RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 62
  • Chinetso Mumba yaDhavhidhi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinetso Mumba yaDhavhidhi
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Chivi Chakaitwa naMambo Dhavhidhi
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 10—2 Samueri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Vimba Nomudzimu waMwari Mukuchinja Kunoitika Muupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Zviri Mubhuku ra2 Samueri
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 62
Muprofita Natani achitaura naMambo Dhavhidhi

NHAU 62

Chinetso Mumba yaDhavhidhi

PASHURE pokunge Dhavhidhi avamba kubata ushe muJerusarema, Jehovha anopa marukundo mazhinji uto rake pavavengi vavo. Jehovha akapikira kupa nyika yeKanani kuvaIsraeri. Uye zvino, nebetsero yaJehovha, nyika yose yavakapikirwa pakupedzisira inova yavo.

Dhavhidhi mubati ushe akanaka. Anoda Jehovha. Saka chimwe chezvinhu zvokutanga zvaanoita atapa Jerusarema ndechokuunza areka yaJehovha yesungano imomo. Uye anoda kuvaka tembere yokuiisa mairi.

Panokwegura Dhavhidhi, anoita mhosho yakaipa. Dhavhidhi anoziva kuti kwakaipa kutora chimwe chinhu chiri chomumwe munhu. Asi mamwe madekwana, ari padenga remba yake youmambo, anotarira pasi ndokuona chibhamu chomukadzi. Zita rake ndiBhati-shebha, uye murume wake ndimumwe wamasoja ake anonzi Uria.

Dhavhidhi anoda Bhati-shebha zvikuru zvokuti anoita kuti aunzwe mumba yake youmambo. Murume wake ari kure achirwa. Eya, Dhavhidhi anoita zvorudo naye pashure ndokuwana kuti achabereka mwana. Dhavhidhi anonetseka kwazvo ndokutuma shoko kumukuru weuto rake Joabhi kuti Uria aiswe pamberi pehondo paachaurawa. Panofa Uria, Dhavhidhi anoroora Bhati-shebha.

Jehovha anotsamwira Dhavhidhi zvikuru. Saka anotuma mubatiri wake Natani kundomuudza nezvezvivi zvake. Unoona Natani apo achitaura kuna Dhavhidhi. Dhavhidhi anozvidemba kwazvo nezvaakaita, nokudaro Jehovha haamuurayi. Asi Jehovha anoti: ʼNokuti wakaita zvinhu izvi zvakashata, uchava nechinetso chikuru mumba mako.ʼ Haiwa Dhavhidhi akava nechinetso chakadini!

Kutanga, mwanakomana waBhati-shebha anofa. Tevere dangwe raDhavhidhi Amnoni anotora hanzvadzi yake Tamari vari yoga ndokumanikidzira rudo rwake paari. Mwana waDhavhidhi Abhisaromi anoshatirirwa ikoku zvikuru zvokuti anouraya Amnoni. Abhisaromi anowana tendero yavanhu vazhinji, uye akazviita amene mambo. Dhavhidhi anokunda hondo murwisano naAbhisaromi, anourawa, Hungu, Dhavhidhi anova nechinetso chikuru.

Pakati paikoku kose, Bhati-shebha anobereka mwana anonzi Soromoni. Apo Dhavhidhi anova ndonda, mwana wake Adhonia anoedza kuzviita mambo amene. Ipapo Dhavhidhi anoita kuti muprista anonzi Zadhoki adururire mafuta pamusoro waSoromoni kuratidza kuti Soromoni achava mambo. Nokukurumidza pashure pacho Dhavhidhi anofa ava namakore 70. Akabata ushe kwamakore 40, asi zvino Soromoni ndiye mambo waIsraeri.

2 Samueri 6:1-15; 11:1-27; 1 Madzimambo 1:1-48.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe