; VaG. 6:14-16) Ndidzodzi gadziriro dzinokosha dzinokuita kubvirire mitezo ye“boka duku” kuva inonzi yakarurama naMwari, zvichiita zvomenemene kuti kukwana kwohunhu kupiwe kwairi. (Ruka 12:32) Ikoku kunoitwa kuti ivo vagone kuberekwa nomudzimu mutsvene savanakomana vaMwari, nomurangariro wokugoverana naKristu muUmambo hwake hwokudenga. Zvavanogoverana zviratidzo zveChirangaridzo gore rimwe nerimwe, nenzira iyoyo vachipupurira tariro yavo yokudenga, kunzwisisa kwavo kwokuva vari “musungano itsva” yakarevererwa naKristu kunomutsidzirwa ndokudzamiswa.—VaH. 8:6-12.

“Isu Tichaenda Nemi Vanhu”

14. (a) Ko nei “mamwe makwai” asati achigoverana muzviratidzo zveChirangaridzo, asi iwo anokarirei nomwoyo wose? (b) Ko iwo anorangarira sei kubatana kwao navakasarira vavadyinhaka voUmambo?

14 “Mamwe makwai” anocherekedza mabatire ave achiita Jehovha navakasarira vake, uye anovakumbanira, achiti: “Isu tichaenda nemi vanhu, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi vanhu.” (Zek. 8:20-23) Havazati vachingosongana navo pamwe chete asi vanogoverana pamwe chete mukuzivisa mashoko akanaka oUmambo mupasi rose rinogarwa. Zvisinei, “mamwe makwai” haapinzwi mu“sungano itsva” pamwe chete naIsraeri womudzimu uye haabatanidzwi mu“sungano . . . nokuda kwoumambo” yakaitwa naJesu naavo vakasarudzirwa kugoverana upenyu hwokudenga pamwe chete naye, uye nokudaro, nomutoo wakakodzera, havagoverani zviratidziro zveChirangaridzo. (Ruka 22:20, 29) Asi “sungano itsva” zvainowana donzo rayo, kuunganidza pamwe chete mitezo yokupedzisira ye“boka duku” kuUmambo hwokudenga, “mamwe makwai” anoziva kuti ikoku kunoratidzira kuti zvikomberero zvaachawana pasi pano kupfurikidza noUmambo ihwohwu zvaswedera pedyo. Anokurangarira kuva ropafadzo, mukati ma“mazuva okupedzisira,” kubatira akabatana navakasarira vakavimbika vavadyi venhaka voUmambo.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona ndima duku dzokutanga dzaVaRoma 1:1;, 1 VaK 1:1;ne 2 VaKorinte 1:1, VaEfeso 1:1, VaFiripi 1:1, VaKorose 1:1, Tito 1:1, 1Pe 1:1; ne 2 Petro 1:1; uyewo VaGaratia 3:26-29, 1 VaTesaronika 2:12, 2 VaTesaronika 2:14, 2 Timotio 4:8, VaHebheru 3:1, Jakobho 1:18, 1 Johane 3:1, 2, naJudha 1.

Kurukurirano Yehwirudzuro

● Neiko uzhinji zvikuru hwaMagwaro echiGiriki echiKristu huchirereudzira ngwariro kutariro yokudenga?

● Ko avo vakaberekwa nomudzimu savanakomana vaMwari vanoziva sei ikoko? Chii chiri revo yezviratidzo zveChirangaridzo izvo ivo vanogoverana?

● Ko “mamwe makwai” anoratidzira sei kuti akabatana zvomenemene ne“boka duku”?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe