RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 78
  • Runyoro Ruri Pachidziro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Runyoro Ruri Pachidziro
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mashoko Mana Akachinja Nyika Yose
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Mashoko Akanyorwa Pamadziro
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 27—Dhanieri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 78
Mambo Bheshazari nevaenzi vake vari kushamiswa nezvavari kuona zvakanyorwa pamadziro

NHAU 78

Runyoro Ruri Pachidziro

CHII chiri kuitika pano? Vanhu vari kudya mabiko makuru. Mambo weBhabhironi akoka vaenzi vanokosha vane chuuru. Vari kushandisa mikombe yendarama neyesirivha nendiro zvakatorwa mutembere yaJehovha muJerusarema. Asi, kamwe kamwe, zvigunwe zvoruoko rwomunhu zvinooneka mumhepo uye zvinovamba kunyora pachidziro. Ari wose anotyiswa.

Bhershazari, muzukuru waNebhukadnezari, ndiye mambo zvino. Anodanidzira kuti vachenjeri vake vapinzwemo. ʼAninani unogona kurava runyoro urwu ndokundizivisa charwunoreva,ʼ anodaro mambo, ʼachapiwa zvipo zvizhinji ndokuitwa mubati ushe wechitatu anoisvokosha muumambo.ʼ Asi hapana nomumwe wavachenjeri angarava runyoro ruri pachidziro, kana kuti kududzira revo yarwo.

Mai vamambo vanonzwa ruzha ndokupinda mukamuri guru rokudyira. ʼNdapota regai kutyiswa kwazvo,ʼ vanoudza mambo. ʼMuumambo hwenyu munomurume anoziva vamwari vatsvene. Apo sekuru venyu Nebhukadnezari vaiva mambo vakamuita mukuru wavachenjeri vavo vose. Anonzi Dhanieri. Ngaadanwe, uye achakuzivisai chinorehwa nairworwu.ʼ

Nokudaro pakarepo Dhanieri anopinzwamo. Aramba kutora chipo chipi nechipi, Dhanieri anovamba kuzivisa kuti nei Jehovha akambobvisa sekuru vaBhershazari Nebhukadnezari pakuva mambo. ʼAizvikudza zvikuru,ʼ Dhanieri anodaro. ʼUye Jehovha akamuranga.ʼ

ʼAsi imi,ʼ Dhanieri anoudza Bhershazari, ʼmaiziva zvose zvakamuitikira, asi imi muchiri munozvikudza sezvaiita Nebhukadnezari. Mapinza muno mikombe nendiro zvakabva mutembere yaJehovha ndokunwiramo. Marumbidza vamwari vakaitwa namatanda namatombo, uye hamuna kukudza Musiki wedu Mukuru. Ndokusaka Mwari atumira chanza kuzonyora mashoko aya.

Ruoko ruri kunyora pamadziro kuti MENE, MENE, TEKERI uye PASINI

ʼIzvi ndizvo zvanyorwa,ʼ Dhanieri anoti: ʼMENE, MENE, TEKERI uye UFARSINI.ʼ

ʼMENE rinoreva kuti Mwari averenga mazuva oumambo hwenyu ndokuhugumisa. TEKERI rinoreva kuti mayerwa pazviyero ndokuwanwa musina kunaka. PARSINI rinoreva kuti umambo hwenyu hunopiwa vaMedhe navaPersia.ʼ

Dhanieri achingunoveri kutaura, vaMedhe navaPersia vatovamba kudenha Bhabhironi. Vanotapa guta ndokuuraya Bhershazari. Runyoro ruri pachidziro runozadzika usikuhwo! Asika chii chichaitika kuna vaIsraeri zvino? Tichakurumidza kuchiwana, asi ngatitangei kuona chinoitika kuna Dhanieri.

Dhanieri 5:1-31.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe