RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 77
  • Havazati Vaizopfugamira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Havazati Vaizopfugamira
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Wako Ndiani?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Havana Kuchipfugamira
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Kutenda Kwavo Kwakabuda Muchoto
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • ‘Mwari Wedu Anokwanisa Kutinunura’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 77
Shadreki, Misheki, naAbhedhinego vanoramba kupfugamira chifananidzo chegoridhe chaMambo Nebhukadhinezari

NHAU 77

Havazati Vaizopfugamira

UNOYEUKA here uchinzwa nezvamajaya matatu aya? Hungu, ishamwari dzaDhanieri dzakaramba kudya zvakanga zvisina kuvanakira. VaBhabhironi vaivaidza kuti Shadraki, Meshaki naAbhedhinego. Asi vatarire zvino. Vanoregerereiko kupfugamira uyu mufananidzo muhombe somumwe ari wose? Ngatiwanei.

Unoyeuka mitemo yakanyorwa naJehovha amene here inonzi Mirairo Gumi? Wokutanga wayo ndouyu: ʼUsanamata vamwe vamwari vapi navapi kunze kwangu.ʼ Majaya aya pano ari kuterera uyu mutemo, kunyange chisiri chinhu chiri nyore chokuita.

Nebhukadnezari, mambo weBhabhironi, adanira vanhu vazhinji vanokosha kuzokudza uyu mufananidzo waakamisa. Achangobva kupedza kutaura kuvanhu vose kuti: ʼPamunonzwa kurira kwehwamanda, norudimbwa namamwe marimba, muchapfugama ndokunamata uyu mufananidzo wendarama. Aninani asingapfugami ndokunamata achakandirwa pakarepo muchoto chomwoto unopisa.ʼ

Nebhukadnezari paanonzwa kuti Shadraki, Meshaki naAbhedhinego havana kupfugama, anotsamwa zvikuru. Anoita kuti vaunzwe kwaari. Anovapa rimwe banza rokupfugama. Asi majaya aya anovimba naJehovha. ʼMwari wedu watinobatira anokwanisa kutiponesa,ʼ anoudza Nebhukadnezari. ʼAsi kana akasatiponesa, hatizati tichizopfugamira mufananidzo wenyu wendarama.ʼ

Pakunzwa izvi, Nebhukadnezari anototsamwa zvikuru. Pedyopo pane choto uye anoraira kuti: ʼVesai choto chomwoto chipise kwazvo kanomwe kupinda zvachaiva kareʼ Ipapo anoita kuti varume vane simba kwazvo veuto rake vasunge Shadraki, Meshaki naAbhedhinego ndokuvakandira muchoto chomwoto. Choto chomwoto chinopisa zvikuru zvokuti varume vane simba vanourawa namarimi omwoto. Asika zvakadiniko namajaya matatu vavakandiramo?

Mambo anotarira muchoto chomwoto, ndokuva anotya zvikuru kwazvo. ʼHatina kusunga varume vatatu ndokuvakandira muchoto chomwoto unopisa kwazvo here?ʼ anobvunza.

ʼHungu, takandira,ʼ vabatiri vake vanopindura.

ʼAsika ndinoona varume vana vachifamba famba mumwoto,ʼ anodaro. ʼHavana kusungwa, uye mwoto hauzi kuvakuvadza. Asi wechina anenge mwari.ʼ Mambo anoswedera pedyo nomukova wechoto chomwoto ndokudaidzira kuti: ʼShadraki! Meshaki! Abhedhinego! Budai, imi vabatiri vaMwari Wokumusorosoro!ʼ

Pavanobuda, ari wose angaona kuti havana kukuvadzwa. Ipapo mambo anoti: ʼMwari waShadraki, Meshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe! Atuma ngirozi yake ndokuvaponesa nokuti havazati vaizopfugama ndokunamata mwari upi noupi kunze kwowavo vamene.ʼ

Uyu hauzati uri muenzaniso wakaisvonaka wokutendeka kuna Jehovha wokuti titevere here?

Eksodho 20:3; Dhanieri 3:1-30.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe