RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • uw chits. 6 pp. 46-54
  • Chirevo Icho Chisikwo Chose Chinofanira Kunangana Nacho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chirevo Icho Chisikwo Chose Chinofanira Kunangana Nacho
  • Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maitire Avakaita Kuchirevocho
  • Ndeipi Iri Mhinduro Yedu Timene?
  • Nyaya Yatinofanira Kutarisana Nayo Tose
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Chirevo Chinobatanidza Iwe
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Kutambura Kwavanhu—Nei Mwari Achikubvumidza?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
uw chits. 6 pp. 46-54

Ganhuro 6

Chirevo Icho Chisikwo Chose Chinofanira Kunangana Nacho

1. (a) Ko Satani akamutsa chirevoi muEdheni? (b) Ko chirevo ichecho chinoratidzirei kupfurikidza nezvaakataura?

APO rupanduko rwakaitika muEdheni chirevo chakakomba chakamutswa icho chinotapura chisikwo chose. Achisvika Evha, Satani akaratidzira kuti iye nomurume wake Adhama vakanga vachinyimwa zvakaipisisa. Akabvunza kuti: “Ko ndizvo chaizvoizvo here kuti Mwari akati imi hamuzati muchifanira kudya pamuti uri wose womubindu?” Evha akapindura kuti Mwari akanga ataura pamsoro pomuti mumwe bedzi kuti: “Imi hamuzati muchifanira kudya pauri, nyangwe, imi hamuzati muchifanira kuubata kuti mugorega kufa.” Pana ikoko Satani akapomera nomutoo wakananga Jehovha kureva nhema, achiti upenyu hwaEvha kana kuti uhwo hwaAdhama hwakanga husingatsamiri pakuteerera Mwari. Iye akataura kuti Mwari akanga achinyima zvisikwa zvake chimwe chinhu chakanaka—mano okugadza mipimo yavo vamene muupenyu. “Zvamazvirokwazvo imi hamuzati muchizofa,” Satani akasimbisa kudaro. “Nokuti Mwari anoziva kuti muzuva rimene rokuudya kwenyu meso enyu achasvinudzwa uye imi muchava vakafanana naMwari, muchiziva chakanaka nechakashata.” (Gen. 3:1-5) Satani akaparira Evha kudavira kuti aizova akasununguka zvikuru mukuita zvisarudzo zvake amene. Kupfurikidza nokuratidzira, ipapo akashora maruramiro aMwari okubata ushe nenzira Yake yokubata ushe. Chirevo chakamutswa zvamazvirokwazvo chakabatanidza uchangamire hwechisikwo chaposepose.

2. Chii chingadai chakataviridzira vaviri vohunhu vokutanga?

2 Kuda Jehovha kungadai kwakataviridzira Evha. Kuremekedza umusoro hwomurume wake kungadaiwo kwakamudzivisa pane chakaipa. Asi akangofunga bedzi pamsoro pechakaratidzika kuva betsero yapakarepo. Chakarambidzwa chakava chinoshuvika mumeso ake. Anyengedzwa kwazvo nokurangarira kwaSatani, akaputsa mutemo waMwari. Ipapo iye akabatanidza Adhama. Kunyange zvazvo iye asina kunyengedzwa nokureva nhema kwaSatani, iyewo, akaratidzira kushaika kukuru kwokunzwisisa rudo rwaMwari. Akazvidza umusoro hwaJehovha ndokusarudza kukumbanira mudzimai wake akapanduka.—Gen. 3:6; 1 Tim. 2:13, 14.

3. (a) Ndichimweizve chirevo chinosanowirirana nokudenha kwaSatani uchangamire hwaJehovha? (b) Ndivanaani vanotapurwa nacho?

3 Kudenha kwaSatani uchangamire hwaJehovha hakuna kugumira pane zvakaitika muEdheni. Rubudiriro rwake runooneka imomo rwakateverwa nokupanikira kwake kuvimbika kuna Jehovha kwavamwe. Ikoku, ipapoka, kwakava chirevo chechipiri chinosanowirirana. Kushora kwake kwakatambanukira kukubatanidza vose vari vaviri vana vaAdhama navanakomana vose vomudzimu vaMwari, kunyange Mwanakomana wedangwe anodiwa zvikurusa waJehovha. Mumazuva aJobho, Satani akapokanidza kuti avo vanobatira Jehovha vanoita kudaro, kusati kuri nemhaka yokuti vanoda Mwari nenzira yake yokubata ushe, asi nokuda kwezvikonzero zvoudyire. Akapokanidza kuti, kana vakatambudzwa, vose vangatera pazvishuvo zvoudyire. Akanga akarurama here?—Jobho 1:6-12; 2:1-6; Zvak. 12:10.

Maitire Avakaita Kuchirevocho

4. Neiko vanhu vazhinji vasina kutsigira uchangamire hwaJehovha?

4 Jehovha haana kupokanidza kubvira kwokuti vamwe vaizokumbanira Satani murupanduko. Chokwadi, apo akaita rutongeso muEdheni, Mwari akataura nezvaavo vaizoumba ‘mbeu yenyoka.’ (Gen. 3:15) VaFarise vakarongedzera kufa kwaJesu naJudhasi Iskarioti, uyo akashambadza Kristu, vaiva pakati paivavo. Ivo havana kungoita bedzi chakaipa vasingachizivi. Vaiziva chiri chakarurama, asi noune vakashora Jehovha navabatiri vake. Zvisinei, vamwe vasingaverengeki vasina kuwirirana negadziriro dzaJehovha vakaita mukusaziva.—Mabasa 17:29, 30.

5. (a) Mukusafanana naEvha, ko avo vakaramba vakavimbika kuna Jehovha vakarangarira sei Shoko rake? (b) Ko Noa akabvumikisa sei kuvimbika kwake, uye tingagona sei kubetserekana nomuenzaniso wake?

5 Vakasiana naivava vose vaiva varume navakadzi vokutenda vakazvidzidzira vamene pamsoro poMusiki wavo ndokubvumikisa kuvimbika kwavo kwaari saChangamire. Vakadavira Mwari. Vakaziva kuti upenyu hwavo hwaitsamira pakumutetekera nokumuteerera. Noa akanga ari munhu akadaro. Naizvozvo, apo Mwari akataura kuna Noa, kuti, “Kuguma kwenyama yose kwasvika pamberi pangu . . . Zviitire iwe umene areka,” Noa akazviisa pasi penhungamiro yaJehovha. Vamwe vanhu vomuzuva irero, pasinei zvapo nokuva vakanyeverwa, vakapfuurira havo namararamire avo enguva dzose sokunge kuti hapana chinhu chechienzi chakanga chichizoitika. Asi Noa akavaka areka hombe ndokupfuurira kubatikana kuparidzira kuna vamwe pamsoro penzira dzakarurama dzaJehovha. Sokureva kunoita chinyorwa, “Noa akapfuurira kuita mukuwirirana nezvose izvo Mwari akanga amuraira. Iye akaita kudaro chaizvoizvo.”—Gen. 6:13-22; onawo VaHebheru 11:7; na 2 Petro 2:5.

6. (a) Chiizve chakaratidzira vachengeti vokuperera? (b) Ko Sara akaratidzira sei aya mavara, uye tingagona kubetsereka nomuenzaniso wake munzirai?

6 Kuremekedza zvikuru nheyo dzoumusoro, kunova pamwe chete nokuda kwako umene Jehovha, kwavewo kuri kwakatanhamara pakati pavachengeti vokuperera. Vave vasati vakafanana naEvha, uyo akamhanyira mberi kwomurume wake. Kana kuti vasina kufanana naAdhama, uyo akafuratira mutemo waJehovha. Sara, mudzimai waAbrahama, akaratidzira mavara akaisvonaka iwawa. Musati muchingova bedzi mukutaura kwake asiwo mumwoyo make Abrahama akanga ari “ishe” wake. Kupfuurirazve, iye amene akada Jehovha nokudaro akanga ari mukadzi wokutenda. Pamwe chete naAbrahama, akanga a“chimirira guta [Umambo hwaMwari] rine nheyo chaidzoidzo, guta iro Mwari ari muvaki waro nomuiti waro.”—1 Pet. 3:5, 6; VaH. 11:10-16.

7. (a) Ko Mosesi akatsigira uchangamire hwaJehovha mumigariroi? (b) Ko muenzaniso wake ungatibetsera sei?

7 Anenge makore 430 pashure pokunge Abrahama abva munyika yokwake, Mosesi anotsigira uchangamire hwaJehovha mukunangana chaikoiko naFarao weEgipita. Hakuzati kuri kuti Mosesi akanga achizvivimba. Mukusiana nazvo, akapanikira mano ake okusanotaura zvakanaka. Asi akateerera Jehovha. Kupfurikidza nokutsigira kwaJehovha neyamuro yomukoma wake Aroni, Mosesi akaendesa aendesazve shoko raJehovha kuna Farao. Farao akanga ane mwoyo mukukutu. Kunyange vamwe vavanakomana vaIsraeri vakatsoropodza nomutoo wehasha Mosesi. Asi nokuvimbika Mosesi akaita chinhu chiri chose icho Jehovha akamuraira, uye kupfurikidza naye Israeri akanunurwa muEgipita.—Eks. 7:6; 12:50, 51.

8. (a) Chii chinoratidzira kuti kuvimbika kuna Jehovha kunobatanidza zvinopfuura kuita izvo Mwari akadudza mukunyora zvomenemene? (b) Ko kunzwisiswa kwourwu ruvimbiko kunotibetsera sei kushandisa 1 Johane 2:15?

8 Avo vakanga vakavimbika kuna Jehovha havana kurangarira kuti chaingodikanwa bedzi chakanga chiri chokuwirirana netsamba yomutemo, kuteerera bedzi izvo Mwari akanga anyora. Apo mudzimai waPutifari akaedza kunyengedza Josefa kuti avatane naye, kwakanga kusina murairo wakanga wakanyorwa unobva kuna Mwari wairambidza chose chose upombwe. Asi pahwaro hweizvo Josefa aiziva pamsoro pegadziriro yeroorano yakavambwa naJehovha muEdheni, akanga achiziva kuti kuvatana nomudzimai womumwe munhu kwaizova kusingafadzi kuna Mwari. Josefa akanga asingafariri kuedza ganhuriro idzo Mwari aizomurega achiva akafanana navaEgipita. Akatsigira nzira dzaJehovha kupfurikidza nokufungisisa pamsoro pamakubata aMwari navanhu uye ipapo mukutungamirirwa nehana achishandisa zvaakacherekedza kuva kuda kwaMwari.—Gen. 39:7-12; enzanisa Pisarema 77:11, 12.

9. Ko Dhiabhorosi akabvumikiswa abvumikiswazve sei kuva murevi wenhema mukupomera kwaakamutsa muzuva raJobho?

9 Kunyange kudai vaizoedzwa nomutoo wakakomba, avo vanoziva zvamazvirokwazvo Jehovha havazati vachitsauka kwaari. Satani akapomera kuti kudai Jobho aizorashikirwa nepfuma yake kana kuti aizobatwa zvisina kufanira mumuviri, kunyange iyeyu uyo Jehovha akataura nezvake nomutoo wakakwirira aizosiya Mwari. Asika Jobho akabvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema, uye iye akakuita kunyange zvazvo akanga asingazivi kuti chii chakasakisa ngwavaira yose yakanga ichimumomotera. (Jobho 2:3, 9, 10) Achiedzazve kubvumikisa pfundo rake, Satani gare gare akasakisa mambo akafufutirwa nehasha weBhabhironi kutyisidzira vaHebheru vaduku vatatu norufu muchoto chomwoto kana ivo vasati vaizokotama mukunamata pamberi pechifananidzo chakagadzwa namambo. Vagombedzerwa kusarudza pakati pomurairo wamambo nomutemo waJehovha pamsoro pokunamata zvifananidzo, nomutoo wakatsiga vakaita kuti kuzivikanwe kuti ivo vaibatira Jehovha uye kuti iye akanga ari Changamire Mukuru wavo. Chaikosha zvikuru kwavari kupfuura upenyu kwakanga kuri kutendeka kuna Mwari.—Dhan. 3:14-18.

10. Ko kunobvira sei kwatiri vanhu vasina kukwana kubvumikisa kuti takavimbika zvomenemene kuna Jehovha?

10 Ko kuna ikoku tingataura here kuti kuti agova akavimbika kuna Jehovha munhu anofanira kuva akakwana, kuti munhu anoita mhosho akundikana chose chose? Nyangwe napaduku pose zvapo! Bhaibheri rinotizivisa chaizvoizvo pamsoro penguva apo Mosesi aiperevedza. Jehovha aisafadzwa, asi iye haana kuramba Mosesi. Vaapostora, kunyange zvazvo vakanga vari vomuenzaniso mumativi mazhinji, vaiva noutera hwavo. Kuvimbika kunoda kuteerera kunopfuurira kunobva pamwoyo. Asika, tichirangarira kugara nhaka kwedu kusakwana, Jehovha anofadzwa kana tisingafuratiri noune kuda kwake murutivi rwupi norwupi. Kana, nokuda kwoutera, tikabatanidzwa mune chakaipa, kunokosha kuti tive vanopfidza zvapachokwadi nokudaro ndokusakujaidza. Nokudaro tinoratidzira kuti tinoda zvomenemene izvo Jehovha anoti zvakanaka tichivenga izvo anoratidzira kuva zvakashata. Pahwaro hwokutenda kwedu ukoshi hunoyananisira chivi hwechibairo chaJesu, tinogona kufarikanya kumira kwakachena pamberi paMwari.—Amosi 5:15; Mabasa 3:19; VaH. 9:14.

11. (a) Ndianiko pakati pavanhu akachengeta kuzvipira kwoumwari kwakakwana, uye ikoku kwakabvumikisei? (b) Ko isu tinobetserwa sei nezvaakaita?

11 Hunyanguvezvo, kungava here kwokuti kuzvipira kwoumwari kwakakwana hakuzati kuchitongobvirira vanhu? Kwamakore ane 4 000 mhinduro yaikoku yakanga iri “chakavanzika chitsvene.” (1 Tim. 3:16) Adhama, kunyange zvazvo akasikwa akakwana, haana kugadza muenzaniso wakakwana wokuzvipira kwoumwari. Ndianiko aigona? Zvamazvirokwazvo hapana nomumwe wavana vake vanoita zvivi. Jesu Kristu akanga ari munhu bedzi wokuita saizvozvo. Icho Jesu akaita chakabvumikisa kuti Adhama, uyo akanga ane migariro yakanaka zvikuru, aigona kudai akachengeta kuperera kwakakwana kudai aida kudaro. Mhaka yakanga isati iri mubasa rokusika raMwari. Naizvozvo Jesu Kristu muenzaniso watinotsvaka kutevedzera mukuratidzira kusati kuchingova bedzi kuteerera mutemo woumwari asiwo kuzvipira kwako umene kuna Jehovha, Changamire weChisikwo chaPose pose.

Ndeipi Iri Mhinduro Yedu Timene?

12. Neiko tichifanira kuva vakasvinurira nguva dzose pamsoro pechimiro chedu chendangariro kuuchangamire hwaJehovha?

12 Mumwe nomumwe wedu nhasi anotofanira kunangana nechirevo chechisikwo chapose pose. Hatingagoni kuchinzvenga. Kana takataura pamhene kuti tiri kurutivi rwaJehovha, Satani anotiita chipfuro. Anounza dzvinyiriro inobva murutivi rwuri rwose runofungidzirwa uye achapfuurira kuita kudaro kusvikira kumugumo wetsika yake yakaipa yezvinhu. Hatifaniri kuregeredza kurinda kwedu. (1 Pet. 5:8) Mafambire edu anoratidzira patimire pamsoro pechirevo chikuru.

13. (a) Chiiko chiripo pamsoro pemviromviro yokureva nhema nokuba chinofanira kutiita kuti tizvidzivise? (b) Pindura mibvunzo iri pakupera kwendima ino, mumwe panguva imwe neimwe, pamsoro pemigariro inorereudzira vanhu kuchakaipa chakadaro.

13 Hatingagoni kutsunga kurangarira mufambiro wokusavimbika sousingakoshi nemhaka bedzi yokuti ndowavose munyika. Kuchengeta kuperera kunoda kuti isu tishandise nzira dzakarurama dzaJehovha muchinhu chiri chose choupenyu. Kuenzanisira, rangarira zvinotevera:

(1) Satani akashandisa kureva nhema nokuda kwokupinza vabereki vedu vokutanga muchivi. Iye akava “baba venhema.” (Johane 8:44)

Ko vechiduku padzimwe nguva vanokundikana kuva vakatendeka kuna vabereki vavo mumigariroi? Neiko kuri kunokosha kupwere dzechiKristu kudzivisa ikoku? (Zvir. 6:16-19)

Miitiroi yebhizimisi ingaratidzira munhu kuva ana“baba venhema” panzvimbo pokuva naMwari wezvokwadi. (Mika 6:11, 12)

Kana tichitaura zvinhu kupa zvinopfuura mufungo weidi wedu timene, ikoko hakuna kururama here kana kusati kuchikuvadza munhu upi noupiwo zvake? (Pis. 119:163; enzanisa naMabasa 5:1-11)

Kana mumwe munhu akabatanidzwa mune chakaipa chakakomba, neiko kuchikosha kusaedza kuchifukidza kupfurikidza nokutendeukira kukureva nhema? (Zvir. 28:13)

(2) Apo Evha uye tevere Adhama vakaita chinhu pakukurudzira kwaSatani kwokuita zvisarudzo zvavo vamene pamsoro pechakanaka, nechakashata, chinhu chokutanga chavakaita chakanga chiri chokutora chimwe chinhu chakanga chisati chiri chavo. Vakava mbavha.

Ko kuba kunoruramisirwa here kana munhu achishaiwa kana kuti kana munhu uyo zvinhu zvinotorwa kwaari ane zvizhinji? (Zvir. 6:30, 31; 1 Pet. 4:15)

Ko hakunyanyorambidzwi here kana uri muitiro wavose patinogara kana kuti kana chinotorwa chiri chiduku? (VaR. 12:2; VaEf. 4:28; Ruka 16:10)

14, 15. (a) Pakupera kwoKutonga kweChiuru chaMakore kwaKristu muedzoi uchawira vanhu vose? (b) Ko zvatinoita zvino zvichatapura sei muuyo wedu panguva iyeyo?

14 Mukati mokuTonga kweChiuru chaMakore kwaKristu, Satani namadhemoni ake vachave vari mugomba rakadzikadzika, vasingakwanisi kupesvedzera vanhu. Haiwa iyeyo ichava sununguko yakadini! Asika pashure pamakore ane chiuru, ivo vachasunungurwa kwechinguvana. Satani naavo vanomutevera vachaunza dzvinyiriro pa“vatsvene,” avo vavanhu vakadzorerwa vari kuchengeta kuperera kwavo. Iye achafambira mberi somukurwisana ne“guta rinodiwa,” Jerusarema Idzva rokudenga, kupfurikidza nokuedza kubvisa chose chose kururama uko iro rinenge rakagadza pasi pano.—Zvak. 20:7-10.

15 Kunobvira zvikuru kuti, somunguva yakapfuura, Satani achashandisa nyengedzo, pamwe chete neudzisiro dzoudyire norudado, kunyengedzera vanhu kuzviito zvokusavimbika kuna Jehovha. Kana iri ropafadzo yedu yokuva vapenyu panguva iyeyo, isu timene tichaita sei? Mwoyo yedu ichave iripiko pakurangarira chirevo chapose pose? Vanhu vose panguva iyeyo zvavachave vakakwana, chiito chipi nechipi chokusavimbika chichava choune uye chichaparira kuparadzwa kusingagumi. Naizvozvo kuti tigobvumikisa kuva vakavimbika panguva iyeyo, haiwa kunokosha sei kuti tikudziridze muitiro zvino wokudavidza nyore nyore uye zvamazvirokwazvo kunhungamiro ipi neipi yatinopiwa naJehovha, kunyange kupfurikidza neShoko rake kana kuti kupfurikidza nesangano rake! Kuita kudaro, tinoratidzira kuzvipira kwedu chaikoiko kwaari saChangamire weChisikwo Chapose pose.

Kurukurirano Yehwirudzuro

● Chirevoi chikuru icho chisikwo chose chinofanira kunangana nacho? Ko isu takabatanidzwa sei?

● Chii chiri chakatanhamara pamsoro penzira idzo mumwe nomumwe wavarume navakadzi vanoratidzirwa papeji 49 akabvumikisa kuperera kuna Mwari nomadziri?

● Neiko kuri kunokosha kuti isu tive vanongwarira zuva riri rose kukudza Jehovha kupfurikidza nomufambiro wedu?

[Mifananidzo iri papeji 49]

VAKATSIGIRA UCHANGAMIRE HWAJEHOVHA

Noa

Sara

Mosesi

Josefa

Jobho

Ko Tingabetserekana Sei noMuenzaniso Wavo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe